
Miti, Sora ,Mhuka Zvinorapa neDzidziso dzechivanhu 🇿🇼
June 7, 2025 at 11:52 AM
KUROVA GUVA /MAGADZIRO /KUKOMBA GUVA
Ibasa kana kuti mutambo mukuru kwazvo unoitwa nesu Makaranga ,Mazezuru,Makore kore ,Mandau , Chewa,Matoko,Varemba,Tonga,Ndebele,.
Kurova guva zvoreva kudzosa mushakabvu kumusha nemabasa ake akanaka aiita ,pada ndisekuru ,mbuya ,tete,tateguru zvichingodaro
Kana mumhu akafa achizvisungirira /kumwa mushonga /kuzvibaya nebanga /haitirwe magadziro ,nokuti hapana mhepo yakanaka ipapo ,inengenge yatove ngozi yomodzosa kumusha ska inozofunya chisero yoramba ichipedza mhiri kana dzinza
Panotsvagwa zviyo /nhunga chinokwana kubika doro veukama vashoma vosuma zviyo /mhunga iyo vasati vanyika mumvura ,kusuma kutaurira muridzi uyu kuti tave kudzora mumusha uchengete mhuri nekupa marairwa kipwere dzichiyaruka
Pedzezvo vonyika chimera chiye kwe svondo rakazara ,(monyika mumvura 2 days monyukura zuwa rechi 3 chodonha mvura mvura yese moputira zvenyu nemasaga zvokuti mhepo haipende ,zzuwa rechi 4 mombovhura movona kuti chiri kumera here apa mopota muchisandura ma sides achinge chakagara nawo )
Kana chanyatsomera chinoita shoro (kuita white white kunge musoro we harahwa yachena vhudzi musoro
Zvadaro moisa paguyo machembere okuya zvawo.
Doro ravambwa zvese zvese zvinodiwa moisa panzvimbo sekuti mbudzi ,mombe ,huku...
Mombe inomirra usavi hwevanhu vachakubatsirai kuita mutambo uyu ,mbudzi mbiri ,,kana Ari mukadzi ari kugadzirwa moshandisa sheche kana Ari murume moshandisa nhongo /chikotora
Asi zvisiyana kana mumusha maipirwa bhuru remusha kureva kuti hakuuraiwi bhuru rinopirwa chete chete nekudirwa doro rosuma zvaro kana mazofunga kuri uraya rimwe gore muno misikidza bhuru rimwe ,rotsiva iro ramave kuraya .
Poita pfuko mbiri dze doro dziniswa mbiya kumusoro monama nedhaka kana ndove yemombe .dzinoiswa kuchikuva mu kitchen dzokumbirirwa kubva knana baba vemunhu Kuenda kuna na mai vemunhu .mbira ,ngoma nehosho zvoridzwa kusvika kwachena ,asi batai apa mamwe marudzi vanotora midzimu manheru sakà vanoita magadziro kubv
🙏
❤️
👍
😮
😢
😂
👏
🔥
🤣
❤
122