
CHIVANHU CHEDU
May 29, 2025 at 06:37 AM
*KUVARAIRWA*
Ngatingwarirei mweya wekuvarairwa , mhepo iyi yapa vakawanda kugara vaine misodzi pamatama*
*Usina mari unotoona matambudziko ako kuti ndeaya neaya anoda kufambirwa aya. Paunowana mari iya unobva wakanganwa kugadzirisa matambudziko aya zvinova zvinozoita kuti matambudziko aya arambe aripo uye zvakare arambe achikura*
*Vamwe ndivo vanotokwanisa kusimuka kunotsvaka rubatsiro warwuwana vanobva vakanganwa kwavaka batsirwa vamwe zvikwereti havatobvisw vanobva vatokanganwa zvachose zvinova zvinobara madzudzo*
*Zivai kuti kune mamwe madzudzo enguva refu (long-term) madzudzo aya haaoneke ipapo ipapo uyezve anotanga ari madiki oenda achikura uyezve achisimba*
*Vamwe vanoti varoorwa vanokanganwa kuti imba iyi yakauya sei. Vanokanganwa kuti imba inotoda kuramba muchikumbirira kuti mweya wemharadzo usapinde. Manje vanhu vanokanganwa kusvika imba yawa nekuda kwekuti munenge makanganwa kusvika wakaipa afunya rusero mumba menyu imimi*
*Umwe anotowana basa akonganwa kukumbirira basa rake kusvika basa rapera chikonzero anenge avarairwa kusvika mweya wemharadzo wagara*
*Ringava business chairo rinoda kugara munhu ari pamabvi kuti rirambe richifamba*
*Chipo chako chaicho chinoda kugara munhu uri pamabvi kuti chisimbe uye chikurewo kaaa*
*Zivai kubuda kwezuva rinobuda rakatakura zvakashata nezvakaipa. Saka zvinoda kupatsanura modzinga chakaipa mokumbirira chakanaka chizadziswe. Munzvimbo matinofamba umu munewo mhepo dzirimo dzamuno takurana nadzo mukufamba. Mudzimba matigere umu munewo mhepo dzirimo dzinosunga raramo nekuunza nhamo.*
*Mikumbiro yako ndiro donzvo rehupenyu hwako Mikumbiro yako ndiro zambuko rako zvakare. Saka ngatirambei mweya wakashata*
*Umwe anotono batsirwa mushe obva avarairwa kuti ndawana mubatsiri aiwa sandizvo. Sahwira haafe akava mudzimu wako kana kuva Mwari wako kwete*
*Mudzimu wako ndewako. Mwari wako ndewako saka umba hukama navo vakuzarurire👏🏻👏🏻👏🏻

❤️
😢
3