KING JILE  NOVELS 📚📚
KING JILE NOVELS 📚📚
June 9, 2025 at 07:25 AM
*👿THE EVIL MOTHER👿* 👹👹👹👹👹👹👹👹 *FOR OUR CHANNEL follow👇* *https://whatsapp.com/channel/0029VaNMLm8ADTOMUF1jJu45* *MAIN GROUP join👇* *https://chat.whatsapp.com/Ek4PxuzHGkK8Hi25ownSlM* *A SHORT LOVE STORY CREATED* *AND* *WRITTEN BY::::::::::::::;* *KING🤴JILE* *+263716562851* *«All rights reserved and no part of this publication reproduced or stored in a retrieval system or transmitted in any form or by any means include electronic, mechanical, photocopying, recording or without the prior permission of the Author.»* *Chapter 4️⃣4️⃣* *Kumba kwana Vhenekai* VaChihera vachiona Tirivashe pamba pavo vakarohwa nehana kwazvo vachiti vamukirwa chipoko. Vakabva vatomira kufamba vakatarira kwaiva naTirivashe. Vhenekai waiva amirewo padivi paTirivashe wakabva aona amai vake vamire kudai vachiratidza kutya akashaya kuti chava chii zvakare. Wakabva atanga kuchema achienda kwaiva namai vake. Chihera vachiona izvi vakabva vati bara kutiza vachibuda gedhe. Vakamhanya Chihera zvekumhanya sechana chidiki chaona pane chiruma. Mupfungwa dzavo maiva muzere nerekuti Tirivashe wafuga rake oga zvake. Pachinhambwe chekuti Vhenekai amhanye kutevera mhamha vake wakabva atomira ndokutanga kuseka zvake achiona amai vake vachiita ushamwari nemhepo. Vana Tirivashe vakabva vatojoinawo kuseka ikoku sezvo vaiva vachiona drama remahara. Chihera vachinzwa kuseka uku vainzwa sezvirikuita maungira munzeve dzavo izvo zvaibva zvaita kuti vawedzere kumhanya chaiko kuita ushamwari nemhepo. Vakamhanya vaChihera vakananga kwaBhokisi uko kwavakasvika vachineta zvino. Bhokisi waiva agere zvake mumba make achizvibatsira neruoko apo panoerekana kuona gonhi rake ranzi bherengende ndokuvhunduka kuti ko chava chiiko ichi. Wakabva asimuka achida kutiza ndokudzikama aona vari Chihera avo vakasvika kudonhera mumaoko aBhokisi. *"Kwakanaka here Chihera kwaunouya uchimhanya zvakadai topedzesera totya",* wakabvunza Bhokisi achitoratidzawo kutya kukuru akaita kutarira kugonhi kuti hakuna mumwe angapinda here. *"Ndipewo mvura ndinwe Bhokisi ndisati ndatsanangura zvandasangana nazvo",* wakadaro Chihera uku achiita kufemereka chaiko. Bhokisi wakabva asimuka ndokunochera kapu yemvura yaitonhora ndokuuya nayo achipa kuna Chihera. Wakanwa mvura iya yese Chihera ndokudzikama kwakaita hana yake. Wakambotora nguva akanyarara achida kuti hana yake inyatsokugadzikana kwazvo agowana pekutagira. Kana arisa Bhokisi waiva atononokerwa chaiko nekunzwa chaitora nzvimbo chamhanyisa mukadzi mukuru zvakadai. *"Tipirei tinzwe vaChihera masangana neiko munzira umu chakumhanyisai?",* wakadaro Bhokisi. *"Gomana riye ramuka chipoko Bhokisi",* wakadaro Chihera achiita kudedera nekutya. *"Kumuka chipoko nezuva rimwe chete here? Hakuna zvakadaro Chihera waresva kuona iwe",* wakadaro Bhokisi. *"Ndirikutaura zvandaona neangu maziso maviri aya Bhokisi",* wakadaro Chihera. *"Zvakanaka handeiko kwawaona Chipoko chacho",* wakadaro Bhokisi achiratidza kuva nehushingi. *"Zvakanaka chipfeka tiendeko unoona",* wakadaro Chihera achireva kuna Bhokisi. *"Ko iko kubva ndibve pano zviye waiva usati wapfeka nanhasi here?",* wakabvunza Chihera. *"Wandisiya nenzara zvino apa ndaiva ndichitozvibatsira zvangu nemaoko",* wakadaro achipinda muimba yake yokurara. *"Nyama hadzichade idzi dzapera basa Bhokisi woyee zvavakuda vachiri kutemwa dzinobuda ropa vana Vhenekai ava zvino urikuvatadza zvako",* wakadaro Chihera. *"Ruva randichamuwanikidza nderimwe chete",* wakadaro Bhokisi. Chihera haana zvakazopindura. Bhokisi wakapfeka nhumbi dzake ndokubuda apedza. Vakabva vadungamidzana naChihera ndokubuda panze. Bhokisi wakakiya musiwo wake ndivo tande nenzira vakananga kwaVaZvanyadza. Munzira mese hapana kana waitaura nemumwe pfungwa chete ndidzo dzaidyanana mune avo madzoro. Vakati zvino vavapedo nekusvika kwavaZvanyadza vakatanga kunzwa mhere. *"Ko mhere iyi ndeyeiko?",* wakabvunza Bhokisi. *"Wandasiya achichema ndiVhenekai asi handina kuziva waiva achichema chii nekuti kumashure kwake ndiko kwaiva nechipoko ichi",* wakadaro Chihera. Vakabva vanyarara zvavo ndokuenderera kumberi nerwendo. Sezvo kunze kwaiva kwati tsvaa vaisakwanisa kuona zvaiva kumberi. Mhere yakaramba ichiwedzera zvakaita kuti vaviri ava vatange kutya zvakanyanya. Kana arisaBhokisi waiva avakuita kudedera chaiko vachibva vamira kufamba. Vakamira kudero vakaona kumba kwaZvanyadza kwaita chiedza chemoto uyo waiva waveserwa panze ndivana Tirivashe Bhokisi ndokuti kuna Chihera, *"Chipoko chiya icho chabva chabaka zvino ayewa ngatidzoke zvako unorara kumba kwangu wouya mangwana kunze kwachena iwe",* wakadaro Bhokisi. Chiherawo haana kuda kupikisa vakabva vatokondoroka vose ndivo tande kudzoka kumba kwaBhokisi. ____________________________ Kusara kwakaita vana Vhenekai ava vaChihera vatiza vakasara zvavo ndokubatsirana kutora huni pabakwa ndokuvesera moto panze. Vhenekai naRumbidzai vakabva vafamba mudzimba dzevavakidzani vavo vachivaudzawo chaitora nzvimbo. Tarisai kunzwawo shoko rerufu rababa vake kwakaita wakabva atofonerawo dzimwe hama dzaiva ane nhamba nadzo. Tirivase naTineyi vakasara vachitemera mamwe matanda okuisa pamoto. Wakaveswa uno wenzeve dzaTsuro ndokutanga kudziya zvavo. Vanhu vakatanga kuwanda zvishoma nezvishoma. Husiku ihwohwo ndihwo hwakasvikawo Tarisai nemhuri yake navatete vana Vhenekai naBamunini wavo munin'ina wavaZvanyadza. Vakasvika pamba vanhu vazhinji vavepo asi Chihera havana kunge vaonekwa. Tarisai wakabva atora munin'ina wake ndokuenda naye padivi. *"Chiiko chanyatsa kuitika pana baba vedu nhai mwana wamai vangu",* wakabvunza Tarisai. Vhenekai wakabva atsanangura zvaitika zvose zvekubatanidzwa kwake naTirivashe uye kuda kuzobatwa chibharo kwakwe naBhokisi. Wakabva atsanangura zvakare kuda kuurawa kwemukomana wake naChihera achinzi ade Bhokisi nekuzodzoka kwavo vachiona vaZvanyadza chava chando. Wakapedzesera nekutsanangura kutiza kwaitwa naamai vake mushure mekunge vaona Tirivashe asina kufa. *"Zvakaoma zvatinoitirwa nevatinoti amai vedu ava vanotinyadzisa kwazvo. Kudai asina kumuka uchinzi ndiwe wauraya. Asi hope idzi wakadzirota wai urikumba kwangu zvino wazovarairwa neiko? Zvino varipiko bamunini vangu ndivatende nekuisa mutumbi mumba kwavaita uku",* wakadaro Tarisai. *"Ndambovaona vagere kumoto uko kune vamwe varume",* wakadaro Vhene. *"Saka ivo mhamha vatiza vachienda kupiko uye varikuzviziva here kuti murume wavo washaya",* wakabvunza Tarisai. *"Ini sekufunga kwangu ndinoti vaenda kwaBhokisi. Zvekuti baba vafa hapana chavanoziva nekuti handina kutaura navo vangosvika nekutiza chete",* wakadaro Vhenekai. *"Handeiko kwaBhokisi kwacho tivatevere ikoko. Hazviite kuti varare vasipo vanozoti vaivepiko kunana tete nana bamudiki. Enda unodana bamunini vatiperedzewo kwaBhokisi kwacho",* wakadaro Tarisai. Vhenekai wakabva amhanya kuenda kumoto ndokusvika achidana Tirivashe ndokubva vasimuka vose naTineyi. Rumbi waiva agerewo kudivi rake achiona vana Tiri vasimuka unobva asimukawo ndokuendawo kutevera kwavaiva vachienda. Vakasvika ndokukwazisana pamwe chete nekubatana maoko. Vhenekai wakabva achizivisa Tirivashe kuna sisi vake ndokuzivisawo sisi vake kuna Tiri nevamwe vake. *"Bamunini ndini ndakushevedzai kuno ndinokumbirawo mutiperekedze kwatinoda kuenda uko. Kwasviba kunze uku toga tatya veduwee sezvo tangoita vanhukadzi chete",* vakadaro mai Revai sisi vaVhenekai. *"Zvakanaka maiguru hapana chakaipa. Kunosvika mota here kwamunoda kuenda kwacho",* anobvunza Tirivashe. *"Inosvika zvayo asi handei zvedu netsoka tichimbozuwa tichifamba bamunini hakusi kure pedo zvapo",* vakadaro mai Revai. *"Zvakanaka maiguru handei zvedu",* wakadaro Tirivashe. Vakabva vapinda munzira vose ndokurukaka rwekwaBhokisi. Vaifamba zvavo vachitaura nyaya nokuseka. Zvoti vaiva vasangana vanhu vanenyambo vese Tirivashe, Tineyi namai Revai. Havana kana kuona kuti vasvika nguvai kwaBhokisi vakazongoerekana kuona vatosvika pagedhe rake. Vakabva vanyarara zvavo ndokudungamidzana vachisvika pamba paBhokisi. Vakasvika zvavo vari zii pasina anotaura. Vakasvika pagonhi vavakuda kuti vagugudze ndokunzwa........🤔 *Drop your comments* *Stay tuned💖*
❤️ 😂 🙏 👍 😢 😮 399

Comments