MAI YOLLAR SHONA  NOVELS🇿🇼
MAI YOLLAR SHONA NOVELS🇿🇼
June 7, 2025 at 05:19 PM
♨️♨️♨️ USAJAMBWA NEDZIDZISO IRI MUBOOK IRI *MARRIAGE SORROWS* https://chat.whatsapp.com/JFI1MBaHegf8sVLIuLNFtu *Handei mugroup ramai Yollar tinosangana nedzidziso mubook iri* https://whatsapp.com/channel/0029VaIueYQCRs1hHK8hB31b *Gara wafollower channel hauzojambwi nemachapters emberi* https://chat.whatsapp.com/KGc4bQYReqE08o6yMHbEol *✍️By Nommar aka maiYollar* 📲+263⁷⁷³669⁵⁴⁸ 📲+263⁷¹⁹533⁰⁴³ Chapter 10 Mai Chido Ndakabvunza ndagumirwa handidi kunyepa, Mai Tari vakabva vanditi.... "Ndizvo zviripo mhai, ndakataura nababa vaTari ini ndikavaudza kuti ini nyangwe robuda nekumavirira mwana anouya ndava pano handitambiri." Me:: "Mwana zvake haana chaanoziva dia, handiti angoriwo maresults echihure chemurume mukuru nhaiwe?" Mai Tari:: "Asika ipapa ukatambira unoigirwa kamwe mangwana, hausati wambonzwa zvichinzi kana mune katsi pamba ikabata nyangwe mbeva musaitorera nekuti mangwana ikabata nyoka inobva yakuigira ichiti sezvo wakambotora zvayakabata zuro saka zvese unozvida.Chete kungoti vamwe vedu magara makapfava ,ini handina moyo wacho, handidi hangu kutadzira Mwari mwana iyeye haambogari hake mushe kutaura chokwadi." Ichokwadi moyo unosiyana asi ini zvangu pamwana ndaisaona aine dambudziko, ko mhosva yake inenge iri yei zvake. Ndakazofonera vakoma kuti ndasvika asi handina kutaura zvemwana wandainge ndasvika ari kumba. Ndakamboda kufonera baba vaChido asi ummm ndakatya kunyadziswa. Manheru ndakabika bika ndokupa vana vangu chikafu. Ndaifara zvangu nevana vangu. Twaivhunza hanzi.... "Mhama hamuchadzokeri handiti?" Ndikati "Handina kwandinoenda vanangu ndinemi" Takasvika pakurara murume kusina, ndakazoti pakati pehusiku vana vatorara mavo ini ndokupinda mubedroom mangu. Ipapo ndaitogaya zvangu kuti tomboti baba ava vouya vototi huya tiite bonde ndaizoita sei naidzo 3days munhu asipo idzodzo ndiko kuzogumaka wapiwa chirwere munhu.Ko ipo pese pandainge ndisipo pacho, zvaibatwa ndaigozviziva here?. Ndakanzwa kunge panze paitaurwa, asi vanhu ava vaitaurira pasi, Nekuda kwembavha dzaiva dzarura taibvisa makeys padoor ,saka baba vaChido zvakaita nyore sezvo vaigara nespare key muhomwe. Ndakanzwa vachivhura door vachibva vapinda,ndakanyatsonzwa kuti mapinda vanhu 2 ndikaramba ndiri zii, kakutyawo ndaiva ndofunga kuti pamwe imbavha.Baba vaChido vakabatidza touch haghhh imika kkkkkkk hautarisi kaviri nekusemeswa. Chikadzi chaaiva nacho chaiva chakashama kani dai aiva mutsvuku zvaitova nani zidema dema zvaro kunge hutema hwacho hwakanga hwatosangana nekusagezawo. Ndakamuka ndokugara ndokuti..... "Zviri sei? Vamwe vacho makadii henyu?" Musikana uya akaratidza kusvotwa zvese nekushatirwa, ndakanzwa baba vaChido vakuridza tsamwa ndokuti kumukadzi uya...... "Huya kuno iwe" Vakabuda vese ndakada kuseka moziva ,ndakanzwa vakunetsana, ndakamuka ndokumira padoor kuda kunzwa asi nyaya yainzi ndipe mari wandisiisa mhene here hameno. Ini ndiri munhu airemekedza vandinogarisana navo kutaura ichokwadi,zvekuti vanhu vagonzi vatadza kurara nekuda kwezvinhu zvakaita sezvizvi ndaisada. Saka ndakanzwa zvangu mari yaainetsera ndikabuda nemari ndikamutambidza. Akaita kudzikama yohhh nekubva atofamba achienda chinzwa rombe rangu hanzi.... "Wamupirei mari iyoyo?" Handina kudaira zvangu ndakapinda mumba ndiri zii.Hameno rimwe simba randainzwa rekuda kumudaira chaiko moziva, shuwa munhu aiva akuitwa sechimwana ,ko dai vanhu vakabuda aizonyarira pai. Ndakapinda mumba ndokupinda muma blankets zvangu ndokurara, akatevera ndokupinda akati atanga..... "Madzokozve, kkkk kkkkk wakatoona kuti hupenyu hwepano hurinanika? taizviziva kuti munodzoka zvenyu ringori dzungu. Kunze hakuna kuchipa uku, watomboo anogara hako newe." Ndakasvotwa moziva, ndakamutarisa zviya zvekuperwa zviya ndichibva ndarangarira mashoko abamukuru vaitova right zvavo. Akatanga kunyomba zvake mwana wemunhu ndakaramba ndakanyarara zvangu. Zvimwe zvacho ndakaona kuti kwaiva kuda kuvhara nyaya dzake. Ari busy kuropora kudaro mwana wake akabva atanga kuchema ko handiti kaitovawo kamwana kanotoda kurara kari muzasi mamai. Ndakadaidzira zvangu.... "Chidoo" Chido:: "Mhamha" Me:: "Ndiyani ari kuchema?" Chido:: "NdiGrace uyu anonetsa husiku." Kubva zvandainge ndasvika ndakanga ndisina kumbobvunza zita remwana kkkkk ko ainge apiwa zita ratete kusaziva kuti ivo vaizviziva here. Ndakatarisa baba vacho ndokuti..... "Hanzi mwana ari kuchema" Baba vaChido:: "Shaaa siyana neni" Ndakamboda kuzvisiya asi ndakaona kuti wangu mwana ndiye wandaiva ndoshungurudza zvangu. Ndakamuka ndokuendako ndakawana Chido akatogara akamubata..... Me:: "Ndizvo zvaanoita every day here?" Chido:: "Kubva musi waauya mhama, tinorara takagara sezvizvi" Me:: "Uri kudei nhai ummm ..... wati anonzani?" Chido:: "Grace" Me:: "Grace,uri kudei?" Grace:: "Hiiiii ndiyikuta mhama" Me:: "Sory handiti, mhama vari kuuya vaenda kunokutengera masweets. Chihuya kuna Dady." Ndakamutora ndokuenda naye kuna baba vacho. Ndakamuisa pamubhedha ini ndokumboenda kuvana vangu zvangu ,ndaitoita sepane zvandaitsvaga.kuri kuda kumbokaurisa zvangu Ndakatora foni yangu ndaiva ndafunga kusendera sisi Cathe nezvechimwana ichi ndipo ndakabva ndawana paine message yaVictor yaiva yakanzi..... *📥Thanks nekudzoka kuvana, ndafara ufunge. Sorry nekunyepera vanhu vepamba penyu kuti mandituma nezvinhu, ndaisada kuti vana vatambure maam.* Ndakashaya kuti audzwa nani kuti ndauya, ndakasekerera kwakutokanganwa zvemwana aichema zvangu kkkkk ndakadongorera kuna baba vaChido ndikaona vari pamubhedha. Ndakanyora message nekukasira zvangu ndokuti..... *📤Thank you* *📥Mukaita problem musatya ndiripo zvangu munotaura ndinoita zvandinokwanisa, zvandatadza ndokuudzai zvenyu* *📤Okey,gud nyt* *📥 Same to you* Ndakabva ndaenda zvangu kumwana aingochema baba vari zii,ndakasvika ndokumira ndikati.... "Baba vaChido mai vemwana uyu varipi?" Baba vaChido:: "Shaaa zvimwe ndingataura zvangu asi sorry, mai vemwana uyu vakatotiza vari kunzi vava kuSouth chaiko." Me:: "Asi imi sei muchidaro?" Baba vaChido:: "Mai Chido dai wanzwa zvako, musikana uyu akatouya pabasa mazuva aya ndikubasa kwanana Kule, aitsvaga mari yekuenda kumba kwavo achiti arasa mari, ndakamuti handingamupi mahara kwakurara naye ka1 munhu akutodzoka akuti ane nhumbu, ndakamuudza kuti ndine mhuri ndatoshaya kuti azofurirwa nani." Me:: "Ko imi kusemawo zvenyu, chokwadi munhu wamangoona motonyika yakadero here?" Baba vaChido:: "Kukuti sory hazvirevi kuti wotondiita mwana wako wanzwa, bva chiurayeka chimwana chacho.Chashamisira chii pakurara nemusikana iyeye, iwe pandakanyika pauri ndaikuziva here pandakarara newe? Inga Makangovhura gumbo ne2days wani." Zvakangooma kuvhundutsirwa nepaunoona kuti munhu ari wrong veduwe. Kukunda muyedzo ndakavhara wangu zvangu muromo, 2days dzipi dzaaitaura nxaaa. Takagara zvakadero ndisingazivi mai vemwana, mwana zvake kakufanana nababa kaivapo. Akazoita achijaira kutotiwo mhama zvake. Zvinhu zvangu zvandainge ndabva nazvo Harare zvakatengwa zvikapera, ko dzungu rekuda kuyambukawo Joni, ndakabva ndatotanga kutenga marands kkkkk.Marands angu akaita mashoma ,ndikagotanga kutsvaga zvima piece work ndichiita ndichiti pamwe ingawedzera. Umwe moyo wakambonditi udza Victor asi ummm ndakaona sezvisingaiti. Ehe pafon taitotaura zvedu ndingangoti muchidimbu yainge yava shamwari yangu. Aindidzora nekundisimbisa handidi kunyepa ndaimboita ndichitya kutaura naye kamweya kekuti iye munhu rume ini ndiri mukadzi wemunhu. Ndakaita mwedzi wese ndakasungirira mari apa kutya kuhodhesa futi kkkkk imi ndaitya kunyura ini, ndaiva ndichingoda kuti ndimbonoidhindisa chete. Rimwe zuvawo hameno zvakaitika ndichitaura naVictor pafon akataura zvekutora passport ini kwakukaruka ndamudaira kuti *📤Iyo yava kutoworera mumba here?"* Akaratidza kushamisika kuti ndaiva nepassport, zvakamunetsa kuti sei ndaisaishandisa. Ndakasvika pakutaura zvangu kuti ndaiva ndava padhuze kuenda. Hazvina kutora mazuva bhururu wangu akandiwedzera marands, ndikabatana nevamwe vakadzi vaienda kuSouth Africa, ohhhhhhh pane friend yangu yaizonditi panonzi paMussina kkkkkkk hanzi kana totaura zvekuSouth takutaura zvemberi zvino ini muziviro wangu kungoyambukaka ndatovako kkkkk. Kwaiva kuwanza zvake. Uchitanga mati unomboita zvisvinu here nxaaa, handizoshori zvangu nekuti vandaiva navo vaindibatsira. Sisi Cathe ndakazovafonera zvangu ndadzoka iiii vakafara apa vaitogaya kuti ndahodhesa mari yandakawana pakutengesa zvandainge ndabva nazvo chete, vaisatoziva kuti paita donna kkkk. Baba vaChido vaienda kubasa kwandakawana vachienda pandaibva Harare. Rimwe zuva ndaiva nditori ne2days ndabva Mussina zvangu ndakaona vamwene vangu vachisvika natete Grace, mai vaitoratidza kurwara zvavo ndakavatambira tikakwazisana ndikabika vakadya. Akazotanga nyaya yavainge vafambira ndiTete. Baba vaChido Chido ndiye akazotaura kuti mai vacho ndivo vaitumira zvinhu. Zvakabva zvatondiratidza kuti shasha inodzoka. Chandaiziva ndechekuti mukadzi ukamujaidza kuti akaenda wotevera anoita manyemwe, kungomutsunya anotomhanya achiziva kuti ndoteverwa. Akaenda odzoka ega next time anodzikama achiziva kuti anogona kunyura, inyaya yekutoti zvangu ndaiva ndisina chisikana vanhu vandaiva navo aingova mahure, munhu ane dzungu anongoda kuti adzoke mumba mava nemunhu, ehe kutosvika mumba machinjwa order kkkkkkk tobva tatangira ipapo. Iriwo joki rabhururu wangu nxaaa regai rifungire kuti rinenge rakagadzirwa shuwa ,munhu wepi ko kutotsamwa zvekuda kuti ndisaenda kumba kwangu. Asiwo ipapo ndakadzidza zvangu chete ini ndagara, pahupenyu hwangu ndaisada shamwari inonyanya kutambira kumba kwangu. Vaindiona ndichibuda mudurahall mabhururu wangu vaisaita basa nazvo nechikonzero chekuti ndizvo zvandaigara ndichingoita iye aripo, uyezve vashoma vaiziva kuti haapo sezvo aiitira mbavha nezvimwewo zvakadaro. Kubva zvandaudzwa naTinotenda kuti ane nhumbu handina kumbobvira ndafungira kuti angauya akandisiira mwana ini.Dai akagumira kungosiya hake mwana zvaiva nani, manje aitotaura zvekuda kundirovesa nevakomana. Dezvo ndaidiwa kwabhururu ndakabva ndangoita sendiri kuda zvangu zveko iko kuri kuhwanda nyaya dzangu.Nyayaka yekunzi hatipedzisi basa ndiyo yakazondidzingako ndakazenge ndarohwa nenyere ummm, ndakaoneka kuya ndokunanga zvangu pakashabin kaimwira vanhu vemuma purazi, ipapo paiwanikwa nyangwe ma$for 2. Ndakati ndichisvika ndichibva ndatotambirwa nerimwe raiva nemahips anenge ekurwara chaiwo, ndakazviiudza kuti apa ndogara ndadzivirira zvangu. Takawirirana asi akaramba nekumba kwake, ndakamuti tiende kwangu asi ndaisada kuti vana vanzwe. Ndakaita sendichafenda ndichisvika mbuya yekwangu irimo zvayo mumba. Akandibhowa kuda kutozviita kunge ane mari, akupawo vamuhure ava mari paakapinda mumba ndakasara ndikazevezera benzi irori ndikati..... "Pandiri kuuyako ugadzirire kuripa mari yangu iyoyi, haiindi mahara." Akafinyama ndokutaura achitofamba hanzi.... "Kuti ndiwe wandipa here ibvapo apo nxaaaa." Ndakanopedza zvangu shungu pana madam asika munhu anenge akatsamwa anosvota, ipapo akanga atomboramba ndikati hiwe mumba maani maunoda kurambira zvawakavinga. Mwana aimubata zvake zvakanaka aiwa ipapo ndikashora ndinenge ndaresva, naiko Joni kwaiva koindwa kkkkkkk vakadzi ibasa amana. Waiona rodoka shasha yaisa chijuzi muchiuuno hanzi ndakubuda, zvinenge zvaitomuitira asi nekuti ndaitoona zvangu kupfeka kwevana nyangwe chikafu chaiva chatochinja mumba. Zvemunhuka anenge azvibatira padenga anotoda kuita zvemhando. Kumba ndiko kwandaiva ndoda hangu kugara ndiri, kakuonekera kaiva koita pana Memo ummm aiva aitova ma1. Ini dai aiva mukadzi wemumwe handidi kunyeba ndaitoswedera mujinga, ndakambofunga kumusiisa zvejoni asika iniwo kubasa kwangu kwandaiva uku kwaisava nemari yekuchengeta mhuri ,zvaingovawo zviya zvekuti semurume hauzogari usinawoka pekubata bata. End of chapter 10
❤️ 🙏 👍 😂 😢 😮 166

Comments