Miti, Sora ,Mhuka Zvinorapa neDzidziso dzechivanhu 🇿🇼
Miti, Sora ,Mhuka Zvinorapa neDzidziso dzechivanhu 🇿🇼
June 4, 2025 at 02:43 PM
*ZVIZIVE KUTI KUSHANDISA BVUDZI RE MURUNGU HUROMBWA* Kuzora mafuta e Sandawana hurombwa Kushandisa ivhu rekumakuva hurombwa Kushandisa mvura yagezwa zvitunha hurombwa Ukaona munhu anokuti tsvaka bvudzi remurungu uuye naro ziva kuti munhu iyeye akaipa chaizvo Mafuta eSandawana kumashandisa kwaunenge womaita ndokupera kwemhuri yako ....Chimhuka chonzi Sandawana chakaipa Hakuna lucky rinobva pabvudzi remurungu Hakuna lucky rinobva pasandawana Hakuna mudano unobva pamvura yageza zvitunha Asi kuti ukaona zvunhu izvozvo zvokuitisa lucky ziva kuti Hama dzakufa gore ne gore Ndakati lucky hombe ririmuropa mako ndosaka muchiiswa nyora kuti dzisvibise lucky riri muropa mako ....Unenge waiswa poison yenyoka nemushonga wakaipa kuti uite munyama .. ________________________________ _Makumbo ako unozora mafuta ekutsvukisa asi haatsvuki ??? I sign ye nyora mumakumbo_ .Saka usarombe nokuti hupenyu hwakuomera sukwa ropa rako uone Mari yeziya inonakidza kudya uye husiku unorara hope dzehumambo Mari yehurombwa inorwadza kuidya nokuti zvacho zvaunenge uchiita zuva ne zuva unozvidemba ..ukada kuzvisiya unofa Saka gara uri kuritivi rwakachena ...Usashandisa mishonga yausinga nzvisise nekuda kwekunzi mushonga welucky ...Hakuna mushonga welucky pasi pezuva asi kuti Lucky ririmuropa mako Mudano pamusika wako uri muropa kwete nemvura yezvitunha Mudano pachurch pako urimuropa mako kwete kuchekeresa vanhu Maziso emweya arimuropa mako kwete musoro yegora yamuri kushandisa Taurai nevadzimu venyu vanonzwa ...Variko vanofamba nevakachena Taurai naMusikavanhu anodaira Mwari ariko ngirozi dziriko asi Zvofamba nevakachena Kana uchiita zvechivanhu unotenderwa kunamata here ???? __________________________________ Mudzimu wakachena unozviziva kuti kuna Mwari ....Hongu namatai munamatise .hupenyu hwenyu husunungurwe .....Paunonzwa kuda kunamata namata .....paunonzwa kuda kukumbirira kana kupira ....pira zvako Ndini ndakambo taura ndakati zvofambidzana .... Ngwarira kusungirwa dzimu rako nezviyo ...Usainda nazvo zviyo kumasowe ..hanzi tuzvisunge pamucheka tozvisiya mugomo .Gara warega kuinda nazvo nokuti ...Wava padhuze nekutsipikwa iwe Njuzu inogwinha semagetsi here kana kukonzera mheni???? Njuzu dzinogara pamutumbi umwe chete dzakawanda here ?? Njuzurume ne njuzu hadzi dzinogara pamunhu one here dzese ???? Mibvunzo iyo ndichaipundura chimbowedzerai kuwanda kuburikidza nekukokana .Ndakanzi ndikudzidzisei makawanda Kana waverenga ita tizive
Image from Miti, Sora ,Mhuka Zvinorapa neDzidziso dzechivanhu 🇿🇼: *ZVIZIVE KUTI KUSHANDISA BVUDZI RE MURUNGU HUROMBWA*  Kuzora mafuta e ...
🙏 ❤️ 👍 👏 😂 😢 😮 🔥 1.4K

Comments