
Miti, Sora ,Mhuka Zvinorapa neDzidziso dzechivanhu 🇿🇼
June 9, 2025 at 07:19 PM
*Kukumbirira kumidzimu*
Pamusoroi varidzi venzvimbo ino yandigere
Pamusoroi varidzi vematunhu ano atigere
Ndauyawo mudare renyu rino ndini **** mwana wa***** muyera ****
Handizive, ndiri pwere ndinochemawo zambuko pakurarama
Handizive maishandisa bute here kana upfu
Asi ndauyawo pano nebute iri ndichiremekedza dare renyu
Pamusoroi mhondoro dzedzimbahwe
Pamusoroi makombwe edzimbahwe
Ndakumbirawo kutaura nevemukati memusha wandakaberekwa.
Pamusoroi madzitateguru angu vaera ****
Pamusoroi madzisekuru angu akanaka vaera ***
Pamusoroi ana baba vangu vakanaka vaera ***
*Zvakanaka kuziva kudetemba mitupo yedu chikonzero kana uchida kusofta mhene kuti isiyewo something inoda kuudzwa mazwi matete anokodza moyo*
Chekutanga kumbirai ruregerero pane zvose zvamunotadxa zuva nezuva mukurarama kwenyu. Kumbiraiwo bvumbamiro, ruchengetedzo kubva kumhepo dzakaipa dzinosimudzwa kubva kumativi mana. Mweya yemabvuri zvikwambo nezvidhoma aewazve midzimu yekwababa ndoinorwira saka irambei ipapo. Mochikumbira zvimwe zvamungada ipapa.
Chiregai ndiendewo kumachembere agere mukati memusha wandakaberekwa.
Pamusoroi ziteteguru remumusha rakanaka muera ***
Pamusoroi madzimbuya angu akanaka neukuru hwenyu vaera ***** *vakabereka baba*
Pamusoroi madzimbuya angu akanaka neukuru hwenyu vaera ***** *vakabereka amai*
Pamusoroi ana amai vangu vakanaka neukuru hwenyu vaera **** *mutupo waamai*
Zvimwechetezvo kumbirai ruregerero, mokumbira bvumbamiro neruchengetedzo.
Tendaiwo dzimba dzamakapihwa kureva haranga/hombarume kunyangwe nepwere dzamuinadzo nedzinouya nezvose zvamungade.
Mopedzisa nekuvashavi vakasiyana siyana vagere patiri.
Kumbirai kuti vabatane vose vamadana padare iri vaite sungawirirano imwechete. Kuvakadzi toitawo mupururu katatu uri pasi pasi, varume tichiuchirawo.
_moisawo malikes❤️🙏🏻👍🏻😢 tirambe tichienderera mberi nefzidziso_

❤️
🙏
👍
❤
👏
😂
😮
🔥
😢
🩷
696