
KING JILE NOVELS 📚📚
June 8, 2025 at 04:32 PM
*👿THE EVIL MOTHER👿*
👹👹👹👹👹👹👹👹
*FOR OUR CHANNEL follow👇*
*https://whatsapp.com/channel/0029VaNMLm8ADTOMUF1jJu45*
*MAIN GROUP join👇*
*https://chat.whatsapp.com/Ek4PxuzHGkK8Hi25ownSlM*
*A SHORT LOVE STORY CREATED*
*AND*
*WRITTEN BY::::::::::::::;*
*KING🤴JILE*
*+263716562851*
*«All rights reserved and no part of this publication reproduced or stored in a retrieval system or transmitted in any form or by any means include electronic, mechanical, photocopying, recording or without the prior permission of the Author.»*
*Chapter 4️⃣3️⃣*
*Tambudzai*
Ndakasvika ndikatambirwa namhamha vangu hameno vamwe vaiva kupi. Vakatora kapaper bag kandaiva ndatengerwa naTineyi ndokunoisa kuimba yokubikira. Ndakasimudza monarch rangu kubva ndanoisa kuimba yandaishandisa pakurara nemupfana wangu Anopaishe. Ndakabuda panze kubva ndanogara pasi pakashade kaishandiswa semvuri pamba pedu. Kaiva kakasimwa mugirindera pamusoro kuitira mumvuri. Ndakabva ndachikwazisana namhamha vangu takagara pasi.
*"Makadiii mhamha, pakadiiko pamba nevamwe",* ndakadaro ndichiuchira maoko.
*"Ndinofara zvangu vaMancube munofarawo here? Pamba panofara zvapo apa. Kwadiiwo kubasa",* vakadaro mhamha.
*"Kubasa kunofara amai zvatauya tirivapenyu kudai kunaka kwazvo",* ndakadaro.
*"Ndizvozvo mwanangu zvino kwakanaka here kwamauya nemabheke kudai vaMancube",* vakabvunza mhamha.
*"Basa rapera mhamha hanzi nemurungu handichakwanise kuwana mari yekukubhara zvinhu zvandiomera parizvino womboenda kumba ndozokushevedza",* ndakadaro ndichivanyepera zvangu aaa ko zvaizotaurika here kuti ndakarara nemwana waboss ndikadzingwa basa.
*"Aaaa zvinowanikwa mwanangu muhupenyu uchangowana rimwe basa semawaniro awakaita iroro",* vakadaro vaManjenjenje vangu.
*"Ichokwadi mhamha. Ko baba naAnopaishe varipiko vandisiri kuona pano",* ndakabvunza ndichiitira kuchinja nyaya dzebasa idzi.
*"Baba vako vabuda pano makuseni chaiko vachienda kwaSabhuku uko kwanzi kunechi 1 (doro rezuva rimwechete) uko chekucheka rukweza. Uyu Anopa waenda iyezvino kwana Nyaradzo shamwari yake, kwai ndoda kunopiwa bhuku rake rekuchikoro",* vakadaro mhamha.
Ndakabva ndasimuka zvangu ndokunopinda muimba yokubikira ndichibva ndaburitsa zvinhu zvese zvaivamo ndichiisa panze zvaiva zvatengwa naTineyi. Ndakaona maitova nesugar, mafuta, munyu nezvimwewo zvakadaro daro neusavi hwenyama yemombe. Yaiva yakatowanda zvekuti ndinofunga wakatenga ye$10 chaiyo Tineyi wangu. Ndakabva ndadana mhamha ndikavaratidza zvandaiva ndauya nazvo. Vakanditenda zvavo vachibva vatonditi ndicheke husavi ndiise pamoto. Ndakabva ndatocheka cheka ndokuisa muhari imwe ndichibva ndavedzenga ndokuisa pachitofu ipapo kuti inzwe mudziira wemoto iome isaora.
Anopaishe wakazouyawo zvake ndokufara achindiona. Takabva tatobatsirana kubika zvedu nemwana wamai vangu. Baba vakazouya nguva dzatofamba chaiko tapedza nekudya apa vakaita kudhakwa zvavo. Ndakavakwazisa asi havana kana kuziva kuti ndini nekuda kwekudhakwa. Vakabva vatotanga zvavo kupopota vachituka mhamha ndizvo zvavavaiva baba vangu. Kana vadhakwa pamba paisararika ndizvo zvimwe zvakaita ndisiire chikoro panzira ndichinotsvaga basa kuHarare.
*"Wauya mwana wemurombo chikara. Handidye nemagirini pano ini. Wabika neiko nhaiwe mai Tambudzai",* vakadaro baba.
*"Mwana wedu Tambudzai wauya nehusavi ndihwo hwabikwa nahwo baba aTambu chigezai maoko mudye",* vakadaro mhamha vakapfugama pamberi pababa nedish mumaoko.
*"Tambudzai wacho uripari wandisiri kuona pano iwe Chioniso",* vakadaro baba. Chioniso ndiro raiva zita ramai vangu rokuzvarwa.
*"Ndigere pano baba inga ndakumhoresai wani mukadavira",* ndakadaro.
Havana kuzondidavira vakabva vatonhonga nhindi ndokukanda mukanwa vachibva vatanga kutotsenga zvavo. Ndakabva ndatooneka kuna mhamha ndichiti ndavakunorara ndokubuda pamwechete nemupfana wangu. Takanopinda mumba medu ndichibva ndatanga kusarudza dzimwe hembe dzaiva dzaita diki kwandiri ndichipa kuna Ano. Wakanditenda mwana wamai achiratidza kufara. Takazorara zvedu tichiita nyaya. Ndakaedza kufonera Tineyi asi hana kubatika. Kunoti pawhatsapp yaitoratidza kuti wakabvapo nezuro masikati nxaa ndakanzwa kusvotwa kwakurara ndakagumbuka.
Mangwana ndakatononoka kumuka ndakazomuka zuva ratokwira mupfana wangu atopedza basa rose. Ndakatozvishaya kuti ko ndazorarisawo zvakadai nekuda kweiko. Ndakawana putugadzike yatobikwa nemubhakwa wehupfu hwakasanganiswa neflour. Takanwa zvedu ndokuguta tichibva tatora migomo yedu nemupfana wangu ndokunanga kutsime. Tirimukufamba kudero ndakanzwa tsviyo tsviyo siii siii nechekumashure kwedu kubva taramba tichifamba zvedu tisinw kana kucheuka.
*"Heyyy Tambudzai! ",* ndakanzwa kudanwa zita rangu kubva ndacheuka ndokuona ari.....apa waiva akachena kani...... 😇
*Vhenekai*
*"Tambudzai ndinomuzivisisa uyu wangu. Mwedzi wapfuura uyu paabva kumusha kuno ndini ndakauya naye wani kuHarare uko",* wakadaro Tirivashe. Ndakabva ndarangarira kuti Tambudzai wakambondiudza zvekuti musikana waTirivashe saka zvaifamba seiko nekuti Tineyi naTirivashe masahwira ava. Ndakabva ndatarira tete Rumbi ndokuona naivo vaiva vakanditarirawo kuratidza kuti vaiva vachitoshamisikawo.
*"Ko hauna kumbondiudza wani kuti wakakwidza mudiwa wangu pawabva kuno iwe",* wakadaro Tineyi.
*"Ko waiva wakandiudza here kuti unemusikana anonzi Tambudzai anobva kuChikombedzi kuno",* wakadaro Tirivashe uyu Tineyi achibva aseka.
*"Haa wandigona bhururu",* wakadaro Tineyi.
Vakabva vachinja nyaya ndokutanga kutaura zvavo dzimwe asi ndaiona Tirivashe waiva asisina mufaro pachiso chake. Ini ndaiva ndichiitawo zvangu nyaya natete vangu tete Rumbi. Takasvika pagedhe pedu mota kubva yamira ipapo sezvo mukati yaisazopinda. Ndini ndakaita wekutanga kuburuka vana Tirivashe vachizopedzesera. Tineyi wakada kusara akagara mumota achibva anzi naTirivashe hande tose. Takapinda tese gedhe tichibva taona pamba pasina kana munhu apa zuva raiva ratorereka zvaro kunopinda muna amai varo. Ndakapa vana Tiri zvekugarira ndichibva ndafamba kuenda kuimba yababa yokurara ndokusvika ndichiwana gonhi rakazaruka ndikaziva varimo mumba.
Ndakagugudza asi wakadavira hapana. Ndakapindamo ndokuona vasimo zvavo musina munhu. Ndakafungidzira kuti zvimwe vaenda kuchimbuzi ndichibva ndadzoka zvangu kwaiva nana Tiri. Takagara zvedu tichiita nyaya asi kana wakabudikira zvake hapana. Vatete Rumbi vakabva vakumbira kuratidzwa kune Chimbuzi ndichibva ndavaratidza. Vakaenda zvavo ndokudzoka vachiti vaona munhu agere kuseri kweimba asi vaedza kumumhoresa akatadza kana kudavira. Pandakanzwa izvi ndakanzwa hana yangu ichirova chaiko. Ndakabva ndafamba ndichienda kwaiva nemunhu wacho wairehwa ndokuona hezvo zvavari baba vanhu.
*"Baba",* ndakadana ndichifamba kuenda pavaiva asi havana kana kudavira.
Ndakafamba kusvika pavaiva vari ndokuona maziso avo aiva avangotarira vakaita kuzendama padama raiva kumashure kwavo. Ndaiva ndavakuita kudedera chaiko ndakavatarira. Ndakafambisa fambisa ruoko rwangu pameso ndokuona vaiva vasiri kana kubwaira maziso avo. Ndakaisa chigunwe changu pamhino dzavo ndokunzwa hapana kana mweya waibuda nekupinda. Ndakaona misodzi yangu yavakuerera yoga zvayo ndichibva ndaikwetsura mhere.
Ndainzwa pamoyo pangu kubaikaba chaiko. Hongu vaiva varwara zvavo kwenguva refu baba vangu asi ndaiva ndisina tarisiro yekuti ndingaparadzana navo nenzira yakadai. Ko inga vaiva vabva kutibatanidza nemudiwa wangu zvakanaka wani muzuva ranhasi ko vatadzawo neiko kundioneka ini mwana wavo. Tirivashe nevamwe vake vakauya vachimhanya ndokusvika vachibata muromo dzavo vachionawo mashura aiva apa. Wakabva auya kundimbundikira achindinyaradza Tirivashe. Ndakachema zvekuchema zviya. Ndakazonyarara pava paye ndakambundirwa naTirivashe achindipuruzira kumusana.
*"Tsvaga gumbezi tivafukidze babe",* wakadaro Tirivashe.
*"Ngativasimudze tivaise mumba pano hapaite iwe",* wakadaro Tineyi.
*"Hazvide pane hana dzavo dzepedyo here Tineyi",* wakadaro Tirivashe.
*"Ndiweka hama yacho yepedyo utoripo. Maiguru varipo ava mwana wavo saka hama imwe yamoda ndeipiko?",* wakadaro Tineyi.
*"Ngativasimudze tivaise muimba yavo yekurara iyi",* ndakadaro misodzi izere mune angu maziso.
*"Tora gumbezi kana rimwe jira rekuti tivasimudzise",* wakadaro Tineyi.
Ndakabva ndapinda mumba mavo ndichibva ndanotora gumbezi ravaishandisa kuwaridza ndichibva ndabuda naro. Ndakanopa Tineyi achibva anditi ndiwaridze pasi. Ndakawaridza vachibva vabatirana mutumbi wababa vangu ndokuisa pagumbezi. Vakabatirana vari vaviri ndokusimudza kuti tinoisa mumba. Ndakavatungamira kupinda navo mumba vachibva vaisa pamubhedha wavo ndokusiya taufugidza. Takabuda panze tose zuva raiva ratopinda muna amai varo kwavakutanga kuti zwarara. Ndakabva ndafonera sisi Tarisai nenhare yaTiri ndichivaudza zvaiva kuno. Nduchipedza ndakaona mhamha vachipinda pagedhe. Vachiona Tiri vakabva va.......🥹
*Drop your comments*
*Stay tuned💖*
❤️
😢
🙏
👍
😂
😮
413