
KING JILE NOVELS 📚📚
June 6, 2025 at 04:17 PM
*🏵️R O S E M A R Y🏵️*
*Follow our Channel👇*
*https://whatsapp.com/channel/0029VaNMLm8ADTOMUF1jJu45*
*For Comment Group join👇*
*https://chat.whatsapp.com/DrD0REHqA6v2wlWj2ribhB*
*A SHORT LOVE STORY CREATED*
*AND*
*WRITTEN By:::::::::::::::::::::;*
*KING🤴JILE*
*+263716562851*
*&*
*FIRE🔥SISTER*
*«All rights reserved and no part of this publication reproduced or stored in a retrieval system or transmitted in any form or by any means include electronic, mechanical, photocopying, recording or without the prior permission of the Author»*
*Chapter 1️⃣0️⃣*
*James🪷*
*"Usaite gwara iwe chera apa tikande munhu uyu nekuvhara tisati taoonekwa".* Ndakanzwa vachidaro Tete vaRose. Luck enough ndakafamba nephone. Ndakatora maphone angu ese imwe ndairecorder imwe ndichitora video.
*"Mama, manzwa zvandanzwa here ungati pane munhu arikufamba"* akadaro Tsitsi. Ndakabva ndafamba zvishoma ndichinohwanda seri kwezvimuti.
*"Tsitsi uri gwara iwe ukaramba uchitaurisa ndakuzokurova, hona light iro yuwii Tsitsi"* vakadaro Mai Tsitsi vachimhanya.
Ndakasaver zvandarecorder kwakutakura Rose usiku ihwohwo ndakafonera mama ndichivaudza zvaitika. Ndakatanga kuenda naye kupolice kwakuvhurisa document ndapedza ndikadzokera naye kuchipatara.
*"Mukoma munongogara makauya nemukadzi wenyu pano chii? Hamupedzi 3 days musina kuuya naye. Dzimwe nguva mouya makamukuvadza pamwe akafenda munombozvifambisa sei huh? ndimi imbwa dzino abuser vakadzi kaa. Ipapa unotora mwana mudiki uyu asina kana zamu uchiroora unoti angaita basa rei munhu achiri kutamba mahumbwe kudai. Pamusoro pacho wotoda kuwachirwa hembe nemunhu achiri kuda kudzidziswa kuwacha masocks ake echikoro. Pane paangagona kuwacha jean here zvanyanya izvi. Ama 2k munenge munokwereteswa pfungwa mofunga nemafeelings chete. Kungoti vanhu vakarumurwa nesavannah munonetsa. Ndiri kufonera police now ukambovharirwa uchaziva zvaunoita".* Akambonyarara achiterera heartbeat yaRose.
*"Vanhu vanoona vakadzi sekuti haasi munhu tombovada here? nhasi uri kurara uri usavi hweinda"* akadaro futi.
*"Handina kumbo..."* handina kupedza kutaura ndakatwa.
*"Hey shut up and save it urikuda kutotaurisa nekuramba mhosva yako ndiri kufonera police now"* akadaro achibva atofona zvake.
Pasina nguva vanga vatosvika vakomana dzakatochena sekutamba. Munyama wandakaita ndakatorwa nema ZRP asiri edu atoshandidzana nawo. Ndakabva ndacooler down zvangu handina kuda kuvapa ID yebasa.
*"Mafana ndiwe hako unoona mukadzi sepunching bag kudaro. Nhasi ndoda kurara ndichikurova ndapedza ndoda kukukanda mucell rine magay urare uchiitwa mukadzi wanzwa. Ucharara uchiitwa neikoko ndiko kuti uchangamuke iwe"* ndichinzwa izvi hana yangu yakatanga kurova.
*"Officer haazi mukadzi wangu uya uye handisini ndamurova ndawana achida kutovigwa ari mupenyu ini ndangobatsira chete".* I said.
"(laughing) *Mufana ukutiona setakadzidza usiku here kana takapinda basa nekumhanya? Takapinda basa iri nemabook wanzwa* (achitarira umwe wake) *dziri kutya kunoitwa kumabhekalo"* vakabva vaseka vese asi ini chaisekesa ndaisa chiona.
*Ndokumbirawo phone yangu ndoda kuita call 1 zvayo"* ndakabva ndasundidzirwa panze pemota.
*"Kasika tone une 2 minutes"* akadaro umwe achindipa phone yangu.
Ndakaenda kuma video kwakuvaratidza zvese zvandaiva nazvo.
*"Mwana uyu ndeuya wekufirwa nevabereki vese mwedzi dzapfuura idzi. Akasara natete vake vasiri kumubata zvakanaka ini ndiri kungobatsira nepandinogona napo asi ivo havadi kuti ndimubatsire"* I said ndichigara pasi I explained everything kwavari but handina kuvaudza zvebasa rangu.
*"Mazvita mukuru. Constable Tino handei, endai munotora statement remwana wacho tione kubata varoyi ava vasati vakanganisa mwana"* said mukuru wemapurisa aya. Takapinda mumota kwakuenda takaita luck rekuwana akamuka akagara akabata shaya achichema.
*"Rose"* ndakashedza akatarisa kwandiri kwakupukuta musodzi.
*"Ava ndiConstable Tino vauya kuzotora statement. Uchiri kurangarira here zvakaitika pawakazodonha?"* Akanditarisa zvekupererwa.
*"Rose sununguka kutaura zvako James atiudza zvese tongoda kunzwa kuti ichokwadi here tikwanise kusunga Tete vako"* said detective Tino.
*"Pazvese zvamanzwa hapana chokwadi officer ini naTete vangu tinowirirana vanondibata semwana wavo chaiye",* wakadaro Rose akanditarisa. Iiiiiiiii munoziva ndakazarirwa zvekuda kutochema.
*"Rose taura chokwadi unobatsirika sei usingataure chokwadi shamwari yako iyi ine video yezvese zvaitika. Unoziva here kuti vatete vako vanga vachida kukufutsira uri mupenyu munhu akadaro ari dangerous Rose. Tibatsirewo tikwanise kukubatsirawo, tiripo isu tinofanira kubatsirana"* said Tino Rose achibva......🥺
*Mai Tsitsi*
Umwe neumwe akasvika achinanga muimba yake hapana akataura neumwe.
Ndakazama kurara asi hope kana kuuya. Ndakamuka kwakuenda kuna Tsitsi.
*"Ukati munhu uya ationa here"* ndakavhunza ndichigara pabed pake.
*"Muri kuvhunza ani? Ini here kana kuti? Inga Tanga tiri tese uko zvese zvaitika tazviona munoti ndine maziso 20 here anoona zvakasiyana nezvenyu. Zvese izvi it's your fault mama. Ndimi maida kucherera munhu ."* Akabva abata muromo,
*"Mhamha ko Rose akamuka akaenda kumapurisa?"* wakadaro Tsitsi achimuka ndakabva ndasimuka.
*"Tofana kunomutora Tsitsi tomuvharira muchirugu make. Hande!"* I said ndakaona Tsitsi achiramba akagara nehasha dzandaiva nadzo ndakazoona ndamudira mbama.
*"Mandirova mhamha"* she said akabata dama rake.
*"Handisi Rose ini ndinonzi Tsitsi manzwa. Ndakasiyana naRose nekure. Ndoda mundiudze zvamandirovera"* akadaro achisimuka.
*"Unoverengera Tsitsi ndakuudza iwe wakuramba wakagara pasi uno..."* Handina kupedza kutaura dama ravakupisa.
*"Tsitsi wandirova here?"* ndakadaro musodzi ichiyerera.
*"Mwana wandakapindira mulabour ndikamubudisa neapa pangu* (vachiparova rova) *ndikamupa zvese zvandinazvo nhasi akundirova. Baba vako havana kumbokutengera kana mint chairo asi ini ndaitambura Tsitsi kuti uve zvauri izvi nhasi ndini orohwa ndiko kutenda kwawava kundiita uku? Ayewa zvakanaka mwanangu"* ndakabva ndabuda ndichirovera door.
Ndorohwa nemwana wangu nekuda kwaRose inini dai akava afa.
Ndakasvika Mumba mangu kwakuzvikandira pabed ndakatanga kufunga zvaitika zvaita sefirimu kana kurota chaiko. Ndaitadza kubvuma kuti zvinhu izvi zvanyatsoitika. Ini Mai Tsitsi nekusagona kumhanya kwangu asi nhasi ndasiya Tsitsi ndamhanya semunhu akaconnectwa pamagetsi. Ndakavhundutswa nezi knock ndakabuda ndichifambisa uku ndichipopota.
*"Wamuka kuvafi kaa, vanga varisei baba vako nerwumai rwako. Ikezvino ukandijairira ndokuuraya zvekuti haufe wakamuka iwe mbwaa yemwa..."* ndakadaro ndichivhura door. Pandakavhura ndakapera power ndichiona pakamira mapurisa 5.
*"Makadii amai, ndimi munoitwa mai Tsitsi kaa"* akavhunza hake akapora.
*"Ho..ho..ho"* ndakatadza kutaura.
*"Hey hatina nguva yekutambisa matanga kukakama rini munhu anga achitaura zvakanaka ayizve. Bwo, bwo kudii mava chikotora here?* (mbudzi honho) *hatina nguva yekutambisa. You're under arrest nenyaya yekushungurudza mwana wemushakabvu Rose imi nemwana wenyu Tsitsi,"* vakadaro Mapurisa aye.
Panguva diki diki dzaiva dzatochena. Ndaiita sendirikurota mufunge henyu. Ndakatorwa pamwe chete nemwana wangu Tsitsi tikanovharirwà mumota. Ndakasvimha musodzi ndichiona mwana wangu Nyarai achisara oga.
*"Mabasa enyu aya honai kwaava kutisvitsa nxaaa"* akadaro Tsitsi akanditarisa.
*"Nechamunovengera Rose ndinochishaya ini. Zvinhu zvevabereki vake ndozvamunovhaira nazvo!"* wakadaro achiratidza kuti hasi kana matyira.
*"Tsitsi !"* ndakadaro ndichimudana nevoice riripamusoro chaipo.
*"Regai ndikuyambirei munonosarako mega uko, pakati paTarel na Smosh one of them anouya achindiburitsa chete"* said Tsitsi asina kana rusvina kumeso. Ndakatoshaya ndiye mwana wangu here uyu.
*"Tsitsi mwana wa......"* handina kupedza kutaura atondidimurira panzira.
*"Nyararai henyu handina mai vari evil in nxaa. Stop calling me your daughter."* Munoziva ndakapererwa kushaya nechekutaura.
Takasvika kucamp kwacho tikabva taburitsiwa mumota tichiiswa mune chimwe chiroom hameno pamwe ndocell racho. Makapinda varume 4 vakabata zvimboma vachizvirovera pamaoko avo.
*"Nhasi muno munoibva chete hutsinye ihwohwo hunopera. Newewo chisikana unobatsirana namai vako kuita zvisina kururama kudai?.* said one of those man akatendekera kuna Tsitsi.
*"She's not my.......!"* ndakabva ndamugurira panzira sezvo ndakaziva zvaida kutaura.
*"Tsitsi wapindwa nemweya upiko mwanangu"* I said ndichimugurira panzira asati arotomoka zvake zvimwe. Ndakanzwa avakuti......😢
*Drop your comments*
*Stay tuned💖*
❤️
🙏
👍
😂
😢
😮
392