MAI YOLLAR SHONA  NOVELS🇿🇼
MAI YOLLAR SHONA NOVELS🇿🇼
June 6, 2025 at 05:04 AM
*♨️♨️♨️USAJAMBWA NEDZIDZISO IRI MUBOOK IRI* *MARRIAGE SORROWS* *✍️By Nommar aka maiYollar* https://chat.whatsapp.com/JFI1MBaHegf8sVLIuLNFtu *WHATSAPP GROUP* https://whatsapp.com/channel/0029VaIueYQCRs1hHK8hB31b *Muverengi webook iri wese hande kuchannel kune zvakakumiriraiko* https://whatsapp.com/channel/0029ValII4B4tRrqIiRXu82n *Kana uchida mabooks amai Yollar ekumashure follow this channel* 📲+263⁷⁷³669⁵⁴⁸ 📲+263⁷¹⁹533⁰⁴³ *KUNE VARI KUDA KUPEDZISA GONA RAPEDZA HAMA HUYAI NEMA $1 KANA KUTI 40ZIG VARI KU SA 20RAND VOUCHER MASCRATCH CARDS ARI KUTENGA BOOK* Chapter 7 MaiChido "Musatiza kana kuvhunduka zvenyu madam, ndatoti ndibvunze kuti sei muri muno nguva dzino?" Me:: "Ndokumbirawo mubude pliz, munondiuraisa." Akacheuka cheuka achiita sepane chaaitsvaga, achibva ati.. "Nani?" Me:: "Nemurume wangu." Apa ndaitaura ndichidongorera kugedhe kuti hakuna ari kuuya here. Him:: "Ndinoitwa Victor or baba vaPanashe, ndokumbirawo kukuzivai, feel free kana muchitaura neni." Matauriro aiita baba avaka waitongoona wega kuti ndofunga kumba kwavo mai vaiguta rudo. Voice ravo kutaura chokwadi zvangu ndirini ndaigara nemunhu akadaro handina chimwe chandazoda vaiva nenzwi rakatsvetera kani, ndakatombodemba kuti dai ndakaona vanhu vakadai pandaiva ndichiri musikana zvangu. Ndakadaira nenzwi rine kunyara uye kakutya zvangu musatamba nekuonekwa wakaungana mukona apa nehwana hutatu kkkkkkk kuseka nhamo serugare, ndakati.... "Kuva pano kwangu tanetsana nemurume, saka ndichadzokera zvangu." Victor:: "Aghh ko kunetsana rudzii ikoko kwekuti mumwe anorara panze? hazvinaka kunaka kuti (urare) sory murare panze nevana." Me:: "Aiwa zvinopera tinopinda mumba zvedu." Kutaura kwandaiita ndaiva ndongoti dai baba ava vachienda, vakaramba vachingobvunza mibvunzo yakawanda, zvimwe ndaipindura chokwadi asi zvimwe ndaipindura zvisizvo. Ndakanzwa gate redu kuvhurwa hana yangu ikarova zviya zvekurova, ndakasimudza musoro ndokuona vari baba vaChido vaiva vakabata mwana asina kana chiblanket apa aichema. Ndakatsikitsira musoro asi ndakaona seainge atozviona kuti pane vanhu. Baba vaChido vakatanga kufamba vachiuya kwataiva, ndakanzwa mudumbu mangu muchirira, uyuwo Victor haana chaakaona akatoramba achitaura nyaya. Baba vaChido vakasvika ndokumira vakatarisa kuna Victor, iye ndokuti..... "Ehhhh maboss" Baba vaChido:: "Kkkkk maboss ndimizve madai kuvavharira mushade." Victor:: "Aghhh ndawana vari pano kuda kutonzwa kuti chii chaitika, murisei blaz?" Baba vaChido:: "Hooo,iwe tambira mwana, kana moda kuuya kumba tokuonai." Akafamba seainge ava kuenda, akatura befu, ndakanzwa zvangu kuti befu iri harina kumira zvakanaka raiva rehasha.Akabatidza foni ndokuvheneka kumeso kwaVictor iye Victor achibva ati.... "Nhai mudhara mai ava vatadzei zvekuti mungavaradza panze nevana?" Haana kudairwa asi ndakangoona ava muvhu, baba vaChido vakaoma veduwe vakatanga kumurova iye wacho achibva asimuka zvechisimba. Ndaiva ndisichagoni zvangu kutyira kuti vanhu vanokuvadzana ndakatarisa. Kusimuka kwakaita Victor akabva achitanga ndiye kurova baba vaChido. Kutaura chokwadi umwe moyo ndakambofara kuti ambopiwawo zvibhakera imwe pfungwa yaiti ko iye murume uyu ainge abva nepiko. Baba vaChido vaona kuti vanenge vokurirwa vakabva vatanga kudanidzira kuti .... "Mbavha!!mbavha!!" Victor akabva arega kurova malights mudzimba akabatidzwa iri sign yekuratidza kuti vanhu vamuka.Ndaiva ndotya kuti vanhu vakabuda munhu anokuvadzirwa mahara. Baba vaChido vakataura nenzwi rine hasha..... "Ndaikutsvaga mupfanha, ndaizviziva kuti ndichakubata mhani, heya ndiwe uri kuhura nemukadzi wangu nhai?" Victor:: "Mudhara ndikahura nemukadzi wako unomushaya uyu, ndinomuchinja zvekuti newe unomuchiva. Dai iri hanzvadzi yako yakarara panze wainzwa sei?" Vakachinjana mashoko ndakateerera uku misodzi ichingoyerera, ko ivo vana zvavo waitoona kuti uku kumbunyikidza vana chokwadi. Victor akafamba ndokubuda mushade, achibva ati..... "Mudhara tora mukadzi nevana vapinde mumba, zveshuwa usadaro, kana usiri kuda ndovatakura ini vese." Baba vaChido:: "Iwe simukapo upinde mumba kana kuti ndifonere hama dzako kuti ndakubata nechikomba." Ini moyo wangu ndaiva ndongoti dai uyu Victor achienda asi airamba achingotaura.Takaparadzana naVictor iye achienda . Ndakafamba ndokusvika pagate ,ndakaita kusandudzirwa nababa vaChido ndichibva ndadonha neside ndichiedza kuti mwana asarovera vakanditevera negumbo ndokunditsika pamusana ndichibva ndairidza mhere. Pasina nguva baba vaTari vainge vamuka pamwe nemumwe murume, vakatobuda vakabata zvekurovesa sezvo vainge vambonzwa kuti mbavha. Vakasvika ndokubata wangu murume baba vaTari ndokuti.... "Mufana itawoka semunhu mukuru, ko chiiko?" Baba vaChido:: "Varume kana imi makagara zvakanaka vakadzi venyu vachiita basa rekuda kuputsa dzimba dzevamwe handioni zvichibuda." Baba vaTari:: "Ko nhai mai Chido chiiko?" Handina kugona kana kudaira kwacho ndaitonzwa kunge ndadambuka imwe mbabvu. Nguva yakanzi tipinde mugate titaure ini ndakasara kumashure, vanhu vachingopinda mugate ,ini ndakabva ndatendeuka ndisina kana mwana, ndakapinda pamukoto waivapo wainobuda kudzimba dzekuseri. Ndakananga kumba kweimwe shamwari yamai Tari asi ini ndaingotaurawo naye zvangu.Ndakagogodza ndikavhurirwa naiye achibva ati..... "Mai Chido hanzii kufamba husiku nhaiwe?" Me:: "Zvakaoma mai Theo,nhamo yangu ihuru." Mai Theo:: "Iiii apa wakuvara ,asi warohwa futi nhaiwe,ko wasiya vana kani?" Me:: "Panga paipa handina kukwanisa kutora vana ini." Mai Theo:: ko nhasi hanziiko futi? iiii manje mudiki handiti anomwa here?" Ndakarondedzera kuenda kwedu kupurazi nekudzoka ndichipinda busy iyoyi kwandainge ndaita,iye achibva ati.... "Zirume rako rakajaidzwa,woti uri kutoshandirwa woti futi kushusha nxaaa iduzvi remunhu." Me:: "Ummmmm apa regai ndione zvekuita ndisiyane naye handidi kunyepa." Mai Theo:: "Nevana 4 here kkkkkkk iwe wako azoipa pakurova chete. Manje ini vepano havarovi asi kutukirira maiweee kana varipo zviye ndogara ndakashurwa. Chimboudza vabereki vake unzwe pfungwa dzavo." Me:: "Vasikana ndinofa ipapa ndarovera nepadivi apa,hameno zvapari kuita pari kurwadza veduwe." Mai Theo:: "Rega tipatove ende zvakaoma kugara nemhondi chaiyo." Ndakatoviwa toviwa ndokumwa mvura inopisa hangu,akanditarisa mai Theo ndokuti.... "Zvakaoma chokwadi ummm,saka wati wodii nhai iwe?" Me:: "Ndipoo foni nditaure namai Tari" Mai Theo:: "Uri kuda kuti adii? mai Tari anombozvida here zvenyaya dzemurume wako. Kubva paya pavanetsana uri kumusha." Ndakanetsekana kuti vainge vanetsana nenyaya yei zvandainge ndisina kana kunzwa. Handina hangu kuda kubvunza kuti inyaya yei......ndakapiwa foni ndokufona, asi foni yake yairamba. Ndakawaridzirwa mudinning ndokurara akada kundipa chikafu asi ndakaramba. Kuseni ndakamuka ndokuedza foni yamai Tari yairamba yakazobvuma kuma10 ndaiva ndotofunga kungoendako zvangu. Yakaringer akabva adaira... 📞📞 Me...... *"Muri sei mai Tari?"* Mai Tari.... *"Nhaiwe ko uripi nhaiwe ,rombe rako rabuda vana vari kuita kunge vakafirwa gore ra1980"* Me.. *"Ndiri kwamai Theo,ko itaika kuti Chido apinde mumba atarise foni mundipewo nhamba dzasisi Cathe."* MaiTari..... *"Huya utore mwana, wozoita zvauri kuda, unongotora mwana woenda."* Ndakamboita nharo, asi chokwadi mwana wangu aindirwadza moyo. Ndakapiwa nhamba ndokufonera sisi Cathe. Sisi Cathe vakanditi ndimbomusiira vana ndiuye Harare apa mari ndaiva ndatora beans.Ndakabuda ndokufamba kuenda kumba pandakati ndipinde pamukoto wekuzosvika kumba,ndiye dhuma dhuma naVictor uya murume wekundivinga mushade, ndakanyara nekuti ndakavhunduka zvaakatoona iye kkkk, akabva ati.... "Sorry madam,ko mambomuka sei?" Me:: "Ndamuka hangu, regai ndimhanye hanzi mwana ari kuchema." Victor:: "Shem ,asi mamusiya kare kani?" Ndakafamba ndichida kutotiza, ndaifunga kuti kuri kuonekwa hangu ndakamira naye. Mandiri makauya imwe pfungwa ,uyu munhu ndiye aigona kundibatsira nemari yebus kutaura chokwadi. Ndaimuwanepi anotenga beans dziya nekukasira. Ndakacheuka shure ndikati..... "Mwana anzi ari kuchema ehe ndabva kare.... Ndoda kumutora, ko nditsvagireiwoka anoda beans nekukasira nhai hanzvadzi." Victor:: "Beans dzakaita sei?" Me:: "Sugar beans" Victor:: "Okey,ko madziwanepi?" Ndakashinga ndikamuudza muchidimbu nyaya yaivapo,akamboramba akanyarara ndokuzoti..... "Sorry mai.....uummmm mai ani zviya?" Me:: "Chido" Victor:: "Chido ,okey.....ndiri kuda kuti imi kana mainda kuHarare muri kufunga kudii?" Me:: "Ndoona ndavako,sorry regai ndiite plan ndione kuenda." Victor:: "Handikwanisi kukutii musaenda, nekuti handizivi kwamabva nemarriage yenyu asika ndokumbirawo mufunge pamusoro pevana venyu. Vana vanoda kukura vachiona vabereki pamwe mufunge, ndichakupai mari iyi ,sunungukai kuitora zvenyu asi chikumbiro changu ndechekuti muende Harare kunorohwa nemhepo muchidzoka kumba kwenyu." Ummm izvo zvaaitaura zvaiva zvake,mari handaiiramba ndaiva ndisina yebhazi ini. Ndakatambira mari akakumbira nhamba dzangu dzefoni, ndakamupa kwandiri ndakaona zvangu Mwari vatondimutsira hanzvadzi sekutamba sekuseka. Ndakabva ndaparadzana naye ndokunanga kumba ndakasvika mai Tarie vakagara panze pajecha raivapo. Mai Tari:: "Hezvo nhaiwe ,ko makatorovana zvekukuvadzana kudai?" Me:: "Kkkkk kurovana here kana kuti kurohwa? kunani kuseri?" Mai Tari:: "Inga ndakuudza kuti vabuda wani?" Ari kungondidzvokora mai mwana nhaka ndicharohwa." Me:: "Ndezvake izvo, agezesa mwana here Chido wacho?" Mai Tari:: Agezesa kana iye ageza hanzi hatisari, varikunzwisa tsitsi vana vako. Dai wangoignore shaa." Ndakabva ndatobva paari kwakuenda mumba, ndakatora hembe dzangu shoma nedzemwana kwakutobuda. Chido ndakamuti ndodzoka ndakavapa mari yazep kana ari Chipo maiweee akabva aiita kusekerera kana kutomboziva kuti kunei zvake. Ndakaonekana namai Tari ndikabva ndanokwira Hararre zvangu.Chivhu to Harare kumbori kure here? Rakatosara rodoka ndavako. Ndakasvika pamba pana maid chete asi aiva achiri kundiziva hake.....bamukuru navakoma vakazouya kumapast 7 zvavo, vakapinda vakamboita zvekugeza vese ,vakazouya mataiva macho,vakoma vakabva vataura vachitarisa tarisa ndokuti.... "Ko Chipo karipi?" Me:: "Chipo asara uyu." Sisi Cathe:: "Iwe mwana uya mudiki iwe, Iye hanziiko nemurume wako?" Me:: "Iiii vakoma chandinofira handichizivi ini" Sisi Cathe:: "Unogoshaya chaunofira, iweka unofiraka ivo vana." Me:: "Dai pasina vana ivavaka kutaura chokwadi ndingadai ndakasiya kare ,izvezvi handitozivi kuti mbabvu yangu iyi ichiri kwayo here?" Sisi Cathe:: "Zvembabvu kusimbisana henyu uko, chandinotoda kukubatsira mashoko ekutaura pamusoro pevana. Usashandisa mashoko ekuti dai pasina vana.Mwari anonzwa ende inguva diki diki henyu mainini kuti Mwari akutorerei vana ivava. Saka musademba kusava navo tendai Mwari kuti vana varipo ,zveshuwa vanofuma nhasi vese vakaoma zvotonzi vana vadya poison kkkkk vanhu vagotambura, kuti chii izvo minamato yenyu yapindurwa." Me:: " Ndazvinzwa vakoma." Sisi Cathe:: "Imi manga mafunga kudii apa? ini ndine hope mainini, ko tikakurukura, mangwana zvairi weekend nhai ndiri pano zvangu, tombonzwawo vana mhama kuti vanotii." Me:: "Zvakanakai vakoma." Murume wavo aiva akangoti shutu ndakazvishayawo ini, vakadungamidzana voenda kunorara. Isuwo tichibva, taenda kwedu kwatairara, foni ndaitya kubatidza. Baba vaChido Handisi zvangu kuti vanhu vadanane nevakadzi veshamwari, asi kungoti ivo vakadzi veshamwari ngavangovawo nepekugumira pashamwari dzevarume. Isu tiri varume guys yangu hanzvadzi chaiyo ikapfeka ichibudisa zvidya panze kana zvichingo chivika chete ndotogona kuchiva. Ndiko kuti murume... Mukadzi wasahwira wangu ndiye akandiita kuti ndiite zvisizvo, apa aisada kuti tirare aitya anenge aifungira kuti akagadzirwa nemurume here hameno.Pese pandaionana naye ndaingoshandisa chigumwe waitonzwa ochemerera worse ndikazoyamwa mazamo ake iyewo aitongoita zvekubonyora nhengo yangu apa zvaimbozondirwadza kani asi aizama zvake kuti ndirerukirwe then ndaizopedzera shungu kwaJerina haghhhh jerina raiva joki rakatrainer ndaiva ndotofunga kuti ndozvinoita mukadzi wese ane magaro makuru. Pese pandaifamba ndaiva ndoti ndikaona mukadzi ane matako mahombe ndotonzwa complain mubhurugwa. Nhau yatakakonana nemukadzi wabhururu wangu uyu yaainge oda kuita yekujairira kumba kwangu, aiwa haghhh kana kuti atambe naMai Chido zvaisaita naihwo hunhu hwake hwakadhakwa here ihwohwo. Ipapo ndakaona zvangu kuti vadzimai vangu vavhurikawo njere ,havana kuda kusekerera zvisina basa izvi.Munhu andakaona akanga oda kutoita seanofurira mai Chido ndiMai Tari, asi kuvatanga ndaitotya naidzo nhema dzavakambenge vandirongera, nyangwe ndaizonzwikwa ndichinetsana navo vanhu vaingoti ndiyo yekare nyaya iya. Kutiza kwakaita maiChido ndakarohwa nehana ,ndikati ndisiirwe vana vese here ,ndaiva ndakutoronga kuti kukayedza asina kudzoka ndotoendesa vana kuna mai vangu, hameno kuti vaizozvitambira sei. Zuva rakatevera ndakaswera ndichitenderera zvangu ndichinwa kubvisa stress kkkkk ko zvingataurika here kune mamwe machinda kuti ndatizwa namadam. Ndaingopocha doro zvangu ,ndakatozoti kumapast 3 zuva rotorereka ,ndipo pandakati ndione kuti kumba kwakamira sei, ndakasvika pamba ndokuwana Chido achitamba nezvinin'ina zvake. Ndakapinda mumba ndikatarisa tarisa wanike mainge musina munhu, chakandinentsa mwana mucheche ainge asimo mumba.Ndakabuda ndokubvunza Chido..... Me:: "Ko mwana aripi?" Chido:: "Atorwa namhama." Me:: "Vauya nguvai?" Chido:: "Zuva ratobuda." Me:: "Saka vati vari kuendepi? Huhu zuva ratobuda ndokutiikowo?" Chido:: " Handizivi ini" Me:: "Unogochemei? wadii kuchema pavabuda pacho? usandiitira noise zvangu." Ndakamudaro zvangu asi kutaura chokwadi ndaiva ndapusa. Ndakafonera mukoma wake weHarareka wacho,asi akati haako ko kuzoti atonzwa neni zvekuti mai Chido havako. Kuti nditi kumusha kwake ndaiva ndisina kana wekutanga kufonera saka ndakangozvisiya. Ndaiva ndotofunga kutakura vana kuenda navo kumba kuna mai vangu hameno kana vainobvuma. *Ndoziva sei kuti book riri kuita kana iwe muverengi usina kuliker* End of chapter 7
❤️ 🙏 👍 😂 😢 😮 181

Comments