MAI YOLLAR SHONA NOVELS🇿🇼
June 7, 2025 at 08:34 AM
♨️♨️♨️USAJAMBWA NEDZIDZISO IRI MUBOOK IRI
*MARRIAGE SORROWS*
*✍️By Nommar aka maiYollar*
https://chat.whatsapp.com/JFI1MBaHegf8sVLIuLNFtu
WHATSAPP GROUP ☝️⤵️
https://chat.whatsapp.com/KGc4bQYReqE08o6yMHbEol
https://whatsapp.com/channel/0029VaIueYQCRs1hHK8hB31b
*Follow channel usangane nedzidziso usasara*
📲+263⁷⁷³669⁵⁴⁸
📲+263⁷¹⁹533⁰⁴³
Chapter 9
Baba vaChido
"Nhaiwe saka ari kutiiko mukadzi wako?" Mukadzi wabhururu wangu aidaro zvake takagara mumba make.Ndakadaira zvangu ndichiedza kuzvishingisa asi pamoyo pachirwadza.
"Anozvitambudza shaaa ko ndinei naye zvangu, ipapa kubva zvaaenda handina kumbomutsvaga ini." Dzimwe nguva ndaizovhunduka pava Paya ndofunga kuti handina zvangu kusiyira vana chekudya. Zvamunoona vana vanoda munhukadzi, ndakamboedza zvekare kutaurawo namai vangu asi vakaramba vana.
Nekuda kwehupenyu hwevana ndakazvipira hangu kunyengerera mai Chido kuti adzoke kuvana, pandakaona kuti ari kutoda kudzoka ndakatanga kutokwenya mhuno nekasiyanwa, kuti dai adzoka kuvana vake zvake kwete kwandiri.
Chirwere changu chemoyo, aiva ma1 ndaiti ndikanyanya kufunga zvokwidza, seipapa ndaigona kurara ndakasvinura husiku hwese ndichifunga kuti vana vanodyei kwayedza.
Mukadzi wasahwira wangu aiva wemadhiri zvechokwadi, akandivimbisa kundirongera basa rikatobuda wani, ndakatanga kushanda pane rimwe butcher muChivhu imomo iro basa rekutsvagirwa kkkkkkk rine mubairo zvamunoona henyu ndaigara ndakanzi.....
"Zvamurimi mugotisiya makanganwa kuti tisu takatsvaga basa racho."
Me:: "Ndokusiya ndichiindepi nhai?"
Ndaimuona zvangu mukadzi wabhururu wangu, aisada kutoti mukadzi wangu adzoke.
Kwaingova zvake kudaro asi iye handiti aisandipa kana poto yacho, ndaingoguma kudongorera. Ndakamboedza kumuti timboedza akabva anditi.....
"Kumusha kwemurume wangu ndekwemushonga, sekuru vake ndiro basa ravo rekutogadzira vanhu. Iye chaiye sahwira wako aigara achiti haaendi kure neni kana asina kusota."
Me:: "Kungodaro zvako pamwe kwaingova kuvhundutsira, ko ndikambogumisa chete tione kuti zvinodii just kungoisa chimusoro zvangu shaa ndingonzwa hangu kudziya kwaro."
Her.. "Ipapo ndingakunyepera handidi kukufadza nenhema hako. Handifi ndakafarisa zverudzi irworwo."
Ndakamutadza ndikaguma ndamusiya, asika zvaisava nyore kudenhwa ndosiiwa, nyangwe zvake aizozama kuti ndinzwe zviri nani, asi mongozivawo kuti kudhigidha kunenge kotongodiwa.
Mamwe mazuva ose ndaisvika vana vangu vachisiririsa ini, pane pavakangochinja ummmmm ndaisvika vana vakafara ,dzimwe nguva ndaitoisirwa chikafu kuti ndisvike ndichivapa, asi vaisvika vachiramba. Zvakaitika kwemazuva ndikati ndafunga zano, ndakatora Chipo ndikakati .....
"Ndinoda kuti utaure chokwadi, pandinouya munenge mapiwa nani chikafu?
Chipo:: " Hatina kukwata isu"
Me:: "Ndati ndiyani?heeee."
Akaramba akanditarisa ava kutya achibva ati.....
"Handizi ini"
Mai Chido
Ndakasiya kufunga zvaVictor ndokutanga kutofunga zvevana vangu zvangu. Ndaizama kuongorora kuti pana baba vaChido paitova neramangwana rakajeka here. Vana vangu kutozoendawo kuchikoro kupedza chaiko?
Ummmmm paiva nenyaya. Victor kubva musi waaisa mari ainge asichafoni kkkkk agh ko kutozombobatwa nekamweya kaye kanobata vasikana vachiri kupfimbiwa kaya. Makamboona zviya zvekuti muface oti ndakuda tomboti woramba obva angoti ziii kkkkk .....unoita seuchamutanga kuti ndakukuda ugoshaya zvekuita asi ini hangu zvekuita boyfriend zvaisava mandiri, asi kungoti uyu Victor munhu wandainge ndakungofarira zvangu. Rimwe day ndakafonerwa naMai Tari, hanzi.
Pazvinhu zvamakatumira dai makaisa zvimasandark zvaChipo pachikafu makagona chose vana vari kufara, asi mai vavo vanovada vanongobvunza kuti vanouya riini?"
Ndakapusa kuita kupusa, zvinhu zvandakatumira? Ini? Ndichizvitumirepi?
Ummmmm hana yangu yakabva yarova, pane zvaiva zvatoitika chete. Kuti ndivati handina kumbotumira zvaisaita, zvaiva nani kutsvaga nyaya dzangu ndega. Musoro wangu wakatotanga kutema kuri kufunga zvaitora nzvimbo. Imwe pfungwa yakamboti iyeka good Samaritan asi ndakazviramba, iiii kunenge kotonzika kufarisa.Nekutya ndakabva ndatofunga kuudza sisi Cathe nezvaVictor, ndakatya kuti zvinoita nepamwe wani ndikanzi zvangu hure. Ndakarondedzera kubva manheru andamuziva nekufungira kwangu kuti aigona ariye aitumira vana chikafu. Vakambonyarara sisi ndokuzoti......
"Waiva wagara uchimuziva here munhu uyu?"
Me:: "Inga ndataura kuti....."
Handina kupedza vakabva vati...
"Makatoonana zuva iroro, ummm vanhurume vanonetsa chinhu 1, izvezvi anogona kutonzwira tsitsi iwe nevana asi yake mhuri ichisafa." Ndakaramba ndakanyarara ndichiteerera zvangu mukoma vachitaura.Vakabva vati....
"Kozoitawo kutoti anogona atori single aona hake kutoti mukadzi ari kutambiswa uyu, ko iwe unotoonekwaka nyangwe uri munhamo kuti pane zvemukadzi kkkkk, umwezve anogona ari kutobatsira zvisinei nerudo mukati, unozviziva here?"
Me:: "Ehe zvinodaro zveshuwa."
Sisi Cathe:: "Asi dinga rako rikazvibata kkkkkkk tinokunzwirai.......hameno pamwe iwe wanga watodyirazve kune vava kuchengeta vana."
Me:: "Iiii nhaimi sisi, ndinofaka zvangu nemhamo yangu, ndingadyira pane umwe ,iye umwe achidai kushungurudza."
Sisi Cathe:: "Haghhh nekuti kutaura chokwadika varume vanonetsa, ende havanzwisisiki zvavanoda ava, kufanana havazofanani zvavo. Inga isu munongotiona wani takanhonga nehungwaru kkkkkkk hanzika marriage inyama yemurima inoda kunhonga nehungwaru. Ukanhonga bonzo unori gugudura kwehupenyu hwese kkkkkkk."
Me.. "Kkk taurai zvenyu sisi, isu tinawo mabhonzo edu tapfidza nawo."
Ndakagara 3weeks dzikakwana ,ndaiva ndongogara ndakatarisa pafon kuti ndichaona message yepassport. Yakazouya zvayo message yekunzi passport yaita, ndakanotora asi mandiri ndaiona chasvika pakuexpire chiri mumba.
Week yechi3 yandaiva ndakamirira passport yakapera mashoko awanda. Mai vasisi Cathe vaifona vachiti ini ndaifanira kudzokera kumba kwangu, hanzi zvekugarisana zvinodyara ruvengo kudii. Iniwo semunhu aiva ava kuda kutoenda kumba kwacho ndakatoti zvaita.
Mumwe musi vakandidana tapedza kudya sisi Cathe.....
"Memo wapedza zvawanga uchiita here? Huyaka pano."
Me:: "Ndapedza sisi, ko Pipi ari kuchemeiko?"
Sisi Cathe:: "Uyu akandiona anobhowa uyu."
Me:: "Huya Pipi" Ndakabva ndatora mwana wavo ndokumuisa pagumbo achibva anyarara zvake, wangu aiva atorara.Sisi Cathe vakabva vati.....
"Kkkkk hona zvakanoita, wotoenda navo maivako, mawirirana zveshuwa. Pipi haajairi vanhu zvekudaro."
Me:: "Iti tinoenda futi futi."
Sisi Cathe:: "Yaghh umbonorova mudhara kana vatanga kunetsa."
Me:: "Kkkk kkkk yaghh vanenge vapinda busy."
Sisi Cathe:: "Okey ndati tosheedza Sekai here akuperekedzei, ini busy kubasa mainini, kana kuti moinda mega mozongotiudza kuti mawana kuri sei."
Me:: "Ndinoenda sisi."
Bamukuru:: "But akutonokuitai bhora murume iyeye, akutoziva kuti mukaenda munodzoka zvenyu mega."
Sisi Cathe:: "Saka moda zviitwe sei? Vanaka nhai baba vaPee."
Bamukuru:: "Vana kudiikowo? Ndambotiiko ini ngavaende. Zvimwe zvinhu madzimai ndimi munozvidzikisira mega. Apa chiratidzo chekuti ndakutiza asi ndanokundikana ndosaka ndadzoka."
Sisi Cathe:: "Ummm baba vaPee musadero imi."
Bamukuru:: "Iwe munhu anoda munhu angadai akatevera, iwe neni taisanetsana here? Handiti ndaitevera, todzoka tese." Sisi Cathe vakambonyarara ndokuzoti.....
"Topinda nemutown ndikutsvagirei zvekunotengesa murarame nevana, musatarise mari yake kana kuti ari kuita nezvei, mukagona izvozvo munoona muchitosimba Mainini."
Bamukuru:: "Iwe unozvigona here zvauri kuudza munhu izvozvo?"
Sisi Cathe:: "Chitauraika imi, zvamuri kungoti zvese zvandataura hazviite." Zvakaoma kuona vanhu vaunoziva vachiwirirana vakukonana nekuda kwako.
Ndakawirirana nasisi Cathe pane zvavainge vataura zvese.
Manheru ndakarara ndarongedza zvangu tunhu twangu, ndakazoseka aunt vakunditi.....
"Yah manga masuwa kumba kwenyu zveshuwa kkkk"
Me:: "Neiko aunt? Ko vana kani asikana."
Aunt:: "Ichokwadi vana vakakosha, chandinoda kukudzai zvangu vakoma, kana mazofunga kusiya tangai magara pasi monyatsofunga."
Me:: "Kkkkk kufungei Aunt?"
Aunt:: "Muri kuona ini pano, ndakatadza kunzwanana nemurume wangu, ndikasiya imba ndisina kumbozvipa nguva yekufunga ramangwana, nyaya yedu yaiva diki zvekuti pamwe tingadai takagadzirisana."
Me:: "Aghh inga zvakaoma aunt, saka ari kupi izvezvi?"
Aunt:: "Akaroora uyu, ende vatova nehupenyu hwavo, vana anavo vanoratidza kuti vagere handina zuva randakaona vana vakachemera kuuya neni."
Me:: "Sory Aunt"
Aunt:: "Ndiri kudemba marriage yangu, kuzvituka chaiko asi ndini ndakazvikanya akauya akati sory vana tete vakaedza kunditi dzokera asi ndaizviti kwete nhasi ndini ndakudai kumutswa na12 nemumwe mukadzi kunzi mukai muchere mvura iye avete hake."
Me:: "Ko basa ragara rinosiyanaka nhai Aunt?"
Ummmmm ndakarwadziwa naAunt, kuchengeterwa mwana nemumwe mukadzi here? chete kungoti handina kuziva kuti nyaya yavo ivo yaiva yei yavainge vakonana.
Takamuka kuseni ndikageza tikabikirwa tikadya ndokubuda zvedu. Ndainzi ndisarudze zvandinoona zvinofamba kunzvimbo yandiri, ndaimboziva here? ndaingokumba. Sisi Cathe vakasiya vandikwidza vakavimbisa kuti vaizofona kunzwa kuti ndasvika here.
Munzira misodzi yangu yaimboda kuyerera ndichiedza kufunga zvangu kuti ndaisvika chirudziiko. Ndakangoudza mai Tari kuti ndamunzira kana ari Victor handina kana kutaura naye, ndaisada zvinhu zvinozondinetsa mangwana.
Ndichisvika pagate vana vangu vakamhanya veduwe ......Chido ndiye akanga oyerera zvake misodzi ndikaziva kuti ishungu.
Me:: "Chiiko Chido,ndauya wani, vanhu vanga vaina mhama vavo mai Tari kudai?"
Mai Tari:: "Yuwiii vana vanoda mai asikana, ko zvawatobvumwa neHarare nhaiwe kkkkkkkk."
Me:: "Amai mwana uko taitoita kuisirwa yekugeza mu bathroom, tea yaiuya mumachira tivete."
Mai Tari:: "Iti zvokwadi, aiwa vamwe vakadzi vane hupenyu asikana, Shewe vekumba kwenyu vane 3days havasi kuuya, ndatozonzwa naBaba vaTarie kuti vari kumba kwaSahwira wavo zasi uko."
Me:: "Asi akadzoka?"
Mai Tari:: "Ummm handizivi zvangu." Ndakavhura vhura zvekutengesa ko mai Tari vaiva nevanhu hobho,vakabva vatotanga kushambadza zvavo.Ndaishaya kuti ndovatanga sei nyaya yavaiti kutumira zvinhu.Ndakazoti ndichaiwanira plan.
Kumhanya kwakaita vana, pakaita chimwana chaivapo ndakamboti pamwe kaitamba zvako nevamwe, ndione patakapinda kumba naikowo asi kaingoratidza kutya zvako. Ndakasvika zvangu pakutoti....
"Ko ava ndevapiko, makutora vana vekumaraini nhai Tari?"
Mai Tari:: "Ndewepano mhai, mabasa emurume wako aya. Mwana akauya akasiiwa kuswera zuro, pamwe ndosaka ivo vasiri kuda kuuya vari kutya nyaya dzavo."
Me:: "Kkkkk imi matii? Mati mwana uyu ari kunzi ndewababa vaChido, mai vacho ndevepi nhaimi ?
Ihehehede zvaari mashura asikana.
Mai Tari
Ini ndakati handimbozvitauri, ndakangoti anouya ozvionera murandakadzi.Zvakaitika musi wakauya mwana uyu, Ndakatotanga kunzwa ruzha panze, ndokudongorera wanike pana baba vaChido nemumwe mukadzi, ende wechidiki aitoratidza kuva musvinu. Ndakanzwa vachinetsana nenhau yemwana, chandakagona kubatanidza ndechekuti, mukadzi aiti hausi kuunza chikafu chemwana saka ndakusiya.
Ndakaona shasha ichisiirwa mwana ,mukadzi uya achitofamba achienda. Ndakangoti mai yakashinga iyi, mwana akasara achichema veduwe, ndakambofunga zvangu kubuda asika neni taisaonana saka ndakabva ndangovasiya vachidarika zvangu. Chokwadi murume mukuru kutora mwana kusiira mumwe mwana nxaaa.
Vana ndaivapa rudo ini ko vana vanozivei,vanhu vakambotaurisa vachiti ndini ndaiita kuti vaviri ava vanetsane ,vanhu vaitika ndaifanira kusiya vana vachionekwa nababa vavo.Ichokwadiwo hacho mukadzi achisiya vana kuda kuti murume amboona kukosha kwake, zvino nhai imi ava baba ava vaiiwanepi nguva yacho. Ndakazvipira kuti kana auya akandipandukirawo mai Chido vacho bvataizoona.
Murume wekuuya nezvinhu zvevana ndakatosangana naye pagate ndichibuda kuenda kuphamarcy kwandaida kutsvaga macontroll angu zvangu. Mandiri ndakatombochiva sarudzo yamai Chido aghhh chokwadi ndakatozviti kana ariye ari kushanda zvekutengera vana zvese zvaiva zvauya aigodzokerei zvake. Kana neniwo ndakatomborarama ndaingotorawo pachikuru kkkkk semureri wevanaka nhai.
End of chapter 9
Agona here mai Chido kudzokera pasinawo kuteverwa?
Ko Victor anoita nezveiko?
Ngatisangane muchikamu chinotevera macomments akawanda moriwana nemasikati ndoitaka simba🥰
❤️
🙏
👍
😂
😮
😢
108