Miti, Sora ,Mhuka Zvinorapa neDzidziso dzechivanhu 🇿🇼
Miti, Sora ,Mhuka Zvinorapa neDzidziso dzechivanhu 🇿🇼
June 3, 2025 at 03:48 PM
❤️ Pamusika wako usatsvairirwa nemunhu tsvaira wega uye tsvaira rungwanani kwete zuva rovira.kune vanofarira kutsvairira vamwe pamusika yavo kuita serudo iko kurikuto tsvaira vatengi .Zvaanenge achitaura mumoyo make achiiudza mutsvairo zvihombe chenjera❤️ ❤️Ukaona munhu anotsvaira pamba pake vanhu vachangobva .Zvoreva kuti vanhu ivavo anenge asingade vadzoke zvepamba pake .anenge achitsvaira tsoka dzavo kuti vasadzoka zvakare .Ukaona mukadzi anotsvaira vanhu vachangobuda Ngaavhenekwe aonekwe kuti haana shavi rehusiku here❤️ ❤️Mutsvairo unodzinga zvakaipa nezvakanaka zvichiyenderana nekuti munhu arikuutsvairisa arikutaurei mumoyo make zvamubata anotsvaira husiku ziva kuti anenge achisunda mhepo nemutsvairo Kune anotsvaira masikati rakacheka nyika zvinovhundutsa❤️ ❤️Ruvanze runotsvairwa rungwanani nguva dzeshanhu zvichidzika kusvika kuma nomwe unotsvaira uchitaurira kuti zvese zvakaitwa husiku takuzvi tsvaira zvidzokere kuvaridzi .Wotaura kuti varoyi vakauya husiku takukutsvairai tsoka dzenyu musadzoka pano zvakare❤️ ❤️Mutsvairo une simba rekudzosera hondo kuburikidza nekutsvaira uchitaurira .mutsvairo unoshandiswa nevaroyi kusunda mhepo Saka mhepo dzasundwa nemutsvairo dzino dzoserwa nemutsvairo❤️ ❤️Mutsvairo kana wava mudiki vanhu vanorasa .Dai maita zvekupisa muchitaurira kuti mhiko dzakaitwa nemutsvairo mumhuri medu .takudzidambura mobva mapisa zvenyu nokuti mutsvairo mutsvairo mutsvairo mushonga wakaipa mushonga wakanaka❤️ ❤️Kazhinji kurota uchitsvaira zvoreva kuti ukubvisa zvakaipa zvakaiswa muupenyu hwako .kazhinji mowanzo kurota hama dzenyu dzichikutsvairirai mudzimba Zvodudza kuti mudzimu wako unenge uchitsvaira svina mukati mehupenyu hwako .Kutsvairirwa nzira kuti ichene ufambe manake marara kana atsvairwa kaaworerwe araswe nekuti ukamasiya unenge wazviroya wega❤️ ❤️Semuma dhorobha toziva munogarisana makawanda nekuda kwekuloja .zvakakosha kuti umwe ne umwe ashandise mutsvairo wake .kukumbira mutsvairo kwakafanana nekukumbira Murume/Mukadzi
Image from Miti, Sora ,Mhuka Zvinorapa neDzidziso dzechivanhu 🇿🇼: ❤️ Pamusika wako usatsvairirwa nemunhu tsvaira wega uye tsvaira rungwa...
🙏 ❤️ 👍 😂 😢 😮 👏 🤣 🌹 226

Comments