
KING JILE NOVELS 📚📚
June 5, 2025 at 09:54 AM
*🏵️R O S E M A R Y🏵️*
*Follow our Channel👇*
*https://whatsapp.com/channel/0029VaNMLm8ADTOMUF1jJu45*
*For Comment Group join👇*
*https://chat.whatsapp.com/DrD0REHqA6v2wlWj2ribhB*
*A SHORT LOVE STORY CREATED*
*AND*
*WRITTEN By:::::::::::::::::::::;*
*KING🤴JILE*
*+263716562851*
*&*
*FIRE🔥SISTER*
*«All rights reserved and no part of this publication reproduced or stored in a retrieval system or transmitted in any form or by any means include electronic, mechanical, photocopying, recording or without the prior permission of the Author»*
*Chapter 9️⃣*
*Mai Tsitsi*
Pamwe pacho ndaitoshaiwa kuti zvimwe zvandinoitira Rose ndinozviwanepiko ini. Mwana uyu ndaiva ndakamuvenga pasi nekudendga ndisada kumuona achifara. Misodzi yake yaitondifadza kwazvo.
Mumwe musi ndamuka ndichiona Tsitsi aine rino dhara mubedroom make handide kunyepa ndakarwadziwa nekuita kwemwana wanku. Hongu mukukura kwangu kwese ndaiva pfambi inotozivikanwa but ndaisadawo vana vangu vafambe mandakabva namo.
Ndakazofara pakauya akabata card achiti tishandise mari yose irimo. Asi pakungoti nezera raTsitsi kuti adanane nedhara irori zvaisaita.
*"Mukomana wako uyu zvaatori kumazera ababa vako nhayi Tsitsi mwanangu"* ndakadaro.
*"Zvezera azvina basa mama as long tichiwana mari yekutenga nyama nezvatinoda pano"* said Tsitsi. Nyarai aingova zii achismiler aripa phone pake ndakatoshaiwa arikutaura nani.
*"Mari tinoida mwanangu asi munhu uyu akura uyu"* I said.
*"Aaaaah mama munoziva ndiye akandibvisa humhandara here uyu. Ndikaita pamuviri pake ndikapabvisa ndomadays ayee andaiswera ndakarara"* wakadaro Tsitsi.
Munoziva ndakapererwa mwana wangu aiva atopanduka munguva shomanana iyoyi. Ko why ndaiva ndisina kuzviona zvese izvi. Ndakarwadziwa mufunge henyu 15 yrs yavakutoziva kubvisa nhumbu sure, haa zvakaoma zvatooneswa nevana ava.
Rimwe zuva Rose akainda kumvura kwakutouya akagara zvake mumota yaJames uku ndaida James aroore mwanawangu Tsitsi asiye zvedhara rake iri. Ndakanzwa ruvengo rwuchiwedzera kuna Rose. Ndakamuti adzoke kumvura ndikaona vakuuya again naJames haa ndakatoona kumuudza nemuromo haatonzwe uyu.
Ndakanomutarisa kunodai wanikwe imhandara. Ndakabhowekana zvisingaite ndaida kutomutsvagira someone anorara naye omubvisa umhandara ihwohwo. Ndakamuti asuke maplates ose aiva asina kudyira iwawo.
Koo aida kudya chikafu chinotengwa nani. Achingopedza kusuka ndakamuti anoteka mvura yaashandisa iyoyo. Ndakakaona kachiita kubvunda nenzara kwakutoseka zvangu ndichipnda mumba.
Ndakagara kwenguvarefu Rose asati adzoka uku vanaTsitsi vaiva vavapedyo kubva kuchikoro. Haaa ndakabhowekana zvsingaite ndakabva ndatsvaga shamhu dzangu 4. Panouya ipapo aindiona chete. Anoda kuti ani abike pano. Pakaenda kuchipatara uko akaita 2 days asipo ndakamuregerera apa anonyepa haapone chete.
*"Maswera sei mama"* ndakatoshamisika ndichiona ariNyarai uyu aiva form 2 Tsitsi form 4.
*"Hevoi vaManyoni matouya*" I said ndichigara zvangu pacouch.
*"Ndaswera mama nzara chete"* she said.
*"Yaruma here vaManyoni. Zvino mupengo uyu ndamuti ainde kumvura nanhasi haasati adzoka anondiona nhasi. Koo Tsitsi wamusiyepiko."* ndakabvunza. *"Haaaa mama saka hapana chekudya imimi matadza kubika here. Tsitsi ndamusiya uko aina Tarel mukomana wake umwe."* wakadaro.
Munoziva ndaitoshaya hunhu hwaTsitsi hwakamboita seiko chaizvo in handina kubvira ndambodanana nezera rababa vangu. Ndakanovesa moto kuti ndibikire zvangu mwana wangu adye imbwa yaBelinda yaiva isati yadzoka iyi. Sure munhu anganoita 10 hrs kumvura here.
Ndakabika sadza ndikapedza Tsitsi asatiwo asvika uyu Rose achingori kumvura. Tsitsi akazosvika tapedza zvose nekudya wakasvikira kunogeza zvake mwana waHillery. Since haasati ambozviita izvi kuti achibva kuchikoro osvika achigeza ndakatoziva wabva kunokwirwa chete.
Ndakapedza mazuva maviri ndisina kubvira ndaona Rose. Moyo wangu wakatanga kurwadza kuti angava akaindepiko mwana uyu. Kwete kuti moyo wangu wairwadza kumuda ayewa kutoshaya munhu wekurova munhu anoita basa pano. Rimwe zuva papera 3 days ndakaona Rose achibudikira pamba aina James. Ndakasvotwa zvekusvotwa zviya. Ndakazongonyara kuti vaigara panext pedu ndaida kuvashura vese. Ndakavarega vachisvika zvavo nechemoyo ndakangoti ndichakubata James achinge aenda.
*"Aaaa vaMamoyo madzoka tikutambirei"* ndakadaro achibva anyemwerera hake achitarisa James.
Vakasvika vakagara pasi. James achibva ataura kuti wakanhonga Rose kuroad akafenda akamhanya naye kuchipatara.
Ndakatinyepa kushamisika zvangu sendaisaziva zvakaitika.
James haana kugarisa wakabva ainda zvake. Ndakasara ndakatarirana naRose ndikanzwa hasha dzangu dzichikwira chaiko. Ndakasimuka ndikamubata ruoko ndichimuzvuva kupinda naye mumba zvekuti akatoshamisikawo kuti mood yachinja nguvai.
*"Ndiudze waivepi kubva zvandakakutuma kumvura"* ndakadaro ndchitotora shamhu dzangu pamusoro room divider.
*"Tete hapana chandinoziva in ndakamukawo nezuro ndirimuchipatara"* she said ava kutoyeredza musodzi.
Handina kumbomunzirwa tsitsi kana kuda kuzviterera zvaitaura. Ndakamurova senyoka yapinda mumba. Wakatanga achikumbira sorry kusvika anyarara avakuita zvekugomera kusvika ati rabada.
*"Unofira mumaoko mangu mangu iwe mwana wembwa"* ndakadaro ndichikumukavira uko.
*"Kurumidza kumuka ipapo unosuka uko nxaa"* ndakadaro ndikaona asina kupindura. Ndakanomubata nevhudzi rake ndichida kusimudza musoro wanike........ in hezvoo.......🫣
*James🪷*
Ndakasiya Rose pamba pavo kwakuenda kumba kwedu.
*"James chii chirikuitika pauri hauchaswera pamba"* vakadaro mama ndichangosvika.
*"Haa mama ndava munhu mukuru ini ndikumbobatanidza maths dzangu"* ndakadaro ndichidarikira kuenda kumba yangu yekurara.
*"James dzoka pano"* said mom ndakabva ndadzokera ndaivaziva Chihera kuti ukaona vokudai zvatoipa.
*"Handisi mwana wako, handina kuenzana newe wanzwa kana uri pano unoshanda nemutemo wangu pamba pangu ini pano. Zvakatanga rini zvekundipindura uchienda ini ndichitaura newe? Kana usisade kugara pano ibva handidi kuzviona futi chienda hako"* vakadaro vachipupuma nehasha.
*"Sorry kani Chihera wangu"* ndakabva ndatobva pavari kwakuenda mumba mangu.
*"sure munhu anoti kana ane choya netundebvu avakutozviona sababa pano. Izvo zvindebvu 2 izvozvo ndizvo zvinomufurira"* ndakanzwa vachitaura vega.
*Ndini Mai vepano. Tsveee kutsvaka mukadzi aroore nxaaa anoda ndichembere ndisina kuona muroora wangu, nxaa vamwe vana soo."* Ndaivanzwa vachipopota vaChihera vari panze. Vaitaura chokwadi but ini mukadzi ndanga ndisati ndomuda.
Ndoda kutanga ndazadzisa zvishuviro zvemoyo wangu kwete kuzvipa stress.
Plus ndoda kudya mari yangu Satan asati auya kuzozvara zvimwe zvisatan.
Infact ndoda kunyan'anya ndimbokwidza Mai vangu ndege nekuti ndikazoroora havafe vakainhuwa.
*"Jemusi iwe idouya kuno"* ndakasimuka ndichimhanya zvekutukwa handizvidi. Mashoko anorwadza kupfuura shamhu saka ndaisada kutukwa futi.
*"Tora mari mumba unotenga madomasi, unoona dai une mwana akutoenda iwe wasara vezera rako vatotarisira kudya roora dzevana iwe uchingodzungaire kunge mudzimu urikushaya pekuenda kasika mhanya ndiri kukupa 10 minutes"* she said.
Ndakamhanya kunotora mar kwakubuda ndaitomhanya netsoka ndaisada kuenda nemota nekuti ndaipedzisira ndaroyerwa mota isiri yangu. Varoyi vanongoroya vachiti munhu anezvinhu izvo zvisiri zvake dai vaitivhunza kuti ndezvako here taivaudza chokwadi. Ndototyira vanoshandisa iyo Photolab yadai kunetsa umwe achafira mahara vachifunga kuti wabudirira.
Zvisinei sezvo nguva dzanga dzaenda kwatisvibei ndakamhanya ndakudzoka ndakanzwa mavoice aizevezera.
*"Mama kuti afa here"* ndakazama kufananidza voice but ndakatadza asi ndairiziva.
*"Usaite gwara iwe chera ...... tiii..."* ndakarinzwa zvakare.
Ndakabva ndaendako kwakuona.....😳
*Drop your comments*
*Stay tuned💖*
❤️
😢
👍
🙏
😮
😂
284