Uncle Gee Secrets & Confessions 🇿🇼
Uncle Gee Secrets & Confessions 🇿🇼
June 11, 2025 at 05:37 AM
Uncle Gee makadii sorry ndichati rebeseyi nyaya yangu kut inyasonzwisisika. Ndaidananawo nemkomana wangu zvakanaka chaizvo problem yakazovapo nekuda kwekuvimbisana kwataiita kuti ndichamira newe kunyangwe zvinhu zvakaoma mashoko awa akagara mumoyo wemumwe wangu zvekuti akabva atonyanya kurelaxr bcz akabva azviudza kuti ndazomuwana muskana asingade mari. Takadanana tijatoita kana bonde chairo aive caring zvake ndakazobvawo munzvimbo yeharare nechiuya kwandiri kuno kurikuzoshanda basa remumba ipapo umwe wangu akabva atorelaxer zvekutoti sometimes anga akutondinetsera kana mari yemurivo chaiyo. Ndakatanga kushaiwa mafeelings naye but ndakamboshingirira nekuti takange tavekuziikanwa nevanhu vakawanda kuti taidanana . Ndakazongotiwo aah lemi try vaite 2 ndiwane hangu wekuonana naye kuno ndakamuwana zvesure tikatanga kudanana manje uyu wechi2 anga asina kana time neni but anga ari responsible ndakaonesana naye kuti zvaaiita ndaisazvida akanditi zverudo handinyasozvinzwisise ndidzidzisewo ndakatanga kumuudza zvandinoda nezvandisingade iye achitevedzera akachinja rudo kwakutanga kufaya. Ndakabva ndaudza mumwe wekuharare kuti handichada nezvake iye akarwadziwa zvekuti kana neni ndakatorwadziwawo zvino chakundinetsa ndechekut ndirikufunga kut ndagona here zvandaita kurwadzisa munhu kudaro ko uyu haazondipandukiri here mangwana since umwe wacho aiva pastor he was so nice lving and caring but he broke my heart paaingotaura zvinhu zvisingaitike worse now ndirikunamata kuti Mwari vandiratidze kuti ndiye here chaiye ndorota asi ndomuka ndatokanganwa ndibatsireiwo vanoti ndiroorwe newandinaye iyeye wekuno🤣 Vanoti pastor varibol havasi financially stable chete🙏
Image from Uncle Gee Secrets & Confessions 🇿🇼: Uncle Gee makadii sorry ndichati rebeseyi nyaya yangu kut inyasonzwisi...
🙏 😂 🤣 ❤️ 🤷‍♀ 🍑 👍 💩 😢 🚮 82

Comments