KING JILE  NOVELS 📚📚
KING JILE NOVELS 📚📚
June 8, 2025 at 01:09 PM
*🏵️R O S E M A R Y🏵️* *Follow our Channel👇* *https://whatsapp.com/channel/0029VaNMLm8ADTOMUF1jJu45* *For Comment Group join👇* *https://chat.whatsapp.com/ITz7AvKtj2E242eFNFKmaW* *A SHORT LOVE STORY CREATED* *AND* *WRITTEN By:::::::::::::::::::::;* *KING🤴JILE* *+263716562851* *&* *FIRE🔥SISTER* *«All rights reserved and no part of this publication reproduced or stored in a retrieval system or transmitted in any form or by any means include electronic, mechanical, photocopying, recording or without the prior permission of the Author»* *Chapter 1️⃣4️⃣* *Tsitsi🌹* Ndakadirwa imwe mbama, *"Usazviite futi wanzwa"* akadaro mukadzi uya. Ngakagutsurira musoro. *"Chiuya uite zvawanga uchitaura"* ndakabva ndatanga kumodhela ndichienda kwavari ndichizvibata bata nekunhanzvira rurimi. *"Hmmm babe wakundiuraya"* akadaro mukadzi uya. Ndakabva ndabata mabvi ake kwakutanga kuwaina ndichidzikira pasi. *"Madhara angu ndizvo zvandinomaitira izvezvi tapedza toita wardrobe style"* ndakadaro ndichizvibata bata pamberi. *"Wardrobe style ndoipi iyi"* vakavhunza vese. *"Saka munoreva kuti hamuzive wardrobe style mese* (laughing) *murume anoenda pamusoro pe wardrobe iwe worara pabed wakavhura makumbo iye anobva ajambira pamusoro pako"* ndakadaro ndichivanyepera vakabva vati guu kuseka. *"Iwewe unenge basa chairo"* akadaro umwe mukadzi. Vakabva vandichinjanisa week rakasvika pakupera semunhu aivafadza ndaipiwa chikafu hanzi kuti uite simba but ndanga ndanzwa. Ndaiti ndikakotama ndisina kupfeka paibuda kasound kanobuda pabhotoro kana mune mhepo or ukarifuridza *"Tsitsi uri kudiwa uko"* akadaro officer achipinda. Ndakashamisika ndichisvika mama vakandimirira mberi kwedu kwanga kune munhu akatifuratira musikana or mukadzi. *"Makadii"* takadaro tichigara pasi. Mukadzi ndiye akatanga kusimudza musoro. *"Rose"* takaitirana namama tichibva tasimuka. *"Rose please hatisisu takakuuraya undiregerere mwana wehanzvadzi yangu nekukushurudza ndisatan aindishandisa"* Rose akabva atanga kufamba achiuya kwatiri kuzodaro karoom kakaita kadiki diki umwe neumwe aimhanya achienda kwake. *"Rose takakutadzirei?"* Vakavhunza mama. *"Tete ndaa..ndaaa.."* akatadza kutaura achichema ini ndanga ndisingachanyatsoona ndaiona musodzi yake iri yeropa. Nekunzwa kwataita kwainzi munhu akafa akachema ropa I hasha. *"Handina kufa Tete, pane munhu akandisunungura ndisati ndafa. Ndichiri muchipatara ndangouya kuzotaura nemapurisa kuti hamuna chekuita nekuzvisungirira kwangu"* akabva atanga kuchema. *"Ndini ndaida kuzviuraya nekuti hupenyu hausi kundifambira. Kubva zvafa vabereki vangu ndiri kurarama life yakaoma"* she said. Ndakaona mama vachiridza katsamwa kepaside pemuromo. *"Waita basa mwana wehanzvadzi yangu. Hululu ndakubuda muno ndokutenda neiko Rozi mwanangu ndanga ndanzwa kuitwa mukadzi muno izvezvi ndikanzwa kuda kuita mweya ndotoenda kutoilet nekuti kwaruza uku chero ndikaseka zvokaruka zvatobuda ndoshaiwa kuti vaya vatinoona vaya vanozvigona sei"* vakambomira. *"Kuti vanoshandisa mushonga wekudzora here zvinogona kudaro"* vakabva varegedza Rose ndakatoona neniwo kuti ashokwa chaiko nekuti mama Havana kumbovhera vada kuenda padhuze naye. Takazobuda but Tanga tanzwa zvekunzwa zviya. Week rese kupera tichiitwa nezvigunwe ndofunga kwakatorasa tese. Apa ndanga ndafunga dhara bae wangu (Smosh) *Narration* Pakabuda vana Tsitsi kujere Tsitsi akangotanga kurwara achichena muviri wake uyu zvaishamisa munhu wese. Chero madhara airara nawo anga akumusema nekuti anga aonda maziso awira mukati adzoka kuita chinhu chidiki diki. Mazuva ekutanga Mai vake vakafungira kuti ane nhumbu nekuti airutsa zvisingaite but vakazoenda naye kuclinic kwavakasvika vachiudzwa kuti haana ropa mumuviri wake ndizvo zvakapa kucheneruka. Tsitsi ainwiwa ropa nechikonye chaakanga aiswa naSmosh dhara rake. Ndizvo zvavakanga vaudzwa nen'anga yavo. Mhiko yavo yaisava yekuisa ropa muhari kwavo kwaingova kuisa chikonye chavo pamunhu chaibva chanyura munyama zvekuti munhu haumbochinzwe. Pachinenge chichifamba munyama yako chinotekenyedza. Chinosiya muromo pese pane tsinga chakanga chine miromo yakawanda. Smosh akapiwa achinzi chikonye. Mazuva akafamba Tsitsi achirwara zvinosiririsa makumbo akanga achinja colour waizomuziva here kuti ndiye Tsitsi aifamba akarasira chiuno uko. Chakanga chadzoka panzvimbo mahips nemagadziko zvakanga zvanwirwa mapiritsi nekuzora mafuta zvakanga zvoita kuyerera zvino semahips akanga akusvika mumabvi akusemesa achiita semvura yasungirirwa mupaper bag. Umwe musi vanhu vakangonzwa mhere kumba KwaMai Tsitsi vaiziva situation yepo vakabva vaziva chaitora nzvimbo. Haana kuchemewa Tsitsi vakadzi vevanhu vaita kupururudza nekuti vanga vanzwa nekutorerwa varume naye. Kushaika kwaTsitsi wakava mufaro mukuru kuvanhu vemunzvimbo yavo. Vakanga vasingachatye kana kusiya varume vavo vega. Mazuva akafamba Tsitsi ashaika zvinova zvakashunguru Mai vake. *"Why makatora mwana wangu makasiya Rose nhayi Mwari. Makadirei kundibaya nerakagomara kudai? Mhosva yake yaiva yei nhayi baba yaisatsiviwa nezvimwe here ishe wangu. Dai makatora henyu ini makasiya mwana wangu"* vaigaro chema Mai Tsitsi chero chifaku vaisadya chavaingoita kwaiva kumuka nekunoswera paguva remwana wavo...... 🥹 *Drop your comments* *Stay tuned❤️*
❤️ 👍 😂 🙏 😢 😮 423

Comments