
MAI YOLLAR SHONA NOVELS🇿🇼
June 10, 2025 at 10:11 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaBbMvBFMqrS4EGdmC0x
*Let's follow her, Vaya vanofarira zvehondo,ishasha zvake pakunyora ma action. Book ratova pa chapter 4 pindai ndisati ndabvisa link coz ndiri kubvisa after 30 Saka munhu wese let's follow her link risati rabviswa tinonzwa zvepfuti ikoko*
*Wrong Choice*
*Written by Makalulue*
*Chapter 1&2*
*Selina*
Kumba kwedu tinorarama hupenyu hwepamusoro baba vangu ndi head of Judge supreme court uye vane ma business akawanda mama vangu ndi headmistress Ku private school Saka hapana chatinoshaya , sisi vangu Julia vakapedza Ku university vanobatsira Kumba nema business sezvo vasati vawana basa ravanoda mukoma wangu Prince ndivo vanotarisa ma business ekumba sezvo vabereki vangu vanenge vari kubasa. Ini ndichiri Ku university so Kumba kwedu takazvarwa tiri vatatu. prince Ndiye wekutanga kotovera Julia then ini ndiri last born, okay today is my birthday I'm turning 22 years.
Ndakamutswa nehobho yema message vachindiitira ma happy birthday aibva kushamwari dzangu.
Ndakanyemwerera pandakaona message ku Whatsapp group yedu vachionesana kuti tofanirwa kuno celebrater birthday yangu kune imwe club.
"Happy birthday to you? Wakura Selina Siziba" mama vakadaro vachiteverwa na baba na sisi Julia.
"Thank you mama"
"Gotwe wangu akura kudai. Iwe hatisati tave nenguva takakutenga kuchipatara" baba vakadaro
Ndakaseka
"Happy birthday Princess"
"Thank you daddy"
"Happy birthday lilly sisi" Juli akadaro tichihagana
"Ndoda present kwamuri"
"Wakura manje Selly wakufanirwa kumbomira zve kuyema" Prince akadaro achipinda. Ndakaseka
"Don't worry big brother as long ndichiri pano handisati ndakura. Okay guys I know Kuti munondida asi nhasi ndokumbirawo kuno celebrater ne shamwari dzangu"
"Haa Selly ini ndanga ndichiti tichaita party"
"Hayi Jully siyai mwana anofara ne shamwari dzake"
"Thank you daddy ndaziva Kuti hamudi neni" ndakadaro ndichihaga daddy vakaseka
"Ayy it's fine princess ya baba enda kwacho* mama vakadaro. Ndakaseka ndichivahaga.
***********
Kuma 6pm ndakagadzirira kuenda ku club . Ndakatora ma key e BMW handiti nhasi ndanzi nditore mota yandinoda since iri birthday yangu. .
Ndakanotora shamwari dzangu tichienda ku club. Takasvika ku club tikatenga doro tichinwa tichitamba kusvika nguva dzaenda. Haa nhasi munhu achatukwa kumba wee. Ndakabuda panze ndichida kuenda kuchimbuzi, ndichifamba kudaro ndakasangana neumwe murume . Type yacho ma handsome pfacha. Kana ndichiti type yangu ndendichireva vanhu vakadai asi uyu munhu mukuru manje i think I age ya mama. But age is just a number kana zvadai
Akaswedera pandiri akandikumbira Kuti tiuye kuzomujoina pa table pake. Ndakabvuma ndokubva ndaenda kuchimbuzi. Pandakadzoka ndakaudza shamwari dzangu asi vakaramba vakati nguva dzaenda takufanirwa kuenda.
Pataiva takubuda akauya kwandiri achindikumbira number. Ndakamupa number zvekuti asiyane neni I harahwa munhu uyu kwandiri yes he's handsome asi munhu mukuru kwandiri.
"Vanhu vakadai don't trust" Brenda akadaro
"Don't worry guys ndamupa number chete Kuti asiyane neni, I'm not interested "
"Yah taura hako Brenda neniwo handimu trust" Vero akadaro
"Haa guys tichakwanisa kuchaira takadhakwa kudai" Sheila akadaro
"Don't worry guys ndichachaira" ndakadaro tichipinda mumota. Takavhurira volume yese ye radio apa husiku kani. Ndakamutsa mota tichienda apa taiva takapera nekudhakwa apa taiita noise
Tiri munzira kudari
ndakanzwa noise yemota ichiti guu kunge pane zvayadhuma. Ndakavhunduka ndichitarisa shamwari dzangu
"Shit manzwa here zvandanzwa guys" ndakadaro ndichimisa mota. Pandaida kubuda Vero akandibata.
"Unoda kuenda kupi ?"
"Anenge munhu wandadhuma. Saka ndofanirwa kumutarisa ndimuendesa kuchipatara"
"Iwe vanhu vashata mazuva ano what if i trap"
Handina kumuteerera ndakabuda ndichitarisa mberi kwemota. Ndati doro rakapera same time pandakaona munhu aiva akarara pasi achibuda ropa
"Ohh gosh what have I done!!!"
Vakabuda vachiuya kwandaiveri
"Ngatipindei mumota guys titize. Hatimgazvimiriri izvi" Brenda akadaro
"No guys munhu uyu, tofanirwa kumuendesa kuchipatara"
Brenda akaswedera paari achiisa ruoko pachipfuva chake.
"She's nomore" Brenda akadaro
Vero akandibata achindidhonzera mumota. Brenda ndiye aiva akuchaira. Ndaiva ndakuita kubvunda muviri wese
"Hauna wauchaudza nezvenyaya iyi okay?" Vero akadaro ndakabvuma nemusoro
Brenda akamutsa mota tichienda ini pfungwa dzangu dzaingova kumukadzi wandadhuma. Ohh gosh ndichararama sei ndichiziva Kuti ndakauraya munhu.
Takasvika kumba vakandiraira Kuti ndisaudza chero Ani hake nezvenyaya iyi. And neniwo ndotya kuenda kujeri Saka Hapana wandichaudza. Ndakamirira Kuti vakwire cab . Few minutes yakasvika tichibva taonekana Vachienda. Neniwo Ndakasara ndichipinza mota mukati.
Pandakapinda mumba mama vaiva vakagara mu sitting room
"Selina why mauya husiku? Inguvai manje?"
"I'm so sorry mom hatina kutarisa nguva. Kwanga kuchifaya Kani" Ndakadaro ndichi faker smile
"Usapamha kufamba husiku Selina kunze hakusi safe uku"
"Yes mom I'm sorry"
"Asi wa enjoyer zuva rako"
"Yes mama"
"Asi sekuona kwangu unenge usina mufaro"
Ndakaseka
"Mama don't worry about me. Nda enjoyer shame. Pamwe muri kuona doro ndiro rikundidzikamisa"
Mama vakaseka. It's my first time kunyebera mama asi hapana zvandingaita kunze kwekuvanyebera.
"Okay my babe usapamha zve kuuya late"
Ndakabvuma ndichibva ndaenda mu room mangu. Ndakasvika ndikaenda ku shower . I need shower now pamwe zvinhu zvese zviri mupfungwa dzangu zvingapera for now. zvinhu zvaitika nhasi zvanga zvisingafanirwe kuitika
Ndakageza kwenguva yakareba, ndapedza ndakaenda mu room mangu, zvichakadaro foni yangu yakarira iri number yandisingazivi
"Hello"
"Hello sugar babe uri kutaura na Spear mukomana wawapa number ku club"
"I'm busy ndokumbira titaure mangwana"
"Okay ndichakufonera mangwana" akadaro ave down.
Ndakakata foni ayy ngaasiyane neni harahwa yese iya. Munhu uya muhombe if I'm not mistaken Ari Kuma 46 years or 47. Ndakaita zvandaiita, ndapedza ndakapinda mumagumbezi ndichirara
********
Ndakamuka makuseni ndichinogeza as usual . Ndapedza ndakaenda kunodya breakfast ndakawana munhu wese aiva atova pa table
"Morning guys"
"Morning princess kubva warara kudai? Wanga wakaneta nhai?"
Ndakaseka
"Yes daddy ndanga ndakaneta yoo"
"Manje nhasi uchafa chaiko nekuti tofanirwa ku celebrater birthday yako since nezuro tisina ku celebrater "
"What? No sisi i really appreciate but I can't"
"Selina kuramba party?"
"Ndakaneta mama hamuzivi kutamba kwandaita nezuro Yuu. Let's say rimwe zuva"
Mukoma Prince vaingonditarisa and Ndaiona kuti pane zvavari kusvora zvavari kunditarisa kudai.
Tapedza kudya Juli na mama vakaenda kunosuka ma plates sezvo aunt Mavis vasipo mwana wavo Ari kurwara mama vavapa mazuva ekuti vanotarisa mwana wavo. Ndakaenda mu room mangu ndichizvikandira pa bed. Zvichakadaro Prince akapinda achigara pa bed
"Chii chiri kuitika?"
Ndakanyemwerera ndichizama kumuvhara
"Haa bro Ndiri kufa ne bhabharazi yoo. Help me kuripedza"
"Seli unoziva hazvisizvo zvandavinga pano. Hausi right. I can tell kuti pane zvaitika. Hausi Masiziba wandoziva"
"I'm fine broe don't stress"
"Waiona here mota yawaenda nayo kuti ineyi?" Ndakavhura maziso
"Chii chamadhuma nezuro nekuti mota ine ropa and zvinoratidza kuti pane chamadhuma"
"Ohh tadhuma imbwa broe "
"Ropa rembwa neremunhu harifanani. Madhuma munhu right?"
Ndakavhunduka chero kupindura ndakatadza kuti ndoti kudii. Okay he got me Ndakatanga kuyeredza misodzi
"Mamuendesa kuchipatara? "
Ndakatarisa pasi
"Selina" Prince akadaro achindiswededza paari. Okay ndofanirwa kumuudza zvese zvaitika
"Ashaika mukoma"
Akabata musoro
"What? Ohh Jesus. After that maitei?"
"Tavhunduka mukoma, Tanga tichitya Saka Hapana zvataita, tamusiya tikatiza"
"Pane akuonai here?"
"Handizivi asi tanga tiri tega mu road, handifungi kuti pane ationa"
"Ndiani anga achichaira?"
"Ndini. Ndini mukoma ndanga ndichichaira. Handidi Kuenda kujeri ini"
Akandihaga
"Don't worry lilly sisi. I promise haumbosungwi"
"Chii chichaitika from now on?"
"Ndokumbira usazviisa mupfungwa dzako zvinhu zvese zvaitika. Hauna kuita nemavune Saka ndoda uite sekuti hapana zvamboitika"
"I can't, big broe zviri kundidya mumoyo"
"Ndichaita ukanganwe nezvazvo pane umwe munhu anorapa zvechivanhu ndichakuendesa kwaari . Usaudza vabereki nezvenyaya iyi don't worry mota ndaigezesa haina chinhu"
Okay broe thank you"
"Chirega kuchema okay"
Ndakabvuma nemusoro ndichipukuta misodzi
*Prince*
Ndazviona kuti pane zvisiri right pana Seli ndikaenda kunotarisa mota yake,ndipo pandawana ine ropa kumberi. Ndabva ndaziva kuti pane zvaitika chete. Shit nezuva rake rekuzvarwa here amana.
And zvinhu zvaitika paari zvichagara paari kwehupenyu hwake hwese nekuti ndomuziva kuti munhu akaita sei. Saka ndofanirwa kumuendesa ku n'anga. Ndakatora foni ndichifonera n'angayandoziva ndichiiudza kuti mangwana Ndiri kuuya kumba kwake ne hanzvadzi yangu iri anenge ariko here kumba. Akanditi hakuna kwaari Kuenda Saka anenge aripo.
Pandakakata foni Shalom musikana wangu akabva afona ndakadaira.
"Mukadzi wangu"
"Hey babe how are you"
"I'm fine love uri sei iwe. Wait wait uri kuchema Shalo? Asi pane zvaitika? Ndamboza kukufonera makuseni asi hauna kudaira?"
"I'm sorry babe chete pane zvaitika Kumba Saka ndanga ndichiri mumarwadzo"
"Chii chaitika?"
"Uchiri kuva remember mainini vaya vatakamboshanyira?"
"Yes ndovaona"
"Vashaika nezuro husiku"
Ndakavhunduka
"What? Asi vanga vachirwara?"
"Aewa vadhumwa nemota. Zvaitika nezuro husiku . Tafonerwa nesuwo kuchinzi vadhumwa nemota munhu avadhuma haana kumira abva atiza"
Ndakavhunduka muviri wese uchibvunda. Ohh shit Mainini va Shalom ndivo vadhumwa na Selina
*Selina*
Ndakunzwa kurerukirwa manje sezvo Prince akuziva nyaya iyi and ati achandibatsira kuti ndikanganwe nezvese zvaitika nezuro. Zvichakadaro foni yangu yakarira ari Brenda aida kunzwa kuti ndiri sei. Takataura nyaya dzakangodaro daro achindiudza ndisazvipa mhosva ndega nekuti tiri tese munyaya iyi asi handina kumuudza nezva Prince uye kuti ati achandiendesa ku n'anga. Hazviiti kuti ndivaudze zvezvakuita sekuti handina kuvimbika sezvo vati ndisaudza munhu
*Prince*
Mainini va Shalom ndivo vadhumwa na Seli? Uhhm zvino ndichaita sei? No handingambosiyi munin'ina wangu just like that. Shalom handifanirwi kumuudza kuti Selina ndiye apfura mainini vake. Yes musikana wangu and ndomuda zvakanyanya asi handifungi kuti angangonyarara just like that paachanzwa kuti munin'ina wangu ndiye akauraya mainini vake.
Yes ndomuda Shalom, asi pa situation yakadai ndomira neweropa rangu. Ropa ndorakutaura manje kana zvadai. Yes ndiri kurwadziwa nezvaitika Pana Shalo asi hapana zvandingaita. Ndiri kudzivirira munin'ina wangu. It's not like azviita nemavune and staff. Ndichaita sure kuti Shalom haamuwani munhu auraya mainini vake. Now ndofanirwa kunomuona ndimunyaradze nezvinhu zvaitika
I'm so sorry Shalo asi neniwo handina choice. Ndakatora ma key emota ndichienda kumotam ndakaimutsa ndichienda Ku park kwatichasangana
Ndakasvika atondimirira. Ndakadzika mumota ndichienda kwaari tichihagana tichimhorosana tichinogara pasi
"Hey love wakunzwa sei manje"
"Handisi right babe asi mwari vavadana mainini vakadaira asi vanhu vaita izvi Havana moyo shame. Shuwa ungauraya munhu pedzezvo wotiza"
"Zvinowanikwa babe, vanhu vanenge vachitya kuzopihwa mhosva kuvharirwa kujeri vamwe havakwanisi kufesana nenyaya dzakadai"
"Yes asi anga achifanirwa kufungira family yemunhu waauraya kuti vacha feeler sei. I wish awanikwe munhu aita izvi Kuna mainini"
"I'm sorry babe"
"Mama vati mangwana tiri kuenda Kumba kwa mainini kunogadzirira funeral"
"Okay babe ufambe mushe ndichakufonera ndichinzwa kuti uri sei"
"Thanks babe, you know I wish kuti dai ndaenda newe"
"Don't worry babe ndichakufonera asi musi waanovigwa ndichange ndiripo"
Akanyemwerera achiisa musoro pachipfuva changu. Takagara kwema hours tichikurura ndichimusimbisa nezvekufa Kwa mainini vake
End of chapter
*Chapter 2*
*Selina*
Takamuka makuseni na Prince, vabereki vedu vaiva vatoenda kubasa. Handidi kunyeba ndinotya guys. Ndodzitya n'anga ini. Takanopinda mumota Prince achimutsa mota tichienda. Prince akanditarisa
"Don't worry lilly sisi everything gonna be alright"
"Yah"
Akachaira nguva yakareba, few hours Takasvika ku n'anga yacho and yairatidza kuti yanga ichiziva kuti tiri kuuya nekuti paationa abva atouya kwatiri akatipinza muimba round yaanoshandira. Patakapinda Prince akamuudza nyaya yese akandipa zvaandipa ndikanogeza zvimwe akati ndiende nazvo kumba. Tapedza takadzokera kumba.
Takasvika kumba vana mama vasati vauya,Ndakaenda mu room mangu. Shamwari dzangu dzakandifonera dzichindibvunza kuti neyi ndisina kuuya Ku campus "
"Handisi right guys that's why ndisina kuuya"
"Let's hope hausi kufunga zvaitika" Vee akadaro
"No guys I'm fine izvo ndazvipfuudza kare "
Takataura dzimwe nyaya tikaonekana. Pandaida kurara foni yangu yakarira zve, ohh gosh ndi Spear wacho ayy Ari kudei manje uyu.
"Hello"
"Hey beautiful"
"Hey"
"Ndoziva kuti waneta neni asi zvinhu zvandakumbira nazvino ndichiri kukumbira. Ndokumbira kukuona zvakawanda zvinhu zvandoda kutaura pauri"
"Sezvipi?"
"Please"
"Mangwana ndabva Ku campus"
"Thank you babe"
Ndakakata foni
*Week later*
Ayy ndikaramba ndichifunga zvinhu zvakaitika handingamborarami life yangu and I think n'anga ya Prince yakandibatsira nekuti handichanyanyi kufunga nezvenyaya iyi. Ma days aya Spear anga achindinetsera kuti ndiite musikana wake.
He's so handsome and ane ka that. The way yaari inondimhanyisa ropa that's why ndakamubvuma. Now takudanana
"Saka wakabvuma harahwa yese iya Selina?"
"Yes Brenda I love him and anoratidza kuti munhu Ari bhoo"
"Ari bhoo nekuti muchangodanana ka. Akangowana zvaaonoda uchaona iwe"
"Haa Vee why uchidaro?"
"I'm just saying mogal. Apa waita Wrong Choice chaiyo. I don't trust him"
"Don't stress Vee . Spear ndini ndakamubvuma wrong Choice yacho ichawana ini"
Brenda akaseka
"Chero ukadaro Selina asi neniwo handimunzwisisi ini Spear wako"
"Ndomuda Sheila Saka ndofanirwa kuita sei?"
"Guys Selina kana achimuda ngatimusiyei. Hamumuzivi murume uyu asi matova nema conclusion paari"
"Aewa Tanga tichimuonesa seshanwari yedu,but anyway it's fine kana achimuda we will support her"
"Thank you guys I love him so much"
"Congratulations neharahwa yako " Sheila akadaro
Ndakamutarisa and vese ndiri kuvaona havamufariri Spear nekuti munhu mukuru
*Narrated*
Shamwari dza Selina dziri mumota kuenda kumba kwavo vari kubva Ku campus. Kumba kwavo ma nextdoor that's why vachigara vari vese.
"Ini hangu handidi kunyeba, nyaya ya Selina na Spear wacho handiinzwisisi" Vee akadaro
"Neniwo handidi kunyeba handina kumufarira Spear" Sheila akadaro
"We are friends guys ngatisanyeya umwe wedu" Brenda akadaro
"It's not like tiri kunyeya" Vee akadaro
"Then kana zvakadaro manga muchifanirwa kutaura zvamuri kutaura aripo. Tell me why muchifunga kuti Selina aita wrong choice pana Sparks?"
"Pane zviri off paari Spear wacho. Idhara riya beside Selina amhanyira kumuda asati amuziva" Vee akadaro
"Let's change topic guys tichaitanga kana muridzi avepi" Brenda akadaro
"Ayy newevo chiiko?" Vee akadaro
Brenda akangovatarisa haana zvaakataura
*Days later*
*Selina*
I ini na Spear tiri kudanana guys kwete zvekufungira. Tiri kuita kupengesana Handidi kunyeba Spear anondida shame anondibata se princess. Yes varipo vanhu vasingadi kuti tidanane asi handingambomurambi nekuda kwevanhu. Ohh another thing, Shalom akugara kumba kwedu. Prince akamuroora vakachata. Family iri kukura
Nhasi tiri kuenda out na Spear. Tjo it's my first kupinda mu relationship inofaya kudai. Maybe zvokenzerwa nekuti muhombe kwandiri anondibata kunge mwana mudiki.
Ndapedza kugadzirira manje ndakufanirwa Kuno requesta asi ndoziva munhu wacho ane coz ndandamuudza kuti asauya kuzonditora but still achauya chete .
Handidi vabereki vangu vaone kuti ndakuita zvemujolo vangandiuraya kunyanya kumunhu mukuru akaita sa Spear. Pandaiva ndakubuda ndakasangana Julie achibva kubasa
"Lilly sisi uri kuenda kupi?"
"I'm going out with my friends"
"Iwe uchi glower kudai? Out ne shamwari dzako wakapfeka izvi. Never ini handizvibvumi"
"For really sisi ndiri kuenda ne shamwari dzangu"
"Ndiri sisi vako handisi Mai Saka usatya kundiudza nyaya dzemujolo handingamboku judge asi ndichakuonesa anyway safe journey"
Julie akaenda mu room make, neniwo ndakabuda ndichi request a. Lucky, Spear anditeerera haana kuuya. Few minutes mota yakasvika ichienda neni kumba Kwa Spear. Ndakamuwana atondimirira. Takahagana tichikisana
"Babe"
Ndakanyemwerera.
"Unoziva handifari kana uchifamba nema cab handiva trust vapfana ava"
"Ndendisina choice nekuti handingambotori mota ya daddy what if vanhu vavo vanondiona vonoudza daddy kuti ndakujola"
"Wakura iwe ahh havafanirwi kuita strict kwauri. Hausisiri under age ka iwe"
"Kumba ndichagara ndiri mudiki"
Akadzungudza musoro tichibva taenda kumota yake. Nhasi tiri kuenda ne polo. Mota ane 5 I wish to know kuti anoitei nadzo mota dzese idzi iye achigara ega. Akandivhurira door remota ndichipinda mukati
"Thank you nekubvuma kuuya"
Ndakanyemwerera
"Handina kumbobvira ndakaramba kuva newe unoziva kana ndinewe ndinenge ndinenge ndichifara"
"Dziripi shamwari dzako?"
"I think vari kumba kwavo"
"Hhm okay. Unoziva mazuva ano handichafariri kunwa muma club. Ndakufarira kunwa mumba. ndokumbira muuye tizonwa ne shamwari dzako kumba kwangu"
Ndakaseka
"Okay ndichavaudza and im sure vachafara kudanirwa doro remahara"
Akanditarisa nemaziso ari sexy
"Ndokuda wanzwa?"
"Neniwo ndokuda zvakanyanya"
Akandikisa pahuma achimutsa mota tichienda.
Takasvika Kune rimwe hotera tika order zvatichadya. Tapedza kudya takadzokera kumba kwake. Asi imba yese iyi achigara ega? Hazvi make sense. takapinda mumba tichie ku bedroom kwake. Takapinda kwakugara pa bed ndichitarisa nzvimbo yese.
"Babe"
"Yes babe"
"Saka uri kugara wega muimba yese iyi?"
"Aewa handigari ndega asi ndogara nemupfana wangu "
"Mupfana wako? Akura sei?"
"Maybe anoenzana newe. Mama Ivo vanogara kumusha asi vanombouya vachindishanyira kana vandisuwa"
"Mupfana wako Ari kupi nekuti kubva zvandakauya pamusha pano handina kumbobvira ndakamuona"
"Akashanyira mama babe"
"Okay I see ko mwana unaye?"
"Haa handiti dai ndinaye dai ndichigara naye"
"Maybe anogara na Mai vake "
"Mwana wangu haangambogari neumwe munhu ndiripo"
"Hmm okay. Ko mukadzi?"
"Haa mibvunzo yese iyi yabvepi manje?"
Ndakamutarisa
"I'm sorry babe handina mukadzi ini handiti dai ndinaye dai ndichigara naye "
"Ohh okay "
"Ndiwe mukadzi wangu handiti"
Ndakanyemwerera ndichi blusher nduchitarisa pasi. Akandisimudza chirebvu kwakundikisa achindiradzika pamubhedha achiuya Pamsoro pangu.
Takakisana tichikururana mbatya tichitamba mutambo wevakuru. tapedza takaenda ku shower kunogeza. Tapedza kugeza takauya tichipinda mumagumbezi. Nguva dzaiva dzave Kuma 6
"Nhasi ndoda kuva newe babe "
"Asi ndakufanirwa kuenda babe"
Akanditarisa nemaziso ainyengerera
"No hazviiti ndichati kudii Ku vabereki vangu?"
"Please babe, uchavaudza Kuti uri Kumba kwe shamwari Yako uchauya mangwana"
"Babe hazvisi right kunyebera vabereki vangu"
"Ok no problem asi ini ndanga ndichida kuva newe husiku hwese"
"Okay ndichaedza kutaura navo asi ndikabatwa?"
"Haumbobatwi sugar babe. Tanga wafonera shamwari Yako umuudze"
Okay"
*Brenda*
😮
❤️
👍
😂
😢
🙏
10