Miti, Sora ,Mhuka Zvinorapa neDzidziso dzechivanhu 🇿🇼
Miti, Sora ,Mhuka Zvinorapa neDzidziso dzechivanhu 🇿🇼
June 6, 2025 at 03:45 AM
*BATISISA APO UTARISE HUPENYU HWAKO* *Mari:* Unoshanda zvinoita vana ve vamwe asi yako mari inoita kunge inoiswa mu hombodo yakabooka. Hapana chainoshanda kana chimwechete zvacho. Vaunoshanda navo vamwe vanotambira shoma pane yako asi zvavo zvino endeka vachiita zvihombe asi chabuda hapana. Vamwe vanotengesa paunotengesa uchitovadarika kutengesa kwacho asi zvavo zviri kuendeka iwe uri wekunhochema chete. Tarisa kuti mari yako iri kushandei. Vamwe achibva kutambira akutonokwereta zvakare. Kutokwereteswa neumwe wekubasa kwako anotambira mari shoma pane yako iwe. Chii chiri kuitika pa hupenyu hwako? Ndati ndimbovhura meso edzimwe mhwere zvangu ini svava isina chainoziva zvayo. Hupenyu hwako hwakaiswa mweya unoganhura chese chaunobata. *The Spirit of Limitation.* Unoiswa sei mweya uyu. Unokumbirwa mari ingave hama, shamwari ine godo ne hupenyu hwako. Wamupa mari iyoyo anoi kumbirira kumadokero achi sunga raramo yako pamari iyoyo. Oisa muganhu we mari ausingafanire kudarika. Mhepo iyoyo inofamba ne imwe inonzi *Monitoring Spirit* Uyo mweya wekuongorora ndiwo unofamba newe pese paunenge uri nekuti paiswa muganho pazvinhu zvaunofanira kubata iwe wacho. Muenzaniso se uyu: Padeketerwa kunzi ningi haafanire kubata mari inodarika $1000. Unoshanda basa rako ringave rekutengesa uchichengeta mari yako. Unofamba zvakanaka mari ichibatka asi ikangosvika pa $1000 paye zvatoipa. Matambudziko anosimuka zvausinga nzwisise. Pamwe panoita hurwere, mota inobva yafa, kana kungoita chiri kuda mari changa chisipo paurongwa hwako. Mari iyoyo inobva yashaya kupera chaiko. Unozopepuka mari hapasisina. Wautanga zvakare kuunganidza mari uye hazvirambe zvinotofamba. Ichingosvika pako paye dambudziko rasimuka. *Monitoring Spirit* basa rayo kupa muridzi wayo pawasvika iye muridzi oenda pa mari paye pane mhiko dzake wotosimudza mhepo zvake zvaita iwe wopindana nadzo zvako. Mari yako iwe ndiyo inopedza mari yako zvakare nekuti yakaiswa mhiko pairi.
🙏 😢 ❤️ 👍 😭 😂 😮 👏 🤷‍♂ 228

Comments