
KING JILE NOVELS 📚📚
June 2, 2025 at 03:52 PM
*👿THE EVIL MOTHER👿*
👹👹👹👹👹👹👹👹
*FOR OUR CHANNEL follow👇*
*https://whatsapp.com/channel/0029VaNMLm8ADTOMUF1jJu45*
*MAIN GROUP join👇*
*https://chat.whatsapp.com/Ek4PxuzHGkK8Hi25ownSlM*
*A SHORT LOVE STORY CREATED*
*AND*
*WRITTEN BY::::::::::::::;*
*KING🤴JILE*
*+263716562851*
*«All rights reserved and no part of this publication reproduced or stored in a retrieval system or transmitted in any form or by any means include electronic, mechanical, photocopying, recording or without the prior permission of the Author.»*
*Chapter 4️⃣1️⃣*
*Chihera*
Ndakarwadziwa kwazvo veduwee kuona mwana wangu nyakubereka achindirova mbama zvakadai. Vhenekai chaiye wandakagomera ini kundirova mbama ini mai vake. Chandaiva ndaresva chaicho apa ndaichishaya ini. Kumuisa muhupfumi kwandaiva ndichiita uku ndiko kwaiva achindirovera here?
Bhokisi uyu ndiye wakamurera kubva kari kasva nhasi uno ndiye waavakushainira achindirova zvakadai. Heya kubva tichaona zvedu. Ndakasimuka pandaiva ndadonhera ndichibva ndafamba ndichinopinda muimba yokugezera umo maiva naBhokisi achigomera.
*"Bhokisi zvambonyanyo kudiiiko chaizvo zvazosvika pakuti iwe urare pasi zvakadai uchigomera",* ndakabvunza.
*"Mwana wako imhondi uyu Chihera. Wandirova mabhora angu pano kuda kutomaputitsa chaiko kuti ndichiita ngavi manje ini. Anombozviziva here mwana wako kuti ndini ndakamuchengeta uyu",* wakadaro Bhokisi achiratidza kuti urimo mukati memarwadzo.
*"Zvakaoma zvandinoitirwa naVhenekai ini haaa. Ini chaiye mai vake nyakubereka wasiya andirovawo pano, ukati dzichimo here dzaVhenekai uyu. Izvezvi handizive kuti wafamba achienda kupi chaizvo? Newe wakapusa Bhokisi unokundwa kufunga nechana chidiki ichechi here haa nxaa unosvota iwe. Kava kechingani aka uchitadza? Zvino urimurume paiko kana uchidai?",* ndakamudaro ndatogumbukawo nxaa irume rudziiko rinogaro kukurirwa nguva nenguva
*"Usandiudze zvekupusa iwe rumwana rwako rwada kundiuraya pano wazvinzwa. Ndinozvikanganwa izvezvi zvekuti ini newe tinopota tichikumurana nhumbi ndikakurikita ndikakutyora tumbabvu utwo twakabuda kunze semunhu avanenguva achirwara nechirwere cheshuramatongo ahiyee usandione serema wanzwa",* wakadaro achiita kupupa nehasha achida kusimuka paive arere ndikaona kugumbuka kukurukwazvo pachiso chake. Ndakabva ndati regai ndimudzikamise zvisati zvaipa.
*"Sorry kani mukwasha wangu paresveka. Ambuya vako vapotsa kutaura",* ndakadaro ndichinomubatsira kuti asimuke zvake zvakanaka.
*"Waenda kupi Vhenekai wako uyu ndinoda kumbomuona kuti anombotemba neiko chaizvo nxaa?",* wakabvunza achinge asimuka uku ziso rakatsvuka kuti piriviri.
*"Unenge uriko kunhanga kwake uko handeiko tinotarira tose ndavakutotya kurohwa zvakare",* ndakadaro.
*"Handei nxaa",* wakadaro.
Ndakabva ndamubata ruoko rwake kuti asadonhe sezvo waifamba akaita kukotama akavhura makumbo. Takafamba tose tavakusvika kunhanga kwake Vhenekai ndokuona gonhi repo rakaita kuti haradada kushama. Ndakava nechivimbo chekuti urimo mumba make chete.
Takafamba kusvika tasvika pagonhi tichibva tapindamo mumba make tose naBhokisi. Ndaiva ndavakuda kuchitomubata ndomene iye Vhenekai wacho iyeyu Bhokisi achiita zvake basa. Nxaa ndoda abate mimba ndione kuti anoita seiko, aaaaa nxaaa mwana rudziiko asingaterere amai vake nhayi. Takati tichipinda mumba umu ndokuona ingori nzvimbo chete......🤥
*Pamusha paVaZvanyadza*
VaZvanyadza vanoti varere muimba yavo yokurara vachangobva mukunobatanidza vana Vhenekai vanonzwa kudaniwa munzeve dzavo nechekure kure iro raiva inzwi remadzitatetuguru avo asi ivo vaitadza kuzvinzwisisa. Vanobva vatanga kunzwa kupindwa nechando zvakanyanya vachibva vati regai ndibude panze panezuva apo. Vanobuda muimba yokurara iyi ndokupota kuseri kweimba yavo vachibva vagara zvavo pachigutsa chaivapo ndokuzendama padanda raivapo.
Zvino vanoti vavakudziirwa nezuva vanotanga kunzwa kuita sekuti vavakubatwa nehope. Vanobva vangotanga kukotsira vagere kudero dzamara vatobatwa nehope. Kurara kwakaita VaZvanyadza ndiko kwavaka kuparadzana kwenyama nemweya zvavo. Vakaswera muswere wese varipo vachitsva nezuva zvavo. Magariro avaiva vakaita apa uchivaona waigona kufunga kuti vapenyu izvo vatova chando zvavo. Zuva rinosvika pakuvira varipo panze ipapo pasina wavaona sezvo Chihera vaiva mubishi rokutsvaga mwanasikana wavo Vhenekai kuti aripi chaizvo......🥺
*Vhenekai*
Zvakandinetsa kuti ko neiko vanhu vese ava vasina kundidavira pandavamhoresa. Ndakava nekuzvitongesa kukuru kwazvo. Ndakapfumbira muromo wangu ndichibva ndanozvipfekera pakona ndokugara zvangu. Zvandaiva ndasanga nazvo kuhope zvakabva zvatanga kudzoka zvakare mupfungwa dzangu. Ndakaona zvaiva zvichirutsa Tirivashe apa zvimwe chete nezvandaiva ndamuona achirutsa kuhope dzangu. Saka zvaireva here kuti ndapa mudiwa wangu maheu akaipa ipo paye? Saka kudai ndadzvuta ipo paye neni ndirikutorwara here? Zvino panomuka waizondiona semunhu akaita sei nhayi Mwari? Ndakabviswa mundangariro dzangu nemukomana uye pakataura achiti,
*"Ko ndingabvunzawo here amai",* wakadaro akatarira mainini vaTiri.
*"Bvunzai zvenyu mukoma",* vakadaro mai Taru.
*"Asangana neiko mukomana uyu. Ini ndirishamwari yake ndinonzi Tineyi ndinoshandidzana naye Tirivashe uyu kuHarere uko. Zvino ndati ndichipfuura panzira apo ndaona mota yake imire muno ndikati regai ndione mumwe wangu ndiko kusaka ndasvika pano. Zvino ndirikuona mukomana arikungorutsa zvinhu zvitema tema izvo ko arwara neiko mumwe wangu uyu?",* wakadaro ndikaona mai Taru vachinditarira neziso reruvengo chairo ndokuti,
*"Uyo muroi agere apo uyo ndiye anoziva zvaapa mwana wangu kuti adai kumba kwavo uko. Zvino akangofa unondiona chete Vhenekai. Ndaikuona semuhu akarurama kwazvo izvo uri muroi nhayi. Chaunoda kuuraiwa mwana wasisi vangu uyu chii? Kudai waisamuda wakadii kugara wamuudza pane kuda kumuuraya? Hautonyare ipapa nxaa zimuroindina",* vakadaro vachibva vasvipira mate kwandaiva ndokuti,
*"Unosemesa iwe ndinoshaya kuziva kuti wakachiveiko Tirivashe pauri iwe mwana wemuroi. Ndiko kusaka usingaroorwe mhani iwe hapana angada kugara memuroi akaita sewe. Makore makumi maviri nemashangu uchiri pamusha pamai nababa nxaa kudai waiva wakadzidza zvirinani zvino hauna kana nei zvacho nxaa",* vakadaro uku vanhu vese vaiva vachingokanda ziso kwandiri.
*"Mhamha handina zvandaita kuna Tirivashe ini. Tirivashe ndinomuda nemoyo wangu wese hapana pandingaita hutsinye hwakadaro hwekumuraya. Handina chandichakwanisa kutsanangura zvangu sezvo matosvibisa zita rangu nechekare. Chandava kungonamata zvangu ndechekuti amuke zvake Tirivashe wacho akwanisewo kuchenesa zita rangu",* ndakadaro misodzi yatozara neangu matama.
Mashoko avo aiva andirwadza avaiva vataura apa. Akasvika kugara pahuro pangu apa zvekuti ndainzwa sekuti pane dombo. Nekuda kwemabasa amai vangu ndavakutonziwo muroi, yewa hazvina hazvo mhosva mwari ndivo vanoziva. Ndaingoyeredza misodzi ndigere zvangu muchikona imomo.
Vanhu vaingotaura zvavanonzwa kuda asi handina kana mumwe chete wandakapindura zvangu panguva iyi. Mukomana uya wakabva abuda ndokudzoka akabata kamwe kabheke mumaoko ake. Wakavhura chibheke chake ndokukumbira kunamainini vaTirivashe achiti unoda kutester kuona kuti chii chaitika pana Tiri. Wakatenderwa ndokuita matest ake kusvika apedza ndokuti,
*"Wadya chikafu chinemushonga mukomana asi tavakutotenda mwari nekuti wakwanisa kurutsa mushonga wese. Ko mune chamamuniswa here kuti arutse kudai?",* wakabvunza.
*"Kwete hatina chatamunwisa isu pano",* vakadaro mai Taru. Ndakaona mukomana uye haana kugutsikana nemhinduro yaiva apiwa apa achibva ati........🥺
*Drop your comments*
*Stay tuned💖*
❤️
🙏
👍
😢
😂
😮
517