
MAI YOLLAR SHONA NOVELS🇿🇼
June 4, 2025 at 06:41 PM
*MARRIAGE SORROWS*
♨️♨️♨️USAJAMBWA NEDZIDZISO IRI MUBOOK IRI
https://whatsapp.com/channel/0029VaIueYQCRs1hHK8hB31b
*Kwamai Yollar kune zviwanikwa gara wafollower channel iyi usasara*
https://chat.whatsapp.com/G582F3GVPoXHqpBFUH8l3e
*Handei mugroup tisajambwa nebook mafans*
*✍️ By Nommar aka maiYollar*
📲+263⁷⁷³669⁵⁴⁸
📲+263⁷¹⁹533⁰⁴³
Chapter 4
Mai Chido
Mhinduro yababa vaChido yakandityora, ndakavatarisa ndikati.......
"Baba vaChido, kana muchida henyu kuzondirwadzisa itai rimwe zuva, asi kana tava kutaura zvemari yevanhuka ndipeiwo ndapota."
Baba vaChido:: "Mari iyoyo ndanga ndichida kukupa asi handichatodi manje."
Ndakaona kuti kuramba ndichinetsana nemunhu kunonetsa. Ndakatanga zvangu kusaver yemuriwo paanenge asiyawo ipapo.
Ndakatanga kupa mai Tari mari yavo zvishoma nezvishoma asi zvainyadzisa, nekuti hazvisizvo zvatanga tawirirana. Ndaiva ndakagara zvangu asi moyo wainge uri kuvana. Kuitanga kuna baba vaChido ndaibva ndanzi vasiye vari kumusha kwavo. Achiona ndine ava vana 2 vasingadi kunyanya kudya aibva aita kuita seane shavi rehutsinye chokwadi mukadzi mukuru akaita seni wobvunzwa kuti 1kg yerice waibika kangani kkkkkkklk. Zvakaramba zvichindidya moyo zveshuwa hupenyu hwekushungurudzwa hwakanga hwandibaya.
Ndaigara misodzi iri pamatama, dzimwe nguva ndaiita kurara ndakasvinura zvangu. Kutukirirwa, ndaigoudzwa huchapa huchembere sezvinonzi aiva mudiki kwandiri.Zvisinei rimwe zuva akauya akaisa muromo mumhino, hanzi ndamiswa basa.Chaiva chokwadi basa rakanga rapera, chakaitika kubasa kwaaishanda kwaiwanzo simudzwa zvinorema, saka iye nedambudziko rake remoyo zvainge zvisichapindirani. Mukomana akarara achishanyarika usiku hwese, ini kutoita zvangu sendisina zvandanzwa, kweteka kuti ndaisarwadziwa asi kuti veduwe hunhu hwababa vaChido hwairwadza handidi kunyepa.
Ipapo ainzi ane mari yaachapiwa kubasa kwacho ndaingoti dai achiti tiite zvine musoro asi ndaitoziva kuti anoirongera ega. Kugara pamba ndiko kwaanga akuita baba vaChido, yedoro aisaishaya zvake ko vamwe vedu ndivoka vane rombo rakanaka vanongotengerwa zuva nezuva kkkkkkklk. Ko ndingatii aingoti ndinotengerwa.Ini hangu ndakanga ndatanga futi zvemafreezits nemaputi , Zvandakanga ndasiya ndichienda kumusha ndizvo zvakabhadhara mari yamai Sipho saka kwaiva kutotangidza. Nyemwe ndinoriziva ini, baba vaChido pavaiienda kubasa vaisada kuona chinhu chavasina kutenga mumba , ndaitorohwa, kukumbira panext door kwairovesa asi panguva iyi akanga asisina basa nazvo. Iro freezit raitengwa zvekupenga kani, mai Sipho vakangaka vane musika pagate rechikoro pakanangana nepamba saka ndipo pandaingoisawo zvangu.
Rimwe zuva akauya iye baba vaChido kubva kubhawa, ndakatoshamisika kuti vakasira kudaro kwakanaka here. Akasvika ndichiwacha zvangu zvibhurugwa zvaChipo zveweti, ndakatambira cabbage raaiva akabata ndichibva ndati .....
"Maswera sei?"
Baba vaChido:: "Ndaswera, ko foni yako haisati yagadzirwa here iwe?"
Me:: "Yakapera, chakudiwa mari yacho."
Baba vaChido:: "Ita unoitora, handidi zvekunetswa ini nehama dzako pafoni pangu, ivo vanenge vapiwa naniko nhamba dzangu?"
Me:: "Asi pane afona kani?"
Baba vaChido:: "Ehe, hameno hanzi mbuya vako vafa kumusha, ooo ufone unzwisise." Ndakatora foni ndikafona kuna mainini vaiva vafona vacho. Ndakaudzwa zveshuwa kuti munin'ina wambuya vangu mai vamai vangu ainge ashaika. Kubva tichikura ndivo vandaiziva kuti mbuya sezvo mbuya vangu vainge vakashaika. Kutaura chokwadi ndakarwadziwa, ndakatarisa baba vaChido uku musodzi wakutoyerera, hongu ndaichema mbuya vangu asi chakanga chanyanya kundirwadza ndicho chekuti ndinotenderwa here kuenda kunhamo.
Ndakanzwa moyo wangu kusununguka pakanzi naBaba vaChido....
"Kuri kuita marii kuenda?"
Ko ndaimboiziva here ini, ndakamudaira ndikati....
"Mazuvano handizivi ini."
Baba vaChido:: "Unokwanisa kuwana anokupa here uende asi vachingovigwa modzoka nevana vangu."
Me:: "Ko ndingamuwanepi nhai baba vaChido?"
Baba vaChido:: "Unomushaya neiko? Handiti tomudzosera here?"
Me:: "Ummm ndinenge ndava kutombotsvaga tsvaga." Sezvinei pakabva pasvika mumwe murume hameno madhiri avainge vakaita naye, aiva atouya nemari yavo. Ndaingokwenya mhuno nekasiyanwa kuti dai vakandipa kani.
Ndakaipiwa yebhazi chete, pasina kana yekutengawo chekusvika ndabata. Ndakangoti chero ndatoenda. Ndakagadzirira manheru iwayo, ndakazorara ndatopedza kugadzira bag rangu nevana vangu. Mbuya vainge vafira kwaMurehwa kunova ndiko kwaiva kumba kwavo. Kuseni ndakamukira, ndakaoneka vamwe vangu ndokuenda kumabhazi. Hatina kunetsekana zvedu takabva tatongowana comb yaiti Harare. Ndakasvika muHarare nguva dziripo zvangu, ndakangobva ndananga kunokwra chicomb chaienda kwaMurehwa kwacho.
Ndakasvika pamba ndichiridza mhere ,ndikatambirwa kabag kangu zvese nevana.Ndakakwazisa vanhu vese,,ndokuzoguma hangu ndava kumoto kwaiva nevamwe vandinoziva.
"Vasikanaka ndiri kuona semuri kunonoka ini, miriwo yenyu yapapi handiti munoziva kuti vanhu vanofanira kubva kumakuva chikafu chatoita here?"
Ndakaziva inzwi iri aiva mukoma wamhama, ndakacheuka ndokuona varivo. Pandakanga ndakwazisa vamwe ivo handina kunge ndavaona, ndakasimuka ndokuenda pavaiva, vakaramba vakanditarisa ndikati....
"Hevoi mhama"
Mhama:: "Yuwii ndiMemo ko wasvika nguvai nhai mwanangu?"
Me:: "Manje manje zvangu, makadii mhamha?nematambudziko ambuya."
Mhama:: "Ndiri nani mwanangu, haghhh mbuya ndivo vadai kukutizai, Wauya nemurume wako here? Wane vanganiko vana? Hec muzukuru, iwe ndicho chekutanga here ichi?"
Me:: "Aiwa haasiye mhama, kune 2 wekutanga newepiri"
Mhama:: "Yuhwi mukuwasha ngaachiunza mombe yangu,vana 4 vese . Mai Stella divi iro harina moto asikana mobikira vanhu mbodza tikakunyarirai zvedu." Mhama vaitaura kani asiwo varoora vaivada kwete zvishoma. Munhu aingova nechokwadi asi rudo ndipo paiva pamusha.Pakazonzi service pakaparidzwa tikaona mbuya vachibva vanovigwa zvavo. Vanhu vakadzoka kumakuva vakadya ndokutanga kuparara zvavo kuchisara vehukama. Pamunosangana paye panhamo ndipo panotaura hupenyu huri kurarama munhu vasikana, ndaiita kunyara mapfekero angu ini wacho, musoro zvawo ko ivo vana apa kwakabva kwatonhora tujuzi twevana twainge twasviba zvino kuti ndichiwacha ndaishaya kuti vozopfekei, kuti ndirege kuwacha hapana anorezva mwana ane tsvina kana mozogara. Ndakawacha hangu iweee chinzwa vanhu vainge vongoti "Nhaimi mwana uyu ashairwa chitirauzii here?" umwewo aibva ati "Imi flue iriko munoiziva here vana avo ngavapfeke zvinodziya veduwe" Ndaizongohwanda nekuti "Takabva kuchipisa" Ko iwo mafon ihehede ndakaonerera ini mhando nemhando kungobva kurwizi vanhu vaibva vatanga kutorana mapics ende kana usingaonekeri pane vamwe kashoma kuwanaka anotiwo huyawo titorwe pic kkkkkkklk ndini ndaiguma ndotonzi titorewo.
Takati tapedza kubika manheru, ndiro dzikasukwa ndokutandara zvedu pamoto, Vanhu vaitaura nyaya zvavo ndipo pakatonzi namainini Alice vachireva kune vamwe sisi vangu Catherine....
"Iwe uri kuda kupadura hembe here kusimba kudaro, aiwa mazuvano ugere mwanangu ndazviona."
Catherine:: "Agere ndiyani kkkkk mhamaka musandiwanzira, kujaira nhamo uku." Vakabva vadairwa nemukoma wavo achiti.....
"Uyu akadhiniwa kare uyu, ini hangu handizvigoni iii"
Mainini:: "Anoshusha here murume wake, iye achisimba kudai here?"
Cathrine:: "Mhama ini dai pasina depo ndingadai ndichisemesa nekuonda, rinoshusha zimunhu ramunoona iro riya."
Mainini:: "Ibva tichatobaiwawo madepo kkkkkkklk, zvakadai zvinovhara nhamo, saka nemiwo vasikana muri kusimba nemadepo here kkkkkkklk asi Memory wakapera chiiwo hauna yekubaiwa depo here kkklkll." Ndakaseka zvangu ndichibva ndati.....
"Kutadza kujaira nhamo zvarehwa nasisi Cath"
Mainini:: "Nhamo imi vaviri muchiwirirana zvenyu, vasikana hakuna chinouya nyore. Kuti nhamo ipere motoshinga."
Catherine:: "Mhama hapana zvinobhowa sekuti iwe wagara uri kusafa munhu oshusha futi."
Mainini:: "Ummmm iwe wakutinyepera iwe, wako anoshusha here?"
Catherine: "Aiwa kkkkk ini ndigere ini, ndikashora ndinenge ndatadza."
Mainini:: "Aiwa iwe ndinozviziva hangu, Memo chii chiri kunetsa iwe?"
Me:: "Ummmm mhama ini hangu kushungurudzwa handidi ndinotoonda ini."
Mainini:: " Ko painzi vakomana vambomuvinga vakazodii? Ndakangonzwa natete vako."
Jesca:: "Iiii ini handidi kkkkk zvekutumirwa mamonya kumba kwangu, vari votosiya vawedzera moto?
Mainini:: "Aiwa vasikana rimwe rikamborohwa rinodzikama asi kuti , pamwe munenge muchiziva zvenyu kuti ndimi mune dambudziko."
Ndakabvunzwa ndikataura hunhu hwababa baChido, munhu wese akandinzwira tsitsi,umwe neumwe akatanga kutaura zvaanoda, uye umwe neumwe aitaura zvake maonero ake.
Ndakasara ndorara ndava nemiono yakasiyana pamusoro pemarriage yangu, handirambi kuti dzimba dzinombonetsa asika munhu wana paunofarawo, nyangwe ikava nguva diki zvayo.Takanorara zvedu sezvinei mumba makapinda vanhu makabva maramba kukwana ini nasisi Cath takabva tapinda mune imwe room ndokurara tiri vaviri. Takakurukura ndakavaudza zvese zvaindinetsa hangu, zvisinei nekuti hama dzakanga dzamboita sedzisina basa neni pakafa vabereki vangu. sisi Cath vaindipa mazano ekuti zviitewo nyore.
Vakandipa foni nhamba dzavo ndikavapa dzangu, vachiti tigopota tichitaura, vakabvunza zvebasa raBaba vaChido ndikati.....
"Parizvino basa rakapera nenyaya yemoyo wavo iwoyo."
Cath: "Imwe ishamhu yekutambudza mhuri yaanenge otopiwa zvake murume wako, iko kuChivhu kunototsvagika mari here? Ngaauye Harare uko."
Me:: "Aitomboda kuti tiuyeko asi hameno zvikazodii."
Cath: "Ndichataura nababa VaProsper mangwana , mogona kusanogara kustand kwedu, ko kumusha kwako uri kumboenda here?"
Me:: "Menge makundiudza pafon handiti?kumusha ndava nenguva, asi hanzi kuriboe, ndakamboona hangu tete"
Catherine:: "Okey,Ndokuudza mangwana vari kuuya kuno manheru kuzotitora."
Me:: "Ini ndoenda mangwana sisi, ndakanzi ndikasire kudzoka."
Cathe: "Yagh wako ari serious kkkkkkklk aiwa ngaatisiye iwe, tonorara kumba iwe wozomuka wodarika kwako, ndizvo ubva waziva kumba" Ummmmm zvavaitaura zvaiva zvakanaka asi hondo yangu ndini ndaiiziva zvangu. Takazorara late zvedu, kuseni ndakamuka ndikatanga yekuda kuenda asi ndakatadza kubudirira vana mhama vakandirambidza.
Zvimwe zvacho kuzoramba woratidza kunge rema hazvidi saka ndakamira ndikazongobuda nana Sisi Cath. Takanorara kumba kwavo zvedu ummmm vaiva nemurume wavo ane rudo kani asi kuita kunge vanhu vemutv. Kutaura chokwadi zvimwe ndaingoti ndezve mutv ini.
Takasvika munhu wese akaneta ndokusvika nekurara zvedu, zuva rakatevera ndakamuka ndokubatsirana basa nemusikana wavo zvangu ivo vakazomuka pava paya
"Nhaiwe ko kuzorora asi vamwe vedu hamuneti kani?"
Me:: "kkk mamuka sei sisi, haghhh tazvijaira izvi."
"Catherine:: "Zvakakupmera, ndati ndataura nabamukuru vako so ingogara uri ready. Munhu ari kugarako akangobuda chete motoends."
Me:: "Maita basa Sisi."
Catherine:: "Ehe ngaauye atsvage zvekuita, dzimwe hasha kuvarume inyaya yekushaya mari."
Ndakazotanga kugezesa vana vangu ndikugezawo. Ndakapiwa kamari nasisi negrocery ndokunokwira kuenda kumba apa hana ichingorova.
Ndakasvika shasha yabuda dakatsvaira tsvaira semunhu aiva asimo mumba. Ndapedza ndikabikira vana vangu zvangu , ndakaisira vana vangu chikafu ndokusiya vachidya ndichinoona zvangu Mai Tari......ndakapinda vachiona zvavo horror , mumba maingonzwikwa zvimasound kuratidza kuti riri kutyisa, ndakasvika ndokuti.....
"Nhaiwe hauzorari uchivhumuka here?"
Mai Tari::: "Nxiii nhaiwe aghhh wandivhundutsa maiweeee."
Me:: "Wavhunduka ini here kana kuti zvauri kuona ndisiye uko"
Mai Tari:: "Kkkkk ko wasvika nguvai? Ndatoona shewe vachibuda apo ndiri kutoti hakuna munhu ini."
Me:: "Aghhh pandasvika door renyu ranga rakavharwa."
Mai Tari:: "Pamwe ndandaenda kunotenga chingwa zvangu."
Me:: "Icho chikati chiri kuramba chichikwira nhaiwe chava mariiko?"
MaiTari:: "Zvenyika ino ukazvitarisa vana havadyi vasikana"
Me:: "Taura hako hama yangu, ndinosvikirwa ndiri muno vasikana, oyi mari iyi mundibatire kwangu mhepo dzingasimuka kana ikaonekwa"
Mai Tari:: "Kkkkk usandisetsa, ndeyei?"
Me:: "Ndoda kutsvaga zvekuita wena, totaura kwangu ndine nyayaka yekunonoka kudzoka hameno toona pavanodzoka" Ndakabva ndatobuda zvangu.......baba vaChido vakadzoka vasina kudhakwa zvavo. Hondo yandaitotya haina kuitwa. Chikafu chandakabva nacho ndaitotya kuti vacharamba asi kana vaitodyawo. Ndakatanga kuona zvangu kuti baba vaChido usiku vairwadziwa nenyama dzavo, uye aiva ava munhu uya aiti akataurisa moyo wavo unenge waivarwadza.Ndakamboda kutora mari yangu kuvaendesa kuchipatara asi moyo wangu wakaramba. Ndakabva ndatoti zvangu zvaita ndiwo mukana wanguwo wekumubudira pachena. Ndakaita mazuva ndichiedza kumuonesa kuti aone mararamiro ataiita kuti aitoda kubatsirana ehe iye zvake nyangwe basa rakanga rapera asi aiti akabuda airatidza kuti tumari aituwana nyangwe zvake aizoiwanzira kudoro.Sisi Cathe vakafona rimwe zuva vachitaura kuti kumba kwavaida kuti tigare kwakange kwabuda aivako. Ini nekuzeza handina kunge ndaitanga nyaya yacho kuna baba vaChido. Ndakamirira kuti vamuke pavaiva vakarara zvangu . vakamuka ndikavapa mvura yekugeza, imi kana munhu asina mari anodzikama zvenyu, semunhu hake agara aingoshusha hazvaizoperesesa asi waitoona kuti zvirinani. Achipedza kugeza ndakamupa chikafu ndipo pandakachigarawo pasi ndokuti......
"Baba vaChido sisi Cathe vanga vati timbozama kugara Harare muchitsvaga tsvaga rimwe basa, vane imba yavo isina ari kushandisa" Baba vaChido::
Baba vaChido:: "Kkk ivo sisi Cathe vako ivavo , vanozondiudza kuti nditsvage basa Harare ndagova chikomba chavo here? Asi wakavati murume wangu ari kutambura?"
Me: "Aiwa baba vaChido nyaya yaiva ye......"
Handina kupedza kutaura ainge ava kutopopota ini kwakutoona zvangu kuti handibudiriri. Ndakasiyana nenyaya yeHarare zvangu, ndokutanga kuhodha zvaifarirwa nevana vechikoro ndoisa pamusika pamai Sipho. Ndaingotsvagawo zvavanenge vasina asi zvaitofamba handidi kushora zvangu. Ivo mai Sipho vaingonohodhawo pavanotora zvavo, kamari chaiko ndakatanga kugara ndinako muchikwama. Wangu murume akatanga kuzviona kuti pane zviri kuitika ndakanzwa rimwe zuva ava kuti......
"Saka unofunga kuti ndiri dofo here ini nhaiwe?Uri kuhuraka iwe?"
Me:: "Ko chii nhai baba vaChido? Ndahurepi ini?"
Baba vaChido:: "Mari uri kuiwanepi, nezuro ndakaona pano makadya chingwa ndikanyarara, iyo nyama unoitenga nei?"
Me:: "Baba vaChido zvimari zvandakapiwa nasisi izvi zvandanga ndichishandisa."
Baba vaChido:: "Asi pano ndinotaura kuti ndipoo yesuper imwe chete zvayo, unoramba uchiita seusina mari."
Me:: "Yuwi ndotenga super vana vasina kudya here?izvezvi ndinotoda kunotora vana vangu, handiti ndiri kushaiwa mari."
Baba vaChido:: "Chii chinoshamisira pakupa murume wako mari yedoro? Vana vaunotaura vadii?wanzi nani uvatore? ukada kutondiitira dzungu ndokurova zvesure."
Me:: "Baba vemwana iyi ingatobuda panews, unenge uchinzi wandiroverei chokwadi."
Baba vaChido:: "Unomboziva kuti wakuda kungwarisa here iwe? Uri kutemba nei chaizvo heee?Wauri kumisira zenze uchipindura ndiyani?"
Me:: "Hapana chandinotemba nacho ini asi kutoti ndaneta nekuitwa fuza nemumwe munhu, anofema same mweya wandinofema.."
Baba vaChido:: "Saka wafunga kudii?"
Me: "Ndingagodii zvangu?"
Kafoni kakabva karira mavhundukiro aakaita nekubva atobuda panze kunodaira foni akandiudza kuti pane zviripo. Ndakamira pawindow ndichiti pamwe ndichanzwa zvaitaurwa asi hapana chainzwikwa, ndakazongoona munhu asisipo panze ndikaziva kuti zvandaifunga ndizvo.Ndakazviti handimupinduri futi iiiii tsvukiro yakanga yaita ziso rake zveshuwa dai pasina foni yake yakarira handaipona ini.
Ini hangu zvekupindurana nemurume ndaisazvida asi wangu akanga anyanya veduwe, ndaiva ndakutoda kutozidzidzira. Ipapo kubuda kwaakaita akagoti zii ariko, ndakabika zvemanheru tikadya,ndakanga ndine movie yangu yandaida zvangu kupedzisa saka ndakambopedzisa kuiona kwatova kumapast 10 vanhu vainge vatoti zii mudzimba.
Ndakamboda kuita nungo dzekusuka maplates angu zvangu,asi kana usina kutongozvijaira zvakaoma. Ndakashinga ndokusuka maplates angu kwakumapukuta ndokurongedza, ndakadira mvura yandainge ndasukisa mubucket pandakapota kuseri kwatairasira mvura dzatinenge tasukisa kune chimukoto chaivako chaingorasirwa marara.
Ndakapota seri kuye, ndisati ndarasa mvura ndakarohwa nehana ndichiona vanhu. Paiva nekamhindo asi ndakaziva jacket rababa vaChido murima. Unopererwa veduwee, vaiva baba vaChido nemusikana aigara panext pedu taingomudana kuti rematako ehe aiva akasenga zvake, iwoka ekuzorera aya raiva hure rekubhawa riya chairo. Hapana akandiona musikana aiva akaita kukotama imo mutsvina imomo then baba vaChido vaiva busy kutokwi..* zvavo.
Ndakazvivhunza kuti pakadzivirirwa here ipapa, ko iko kusemesa kwaiita zidzikana racho nhai.
Ndakaita hasha dzandisina kumbobvira ndaitira baba ava kubva tichigara tose.Ndakangokaruka ndati bucket riya remasadza kupe pavaiva, ndichibva ndatomhanya mumba mangu. Ndakapinda ndokudzima light kwakutopinda muma blankets zvangu.
Mai Tari
Nxaaa kuswera kunetswa nemapenzi, ndakatozovanzwira tsitsi wani. Zvaiti ivo baba vaChido vacho vairatidza kushamisika kuti ko sei ndakanga ndafunga kuvadaro. Hukama hwavo hwakapera kani, ende hapana akazviziva kuti hwapera sei.Aiziva tisu tiri vatatu.
Rimwe zuva ndakaseka zvangu nechemumoyo baba vaChido vakadarika nepawindow ,zvagara ndiyo yaiva road yavo kuenda kugate.
Ndakanzwa Baba vaTari voridza tsamwa, ini ndokuita sendisina zvangu kuona adarika kwakuti.....
"Ko hindava?"
.Baba vaTari::: "Iyo imbwa iyo, asi iwe asi waimbovadembera dembera kani?"
Me:: "Ndichidembei zvangu, imika ndimi maida kuona kuti ndinodii."
Baba vaTari:: "Mai Tari ungandifungira hakoka, kutaura chokwadi handina kumutuma ini. Iye akufanira kubva pano."
Me:: "Eheka akabva pano monyatsoita madhiri enyu kwaanenge ava kugara handiti"
Baba vaTari:: "Kudaro hako mukadzi wangu, asi haasi right munhu uyu,anogona kutondiuraya zvesure."
Me:: "Achaziva ndiyani? Imi manga mava bhande nebhurukwa. Chokwadi murume mukuru kushinga kusimudza ndiro kunodyira mumba memumwe murume."
Yekuti vadzingwe manje, ndaionaka sendaizenge ndaitira mai Chido utsinye, saka ndakato tsika tsika kuti vasadzingwa.
Kurwara kwababa vaChido tese taitoti vakuzoshanduka asi yuwiii hazvikurukurwi veduwee, Ini ndakaona sevakanga vapinda mubhazi ini, chete kungoti munhu haazotauri zvake, kwakangonzi moyo chino chino pane paungati munhu tipei card tione here lkkkkk.
Ivowo mai Chido vacho vaitoita sevakagarira pfungwa zvavo.Ko kutozoribata sezai kkkkkkklk ndakabhowa baba vaTari mumwe musi zvangu.
Ndakaona mai Chido vachipinda vakabata mafruits zvainzika baba vaChido vaifanira kudya mafruits. Ndakavaona mai Chido nepawindow ndichibva ndati.....
"Avaai vakashinga zvavo ava, ini handiiti shura irori ini."
Baba vaTari:: "Mai vapi ivavo?"
Me:: "Mai Chido"
Baba vaTari:: "Kkkkk ko vaita sei?"
Me:; "Baba vaTari nezvinoita murume wavo izvo, Hazvienderani nerudo rwavari kumupa achirwara. Ini ndirini ndiyo nguva yekutotsiva zvangu"
Baba vaTari:: "Iwe wakakwana here iwe?"
Me:: "Kurevesa kudai..... Dai vambomusiya, baba ava vanobhowa shaaa."
Baba vaTari:: "Unoroyaka ivo havaroyi, tinyararire apo nxaaaa woita seuri kutaura zvisvinu." Ndakachinja nyaya ndaona kuti shasha yakanga yatsamwa kkkkk ndakangoti nechemumoyo chero ndataura aghhhh kuitiswa nemunhu anopiwa mweya wekufema naMwari seniwo, Manje mai Chido iiiii bodo ndaitoona sekuzungaira ini.
Mazuva avabva kumusha kunhamo yambuya vavo, ndakaona kakuvhurika pfungwa pavari zvangu
Like yako handisi kuiona dear isaka tione kuti tiri tese.
End of chapter 4
Macomments enyu ndiwo anoita kuti ndigone kuenderera mberi mufunge. Kana uri mugrp rakavharwa ukangoisawo chidhori chimwe ndinobva ndaziva kuti uyu tiri tese.
❤️
👍
🙏
😂
😢
😮
161