
MAI YOLLAR SHONA NOVELS🇿🇼
June 8, 2025 at 01:10 PM
♨️♨️♨️USAJAMBWA NEBOOK IRI.
*MARRIAGE SORROWS*
*✍️By Nommar aka maiYollar*
https://whatsapp.com/channel/0029VaIueYQCRs1hHK8hB31b
*Gara wafollower channel ko ndimoka mune yese*
https://chat.whatsapp.com/KGc4bQYReqE08o6yMHbEol
*Watsapp group*
📲+263⁷⁷³669⁵⁴⁸
📲+263⁷¹⁹533⁰⁴³
Chapter 11
Mai Chido
"Mai Chido tauyawo pano, mai vari kuda kuziva kuti munofungei navo?"
Ndakaedza kufunga kuti mubvunzo wavo waida kurevei ndakavatarisa ndikati..
"Muri kurevei tete? asi pane chandakanganisa kani?"
Tete:: "Handiti munozviziva kuti ndimi muroora mega here kumba? Saka kana imi mongogara muno muChivhu mai vasina anobikira munoda zvinzwii"
Me:: "Kkkkkkk nhai tete ko ivo baba vaChido handiti vanotodawo anobikira here?"
Amai:: "Handiti wanga wakamutiza inga anga achingorarama wani?"
Me:: "Zvandakatiza makambotsvagawo here kuti muroora aripi? imi chamuri kuda ndechekuti ndigare kumusha here?"
Amai:: "Handiti unoona nyaya dzako here Gire, ndatii ini? Ndakutii tiri kumba? Ndinozviziva kani kuti haambofi akagara kumusha uyu ndofa zvangu ndingori ndega sendisina kubereka hihiiiii hiii kufa kuri nani."
Me:: "Nhai tete nyaya yamai ndeyei chaizvo?"
Chokwadi vakatoramba vakasimbirira kuti vaida ndigare navo kumusha kuita sevane zvavaida kundishandisa nhaimi zvekuti mwana wavo akanga andiunzira mwana pamba vaisava nebasa nazvo, ndakatoona zvangu sekuti tete vaitova varivo vakapa zita kumwana. Tete Gire vakasvika pakuoneka ndokusiya mai pamba, baba vaChido kuita manyemwe ekuti nyangwe dai ndaiudza mai vacho kuti haatengi chikafu vairamba. Aiuya akabata paperbag achibva kubasa ndakangoti Mwari pindirai.
Rimwe zuva Jerina akauya pamba zvaiva asingasimboiti mufunge,vakasvika ndichitowacha zvangu.....
Jerina:: "Mamuka seiko mai Chido?"
Me:: "Ndamuka hangu,uri sei Jerina?"
Jerina:: "Boe zvangu, varipiko mbuya vaChido, ndivo vandatouya hangu kuzoona."
Me:: "Varimo regai ndivadane."
Jerina:: "Kusimudza munhu mukuru here? Regai ndivaone mumba imomo. Mafunga washeni aghhhh ndaita yekumukira nhasi." Ndaisada kuti apinde mumba asi akatotaura akutonanga kudoor, akatora nguva arimo ndokuzobuda paakabuda haana kana kunditaudza akabuda akanyarara ndokutoenda.
Mai Tari vakabuda ndokuuya kwandaiwacha vachifambisa, vakasvika ndokuti.....
"Ko Jerina anga achidei?"
Me:: "Anopenga uyu hanzi ndoda kuona mbuya vaChido."
Mai Tari:: "Ummm zvimwe zvacho murume wako anozonyanya, kurevaka kuti ndiye amuudza kuti vamwene vakauya. Ko mazuvano zvanga zvichiita sezvakasiyana wani?"
Me:: "Hameno,asi maitombovaona vese kani?"
Mai Tari:: "Aiwa kutongofungira hangu, makutopedza kuwachaka imi?"
Mai Tari vairatidza kuti pane zvavanoziva, ndakabatanidza hangu nepandakaona baba vaChido naJerina pamukoto.Handina hangu kuda kutaura ndakangoti zvichabuda. Vamwene vangu vakaita ushamwari naJerina zvairwadza dai vaiva mwana ndaivanyima sadza ini. Jerina aiva oshanda pane chimwe chishop asi chaiva nebhawa mukati. Waiona mukadzi mukuru akabata bhotoro rekokora achimwa, handina zvangu kuvaratidza kuti ndri kubhoikana nazvo, ndakatanga kutoita tunhu twangu busy kutsvaga zvangu mari ini. Imi kana wakuzvitsvagira mari yako hauiti basa neyemunhu ndakazviona ini. Ndaiva ndisiri kana kutarisa kuti yake yazodii, iye ndiye aiva otoda kuita seanoda kundichengera. Rimwe zuva ndakaona umwe wataiti bamunini achisvika pamba.Ndini ndakatanga kutaura zvangu.....
"Bamunini kuonekwa here?"
Bamuni:: "Ndiripo gulez ndakambokutsvagai zvangu muchinzi hamupo."
Me:: "Tange tambopinda muzvicorner kutsvaga kurarama."
Bamuni:: "Ndiyo yacho gulez, imi munhu ari pano ndiyani wenyu?"
Me::"upi iyeye bamun?"
Bamunini:: "Wechikuru"
Me:: "Ndivamwene, hindava bamuni?"
Bamuni:: "Ummmmm yaghhh ndaremerwa gulez muri kuona kuti chii, imi muri munhu asina chaakanditadzira saka ndikarega chakaipa chichikuwirai ndinenge ndakanganisa."
Me:: "Ichokwadi bamuni"
Bamunini:: "Ndangonzwawo zvangu nyaya dzavanga vachitaura."
Me:: "Nani bamuni?"
Bamuni:: "Vari uko kwerematako iro pashop."
Me:: "Okey ehe paJerina."
Bamuni:: "Vari kumuudza zvekuramba kuenda kumusha kwenyu, hameno kuti ichokwadi here? zviri kuratidza kuti vamuda kuti aiite muroora wavo."
Me:: "Kkkk nhai bamuni manje Jerina munhu here? Vanotozvinetsa."
Bamuni:: "Aghhh gulez munhu uya anonetsa uye kutyisa, mai vake in'anga uya."
Me:: "Hameno bamuni, chinobhowa munhu anokureva wapedza kumubikira."
Ndakataura zvangu naye dzimwe nyaya, ndaiva ndotomuti anditsvagire macustomer ebhutsu dzandaiva nadzo.
Vakazouya vakatorwa mai ipapo Mwari ngaandiregerere handina kana kuvapa chinhu kwete kuti ndaiva ndisina asi kutosvotwa chaiko.
Vakaenda vachingodemba demba handina kana kuzviteerera, hondo yakandisarira zvangu ini.
Hameno kuti Grace akatsamwei achibva asvikirwa nababa vake achichema imiweee unotoona kuti munhu awana pekukuwanira zvake. Akatanga kupopota....hanzi waibata mai vangu huyanga moziva ndakashaya kuti papi.....
Me:: "Nhaimi taurai pane nyaya yenyu kwete kuswera muchitenderera."
Baba vaChido:: "Dambudziko rako wava nemaadviser iwe, patakakuwanai musina kana hama yaikudai maisambodai.
Me:: "Kudai kudii nhai, ndaitei ini?"
Baba vaChido:: "Musha chaiwo hauudi zvitori nani kutsvaga anoda zvemusha, ipapa chauno shungurudzira mwana chii?"
Me:: "Imi mwana hameno zvaaitana nevamwe uyu, kana iri yekuroora itii magara makazvironga ,handiti makatoratidza mai muroora here?"
Ndakabva ndazvidenhera, hanzi "usangopinza mai vangu pose pose" ndikati ndorohwa zvangu.
Ndakambofunga kudzorera asi ummm ndakatya ini. Ndakarohwa kani, kusvika ndazonunudzwa nevanhu. Akubvunzwa nevanhu kuti chii ndakapererwa nemhinduro hanzi.....
"Varumeka handirambi kuti ndakakanganisa, asika kana ndati sorry ndati sorry. Muri kuona mwana uyuka, ndewangu haana kana mwedzi ari pano tataura nyaya tapedza asi munhu ndipo pootanga kuitira mwana hutsinye."
Mukurarama umu vanhu vanenge vachiona zvavo, vanhu vakazviramba izvi zvekunzi ndaibata mwana uyu hutsinye vagadzirisi vakagadzirisa zvavo ini kutaura chokwadi ndaiva ndarwadziwa. Vanhu vachipera pamba takanzika pindai mumba muwirirane.
Ndakapinda mumba ndokufonera sisi Cathe asi vakandiudza kuti munofanira kuwirirana, ndakafonera vamwe mhama vangu vakataura zvimwe chete.Ndakarara husiku hwese ndichingochema iye achingotukirira zvake.Ndaiudzwa hudofo hwese, iyo yekunzi chembere ndaingosvimha ndirimo zvangu. Kuseni akamuka ndokubuda ,ndakasara ndichifunga zveshuwa kuti ndoitei nehupenyu, imwe pfungwa yaiti zviuraye uzorore, imwe yonditi ko vana vako.
Ndakanonoka kumuka zvangu, Chido akabikira vana vamai vake porridge ini ndakavata, akauya nayo kuda kundipa ndikairamba zvangu.
Ndakazoti pava paya ndokumuka zvangu, eish ndainzwa nyama kurwadza veduwe, kuita sekuti imwe nzeve yaitonzwira kure. Ndakasangana namai Tari vachibuda mutoilet, ndivo vakanditanga.....
"Hec Mai Chido,wambomuka seiko?"
Ndakamanikidzira kusekerera ndichibva ndadaira zvangu.....
"Ndamuka hangu mai Tari" Vakabata chirebvu iri sign yekubvunza kuti baba vaChido vaivapo here ndakavaudza kuti vaisavapo.
Mai Tari:: "Ko yamadeko hanzi ndeyei nhaiwe?ummm dama rako rakazvimba."
Me:: "Vasikana kuridzwa kunge ngoma kwakaoma, shuwa paadira zvake here?"
Mai Tari:: "Agh todiiko asikana kungofira ivo vana ivava."
Me:: "MaiTari imi munoti munofira vana papi vasikana, tendai Mwari."
Mai Tari:: "Mai Chido regai ndikuudzei chimwe chinhu, musati mukaona smile pameso pangu kana pemadzimai ese amuoona kunze uku mototi zvakaringana. Handirambi kuti kune varume vasinga shushi kana vasingahuri asi pahupenyu zivai kuti murume wese ane kamushushiro kake kana isu vakadzi umwe neumwe ane weakness yake."
Me:: "Asika mai Tari kubva ndichigara nemi pano ndakambokuonai muchimhanya here imi?"
Mai Tari:: "Yuwiii mai nhana takaroorwa nevakangwara ndinogarotaura wani kuti mumba makazara masorry umo ndisiyei zvangu handidi kutaura zvakawanda ini."
Me:: "Achizoti hake sory zvitori nani aghhh."
Mai Tari:: "Zviri nani pakudii? Musi wandinoibata kuti ndipfeke ndotofunga zvakaitika musatamba imi asikana varume vanorwadza ava."
Me:: "Regai vamwe vakadzi vachizohura zvavo aiwa aiwa veduwe, woti kuchengeta vana hauchengeti, kushusha zvese pamunhu 1."
Mai Tari:: "Hope uri kungotaura zvako asi pfungwa dzacho haunei nadzo usafa wakaita izvozvo, waona zvarema kutosiya wochengeta vana vako uchizvishandira kurinani mudikani."
Me:: "Aiwa kungotaura zvangu handisi kuti ndafunga izvozvo, ummm pane avhura gate vanodaro varivo baba vaya."
Mai Tari:: "Ehe ndarinzwawo pinda mumba." Ndakabva ndangofambisa kupinda mumba.Ndakatosvika fon ichiringer aiva ari Victor, nekutya ndakasvika ndikadzima fon, ndakagara mumba asi hapana akapinda kureva kuti vaisava baba vaChido, ndakazonzwa mai Tari vakuuya vachiti.....
"Havasi ava ,ishamwari yababa vaTari atoenda zvake, ndati yekuhurira murume yawanga uchitaura yandifungidza book randaiverenga pawatsapp nezuro."
Me:: "Aghhh mai Tari vasikana ,matanga nezvenyaya yemanovel yenyu."
Mai Tari:: "Anovaraidza mai Chido, itai mutsvage kafon nyangwe kadiki, ndogona kutokupai mumboverenga muone iroro."
Me:: "Nderei? vanhu vakanamirana here?"
Mai Tari:: "Aiwa kani, munhu akaita boyfriend pafon mai nhanha kutowirirana pekusangana, vakuti vachinosangana madam kutorovawoka makeup ,kadress boe boe kkkkkkk ndokuenda kubase wanike boyfriend yacho murume wake.
" Me:: "Mai Tari yuwiii ndirini ndongozvikanda mugonyeti richifamba ndofa zvangu."
Mai Tari:: "Kufirei? Rega ndikupe fon yacho uverenge unopedza izvezvi kashort story, tarisa pagrup apo pakanzi Nommar a.k.a Mai Yollar novels,pane book rakanzi foni yangu yakandiparira."
Me:: "Okey chibva mabuda makutondivhiringa kkkkk kkkkk." Ndakarara zvangu nedumbu kwakutanga kuverenga ,maiweeee kuita kunge ndakapedza nhamo imi ndaingofa nekuseka veduwe vakadzi zvatiri mapenzi dzimwe nguva. Kupedza kuverenga kwandakaita ndakabva ndatanga kutya kutaura naVictor ndakufunga kuti ndogona kungoitiswa ini kkkkkkk.Ndakatanga kungozviseka ndega, ndakanopa zvangu Mai Tari foni yavo ,vakabva vanditi....
"Maripedza here?"
Me:: "Kkkkkkk nhasi ndaseka veduwe nhaimi mai Solo kuitiswa kudaro,?"
MaiTari:: "Aizve kudaka zvinhu, rega ndimboenda zvangu patete vangu apo ndoda kukuyisa dovi."
Ndakasara zvangu ndoita zvekugeza vana ndaiti ndikatarisa Grace ndotonzwa zvangu tsitsi kuti shuwa mai vari kufara kwavari zvavo ,vasingafungi mwana here. Mweya wekuti kana ndikarohwa ndombodzorerawo waindibata handidi kunyepa asi kutya kani,Baba vaChido vakazodzoka zvavo kubasa aiwa kani vakaita kuguta,ndakatozogaya kuti wainge waperazve mwedzi vainge vodya mari dzavo. Ini yangu ndiyo yaiva yekutenga zvipfeko zvevana ,yavo iri yekumwa zvavo. Akasvika ndokubatidza zvake radio volume iri pamusoro handitozivi neakaimba song iyoyo ndaingonzwa pekuti _Ndiri kudanana nembwa_ mozivaka zvimwe zvinhu unoita hasha dzikaserera apa iyeye aibva apadanidzira iye ndaitongoona ndega kuti ari kunzi imbwa ndini.Ndakaona noise yawanda ndikatika vamwe veduwe, ndakamutanga nenzwi rine kutya mukati zvangu....
"Vamwe havasi varara here nhai baba vaChido?"
Baba vaChido:: "kana wakuda kutonga woziva kuti mwedzi uno wombobhadhara rent, wagara wakuzviitaka baba iwe unombozviziva here?"
Ndakaona zvangu kuti ndingatomutsa zvirere, ndakazongoona mumba musisina magetsi, pekutanga ndakambofunga kuti aenda asi ndakazoona nepawindow kuti magetsi aivako ,ndakabva ndaziva kuti pane aiva adzikisa magetsi kumetre box ndakangoti nechemumoyo tsvatu waro, akabva atovatawo.
Baba vekwangu kubasa vaienda zvavo, mumwe musi yemuriwo yaisiwa, mumwe musi vaitouya vari munhu kwaye kana zvangokwidza zvokwidza. Mumwe musi ndakatobuda zvangu kuenda kumashops ,ndakasangana nemukadzi weshamwari yababa vaChido. Akaita sekunge kufinyama ndakatozvishaya ini kuti ndamuitei.
Ndakaita sendisiri kuona kufinyama kwake ndichibva ndati.....
"Ko muri sei nhai veduwe?"
Akaita kuwedzera kufinyama ndokuti.....
"Mushe" Ini zvekuita sendinomanikidza munhu kutaura ndaisazvifarira saka ndakabva ndatofamba zvangu kuti ndipinde mushop ndakanzwa ava kuti.....
"Ko takaona kunge makatyaka kutorerwa murume wenyu tikati yoweee kwenyu hatichasviki zvedu."
Me:: "Ko kwedu maigovinga aniko nhai asikana?
Handiti varume vedu ndivo vanowirirana here,kwete isu." Akaridza tsamwa achibva afamba kuenda.Ndakapinda mushop ndaida mafuta zvangu nxaaa ndakasvotwa ko kuwana atokwira zvangu, ndakapinda mashops andaifungira asi zvaiva zvimwe, ndakambofunga kudzokera zvangu ndonotsvaga imwe mari. Ndakazongofunga kutenga bhodhoro remafuta kwakutobuda.Zvaitova nani kuzobva nawo kuMusina zvangu. Ndakabuda ndokuratidza wepadoor ma receipts nekubva ndatorongedza kamafuta kangu muchibag changu.Ndakaenda zvangu nepaitengesera tete pamabhazi ndikanovakwazisa kunyangwe vaiva vasinei neni. Ndakabva pana Tete ndonanga kumba,ndaitofamba zvangu ndichiimbira pasi pasi ndichiti...
_Zvichaaanaka,,,,,,Zvichanaka ,hoooooo zvichanaka,....gore rino zvinoita_ Ndaiita ndichiporonga zvangu sezvo ndaisaziva yese.
Ndaizongobuditsa zvakanaka ipapo pekuti Zvichanaka, ndakavhunduka ndichinzwa munhu akadaira ari
padivi pangu akangoti...
_Shingirira hama yangu ,gore rino zvinoita_ Ndakasimudza musoro ndokuona ari Victor, mandiri makabva matouya book riya randakapiwa namaiTari.Ndakatoona seakanga atumwa chete akabva asekerera zvakandityora muviri wese zvangu achibva ati....
"Mai Chipo murisei?"
Me:: "Ndinofara makadii zvenyu."
Victor:: "Ndiri nani sorry kukuteverai ndakuonai muchibuda mushop asi handina kuzoziva kuti mafamba sei."
Me:: "Okey chiregai ndimhanye ndasiya vana."
Victor:: "Okey hapana chakaipa tambirai paperbag iri mune pasuro yenyu."
Me:: "Aiwa manga maita zvenyu basa, ini chiregai ndimhanye"
_Victor thinking_ _Yah vakadzi vane pfungwa dzakafanana,vanongofunga kuti murume wese amubatsira anotomuda,chavari kurambira zvinhu izvi chii,ndavaona vachiisa chibhodhoro chemafuta mubag chinovasvitsa kupi. Amai avaka vachaita shavi renhamowo aghhhhhh pamwe varikufunga kuti ndichavati chindidai kubhadhara zvinhu zvangu_ Ndakabva ndatomhanya zvangu,zvemuyedzo ndaisada ini, ndakacheuka kwakuwana akamira akanditarisa akabata bepa rake.Kutaura chokwadi baba ava vairatidza kuti vane zvavakananga,nezvavaiva,nezvandaiva voti neni neni nevakadzi vari kunze uko vandaiona vasvinu vanogeza futi vachiwana futa rakakwana.Ndakabva ndatotanga kumuvenga handidi kunyepa,ndaisada kuzoitwa chiseko nenyika ini.
End of chapter 11
❤️
👍
🙏
😂
😢
😮
101