MAI YOLLAR SHONA  NOVELS🇿🇼
MAI YOLLAR SHONA NOVELS🇿🇼
June 9, 2025 at 07:35 PM
*MARRIAGE SORROWS* *✍️ By Nommàr aka Mai Yollar* https://whatsapp.com/channel/0029ValII4B4tRrqIiRXu82n *Vanoda mamwe mabooks akanyorwa namai Yollar bayai link iyoyi moti follow mowana aripo ipapo* https://whatsapp.com/channel/0029VaIueYQCRs1hHK8hB31b *Zvichida wakajambwa nemachapters ekutanga. Chibaya iyoyi link woti follow unowana ese aripo uyezve zvinenge zvava nyore kune achatevera* https://chat.whatsapp.com/G582F3GVPoXHqpBFUH8l3e *Kune vanoti mafoni avo anonetsa kufollower channel. Kana varipo vakadero pindai mugroup iri muchange muchisvikira book redu* 📲+263⁷⁷³669⁵⁴⁸ 📲+263⁷¹⁹533⁰⁴³ Chapter 13 Ndakambozviti handidi kuona futi zvimahure ini, chokwadi kuita sendichafira chinhu chandaingovawo nacho full time mumba nxaaaa. Ndakazongonzwa noise dzakasara dzoitika kwabhururu wangu kkkkk hanya nani zvangu. Iye ndiye akanga ati ndisare ndichiona mhuri yake, saka aida kuti ndiite yekudongorera here . Kubasa ndakati ndakarohwa nematsotsi ko ndagoziva here kuti social media yainge yatoita basa kare. Ndakapiwa mazuva ekuzorora ndichipepwa namadam ,aiwa regai zvenyu ndikutipirei varume, kana uchida kuti zvako zviite roora munhu ari desperate. Asina kwekutizira vanhu ivavo vanogarika navo manje, Mai Chido ndaitoziva kuti hakuna kunoendwa nyangwe zvodiii, asi kana aizofunga zvake kudzokera muhuhouse gero kani.Kubasa ndakazosara ndoenda munhu wese ava kuziva kuti ndakawanikidzwa ndine mukadzi wemunhu apa kwainge koshandiswa shona yekunzi akawanikidzwa irimo nxaaaaaa irimo kupikowo dai vaimboti zvavo rurimi rurimo ndaimbozvinzwa.Ndakaita zvangu mhanza yakanaka, mapic aitenderera ndeekurohwa chete. Vanhu kutyira vakadzi vavo kkkkk takabva tanzi tsvagai imba,. Mai Chido kwakunotsvaga zvake chicabin nxaaaa munhu akajaira nhamo anosvota. KuJoni aiienda aiwazve aisagona mukadzi wangu dzungu nesuwo taiva totochena, tichiigirwa hembe. Zuva raazoenda akangotanga kudhomoka ariko hanzi ndatenga fridge Hapana asingadi chakanaka. Ndakatofarawo kuti atenga mudziyo, pedzezvo nditumire mari yekubhadhara duty ini apa ndaiva ndisina kana cent zvangu ndikati kuzvipedza kungopindura zvekuti haafoni futi. Mai Chido Ndakadzungaira handidi kunyepa, ndakashaya zvekuita, umwe munhu wandaigona kuti andiisire mari ndiyani zvake. Ndakaedza fon yasisi Cathe, Asi vainge vatori out nebasa ende vaiva vasina ecocash. Vakatombonditiwo vakundibatsira kutsvaga asi vakashaya.Ndakazama mai Tari asi vaiti cash vanayo, panoti ecocash manje ende zvimaeco zvainge zvavharwa. Ndakagara pasi ndikabata shaya, mukadzi wandaiva naye akauya ndokuti..... "Asi zvaramba?" Me:: "Pakaipa mai mwana, ndiri kutoshaya ini." Her:: "Ini rimwe gore ndakachekeresa mapoto angu esilver pano, ndabirwa mari yebus, unopusa kani dai ndinayo ndakupa." Me:: "Hameno aghhhh musoro wangu wakutotema ini." Her:: "Ko hubby atii? Atadza kutsvaga tsvaga here?" Me:: "Handiti ndakuudzai here paya kuti ndaita surprise." Her:: "Aiwa unogona kungomuti pane zvauri kuda kushandisa, hauchatauri zvefridge." Me:: "Ndatotaura mai mwana ,hanzi piwa newawaronga naye kutenga fridge." Her:: "Ummmmm ngavasadaro nekurwadza kunoita border shuwa asi havasati vambouya kuno kani?" Me:: "Hava.... Eish asvika Malaicha izvo zvinhu zvakudzikiswa ngatiseberei pedo ,tinorasirwa zvinhu." Takafamba zvinhu zvikapedza kusechwa ,tichibva tatomhanya kuzvimotor kuenda kumabhazi. "Ambuya mazodiiko imi nemari yangu?" NdiMalaicha uya aitaura, ndakangomuti.... "Ndokuonai ndiri kugadzirisa." Ndakarovera moyo padombo ini kwakufonera Victor, akadaira ipapo ipapo..... 📞📞📞 Victor:: "Hello" Me:: "Eeee heloo, murisei? " Victor:: "Ndrimunyasha ini, varisei vana?" Me:: "Variboe zvavo, ndaitawo problem, ndikukumbirawo kana mune mari mufon mundikandire ndarasa mari ndiri KuBeitbridge, ndokupai ndava ikoko." Victor:: "Okey muri kuda Marii?" Me:: "70" Akabva ati akuona kuti mufoni make maiva nemarii,ndakaona mari yapinda $300 ndakanzwa moyo Wangu kuzorora, ndakainda paiva naMalaicha uya aiva anzi ndiye aiva andibhadharira ndokuti..... "Vahanzvadzi Ndokuisirai hangu ecocash here?" Malaicha:: "Aiwa ndiri kuda mari yandakupai amai, endai pakanzi ecocash apo mutore mari muuye mundipe zvenyu mumaoko." Ndakabva ndatomhanya ndokutangawo kutoita zvaidiwa network ikati musatanyoko wambuya vako. Ndakazama ndazama asi zvakashaya basa, uku mai vandaiva navo vaiva busy kutorongedza zvunhu mubus iyo fridge chaiyo yainge yatova padenga. "Chiiko ,yenyu yanetsawo ndipei ndimboita short code amai." Ndakatambidza musikana aiva mukati wacho akatanga kuita ndikati sezvo ariye muridzi ajaira basa rake zvingaita. Akazama asi zvakaramba kusvika line rablocker, ndakaita mudumbu kani ndichinzwa musikana uya achiti.... "Pin yamandipa ndiyo here imi?" Me:: "Ehe ndiyo" Her:: "But line rablocker iri, saka chii?" Me:: "Matii? Kublocker? Chirudzii?" Her:: "Handitozivi kuti chii" Ndakatura befu ini, kupusa chaiko ndakakweva makumbo angu ndakuenda kubus iro raiva roda kutobuda, ndakambofunga kufonera futi baba vaChido asi moyo wangu wakazviramba. Ndakatanga kutaura ndega misodzi ichiyerera..... "Mhosva yangu ndeyeiko ini, ndakatadzei chokwadi? shuwa ndotamba nhamo yakadai rimwe zimunhu rakavata zvaro mujira. Ko dai angonditumira hake mari ozondirova ndasvika, aghhh zviya mari yanga yaita asiwo line iri shuwa. Mhepo chaidzo. " Hezvo,ko kundinyararira ndiko kudiiko, imi chimbuya imi huyai muudze mumwe wenyu kuti mari yodiwa." Ndakavhunduka ndiMalaicha uya aitaura, kana paaiti aiva anditaudza pacho ndakambenge ndapanzwa here ini. Ndakamutarisa ndokuti..... "Sorry hanzvadzi,ndandisina kunzwa." Malaicha:: " Handiti mazozvinzwa henyuka? Chiitai ndakuda kuenda. Tinenge takuda kuzorora kuti tigoona kumukira zvekare." Me:: "Hanzvadzi line rablocker iri, kana zivo handichina kutaura kuno." Malaicha:: "Kkkk kkkkk halalala, iwe Ziki huya undinzwire mbuya yako zvoyotaura pano." Ndakatukwa kani, ndakaudziridzwa fridge yakaburutswa bus rikarova pasi.Ndakazama kutaura naye asi aiva ava kuita kuvava. Kuti ndifone zvekare kuna Victor ummmmm zvakarema, fridge yangu yakaiswa mucomb yakunzi ichatumirwa kana ndatumira mari.Ndaiva ndongochema ini, kuita kwezvinhu zvacho kwaiita sendakazviitisa. "Hanzvadzi handina kunyepa, ndatiisirwa mari asi hameno zvaitika mwana wababa vangu." Malaicha:: "Imi ambuya imi musandipa munyama. Ndiri wechinumber chii mumba mababa venyu macho? Isu tajaira hunhu hwenyu macross border ndava ne13 years ndinacho chibasa ichi mazvinzwa. Saka hapana chamunondiudza, izvezvi munenge manyeperana kuti varume vemuborder vanoda vakadzi. Moda ndiite zvamajaira kuti mongonzi chihande one night zvino ini ndine mukadzi ane rudo, anogeza anoziva style yese yebonde nezvana zvinoyedza saka handina kana chekuchiva mazimbuya akaita semi anenge akunamira mondo yetsvina yepaborder." Mozivaka ndakazvitsunya kuti ndini here ndiri kuudzwa mashoko aya pakabva padvika chimwe chirume chipfupi chaiita kunge malaicha kunge jagger hameno ndokuti... "Vazodiiko mbuya ava? Yaita here?" Malaicha... "Ichiita kupiko? Ipapa handiti vakatoteya kunzi handei kumba. Nemacondom anenge arimo muzvibheke izvi ipapa." Him:: "Aghhhh kkkkk usavadaro ava munhu wsMwari havatorisi mai Eridha here ava? Ko gulez foneraika Eridha kuti ndava pama1 kuno, aghhhhh yaghhhhh ma1 chaiwo. Rega ndibaye shaaa." Malaicha:: "Boe neniwo ndakutodai dai, gulez imi taurai zviripo mopinda mubhazi moenda zvenyu. Monotumira mari yangu ini ndobva ndatumira fridge yenyu, kana kuti toendesa fridge imi mosara chandinoziva ndechekuti pahu2 hwenyu pane chichaenda chimwe chisara." Ndisati ndamudaira ,pane bus raiva rakuda kubudawo, ndakaona conductor waro ava kuuya kwataiva achibva ati.... "Imariiko mari yacho varume?" Malaicha:: "60 chibaba, ini handisi type yekuda zvangu vakadzi,maybe mungazvidawo zvenyu." Conductor:: "Haisi nyaya yekudaro mukuru nyaya ndeyekutobatsira. Ndavaona vanetseka mai ava, imi amai ndikabhadhara mari ,ndowana iriko here?" Malacha:: "Aizve wakutoda zvekumba hoyoooo." Conductor:: "Get away mhani iwe kumba kupi? Dairai ambuya toda kuenda." Me,, "Ehe iriko." Ndakadaira ndisiri sure nezvandaidaira. Akambotsikitsira ndokuti.. "Heya, Kuda kwidzai fridge padenga iyo." Fridge yakakwidzwa hapanoi pakubuditsa mari, akatanga kunetsa apa bhazi rainge richitofamba mbichana mbichana. Noise yakati yatanga kani. Uyu Aida kuburutsa fridge uyu achiti pabhazi rangu handidi munhu. Ndakazoona zvangu vapanana ndokupinda mubhazi nekubva ndatorara. "Mavaona here mai vatasi kurank vanga vakabatiranwa nana malaicha?" Ndeimwe mukadzi akadero achida kutangaka nyaya mubhazi mumwe mukadzi ndokuti.... "Imi vazodiiko mai vaya? Ndivo vanhu vanotitukisa ivava tongonzi macross border akadhakwa." Umwe murume akabva ati "imi mai vaya ndanga ndiinavo pachieco cash vaya. Mari vatori nayo asi kuti line ravo rablocker." Ndakasimudza musoro ndikati... "Maita basa vahanzvadzi nekuti ndanga ndotoitwa pfambi. Kune vari kuda kuziva kuti ndazodii, ndini ndamuno pamwe chete nemi handei kumba." Hapana akazodaira vese vakaratidza kuti vaisaziva kuti ndazopinda imomo.Ndakaguma ndabatwa zvangu nehope Ndakapepuka ndakuedza kufona kucustomer service asi paiva pakaipa vaisadaira. Ndakavhunduka tava muChivhu, ko marika yaConductor ndakafunga zvangu mai Tari vaiva vati vane cash. Takawirirana paaizomira, ndichangopedza kutaura namai Tari call yababa vaChido yakabva yapinda... 📞📞 Me.. "Heloo." Baba vaChido... "Ndeipi? Wazodii?" Me.. "Ndabatsirwa nacondactor webhazi randakwira anoda kuwana mari yake kumberi." Baba vaChido... "Wamutanga sei conductor wacho kusvika azobvuma kukupa mari? Hunza nditaure naye." Me.. "Kutaura naye kutii nhai Baba vaChido?" Baba vaChido.. "Uri kuda here kana kuti hausi kuda." Me.. "Regai ndinomupa." Ndakasimuka bhazi richifamba ndakuenda kumberi kwaiva nacondactor foni ichibva yacutter. Ndakadzoka ndokugara zvangu pasi. Sekutaurirana kwatakaita namai Tari zvakaita saizvozvo ndikapa munhu mari yake zvangu, naiTari vakabva vauya ne5 pamusoro hanzi "ndatika munhu akubatsira kudaro ungamushaisa drink here?" Me.. "Watogona mudikani." Mai Tari:: "Ko wakarasa Seiko mari yacho nhaiwe?" Me:: "Kurasa mari ipi nhai mai Tari? Kkkkkkk hudofo chaihwo." Mai Tari:: "Hudofo hwei futi?" Me:: "Kusatoziva zvangu kuti fridge inobhadhara paborder kkkkkkk, anoti mariiko wetax uyu?" Mai Tari:: "Hameno,ini ndakutodzokera kumba ndasiya kune vayenzi." Me:: "Waita hako mai Tari, ndokusota wena apa rombe rangu rakavata izvezvi ririko." Mai Tari:: "Vakaramba here kutumira mari?" Me:: "Nxaaa zvotopa hasha, rega ndinzwe uyo ari kuuya kuti anoti marii kusvika kumba." Ndakatora motor ndokuenda kumba, ndichisvika ndakawana shasha iripo, handina zvangu kuda kutaura. Ndakangopinza zvinhu mumba ndokuconector fridge, ndokutonogeza. Ndakasvotwa ndichibva kunogeza kwakuwana mufridge matova nemabhotoro ehwahwa. KANA URI KUVERENGA BOOK IRI ISAKA LIKE YAKO PAURI IPAPO NDINOKUONA. End of chapter 13
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 270

Comments