MAI YOLLAR SHONA  NOVELS🇿🇼
MAI YOLLAR SHONA NOVELS🇿🇼
June 5, 2025 at 05:29 AM
*♨️♨️♨️USAJAMBWA NEDZIDZISO IRI MUBOOK IRI* MARRIAGE SORROWS *✍️By Nommar aka maiYollar* https://whatsapp.com/channel/0029VaIueYQCRs1hHK8hB31b *Kana uchida book iri kubva pekutanga uyezve usingadi kuzojambwa nemachapter emberi baya link irori ubva wati follow* *Fan yebook iri yese handei mugroup umo⤵️* https://chat.whatsapp.com/JFI1MBaHegf8sVLIuLNFtu https://whatsapp.com/channel/0029ValII4B4tRrqIiRXu82n *Maprevious books amai Yollar munomawana paçhannel iyo ingobva wati follow* 📲+263⁷⁷³669⁵⁴⁸ 📲+263⁷¹⁹533⁰⁴³ Chapter 5 *READ, REACT COMMENT AND SHARE* Mai Chido Ndakapinda mujira hana ichiita kurova nehasha zvese nekutya. Ndaifunga kuti ndichaona munhu opinda asi haana kuuya. Ndakatanga kuzvituka chokwadi kutya kwangu kwaiva kwakanyanya. Ndakatanga kufunga zvangu kuti dai ndakamira kwacho ndaigona kumurwisa here. Jerina aiva munhu wenoise kumeso kwake aiva mavanga ega ega, kuri kubaiwa nemapanga. Zvino ini ndaizozvigona here hangu. Zvakandikurira ndikatanga kuchema zvangu. Ndakachema ndikapedza shungu kusina auya, ndakazoti dzatova kumapast 2 ndakatanga kunzwa nestep chaiyo kuti chakachaya. Akasvika ndokuita zvekurova door, imwe pfungwa yakanditi buda umhanye ubude, imwe pfungwa ikati mira ushinge. Akapinda ndokuti ..... "Hure repano riripi?" Handina kudaira zvangu ndakaramba ndakanyarara. Sadza rake raiva patable akangosvika nekuwira patable paya zvese zvichibva zvarasika, water glass remvura raivapo rakabva ramucheka padama, ndakaita sepasina zvandaiona zvangu. Akagotanga kutukirira, ndainzwa kuda kumupindura asi ndakaona kuti handingatukani nehwahwa plus kwaiva kuvhara nyaya yake.Aona kuti ndaramba zvangu ndiri zii, akakambaira ndokukwira pamubhedha ndokurara, apa dama raiyerera ropa. Ndakati regai zvivate ndifurwe nemhepo haghhhh hamawee hazvi kurukurwi kani. Ndakangonzwa kuti hooo pandakati ndimutse musoro marutsi akanga azara mumusoro mangu chaimo. Pahupenyu hwangu rutsi negararwa ndakazvimaka kungozviona, ndiri munhu uya aiti kana kuona munhu achirutsa neniwo ndairutsa asika apa ndiri kutaura zvekuti marutsi akanga azara mumusoro mangu achiyerera nekumeso apa akanga achiita kunhuwa. Zvagara ane kadoro kaaiti akanwa ndaikanzwa ari padoor chaipo. Moyo kumira zvinenge zvichakanaka kani kani imi. Ndakamuka ndokugara, iye akarutsa zvekuita seachafa, hana yangu yakatomborova chiona blanket zvaro zvarainge raita. Imi kunze hakuyedzi kani mumba mainge monhuwa kuti kutu, iye ainge arara zvake pamusoro pemarutsi ake akutoridza ngonono.Zvekutya zviye ndezvimwe ndakabuda ndikanogeza ini, musoro wangu waiita kutedza nemarutsi ,ndakageza nekukasira nekutya ndokudzoka zvangu mumba.Ndakayerera misodzi ndakatarisa baba vaChido vakarara, ndakatanga kuona mumeso angu zviye zvandainge ndaona panze, misodzi yakabva yatowedzera kubuda. Mubvunzo wangu waiti ndizvo here zvine vamwe mudzimba kana kuti ndini ndega ndaiva mujeri iri.Handina kuzowana hope kubva ipapo.Unoronga ugorongonora vasikana, asi zvigogumira mukufunga kudaro. Kuchiyedza ndakamukira zvangu kuita duty.Ndakapedza ndokupinda mumba wanike vasvinura, handina zvangu kuda kutaura iye ndiye akabva ati.... "Ndipoo chikafu." Me:: "Sadza makarirasa manheru pamakadonha." Baba vaChido:: "Watanga kuda kundinyepera,ndakambodhakwa zvekudonha here ini." Vakabva vasimuka ndokunogeza, ndakaona munhu akutoridza kamuridzo achipfeka pfeka kuratidza kuda kubuda. Ndakavati..... "Ndokumbirawo mari yesurf honai marutsi ayo haawachiki pasina surf." Baba vaChido:: "Nxaa iwe kana usingadi kuwacha rega." Me:: "Haghhh pasina surf handiwachi handidi kunyepa." Baba vaChido:: "Ndiri kuuya nayo." Kubuda kwaakaita kana kudzoka, ndakaisa mablankets mumvura ndichiti surf inouya asi kana, Mai Tari vakazosvika pakunditi...... "Nhaiwe mai Chido, bolato here mablankets ayo, kusoka kubva kuseni shuwa." Me:: "Ndanga ndakamirira surf amai mwana, ko kuuya vakaguta zvavo kwakusvika vachirutsa." Mai Taru:: "Yuwi saka marutsi here ayo pthuuuu ini anowacha zvake ega, nesemero yandinoita here mudikani." Me:: "Pane anozvida here vasikana asi kuti ndochidiiko, ndochengetera pai?" Mai Tari:: "Chete hazvo...... Hona , hona mhani iwe tarisa uko." Ndakatarisa ndokuona atori Jerina nemumwe mudhara vairezvana vachitobuda mumba maJerina. Ndakatoseka zvangu ndikati .... "Uyu akaoma vasikana ummmmm." Mai Tari:: "Akaoma ichokwadi asi varume havanzwi kani, vari kupinda ipapa haiwawo kufa chaiko." Ndakaita sendichavaudza yangu nyaya asi ndakazvidzora, dzimwe nyaya hadzisika dzekungotaura, unoswera wakusekwa zvako. Takataura dzimwe nyaya zvedu, ndichitsika tsika machira angu. Kutaura chokwadi haana kumbonyatsochema. Ndaiwacha nesipo yekuboiler iwo aitoda surf chaiyo. Kudya ndakatadza, maoko angu aiita seaitotedza zvavo. Ndakazoona iye akuuya neshamwari yake waaidaidza kuti Tatso. Tatso ndaimuziva hangu, kubva pavakawirirana iye airatidza kuti kwake kumba zvakarongeka kusaziva kkkkk ko hazvishamisika kunzwa kuti pane aitoona sekuti zvangu zvakarongeka kkkkkkklk kuyemura nekuyemurana.Zvisinei vakasvika vaine TV nedvd zvaTatso aiti ari kuzvitengesa ainge afunga kuenda Joni.Vakatsvaga anotenga vakamuwana, nguva yavakadzoka ndipo pakanzi naTatso.... "Ko imi hanzii kuwacha magumbeze chando chino?" Me:: "Kudzinga vayenzi zvangu." Tatso;: "Yaghh uku kuvadzinga zvakangwara zveshuwa, neni tichawonana musare nemukomana uyu boe kkkkkl" Aitaura achirova baba vaChido kumusana ndakabva ndatodaira zvangu ndichinyeperawo kuseka kwava kuti..... "Hahaha wamunenge mava naye manheru here uyu." Tatso:: "Ndafunga kumboedza hupenyu hwepajoni ini." Paaitaura kudaro baba vaChido vainge votosvotwa ko ndainzi handifaniri kutaura neshamwari dzavo, zvino ndaishayaka kuti ndodii munhu achinditaudza. Tatso akazobva zvake ndokusara ndakutogezesa vana vangu, ivo baba vaChido vakabva vapinda kurara. Baba vaChido vairatidza kunetsekana kuti vazive akavadira masadza, vanenge vaifunga kuti handisini, ndakaona zvangu maitiro avo, kuti vabvunze zvaisabvunzika. Nyaya yekuva kwake rovha yakaita kuti aite kushusha kushoma, kana kurohwa ndaiva ndorohwawo zviri nani kwete everyday yandainge ndajaira. Ini kupindura panoda kupindurika ndaiva ndopindura, ndakazenge ndatoona kuti kwese kufa. Kubva zvawirirana Tatso nababa vaChido handina kumbobvira ndaona mukadzi wake. Ndakashamisika rimwe zuva Tatso aiva ne2 days aenda ,taiva takatorara kuseni seni, padoor pakaita knock ini ndokubuda. Ndakasvika paine vakadzi 2 ndikati.... "Makadini zvenyu?" Aiiva mutete wacho ndiye akadaira.. "Hec Mai Chido, hatisi kugara ndakuigirai mavege aya mandiziva here?" Me:: Ummmmm ndatadza ini." Her:: "Munovhairaka kkkkk, kuseka zvangu hatinawo kumboonana, ndini mukadzi waTatso uyu munin'ina wangu." Me:: "Ndafara kukuzivai" Ndakatambira muriwo uya ndokupinda mumba, ndakatanga kufunga zvangu, chokwadi mukadzi uyu aidei, ko aitadza nei kuuya murume wake achipo? kureva here kuti ainge ava kuda ushamwari neni, kana kuti aiva ava kuda kutora chinzvimbo chemurume wake otamba nababa vaChido kkkkk. Ndakapinda ndakabata muriwo uya mavegetables,imagine kuita kutomukira kumba kwemunhu nevege kkkkkkk, baba vaChido vakabva vati..... "Wauwanepi muriwo?" Me:: "Wauya nemukadzi weshamwari yenyu Tatso." Baba vaChido vakavhunduka ndokuti..... "Saka aripi?" Me:: "Aenda ko mavhundukei?" Baba vaChido:: "Hagh iwe, get away kuvhunduka chii? siya ndirare." Ndakanyarara zvangu, zvisinei pakabva paitawo mumwe wavakamboshanda naye aiva akushanda paiitwa zvechibage saka ndiye airara akachengetapo, aitaura kuti akanga awana mukoto wekubudisa chibage ipapo. Aisada kuchiisa kumba kwake handiti kuita kwembavha mongokuzivawo kkkkkk. vakawirirana kuti chichaiswa pamba. Zuva rekutanga vakabuda kuma3 pakafona uya ariko kubasa kwake,vakaenda ndokudzoka nechibage chiya chaiva chakatowanda. Takatengesa chibage chiya hachina kumbomira,zvagara gore racho iroro kwakanga kusina kugutwa, saka vanhu vaitoda chibage.kungoshare mari kwavakaita, nhamo yangu ikati yatanga, nekwakararwa handikuzivi. Handina kubvunza pavakadzoka kuseni handina kuziva kutoti itori futi mhosva......akasvika ndokutora tooth brush yake ndokukwesha mazino kwakuuya mumba hanzi.... "Ko haundibvunzi kuti ndiri kubvepi ko kana ndanga ndasungwa?" Me:: "Muri kubvepi?" Baba vaChido:: "Ndiwo mavhunziro acho here iwayo? makuonererwa nekuda kwezvimari zvemafreezit izvozvo nxaaaa." Me:: "Nhai baba vaChido apa ndatadzei apa? Ndiudzeiwo." Baba vaChido:: "Iwe pfutseki mhani, kana uchiti munhu arara asipo pamba worega kana kubvunza ndicho chiguy here ichocho? Kutsvaga kunzi hamunyengereri handiti?" Me:: "Ummmmm ibva ndiri mutadzi pese zvangu ini, ndangoti pamwe mararaka kubhawa muchimwa zvenyu doro ini." Baba vaChido:: "Ndiko kwandatorara asika munhu unobvunzawo." Me:: "Paposheka" (_guys mbavha dzemabhuku dzawanda aonawo book iri rabiwa bata mai Yolla pazero seven seven three six six nine five four eight ndini muridzi webook_) Ndakatodaira ndichitosimuka zvangu, madhiri echibage akaenderera mberi. Havana kumira ,chitatu chega chega vaibudisa chibage votengesa. Mumwe wavo akatenga mombe kumusha handidi kunyepa, akatonzi abvisira mukadzi wake roora ini vekwangu vaingoti pavangoibatira pese havarari pamba vaidzoka yapera. Kutomboedza kumuonesa aibva ati haaudzwi nemunhu asina kuenda kuchikoro, ndaibva ndatosiyawo. Ichokwadi zvinonzi ukaba mari yacho haishandi chinhu, asi kumwe kwacho kushaya musoro kweaibata. Wangu murume mukana wakasvika pakuvharika pasina chaabura zvake.Rimwe zuva akangouya akaita kupfeka serious ndokuti.... "Iwe ndiwe waida zvekunotora vana ,hanzi chiuyai muvatore." Me::: "Ndoenda mangwana hapana chakaipa, asika muri kudiwa kutengwa chikafu, hamuna chinhu muno mumba." Baba vaChido:: "Chinotengwa neiko iwe? kana unayo mari tengaka." Me:: "Ummm baba vaChido muri kutikuvadza izvozvi mwana aswerera maputi enyu amakabva nawo mazuva ekuchibage aya." Baba vaChido:: "Atombomawana zvake, shandawo sevamwe vakadzi kwete kuda kunetsa munhu get away mhani." Me:: "Ko handiti munondirambidza here?" Baba vaChido:: "Iwe shanda mhani usiyane nekundinetsa, unenge uchinyepera kuda kushanda apo tibvire." Mumoyo mangu ndakasekerera,baba ava ndaida kuvaratidza kuti kusvika form 4 hakushamisiri, ndaida kuvaratidza kuti kune matofo akarongeka. Handina zvangu kuda kuvaratidza kuti, ndazvifarira zvekushanda asi mumoyo mangu ndainzwa kufara zvangu. Mari yangu ndaiva ndichiri neimwe, shungu dzangu ndaitoda kuguma ndoitawo zvekubuda kunze kwenyika zvinoita mamwe madzimai asi kakutya kaivapo zvangu. Ko taingonzwa kuti Joni kunotyisa, Hanzi kune vanofamba vakabata mapanga mumaoko chino chino. Mufaro wandakaita, pandakanzi shanda ndakabva ndatoti baba vaChido vachibuda ini ndichibuda kuenda kunoudza mai Tari,ndakapinda achizunza,zunza,masofa ake ndikatanga zvangu kuimba.... _Heuno mufaro wandinawo ,ndewaJeso heuno mufaro wandinayo,ndaupiwa nababa_ Mai Tari:: "Kkkkkkkj yuwii mafarireiko kudaro? musandisetsa apa uchiporonga nziyo dzevanhu kwaaaaa." Me:: "Mai mwana ndanzi tengesa nababa vaya." Mai Tari:: "Kutengesa chii?" Me:: "Ndiri kuti hanzi shanda kkkkkkk" Mai Tari:: "Inga takazvireva wani, rugare rusina basa urwo. Ukanzwa murume achiti mukadzi usashanda zvinenge zvichakanaka mhai." Me::: "Ummm ndafara veduwe ,pamwe zvingaita nani." Mai Tari:: "Kwete nani asi zvinotoita iwe, saka wafunga kudii?" Me:: "Rega ndigoona zvangu totaura." Ndakabva ndabuda zvangu ndokutanga kuwacha wacha washeni yangu, hapana chinorwadza sekuti murume wako anohura nemunhu wepedyo veduwe. Pese pandaiona Jerina ndaibatikana nekuti ndaitoziva kuti ndiye ari kudanana nemurume wangu. Rimwe zuva Chipo akati anoda kuenda kutoilet apa husiku, ndakatora fon yaBaba vaChido ndokubuda kuitira touch. Fon yakabva yapinda message kubva kunhamba dzaiva dzakanzi Gidza...ndakaramba ndakatarisa foni umwe moyo uchiti vhura, asi kutya futi kwaindibata. Ndakarovera moyo kudombo ndokuvhura yaiva yakanzi..... *📥Shaa landload vakuda mari yavo,itaka plan,plus mukadzi wako matarisiro aari kundiita anenge ava kunyumwa. Dai wambomuendesa kumusha* Ndakaseka moziva ndakaedza kuita sendakusenda mari kunhamba dziya wanike ndiJerina zvake. Jerina aitondishura chete, handina kuipindura asi ndakangoita delete message ndichibva ndadeleter futi nhamba dzake ndiye zii zvangu. Kuchiyedza baba vaChido vakabuda nguva yavakadzoka vakangosvika nekundipushira mumba ndokuti..... "Unobatirei foni yangu?" Me:: "Kubata foni yenyu? Riini? Handina kumbo...." Handina kupedzisa kutaura mbama yakabva yarira nepanzeve,ndakanzwa kunge nzeve yavhara, pakaita kusara pachirira. Chandakagona kungoti ..... "Sorry baba vaChido" Baba vaChido:: "Ukatsvaga makudo mugomo unomawana wazvinzwa,chawaidzimira nhamba dzangu chii? Ndoda kukuratidza kuti foni isiri yako haivhurwi wanzwa." Ndakarohwa kani,kuti nditi ifoni here yakanga yakonzeresa zvese izvi ndakazvishaya.Ndiri munhu aisachema kana achirohwa asi musi uyu ndakairidza mhere, ndakaona vana baba vaTarie vamhanya kuuya kuzonunudza, iye achiona vanhu akabva atoita manyemwe akasvika achibatwa nevamwe baba ini ndikati chitsoka ndibatsire. Ndakamhanya kunopinda mumba mamai Tarie ndokuvhara door.Mai Tarii namai Sipho vakatevera mumba muya akatanga kutaura ndimai Tari.... "Ko hanziiko nhai mai Chido,tora juzi iro upfeke hona hembe yadambuka." Me:: "Mai Tari zvakaoma ....hwangu hupenyu hwazondirwadza. Inyaya yaJerina,ndakabvisa nhamba dzake mufoni kwakudeleter message yake." Mai Sipho:: "Yaiva yakanzi chii?" Me:: "Aikumbira rent" Mai Tari:: "Ummm baba ava ngavasadaro vasikana,ko nhai mai Chido ukamboita zvekupolice,shuwa kuenda wakazvimba kudai vamborarako zvavo." Mai Sipho:: "Ummm kupolice kunoda kuendwa wazvipira kusiya imba mhai mutemo waoma kunyanya panyaya dzemhirizhonga idzi vanonokugara zveshuwa.ini ndiri kutoona sekuti iye mai Chido ngaadzidze kudzorera,varume vanojairira ava. Chimbodhegemura huma kumupa mbonje chaiko kana kuruma unonyepa iwe anoguma adzikama." Me:: "Mai Sipho ndinourawa yuwii kutomboedza kudzorera kana, ndakutofunga kumboenda kumusha zvangu." Mai Sipho:: "Kkkkk ita mushe iwe kusiira Jerina murume, ukadzidza kuti pese pamarwa iyewo unomupa mark anoguma asichadi, yagh iwe ko kusunga wakambozama here?" Me:: "Kusungei?" Mai Tari:: "Ummm usazviedza hako, izvo ndizvo zvinourayisa manje. " Ndakatadza kuziva kuti ndoita zvipi zvangu. Ndakakumbira foni kuna mai Tari ndafunga kufonera Sisi Cathe asi mai Tari vakandirambidza. Ndakagara mumba muya kusvika ndanzwa kuti abuda, ndipo pandakaenda kumba.Mutemo wake aiiti akakurova akabuda paanodzoka zvinenge zvatopera zvake. Kutaura chokwadi Jerina ndaimutya zvangu, anonzi mbuya vake vaiva n'anga mai vake kunge vaitonzi vaitamba zvigure. Kudzoka kwababa vaChido vakasvika kumeso kwangu kwaita kuzvimba haana kana kuzvitarisa zvake. Ndakaita mazuva matatu musoro uchitema, ndakazoti ndaona kuti ndava bho hangu ndokumuudza kuti ndakunotora vana. Ndakatora vana vangu, zvainzi tete vaiva netumari mazuva acho vanova ndivo vaitengera mai chikafu, vakanga vopopota kuti mhuri yawanda kkkkk saka zvakanzi munhu nevana vake. Ndakadzoka nevana vangu zvangu neniwo moyo waibva wagadzikana. Zvaiva nani kurara nenzara tese pane kudya ndisingazivi kuti vana vangu vadyei. Kutora vana kwandakaita ndakabva ndanzi "Handiti ndiwe wainetsera kuti vauye , saka wona yekutamba." Mumba munongoda mufaro kuti zvinhu zvifambe veduwee, pese pataiita noise baba vaChido vaigona kutosungwa nenyaya isina kana basa. Aigona kungonzi wamwira doro pasipo ende otobatwa, serimwe zuva kubatwa achiwetera pachena hake, ini wacho pamusika ndaigoswera ndichiita kunge ndiri kutengesa nyoka zvangu. Sisi Cathe ndakazenge ndotaura navo pawatsapp pafon yamaiTari. Hupenyu hunoita zvahunoda vasikana, iko kukumbira fon kwakaoma, ko handiti munhu iyeye wawakumbira foni anogara akaziva zvauri kuronga here. Kuti udelete uuuuu zvakangooma asikana woita seuri kureva iye. Sisi ndakavaudza kuti murume haasi kuchinja rimwe zuva vakaita kufona, ndakatodaidzwa namai Tari ndokudaira... 📞📞 *Helloo Sisi"* Cathe.... *"Hec , Ummmm ndarota hope dzakashata shaa , namata zvakasimba"* Me..... *"Agh Sisi marotei futi"* Cathe.... *"Ndarota uchichema uchiti bamunini vatizirwa, asi mukadzi wacho anga ari murungu."* Me..... *"Yuwi kkklkll muvheti chaiye."* Cathe... *"Yes saka maziviro angu, murungu haasi bhoe zvinonzi muroyi."* Ummmm zvakandipa kuvaudza zvaJerina vakandisimbisa zvavo.Ndakavaudza zvandaitya pana Jerina, asi ivo vaiti mushonga haubati pasina ronda. Ndakatangana nekutevedza mapani, pamwe ndaitoti ndikaenda ndaiudzwa zvekuti pandinodzoka handidyi sadza bp yakwira. Pamwe pacho ndaitomboti zvaita kkkkkkk ndakutoona munhu ava kuita seachinja. Ndaizoseka zvangu tava kusimbisana nehama dzangu kkkkk patinenge taona seachinja rimwe zuva hanzi namai Tari..... "Mai mwana kana mozogara madzibaba Joshua kuseri, aiwa uya munhu akatumwa naMwari zvake." Mai Sipho::: "Inga ndaikuudza uchiramba, handiti ndivo vakandiitira here yekwangu yaSarafina." Mai Tari:: "Ummmmm wakamboionawo gore riya kkkk kkkkk, chisingaperi chinoshura." Mai Sipho:: "Asika ini ndaisarohwa ndini ndaitorova zvangu." Takaseka zvedu, vamwe vainditi zvekushandirwa izvi zvinodawo uchinamata wegawo. Ini kunamata kwaitondinetsa zvangu.Iye baba vaChido vacho vaiti kurwara kukavabata voita munhu kwaye kana vapora vaibva vaonekwa kuti vapora zvesure. NaJerina havana kurambana, ndaitoona mamessage mufoni zvangu amwe asingaiti kani, asi ndaisabvunza . Zvakandikurira rimwe zuva zvangu ndakatanga kufunga chimwe chavakambo pengesana nacho chaiita sechiri kuenda icho chichiuya kuri kushata. Kugoita mumwe aiva nemateya aisetsa nevana vadiki chaivo apa vanga vava naJerina. Imi Jerina aiva akanyangara naiwo mapanga akazenge amucheka cheka zvaibva zvanyanya.Chaidiwa nevarume pana Jerina chiuno chake.Takangoita sekakukonana ndichibva ndamuti.... "Haiwawo naizvo zvitikidhima zvaunonyenga izvozvo, unoshayawo vakanaka here?" Baba vaChido:: "Asi iwewe pane akakunyepera kuti wakanaka here? Ini ndotoda vanhu vakashata sewe kudai." Ndakaseka zvangu munhu asingapererwi nemashoko.Rimwe zuva takamutswa neknock padoor ,ndakamuka ndokuona vari vakadzi vaya vari 2. Mukadzi waTatso nemunin'ina wake. Ndakavamhoresa asi vaitoda zvekupinda saka ndakavasiya zvangu. Vakagara mumba ndione iya ko zvadzatova nyaya nababa vemwana. Ndakabuda ndokusangana namai Tari panze, vakutonditi...... "Nhasi wamutswa nevayenzika?" Me:: "Kupiko imi,moti haisi miyedzo here?" Mai Tari:: "Yeiko? Ndivanani ivava?" Ndakava rondedzera vakashamisika kuti vaidei,ndakafurirwa namai Tari ummmmm ndakambotya asi ndakazvishingisa.Ndakapinda mumba ndokuti..... "Sorry asikana ndoda kumbotsvaira mumba, motogarira nechepanze apo." Baba vachido vakandidzvokora handina kuita basa nazvo ndakatanga kutopukuta pukuta zvinhu zvangu.Vakasimuka vakagara panze, ini kwakutoita zvangu mbichana mbichana kutsvaira kwacho.Ndakazoona mukadzi waTatso amira padoor ndokuti.... "Mai Chido isu takuenda isu." Me:: "Zvakanakai vasikana,motoperekedzwa nababa vaChido ini ndava busy." Vakabuda vese ,ndakatevera ndokumira pagate zvangu ndakatarisa kwavaienda,ende vakatocheuka vese vakandiona. Macomments enyu nemareactions enyu anondipawo manyemwe guys End of chapter 5
❤️ 👍 😂 🙏 😢 😮 105

Comments