
Miti, Sora ,Mhuka Zvinorapa neDzidziso dzechivanhu 🇿🇼
June 3, 2025 at 10:00 AM
*Unoziva sei kuti mwana wako anosvikirwa*
Vana vanedzimu vano vhumuka kana vakarara nekuda kwekuti anenge achiona zvunhu zvevanhu
Vanotaura voga kana vakarara dzimwe anotaura zvaaswera achiita
Dzimwe nguva anotaura asi anenge asiri iye
Dzimwe nguva anomuka ariku hope agofamba kuda kutobuda .kutosvikirwa
Dzimwe nguva haakasike arara
Kazhinji vanorohwa nemunhikwi
Vana ava kumuendesa kuchikoro idambudziko ..vanochema pacresh ne grade one asi anozojaira anenge oyendawo oga
Zvikabata haasvike kuchikoro anogara musango ozouya kumba nguva yekubuda kwevamwe yakwana
Vana ava vane zvipo vanoona zvakawanda saka vanoda kupota vachizorwa mafuta egwai
Pavanoinda kuchikoro
Kana vasati varara
Vamwe vacho vanoto muka vachitoda bute
Njere dzavo vachiri vadoko dzedzo funga semunhu mukuru
Iko kumwa tea vanomwa tea makapu akawanda
Iko kudikitira vanodikitira nguva nenguva dzimwe nguva nekuda kwezviri paari
Haafarire kufuka jira chero kune chando anorashira jira kure
Havafafire butsu
Havafarire masocks
Havafarire mugwada
Havafarire kuinda pavanhu vakawanda
Ukainda naye pane vanhu vakawanda anenge asina mufaro asi zvozoita zvichino pera
Vana vakadero ukaona vakachema zvekuramba kuinda paya paunenge waronga rwendo
Rega kuinda nekuti mudzimu uripaari unenge uchikupa chenjedzo
Vana ivavo vanovhumuka husiku musaita kuti vaone pano urawa mombe mbudzi kana huku vakatarisa ...Vanogona kusazodya nyama hupenyu hwavo
Umwe unomuona nekuramba ramba zvimwe zvikafu zvamobika
Kune vana vakatemerwa nyora dzehuroyi ....Vanotsenga vakarara ..
Vanomuka kana vakarara kutoda kuinda panze rerabata shavi
Vanomuka vogara asi ariku hope
Haade salt yakawanda muusavi
Kuvenga vanhu vanosvika pamba nekahu tsinye
Zvino ukaona zvichidaro ngaakweshwe nyora achiri mudiki nekuti akakura akadaro anotozo ita muroyi
Cherechedzai vana venyu muva chengete muchiona marara miro avo sevabereki
Une mwana anoita zvandataura here ?
Kana waverenga ita ndizive nekuisa like nekukoka vamwe

🙏
👍
❤️
❤
😢
😂
👏
😮
😭
☝
907