
Miti, Sora ,Mhuka Zvinorapa neDzidziso dzechivanhu 🇿🇼
June 4, 2025 at 02:43 PM
*ZVIZIVE KUTI KUSHANDISA BVUDZI RE MURUNGU HUROMBWA*
Kuzora mafuta e Sandawana hurombwa
Kushandisa ivhu rekumakuva hurombwa
Kushandisa mvura yagezwa zvitunha hurombwa
Ukaona munhu anokuti tsvaka bvudzi remurungu uuye naro ziva kuti munhu iyeye akaipa chaizvo
Mafuta eSandawana kumashandisa kwaunenge womaita ndokupera kwemhuri yako ....Chimhuka chonzi Sandawana chakaipa
Hakuna lucky rinobva pabvudzi remurungu
Hakuna lucky rinobva pasandawana
Hakuna mudano unobva pamvura yageza zvitunha
Asi kuti ukaona zvunhu izvozvo zvokuitisa lucky ziva kuti Hama dzakufa gore ne gore
Ndakati lucky hombe ririmuropa mako ndosaka muchiiswa nyora kuti dzisvibise lucky riri muropa mako ....Unenge waiswa poison yenyoka nemushonga wakaipa kuti uite munyama ..
________________________________
_Makumbo ako unozora mafuta ekutsvukisa asi haatsvuki ??? I sign ye nyora mumakumbo_
.Saka usarombe nokuti hupenyu hwakuomera sukwa ropa rako uone
Mari yeziya inonakidza kudya uye husiku unorara hope dzehumambo
Mari yehurombwa inorwadza kuidya nokuti zvacho zvaunenge uchiita zuva ne zuva unozvidemba ..ukada kuzvisiya unofa
Saka gara uri kuritivi rwakachena ...Usashandisa mishonga yausinga nzvisise nekuda kwekunzi mushonga welucky ...Hakuna mushonga welucky pasi pezuva asi kuti Lucky ririmuropa mako
Mudano pamusika wako uri muropa kwete nemvura yezvitunha
Mudano pachurch pako urimuropa mako kwete kuchekeresa vanhu
Maziso emweya arimuropa mako kwete musoro yegora yamuri kushandisa
Taurai nevadzimu venyu vanonzwa ...Variko vanofamba nevakachena
Taurai naMusikavanhu anodaira Mwari ariko ngirozi dziriko asi Zvofamba nevakachena
Kana uchiita zvechivanhu unotenderwa kunamata here ????
__________________________________
Mudzimu wakachena unozviziva kuti kuna Mwari ....Hongu namatai munamatise .hupenyu hwenyu husunungurwe .....Paunonzwa kuda kunamata namata .....paunonzwa kuda kukumbirira kana kupira ....pira zvako
Ndini ndakambo taura ndakati zvofambidzana ....
Ngwarira kusungirwa dzimu rako nezviyo ...Usainda nazvo zviyo kumasowe ..hanzi tuzvisunge pamucheka tozvisiya mugomo .Gara warega kuinda nazvo nokuti ...Wava padhuze nekutsipikwa iwe
Njuzu inogwinha semagetsi here kana kukonzera mheni????
Njuzu dzinogara pamutumbi umwe chete dzakawanda here ??
Njuzurume ne njuzu hadzi dzinogara pamunhu one here dzese ????
Mibvunzo iyo ndichaipundura chimbowedzerai kuwanda kuburikidza nekukokana .Ndakanzi ndikudzidzisei makawanda
Kana waverenga ita tizive

🙏
❤️
👍
👏
❤
😂
😢
😮
🔥
✔
1.4K