Taque Ndaks Entertainment 🇿🇼
June 10, 2025 at 07:06 AM
Hie Admin
Ndakasiyana nemudzimai muna December nokuda kwekungogara tichinetsana netwunhu twudiki diki tese hapana anoita sorry kungonyararidzana vhiki mbiri no bonde no talk no what. Ndiye akaenda nemwanasikana wedu ane 3years hapana aitaura neumwe kusvika ndazoona kuti zviri nani ndimutaudze tiite reconcile.akati iye anoda pagarwe dare hama dzese dziripo nemunyai tigadziriswe.
Dare rakagarwa tikakumbirana ruregerero pakati pevanhu tikaenda zvakare kwaPastor for spiritual healing tikadzokera kumba kwedu. Zuva rakatevera akati iye anoda kureurura zvaakaita during our separation hanzi ndakadanana ndikarara neumwe murume but zvakapera last month after he got back negirlfriend yake.tete ndakarwadziwa kuti mudzimai wangu akarara neumwe murume. Inio ndakarara neumwe mukadzi but I feel I can't tell her because it will hurt her. Handizivi kuti ndingawana solace here ndikamuudza because kana kudya ndiri kuradza chero kurara zvaramba.ndiite sei pamwe ndikamuudza anodzokera futi kwavo I'm confused. Ndiri kutsvagao mazano hama dzangu.mudzimai ndomuda asi ndikafunga kuti akatobvisira umwe murume bhurugwa ndinonzwa kuzarirwa
😂
❤️
🙏
👍
🥳
👫
🔥
😮
🙃
40