CHIVANHU CHEDU
CHIVANHU CHEDU
May 29, 2025 at 06:37 AM
*Muzhanje wechirungu nemuti wemuAvo* *Mange muchizviziva here?*👇🏽 Nhasi ndoda kumbotaura nezvemiti yatinosima pamba semuchero asi ine spiritual attachment mairi. Miti yandirikuda kutaura nezvayo miti inonzi *muAvocado or Mukotapeya* nemuti unonzi *muzhanje wechirungu*. Miti iyi kazhinji zhinji painosimwa inoitwa chivanhu or kutsipikwa kwainoitwa painodyarwa kuitira kuti miti iyi isazounze matambudziko pamusha painenge yadyarwa. Zvandichataura nezvazvo munogona kuzvibvuma kana kuzviramba asi ndinoda kuti muzvipe nguva yekunyatsocherechedza zvirikuitika pamusha wega wega une michero iyoyi inoti muAvo kana Muzhanje wechirungu. Ini ndaive umwe vevanhu vaimbozviramba asi ndakazosvika pakugutsikana ndega kuti zvechokwadi miti iyi ine spiritual attachment yainayo kana ikadyarwa pamusha. Vamwe vanotumidza muti iyi zita rekuti *Mharadzamusha*. *Matambudziko anowanikwa pamisha mizhinji yakadyarwa muAvo or Muzhanje wechirungu ndeaya uye ndinoda kuti muzozvicherechedze kumamisha kwamunobva or nzvimbo dzamunogara:* 1) Pamusha pane muAvo or Muzhanje wechirungu panoita padongo or vanhu vanhu vepamusha ipapo vanosvibamoyo nepamusha pavo zvekungopasiyawo pongozoparara pamusha ipapo. 2) Pamba ipapo pane muAvo or Muzhanje wechirungu panofiwa fiwa. 3) Pamba ipapo pane muAvo or Muzhanje wechirungu panogara paine kusanzwisisana zvekuti vana havavirirane. 4) Vabereki vanongozosara vachigara pamusha ipapo wega or vana vanouya nenguva irikure. 5) Munhu anenge akadyara muti iwowo akangofa chete, pamusha ipapo panosara pachiita dongo or kutengesa musha wacho. 6) MuAvo unoita bvute rinofarirwa nevaroyi usiku or ndipo pavanoitira musangano vavo kana iri nzvimbo isina muhacha or mimango mihombe. 7) Pamusha ipapo vanasikana or vanakomana wepo mamarriages avo anematambudziko zvekuti havagari nevarume or nevakadzi. There is high divorce rate pamusha ipapo. 8) Pamusha ipapo panogara vanhu vachirwara rwara. 9) Pamusha ipapo panoita imba dzisina kutsarukana or dzakasakara sakara zv
❤️ 😮 👍 🙏 7

Comments