
Uncle Gee Secrets & Confessions 🇿🇼
June 11, 2025 at 07:14 AM
*HIGH SCHOOL FIRST LOVER🏫📚🎒📚😘*
https://whatsapp.com/channel/0029Vb5jfH5LCoX0ba2zhN0X
*Written by Uncle Gee*
*REACT BEFORE YOU READ ❤️❤️❤️*
*BHUKU RINOUYA NEMA REACTIONS ❤️❤️❤️*
*CHAPTER 3*
Hoyo mwanasikana aisa text zvakare "Denny are you still coming I'm waiting for you honey" pakunovhura text ndanga ndigere nemafiya rangu rekundiseka riye vakabva vaona text iya kuzodaro vakomana vakati vanakirwa kuti ndane babe. Vakatanga kundibvunza kuti ndiyani muskana wacho sezvo ndanga ndato saver number kutiwo Love Of My Life papi pacho ndanga ndamurudo kaa.
Ndikabva ndati has zita handitaure kuvakomana ava ndingatozotadza kuenda ndasekwa futi. Vakomana vakato don't worry text taona ka wakamirirwa chienda hko tiri kumashure kwako toona tega. Ipapo hana yakabva yarova kuti ndoenda ndine escort first sight kuti ndivaudze haa iyo yanga iri last option. Vakomana vakandigara bumper ndati.
Ndikati haa handisimuke kusvika vakomana ava vaenda. Ndione yowe zvavatori muyedzo nhai imi vangasimuke. Patone 10 minutes mwana atexta kaa paya ndatoti ndakuuya ndikati mdodiiko nhy maihwe. Mwana achibva aita zvekufona apa ndadikitiro zvino. Ndakazongosimuka pakati pevakomana ndichimhanya ndokudaira phone ndichimhanya kudaro ndichiti ndakutosvika ipapo.
Ndamhanya paye kuzoti cheu haikona kutaura mafiya rikutouya apa Nancy ndaona paainge agere ku ground ende iye ainge atondionawo nechekure. Kuti ndimire nditsitsewo team rangu hana haa yenge itori too late yanga yato makisazi chimoko chaiona. Ndikati rega mdichinje route mdipfuure nemu toilet team rikatera ndoriudzira ikoko. Izvo ndanyangira yaona vakomana havana kuuya vakanomira nechepamberi.
Apa mu toilet ndainge ndangopindawo weti panga pasitorina. Kudoverenga tuma minutes kuti ndinzi ndapindirawo ka chiripo imi kubuda kudai haikona vakomana varipo. Ndaive neka dollar muhomwe ndikati rega nditonyore vadzokere havo haaa vakomana vakati unonyepa. Kutarisa kuna Nancy anga asimukira kuda kuona kuti chii chikuitika takabva tatarisana ndikati rega ndifambe ndichiendako.
Vakomana varikutera haikona apa vachingozhinya kunge mapenzi iniwo haa chiso chaburuka zvino ndatopedyo kudonhedza tumisodzi ko ndaimbotana here. Mwana anga asimuka kaa paye sevanhu vaidanana mwana paitoda rumbundiro/hug asi ini manje confidence dzanga dzadonha kare dzanga dzagara dzisitoripo nechekare.
Mwana akarova stanzi yerumbundiro ini ndakanosvika neruoko ko ndaizvizivirawo kupiko. Kuzodaro escort yangu ikati yaseka zvino haaa kunyara ikoko. Ndakabva ndaita hasha at the same time because naiye Nancy akasekawo. Aozotadzawo neiko ne drama randanga ndaita. Asi hasha idzi dzakandipa hushingi ndakabva ndatanga kupopotera vakomana vakaona kuti ndatsamwa vachibva vatanga kudzokera vachidedzera zvinomakisa hanzi "ndiye muskana wako" rimwe roti " wakanyengerwa nani haisi type yako" rimwewo roti "haa apa wadanana ne gevha" nxaa ndakada kuvaendera ne hasha Nancy achibva andidhonza ndichibva ndayara.
Tasara tiri vairi zvino ndakunzi "asi ma friends ako wawati vakuperekedze asi wanga uchinyara kusvika wega" kumuudza kuti vanga vachinditera zvaisazonzwisisika ndakangonyarara hangu bvandangomuti ndauya Nancy. Zvikanzi "but wandiwachisa kundinyima hug pamberi pema friends ako bhoe here" ini nechemumoyo zvaindinetsa kuti hug inotokosheswa kudaro ndakazongoti "sorry Nancy confusion chaiyo. Zvikanzi" don't call me Nancy pa phone uri sweet wani ndiite zvaunoita pa phone" ini hezvo zvinhu zvino nyorwa zvotaurwa futi.
Haa ndakaona horror musi uyu kusvika ndakuita ndichijairana naye nyaya ndodzaiita kakunetsa pekutanga because inini mdaifunga kuti unotofanira kutotaura zvine musoro chete kaaa kusaziva kuti zve love chese chawataura chinopindurika. Takazoti tatandara imiwe zvakazoitika aive ma svanhikongonya chaiwo
*React and share for next chapter* ❤️💗💓
*KANA WAPEDZA KUVERENGA SIYA REACTION ❤️❤️* ❤️
*_For more information and advertisements contact 0719301168_*
❤️
👍
😂
22