
KING JILE NOVELS 📚📚
June 3, 2025 at 02:05 PM
*🏵️R O S E M A R Y🏵️*
*Follow our Channel👇*
*https://whatsapp.com/channel/0029VaNMLm8ADTOMUF1jJu45*
*For Comment Group join👇*
*https://chat.whatsapp.com/ITz7AvKtj2E242eFNFKmaW*
*A SHORT LOVE STORY CREATED*
*AND*
*WRITTEN By:::::::::::::::::::::;*
*KING🤴JILE*
*+263716562851*
*&*
*FIRE🔥SISTER*
*«All rights reserved and no part of this publication reproduced or stored in a retrieval system or transmitted in any form or by any means include electronic, mechanical, photocopying, recording or without the prior permission of the Author»*
*Chapter 8️⃣*
*Rose🌹*
Tete pavakataura zvekuti ndinorara ndisina kudya handina kuita basa nazvo nekuti ndanga ndatojaira nzara.
*"Enda unogeza uko kachapa wabva kunobatwa batwa kumvura uko wakuuya uchida kutibikira usina kugeza fende yemunhu"* vakadaro Tete vachindipusher.
*"Upinde mubath uzvidire mvura usapukuta ndoda kukurova wakanyorova pamwe unganzwa shamhu. Unotoda kuita kanzenza kaa, makore ako aya wakuita zvemukomana unozivei iwe huh, ndipindure mhani? "* vakadaro vachindirova mbama, munongoziva mbama yekupiwa wakarivara unoita sewabviswa ganda.
*"Tete haasi mukomana wangu ndimukoma James avo ndasangana navo ndichibva kumvura vachibva va...."* handina kupedza kutaura ndatambidzwa imwe mbama yakacheka nechepamuromo ndakanzwa kunhuwa ropa mumuromo nemumimhino ndofunga mazino akambozununguka chete.
*"Unondiona semwana wazuro here Rozi,* (laughing) *handina kuzvarwa zuro ini ndakazvarwa kare nhema dzako idzi ndakatombodziita kuna baba vangu saka usambondinyepera zvako. Dai wanga wapiwa mari kana kunogariwa newe zvaiva nani kwete kungorarirwa mahara. Ndoda kukutarisa kuti uchakazara here. Famba tione uende mumba umo"* said Tete vachindipusher. Takapinda Mumba ndikanzi ndibvise hembe dzemukati kwakuita zvese zvakati ndiite.
*"Wakapusa iwe. Mai vako vanga vakachangamuka changamuka.
Ndoshaya kuti iwe wakatodza ani nekuti kudzinza kwedu hakuna chipu-kupuku* (munhu akapusa) *anenge iwe. 15 years, 15 idzi, 1,2,3,4,5,6,7,8,9,12,15 uchiri mhandara. Vana vadiki kwauri vavakuziva kuunza sugar mumba vachishandisa pakati apa.* (vachiparova rova) *manje iwe unoitei huh kungongwarira kukwira mota dzevanhu sekuti bambo vaiva nadzo".* vakadaro kubva ndaramba ndakanyarara.
*"James iyeye handidi kukuona uchitaura naye nekuti ndiye achava mukwasha wangu. Ukaona James ndinoda kukuona uchitiza kuita sewaona chikara. Ndikuone uchimusekerera sehure raona parikupegewa bhawa ndomabvisa mazino iwayo"* she said.
*"Ehoi Tete"* ndakadaro ndichibva ndafamba kubvapo ndakaenda kunogeza ndichipedza ndakawana mvura yese yandanga ndachera yarasirwa pasi mumba yakaita kuungana.
*"Zvakaoma"* I said musodzi yakutobuda. Ndichiti kufunga kunocherwa mvura nemarwadziro anoita musoro wangu kozoti kukorobha mumba ndakanzwa kupera simba.
*"Dai muripo henyu mama kana daddy ndoziva zvese izvi dai zvisiri kuitika. Ndava nemazuva ndisingaende kuchikoro apa vamwe vachinyora matest. Makandisiira nhamo vabereki vangu"* ndakadaro ndichitora chikorobho kwakukorobha mvura.
Ndichipedza ndakatora 3 buckets kwakuenda kumvura amwe ndozoachera mangwana kuseni ndisati ndaenda kuchikoro. Ndichangobuda ndakabva ndasangana namukoma James mashoko aTete akabva adzoka ndakabata mabucket angu kwakubata zidress rangu ndakamhanya zvandisati ndakamboita.
*"Rose urikutizei asi ndinoruma"* akashedzera achiuya aita kumhanya apa ini nekumhanya tiri oil nemvura.
Huro yaita kurwadza zvekuomerwa zviya apa kufema ndakuzarirwa.
*"Aah.. aiwa ndasiya poto pamoto ndirikuda kuuya ndichibika"*. I said ndichibvunda.
*"Rose nditarise"* he said, ndakasimudza musoro kwakumutarisa iye akaramba akanditarisa zvekuti ndakapedzisira ndakunyara aita seane zvaanotsvaka mumaziso angu.
*"Ndinokuziva Rose and ndinoziva kuti urikundinyepera why uchindinyepera taura neni maybe I can help you please Rose kunyarara uku unogona kuzvikuvadza tsvaka munhu wekutaura naye ubudise zvese zviri muhana mako ucheme achikupuruzira matama aya mufana wangu"* he said achindirova kambama padama. Ndakabva ndaisa mabucket pasi kwakutanga kumhanyisana tichidirana mavhu nekurovana pamwe tombowisirana pasi.
Ndakazopepuka zuva ravira hana yakatanga kutamba mbakumba.
*"Nhasi ndonourawa naTete"* I said ndichisimuka pandanga ndawira.
*"Sorry Rose I fault yangu ndokuperekedza ndononyepera Tete vako"* he said achifamba kuenda kumvura akabata mabucket 2.
*"Hazviiti kuti muende neni mukoma ndonoona kuti ndovati chii plus kurohwa hakucharwadze nda.."* ndakazobata muromo ndaona kuti ndakutaurisa.
*"Wati chii Rose, varikukushungurudza kaa vanhu ava"* he said maziso ake atotsvuka.
*"Noo aah* (faking a smile) *havandishungurudze kungoti ini naTsitsi togara takarwa saka ndoziva kuti izvezvi tichatonorwa"* ndakanyepa zvangu.
*"You don't trust me Rose, ndiudze maybe I can help you nepandinogona napo kwete zvako zvengano izvi. Hapana asiri kuzviziva kuti Tete vako vanokushungurudza Rose but kungoti haudi kutaura. Usazozviuraya hako.vKana woda munhu wekutaura naye ndiripo ini"* akadaro achindidhaira mvura.
*"You're soo sweet bhudhi. Wakakomborerwa munin'ina wenyu kuva nabhudhi vakaita semi. Vangu vabereki vakafa vakandisiya munyika inorema ini ndiri ndega kudai zvakaoma"* I said ndichivahugger.
*"Problem yaunayo Rose haundiudze maproblems ako, I see you as my young sister but iwewe unondiona seenermy yako"* said James achinditarisa mumaziso chaimo.
*"Kwete mukoma James handimbokuonei seernermy but when the right time comes you know everything"* I said ndichiregedza kuvambundira.
Kutaura chokwadi ndaiva ndakutonzwa kamwe kajoy kana ndiripana mukoma James. Vakandibatira mubuckets angu maviri ini ndikasenga 1 but my heart yairova hamawee ndaiziva ndinonopinda chimoto chete. Takafamba munzira mese chimweya chaRose chaiva chadzoka manje handina kumboita nyaya naJames ndaitofambisa chaiko.
Tichisvika pamba ndakaona ziso randakatarirwa naro naTete ndikatoziva kuti pano pakaipa chakakala chete. Vakamhoresana havo naJames kubva ndapinda mukitchen kuti ndinotsvaga chekudya wanike mapoto akatodirwa mvura kare.
Munozivà ndakaperewa nenzara yandaiva nayo here veduweee.
Ndakangoerekana misodzi yakutomokoteka neangu matama. Ndakabuda mukitchen ndikanzwa Tete vachitaura naJames asi vaita zvekumanikidzira kuseka kwavo. James akabuda achiinda kumba kwavo ndikanzwa ndakushevedzwa.
*"Ndauya tete"* I said ndichipfugama pamberi pavo.
*"Ndabva kukuti usatambire pedo naJames. Seems like hautonzwe iwewe mwana waBherinda manje neni ndinozvipedza chete"* vakadaro Tete vangu.
*"Now simuka ipapo enda unogeza mandiro uko"* vakadaro.
*"Tete ndine nzara ini"* ndakangoona ndadirwa mbama nekumuramba sadza ndikaona nyeredzi masikati machena.
*"Mwana wembwa mai vako vakasiya chikafu pano. Uchadzidza kushandisa twuma tin G twako itwotwo kuti uwane chekudya pano hapana chikafu chako"* said Tete.
Munoziva ndakapererwa nemashoko ayitaurwa naTete vangu. Kuti nditi mhosva yandaiva ndakapara ndeyei ndakazvishaya ini. Kuchikoro handiindi basa kuswero kushungurudzwa pano.
Kana hupenyu hwacho hwakadai hwakaoma chokwadi.
Ndakasimuka pandaiva ndakapfugama ndikanosuka maplates ose. Ndichipedza ndikabva ndanzi enda unochera mvura yawashandisa kusukisa. Zvoti nzara yandaiva mayo uku ndaiva ndaneta ndakarwadziwa asi chekuita paiva pasina uku zuva ravakutonovira.
Ndakangobata bucket rangu ndichinanga kuchibhorani.
Ndichingobuda gate handina kure kwandakainda ndakabva ndango.......🥹
*Drop your comments*
*Stay tuned❤️*
❤️
😢
👍
🙏
😂
😮
441