
KING JILE NOVELS 📚📚
June 5, 2025 at 04:52 PM
*👿THE EVIL MOTHER👿*
👹👹👹👹👹👹👹👹
*FOR OUR CHANNEL follow👇*
*https://whatsapp.com/channel/0029VaNMLm8ADTOMUF1jJu45*
*MAIN GROUP join👇*
*https://chat.whatsapp.com/Ek4PxuzHGkK8Hi25ownSlM*
*A SHORT LOVE STORY CREATED*
*AND*
*WRITTEN BY::::::::::::::;*
*KING🤴JILE*
*+263716562851*
*«All rights reserved and no part of this publication reproduced or stored in a retrieval system or transmitted in any form or by any means include electronic, mechanical, photocopying, recording or without the prior permission of the Author.»*
*Chapter 4️⃣2️⃣*
*Vhenekai*
*"Ko nhayi musikana, mukomana uyu ndiwe wasvika naye pano here kubva kumba kwenyu kwarehwa kuti ndiko kwaiva ari?",* wakabvunza kwandiri Tineyi uya. Ndakabva ndamudavirawo ipapo zvisina kukakama.
*"Ayewa ini ndamuperekedza ndikamusiya avakuda kusvika kutsime kwaiva naRumbi kubva ndadzoka zvangu kumba",* ndakadaro.
*"Ko pano azosvika nani zvino?",* wakabvunza achinge atarira kwaiva namai Taru.
*"Ndini ndauya navo kusvika pano pamba. Vabva kutsime vachitofamba zvakanaka asi vasvikira kurara. Tazonzwa vavakuchema muno tichibva tamhanya namhamha kuuya kuzoona ndipo pataona vachitovhara maziso. Vatomboita semunhu afa kwenguva refu tikadana vanhu vese vamunoona ava ndipo pavazotanga kurutsa",* wakadaro Rumbidzai.
*"Ko munzira umu hapana chaadya here kana kunwa?",* wakabvunza.
*"Hapana",* wakadaro Rumbi.
*"Hoo aaa asi maresults andirikuona pano arikundiudza kuti mumwe wangu uyu pane chaanwa chaita kuti arutse zvakadai",* wakadaro mukomana uye atarira kwaiva namainini vaTiri. Ndakaona vanhu vavakungotarirana tarirana ndichibva ndati ayewa regai nditaure zvandaona kuhope. Pandaiva ndavakuvhura muromo kuti nditaure Tirivashe wakabva angotiwo pepu achiti,
*"Vhenekaaai!",* wakaita kudanidzira zvineruzha zvekuti munhu wese wakavhunduka waiva mumba umu kusanganisira neni wacho.
*"Vhenekai mudiwa wangu uripi",* wakadaro zvakare achiita sekuti wavakuda kuchema zvake.
*"Wasangana neiko nhayi Tirivashe mwanangu",* vakadaro mainini vake vachiswedera paiva agere.
*"Vhenekai urikupi wandaiva naye izvezvi apa. Ndiye wandinoda kutanga kuona ndisati ndataura nemi mose",* wakadaro Tiri achinge atarira pasi achieredza misodzi. Ndakaona vanhu vese vachitarirana mainini vaTiri vachibva vati ,
*"Uyo Vhene agere apo uyo. Unomudiiko munhu anoda kukuuraya nhayi?",* vakadaro vachinditendekera nekamunwe kavo uku vakasunga chiso chavo semunhu adya ndimu.
*"Ndiripo ini Tirivashe mudiwa",* ndakadaro ndichisimuka muchikona mandaiva ndakagara.
Ndakafamba kuenda paiva ari chaipo ndichibva ndagara padivi pake. Wakabva andimbundira achibva atanga kuchema. Taiva takagumbatirana zvekuti ndainzwa hana yake kurova kwayo iye achinzwaowo yangu. Wakachema zvekuchema zviya zvekuti kana neni misodzi yangi yaiva yavakubudawo. Wachema kusvika shungu dzake dzaserera ndokuzoti,
*"Ndinotendwa nerudo rwako Vhenekai wakwanisa kundibvisa kunyika yandaiva ndasvitswa nevanogona zvavo ukandidzosa pano panyika. Kudai usiri iwe zvimwe ndisina kudzoka pane rino pasi kutaura kudai. Ndinokuda nemoyo wese Vhenekai chido chemoyo. Pauri ndazvipira kufirapo mudiwa wangu",* wakadaro Tirivashe. Ndakaona vanhu vese vaiva umu varatidza kushamisika nemashoko aiva ataurwa naTirivashe.
*"Tirivashe mwanangu ndiudze ini mai vako kuti chii chanyatsa kuitika chaizvo kuti urware kudaro munhu abva achifamba pano",* vakadaro mainini vake.
*"Handizive kuti chii chaitika ini mhamha asi chandinorangarira ndechekuti Vhenekai ndiye wakakwanisa kundidzosa kubva kuvafi. Ndiye wandidyiswa mushonga kuhope kuti ndirutse",* wakadaro Tiri.
*"Mazvinzwa zvandareva zviya kuti musikana uyu muroi",* vakadaro mainini vake.
*"Wakudzosa seiko nekuti hatina kuona kana chaita pauri isu. Kubva asvike waiva agere paangoru ipapo",* vakadaro vamwe vaiva umu.
*"Ndati ndirere ndaona Vhenekai achindisvipira mushonga mukanwa mangu kubva ndatanga kurutsa. Ndichipedza kurutsa ndazoda kumutsvaga kuti uripapi Vhenekai wacho asi handina kumuona ndichibva ndatanga kudanidzira kubva ndamuka",* wakadaro Tirivashe.
Mai Taru ndakaona vachibata muromo wavo zvekushamisika zviye. Vamwe vese ndakaona vachitiwo kanha nazvo. Ndakabva ndatoona kuti saka pandadonha paye yaitova nzira yekuti ndiwane kurapa mudiwa wangu. Vanhu vakabva vatanga kubuda mumwe mumwe umu vakabata miromo dzavo zvekuti takasvika pakusara tangova ini Tineyi, Tiri, Rumbi naMai Taru chete mumba. Ndakanzwa mai Taru vavakuti,
*"Tasara toga Tirivashe mwanangu hapana chauchatya kana wauchatya kuti uchindiudza chokwadi inini mai vako. Ndiudze kuti wadyei kumba kwana Vhenekai?",* vakabvunza vakaita kundicheka neziso. Ndakabva ndagaya kuti ndichakambundirana naTirivashe wangu kubva ndachimuregedza.
*"Ndirikuzviziva hangu mhamha kuti murikufungidzira kuti zvimwe Vhenekai ndiye wandirwarisa kwete haasi iye Vhenekai. Naiye Vhenekai wacho utoriwo pakaoma. Pane vanhu vaviri vasiri kufara nekuda kwerudo rwangu naVhenekai ndivo honzeri yezvose asi handichikwanise zvangu kutaura nemazita avo mhamha",* wakadaro Tiri.
*"Pandaiva ndirere apa ndaoneswa zvakawanda kwazvo naTezvara vangu asi chimwe chandishamisa ndechekuti..",* hana kuzopedza kutaura anyarara achibva anditarira ndokuti,
*"Mudiwa wangu ko wasiya baba variko here?",* wakabvunza Tirivashe akanditrira.
*"Kwete, ndavatsvaga asi handina kuvaona mumba mavo",* ndakadaro.
*"Zvavandiudza ndirere handina kuzvinzwisisa. Inguvai izvezvi kune vane nguva",* wakabvunza.
*"1630",* wakadaro Tineyi.
*"Ndinokumbirawo Tineyi utiperekedze kumba kwana Vhenekai ndine zvandinoda kunonzwa kuna baba vaVhenekai",* wakadaro Tiri.
*"Zvakanaka ndinokuperekedzai",* wakadaro Tineyi.
*"Rumbi ndinokumbirawo mvura yekunwa",* wakadaro Tiri.
Rumbi wakanochera mvura iye ndokuuya nayo achibva aipa kuna Tiri. Wakanwa mvura iye achibva azvisuka mumuromo make. Ndakakumbira bucket nechikorobho ndichibva ndatanga kupukuta paiva parutsirwa naTiri wangu. Ndakapukuta zvose ndichibva ndanogeza chikorobho kunze ndichibva ndachidzoka ndichikorobhesa kuti pachiwana kuchena.
Ndichipedza kukorobha ndakabva ndanzi naTiri handei. Rumbi naTadaishe vakabva vati vanoda kuendawo. Takanopinda mumota maTineyi tichibva taenda. Munzira mese Tineyi naTirivashe vaiva vachitaura zvavo nyaya dzavo. Tiri ndakazonzwa avakubvunza kuna Tineyi kuti ko kuno wauya kuzoitei achibva apindura achiti,
*"Ndauya kuno ndichiperekedza wangu mudiwa. Ndaisatoziva ka ini pese apa kuti pawaiuya kuno paye waiuya kumaraini emoko rangu",* wakadaro Tineyi.
*"Musikana wako anogara kuno? Ko wakasanganepiko naye nhaiwe?",* wakadaro Tirivashe akatarira Tineyi.
*"Ndakasangana naye muHarare imomu wangu. Asi ava vagara vari kuno ava vanogona kumuziva",* wakadaro achireva ini naRumbi.
*"Anonzi ani zita rake musikana wacho tiudze",* wakadaro Tirivashe.
*"Anonzi Tambudzai",* wakadaro achiita kunyemwerera zvake mwana wevanhu. Pandakangonzwa zita rekuti Tambudzai takabva tatarirana naRumbi.
*"Tambudzai!",* wakadaro Tirivashe zvekushamisika zviye.
*"Asi unomuziva here nhayi Tiri? Waratidza kushamisika kwazvo pawanzwa zita iri",* wakabvunza Tineyi. Ndakanzwa Tiri avakuti...🥺
*Drop your comments*
*Stay tuned💖*
❤️
🙏
👍
😂
😢
😮
438