
MAI YOLLAR SHONA NOVELS🇿🇼
June 5, 2025 at 06:38 PM
♨️♨️♨️USAJAMBWA NEDZIDZISO IRI MUBOOK IRI.
*MARRIAGE SORROWS*
https://whatsapp.com/channel/0029VaIueYQCRs1hHK8hB31b
MACHAPTERS ESE EKUMASHURE ANOWANIKWA PACHANNEL GARA WAFOLLOWER.
https://www.facebook.com/share/18DvLUMNps/
KUFACEBOOK BOOK REDU RIRIKO ZVEKARE HANDEI TINOFOLLOWER ZVESE NEKULIKER
https://chat.whatsapp.com/G582F3GVPoXHqpBFUH8l3e
*Mafans amai Yollar handei mugroup umo*
*✍️ By Nommar aka maiYollar*
📲+263⁷⁷³669⁵⁴⁸
📲+263⁷¹⁹533⁰⁴³
Chapter 6
Baba vaChido.
Nxaaa munoona zvinoita munhu kana wamubvisa munhamoka hameno manyemwe aanenge ava kuita mhani. Nyangwe vanhu vakataura zvavo zvavanoda ndezvekwavo handinei nazvo ini. Ini ndini Baba vaChido vacho yes ndini rangu repachitupa ndiKudakwashe Chiringe. Kumusha ndiko kuChivhu, uyu wamunoti Memo uyu nxaaaa ndakamunyengawo zvitori zvekutamba imi ndakambodanana naye zvinoenda kure here?
Zvehunzenza chaizvo takangodanana 2weeks gumbo rakanga ratovhurwa ndotonzwa munhu akutoti ndajamba . Zvemunhu anga anzwa nekudriver chikorobho zvake akati better kupinda mumba. Nyaya yekuroora iwe usati waenjoyer hujaya yakaoma varume, ini ndakazvimirira ndakatozviudza kuti ndotoda mamwe matatu kana mana makore ekufara ndozoita zvemhuri. Zvakadaro munhu ndipo paakatanga kutozvara seari kuda kuisa vana kushow wainzwa achiti
"Ndiri kuzvara hama dzangu ini, ndivo vachandichengeta." Ndikati nechemumoyo ewooo amai zvarai hama dzenyu dzichakuchengetai zvenyu asi motangawo madzichengeta. Chimwe chandakaona zvangu ndechekuti mukadzi haadi kusiiwa achisununguka zvakanyanya. Mazuva andairambidza mai Chido kuseka nevanhu, aisandidheerera, kubva paakatanga kuwirirana nemadzimai mamwe akatanga kungwara. Ihwo hurwere hwangu hwacho ndotoona sekuti ane zvaanoziva nekuti ndiwo mazuva aatanga kuenda kumapositori. Kumuda ndaitomuda mukadzi wangu, asi ini zvemukadzi anoda kuzviita muzivi kwete. Kuzopera kwebasawo hangu ndiko kwakaita kuti ndichimubvumidza kushanda, ndamubvumidza kushanda kwacho nxaaa munhu akutoda kumera zenze, munhu akutoda kundipindura pindura, munhu kutokanganwa kwaainge abva, zvino ini mukadzi ndaisazeza kurova izvi ndakakura ndichingoona baba vangu vachizviita saka zvaisava zvitsva. Kana iri yekutora vakadzi vekunze handisi kuti mai Chido vaisandigonera asika ndikanakirwa nemukaka hazvirevi kuti ndakutodya nemukaka zuva nezuva, zvinongodawo kumbochinja chinja uchinzwawo zvine munyu . Jerina ndakarara naye mumwe musi ndakadhakwa zvangu, achibva atoita chiname pandiri saka akatenge ava girlfriend yangu aingondirwadza pakuti aiwanza apa airamba kurambwa nxaaa.
Ndobva mumwe muimbi aimba akati
_mukadzi weshamwariiiii_
_chiii chako iwe?_
_Murume weshamwari chii chako iweee?,_
_Rimwe zuva uchafa_
_uchasiya nyika ino_
_rimwe zuva uchafa_
_uchasiya nyika ino_
_iwaya mashamwari _
_achasara naye_
_iwaya mashamwari_
_achasara naye_
_zvingarwadza kuzviziva_
_asi ndizvo zvazviri_
_zvingarwadza kuzviziva_
_asi ndizvo zvazviri_
Tava kutaura zvemukadzi waTatso regai nditi....
Mai Chido
Kudzoka kwaakaita akadzoka akarova serious ini handina kuda kuzvitarisa zvangu.
Chandakangoona ndechekuti pane zvaivapo pakati pevatatu ava. Zvichida munin'ina wacho ndiye aida kana kuti aidanana nababa vaChipo hameno.
Kubva zvandatanga kutengesa zviri pamutemo kkkkkkk ,ndototika zviri pamutemo handiti ndaiva ndisichahwandi here? Baba vekwangu havana kana kuzombofunga kutsvaga basa, aitoti akariwana otsvinya zvikati muChivhu macho mabasa acho aitonetsa. Chaainge ogona kuti ndipe mari yedoro ,nyangwe mari isina kumira mushe ndaitomupa ini yedoro.
Ndakatengesa ndikasvika pakutenge ndotogonawo kuzvitengera futa, vakadzi vese vandaitaura navo vainditi ukazviitira zvinhu zvako hauna nhamo yaunoona. Ichokwadi nhamo pakuwana zvandinoda yainge yapera asi dzimwe nguva ndairara ndakasvinura. Baba vaChido vaiti vakatanga kutukirira vanenge vatotanga, Ndaigoudzwa hujembere ndorangarira rimwe zuva ndakabatikana mufunge ainge arara achitukirira kudaro zvake. Chaivapo ndechekuti zvinhu zvaiva zvisina kundifambira zvakanaka musi iwoyo, iye aida mari ndikati handina maiwee ndakaudziswa kani.Nguva dzaakabuda ndakanzwa Chido ava kuti ....
"Mhama"
Me:: "Yes Chido ,watii?"
Chido:: "Ndiyani mukuru imi naDaddy?"
Me:: "NdiDaddy, hindava mwanangu?"
Chido:: "Ko inga vanoti muri zichembere wani?"
Me:: "Vanenge vakadhakwa ava mwanangu."
Chido:: "Vanobhowa Dadyy aghhh."
Ndakashaya kana chekudaira mwana, Baba vaChido vakambowana pamwe pavakanga voshanda pakaendwa mazuva mashoma shoma munhu ndokutoti kunorwadza hakuenderani nekurwara kwangu.
Sisi Cathe ndiyo hama imwe chete yandaitaurira nhamo dzangu vachindishingisa. Vaindikurudzira kutora passport asi ndaingoverengera zvangu. Rimwe zuva ndakanzwa namaiTari kuti kwaita purazi raiwanikwa beans neprice yakanaka chose. Takaronga kuti tiendeko amwe vakadzi vaingoita mari takati vavava. Ndakaitanga kune wangu murume paainge auya, ndakamira kuti apedze kudya ndichibva ndati....
"Baba vaChido, ko hanzi kupurazi raGaga kwaita beans dzakanaka zvisingaiti."
Baba vaChido:: "Gore negore kunenge kune beans wani,watanga kuzvinzwa nhasi here?"
Me:: "Ndanga ndisingazivi kuti ari kuhodhesa ini."
Baba vaChido:: "Dzinobuda masaga nemasaga wani?"
Me:: " Ndafunga kumboendako kunotora nditengese zvangu, ndomukirako mangwana."
Baba vaChido:: "Uri kumboona kuti manje manje unogona kuto graduater pachihure here iwe?"
Me:: "Hezvo nhai baba vaChido, izvezvi Chido ari kuda tracksuit yechikoro handiti ndikatengesa ndiko kuti zvitoita here?"
Baba vaChido:: "Saka yebeans ndiyo inotenga tracksuit here?usada kundinetsa iwe"
Ndakaona hangu kuti haasi kuda asi ndakazviudza kuti ndinotoenda chete, naMai Tari taiva tawirirana kuti tomukira apa kumukira kwaisatobuda, ndakavaisira zvangu message kuti tibude kwachena, apa ndaitemba kuti baba vekwangu vanobuda. Mazuva iwayo vaibuda vachidzoka manheru saka paisava nenyaya.Ndakamuka ndokuitawoka zvekukasira kubikira munhu zviya zvekuti munhu abva abuda. Shasha yakapedza kudya ndikanzi mari ndikamupa achibva abuda zvake. Ndakaenda kuna mai Tari ndikati.....
"Handei vasikana ,ko mamuka?"
Mai Tari:: "Nhai vasikana tichanowanei?"
Me:: "Saka todiiko? Tozviita rimwe zuva here, ko ndakaita mistake kuudzaka baba vekwangu."
Mai Tari:: "Handei tonoona taveko, kana tashaya beans totsvaga chimwe."
Takabuda ndokuenda,munzira ziso rangu raingopfurira pasi, ko iyo hana kurova.
Takasvika tikawana kune richo sericho tikati shavi rabata. Takatanga kutocheka mhunga nevamwe zvedu uku beans dzedu taiva tabhadhara zvedu. Kuma past 2 tichibuda mumunda takapiwa chibage chedu ndokutakura beans dzedu zvedu. Tichangobuda paye zvikanzi namai Tarii ......
"Amai mwana zvakadzora ndosaka vamwe vakadzi vasingabvi mumapurazi kkkkkkk, nguva diki diki iyoyo tatova nechibage chedu."
Me:: "Asi zvinorwadza ummmmm ndaneta ini.......yuwiii mai Tari hona baba iya iri kufona."
Mai Tari:: "Hiiii vakasadaro vava kumba,daira " Ndakadaira ndichitohuta zvangu ini...
📞📞
Me.... *"Hello"*
Baba vaChido.....
*"Uri kupiko mbwa iwe?"*
Me... *"Ndi.....nda..... Ma.....ma"*
Baba vaChido..... *"Nxaaaa iwe joki iwe nda......nda kudiiko?"* Ndakacutter fon ndarohwa nehana, mai Tari vakabva vati.....
"Hanzii? Iwe mai Chido chiiko?"
Me:: "Vava kumba mhai, ma1 angu."
Mai Tari:: "Usavhunduka kani iwe une dambudziko rekupanika. Waona zvakadai chitotanga iwe kupfeka face yebasa hande." Takasvika pamba ndichibva ndaisa zvinhu kwamai Tari ivo ndokuti.....
"Mai Chido usaita sebenzi iwe, sei uchifunga uchigumira panzira? Saka unovatii wanga waindepi iwe usina chawakabata?"
Me:: "Mai Tari unoziva munhu ari pama1 here?
Ndini shamwari, okey ndipe chibage chete, beans anonditi ndakurambidza." Chido akabva apinda mumba mamaiTari ndokuti.....
"Mhama Daddy vauya kare, manonoka nei?"
Mai Tari:: "Vauya vakatii"
Chido:: "Hapana vangobvunza kuti maendepi, ndikavati handizivi ini. Vabva vangorara" Ndakabuda mumba muya ndokufamba ,ndava kusvika kudoor kwangu hana yangu yakarova ndichibva ndadzoka shure.Ndakapinda mamai Tari ndikati......
"Mai Tari rega ndifonere sisi vangu kuitira kana ndarohwa vasikana, ndiri kuona ndakuvadzwa ini."
Mai Tari:: "Manje nguva iri kuwedzera kureba, chifona uende kumba iwe." Ndakangoisa message kuna sisi cathe ndichibva ndabuda ndokunanga kumba kwangu.
Ndakasvika mukomana akarara akatarisa mudenga achibaya baya kafoni kake.Kupinda kwangu akabva amuka ndokuti.....
"Madzoko"
Me:: "Maswera sei?"
Baba vaChido:: "Ndaswera" Akabva abuda panze ini ndokutanga kunyepera nyepera kubata bata hangu apa ndichiita ndichidongorera panze. Haana kukasira kudzoka, apa mai Tari vakanga vatotanga kutengesa beans dzavo ,ini ndaitya iiii.
Ndakatanga kugezesa vana vangu ndichipengera Chido.....
"Nhaiwe Chido watadza nei kugezesa vana, unoziva here kuti ndaneta ende ndiri kuitira imi futi."
Chido:: "Mhama iyo mvura iyo, asi ndarambidzwa naDaddy hanzi vachauya vogezeswa namai vavo." Handina kuzoitaura futi, ndakabikawo ,kwaiva kwatodoka uku, ndakupakura ndipo pakapinda baba vaChido ,havana kana kuknocker vakangopinda ndikaziva kuti hazvina kumira zvakanaka. Ndakavhunduka tese nevana, ndikanzwa ava kuti.....
"Mai Chido wanga waindepi?ndoda mhinduro inondigutsa ndisati ndakupwanya."
Me:: "Ndanga ndanotora chibage changu ichi chechikwereti."
Baba vaChido:: "Chikwereti chekukwirwa handiti?"
Me:: "Aiwa baba va...."
Handina kupedzisa kutaura akabva andirova mbama svinu, pandakati nditize ndakabva ndapingwa nechistool chaiva mumba ndokudonha akati opedza shungu mwana wevanhu. Ndakatsikwa tsikwa kani .
Ndakarwisa kusimuka ndokukwanisa kubuda apa fon yakasara mumba.Vana vangu vatatu vakabudawo vachichema kutevera uyu mudiki ndiye zvake akasara. Ndakunzwa iye Baba vaChido ava kuti,,,,, "Iwe Chido dzokai mumba" asi vana vakaramba kudzoka
Kwaiva kubuda hangu ndainangepiko husiku ihwohwo?Ndakaedza kuti ndione mai Tari asi ndaitya kuramba ndiri mugate....ndakabuda nevana vangu apa kwaitopfunha pfunha zvako.Ndakaedza kuti vana Chido vapinde mugate asi vaingochema vana vakaramba.
Ndakadzungaira kusvika ndafunga kuenda paiva neimwe shade yaigocherwa chibage nevamwe baba. Moto wakanga wadzima zvagara vaitotakura huni dzavo.Ndakagarapo nevana vangu, apa hapana kana aiva nejuzi. Musi uyu ndakachema ndikambofunga kuzviuraya asi ndaibva ndafunga vana vangu.
Ndakanamata kamunamato kuita sendakanga ndagara ndichinamata veduwe,ndakangoti.......
_" Mwari dai machiita zvamakatara muhupenyu hwangu nekuti pari zvino ndazoneta"_ Ndisati ndati Amen ndakabva ndavhunduka ndichiona varume vaviri vaibva nechezasi kwepataiva ,apa vaitotaura nyaya dzavo asi vaiva vakabatidza touch, hana yangu yakarova pavakaratidza touch kwatiri. Hameno zvavakataurirana vachibva vaseka ndakunzwa umwe wacho ava kuti......
"Hande mapenzi haaperi muno muChivhu iwe,iri rine vana tinotemwa nematombo plus muno manyanya kuita mudzimba. Vakafamba vachienda ndikabva ndatura mafemo.apa ziso raingova kugate kwedu kuti hapana abuda here, Ndichangoti femei aghhhhh ndakavhunduka, ndichiona mumvuri we munhu mberi kwangu, ndakasimuka kuti ndione munhu wacho kuti aivepi uye ari ani. Kusimuka kwandakaaita handina chandakaona, ndaiva ndotofunga kumhanya kumba, ndaiva ndotyira hupenyu hwevana vangu ini.
Ndichiri kufunga kuti ndodii mushade makabva mapinda mumwe murume aiva akapfeka zvitema zvega zvega, ndakada kutiza iye ndokuti..
*Usabva usina kuisa like yako kani*
End of chapter 6
❤️
👍
🙏
😢
😂
😮
154