MAI YOLLAR SHONA  NOVELS🇿🇼
MAI YOLLAR SHONA NOVELS🇿🇼
June 10, 2025 at 06:52 PM
*MARRIAGE SORROWS* *✍️By Nommar aka maiYollar* https://chat.whatsapp.com/G582F3GVPoXHqpBFUH8l3e *Join group* https://whatsapp.com/channel/0029ValII4B4tRrqIiRXu82n *VANODA MAPREVIOUS BOOKS AMAI YOLLAR FOLLOW CHANNEL IYOYO NDIPO PAARI KUISWA* https://whatsapp.com/channel/0029VaIueYQCRs1hHK8hB31b *HUYA KUCHANNEL YAMAI YOLLAR USANGANE NEDZIDZISO UNGAVA MURUME KANA MUKADZI BAYA FOLLOW* 📲+263⁷⁷³669⁵⁴⁸ 📲+263⁷¹⁹533⁰⁴³ CHAPTER 14 Mai Chido Handina hangu kuda kutaura, waitoona kuti zvimwe zvacho kutsvaga kuti utaure. Line rangu rakazoita zvaro, chandakatanga kudzosera mari yaVictor akaratidza kubatikana nekudzosa mari kwangu asika ini ndagara ndaiva ndazviti ndoidzosa.Ndaigara ndichinzwa vanhu vachiti munhukadzi usangofarira kupiwa zvemahara kunyanya nevanhurume ivava. Ndaita kunzwa kufara kani ndakatarisa mudziyo wangu ndaizozviseka nechemumoyo ndakuti fridge yakandiudzisa chihure kuborder iyi. Mazuva haana kumira ,upenyu huri hwekushingirira saizvozvo, Chido kuchikoro aienda ndaizama nepandinogona napo kuti zviite. Ko iyoka fridge ndakanga ndotoisa zvima freezit ndakatozonzi nemukadzi aigara panext pedu aona rimwe zuva vanhu vachishaya mafrezits. Her.. "Ko hindava nhaimi asi haisi kuomesa kani?" Me.. "Iri kuomesa asi kungoti space idiki, ari kuwandirwa." Her.. "Asi mune upright kani?" Me.. "Ehe" Her.. "Tsvagai deep, haghhh deep munenge marongeka mhai. Deep murume chaiye kana yababa hamuitarisi kkk ini mafrezits anondirwadza mangu mumba anomwiwa zvinorwadza asi kana 4 packs pazuva ndinoomesa." Me.. "Handina kuziva mufunge ndakatoti ndagona....nhaimi honai machovhero ari kuita munhu uyo bhasikoro ko akadonha nhaimi." Her.. "Kuonererwa nevanhuka, aghhhhh poto yangu yakutsva imi regai ndimhanye" Chokwadi ndechekuti dzimwe nguva mafrezits angu aivhiringwa naivo baba vekwangu vaigouya nemadoro neamwe emasahwira ozadzwa imomo. Baba vaChido waitoshaya nechaari kuendera kubasa, kungoibata mari yacho haachatorari pamba zvake. Rimwe zuva ndakaswera ndichitengesa zvangu mumapurazi ko iko kurwadziwa nekufamba nekusvuuka nekusvuuka. Ndaiva ndataimiraka mazuva anotambira vashandi veko. Ndakatobvawo nekumashops ndichitenga kamuriwo uye zvimazep zvevana, mongozivawo kahunhu kevana kana waswera usipo.Ndichisvika pamba ndakashaya kuti ko ivo vayenzi vasingapindi mumba vainge vakaita sei. Chido aisambogadzika hama panze, zvisinei ndakasvika iyo shena asi kuita seichapinda mumukanwa kkkkkkk zvakaoma asikana.Ndakaita kutonyara nekukwazisa vayenzi. Ndakusvika ndakaona kuti padivi paitova nebag, ndakakwazisana navo vaiva vakadzi vaviri. Umwe wacho aiita sewechikuru ndiye akabva ati .... "Makadii zvenyu asikana? Masvika tagarawo pamukova wenyu." Me:: "Ndinofara makadiiwo, kwakadii kwabviwa?" Her:: "Aiwa kwabviwa kutsvene." Ndakatarisa kune umwe wacho ndikati.... "Makadii zvenyu?" Her:: "Mushe muri sei? Me:: " Ndinofara chose." Pakamboita runyararo ruya runoratidza kuti pane ane nyaya asi ashaya pekutangira. Ini ndini ndakazoti.... "Ndamboedza kufananidza asi ndatadza ini." Aiva wechikuru ndiye akabva akosora ndokuti..... "Ichokwadi hamungatizivi ini ndinoitwa mai Shiri, uyu mwana wehanzvadzi yangu. kumusha kwedu ndekwaMutoko, imi ndimi mai vepano handiti?" Handina kudaira ndakaramba ndakavatarisa neziso riya rinoti ndiri kuzvinzwa uyezve pane zvakanga zvatobata mandiri ummmmmm, hana yangu yakanga yakutorova hameno kamwe kakudedera kandakanga ndakunzwa. Ndakaramba ndakayeva mai iya iyo yaitoratidza kushaya kana shungu, ichibva yati. ... "Amai chatisvitsa pano idumbu rine mwana agere apo uyu anova ndiye mwana wehanzvadzi yangu." Me:: "Raita sei dumbu racho?" Her:: "Ane pamuviri zvino unoti muridzi wemwana ndibaba vekwenyu, vekumba vati ndimuunze kumuridzi wenhumbu." Me:: "Kkkkkkk muri kuti matouya kuzomusiya pano here? Kana kuti mauya kuzoudza muridzi wenhumbu kuti azive." Her:: "Chokwadi ndechekuti kwedu nzvimbo yake hakuchina ndatouya kuzomusiya." Me::"Okey sezvamuri kuona muridzi wenhumbu haapo ,mogona zvenyu kumumirira anouya, ko iye akamuonerepiko ndanzwa semati mobva kwamutoko." Her:: "Anga achishanda muno muChivhu." Ndakabva ndatosimuka zvangu ndokupinda mumba, ndakamanyira mubedroom mangu ndokuita zvandainge ndisati ndamboita. Chokwadi ñdakasvika ndikapfugama padivi pemubhedha ndikanamata misodzi iri pamatama, ndaitaurira zvangu pasi ndikati...... _Mwari......Mwari.....Mwari kani, ndiregerereiwo kana paine zvandakakutadzirai, mhosva yangu ndeyei? chii chandinofira ini. Chiitai henyu kuda kwenyu ndimi munoziva....hiiiiii hiiiiii zvikaramba zvichidai Mwari ndakuona sekuti marriage iyi ndeyaSatani ini_ Handina kana kuisa Amen sezvo yainge yangova misodzi ndakarwadziwa nekuzvituka zvese ndichinzwa Grace achiti.... "Chinyayaya mhama......mhama kani chinyayaya nakuchemawo ini." Ndakasimudza musoro ndokuona akutoyerera misodzi, ndakamubata ndokumunyararidza zvangu kwakutanga kutoita zvekubika asi ndaiva ndisina kana simba handidi kunyepa iye Grace wacho handiti raitova ronda here?. Ndakafunga zvangu kuti handina salt ndokubuda kuenda pamashops pataitenga apo pandakasvika pane murume aiparidza muroad. Vanhu vaiva vakamira vachiona nekunzwa saka ndakangosvika ndokumbirawo ko ndaivaka ndanzwa kungoti iyoyo marriage yako. Murume uyu handina kunzwa kwaakanga atangira asi ndakanzwa padiki paakaita seaitoreva ini. Akabva ati.... "Varume ndauya kuzokuudzai kuti kune mweya wetsvina wakatongwarawo, kune vakadzi vari kugara nevarume vaviri mudzimba umu. Wakambozvibvunzawo here kuti murume wako anosemei pauri nemunakiro wawakaita iwe paita mweya wechikwambo uri kutenderera mumba uri kuita kuti murume kana akakutarisa anokuona uri marara. Nhasi ndati ndiudze mumwe munhu ungava murume kana mukadzi tora nguva yako ugare pasi, wana nguva yekunamata ubvunze Mwari kuti ndiyo marriage yamakandipa here iyi. Taita dambudziko vanamai nana baba revanhu vakabirwa mamarriage avo vakapiwa asatan...... Haghhhhhhhhhh iwe hausi kundinzwa mhani ndati kune munhu wekuti kubva zuva raakapinda mumarriage haasati aziva chakanakira marriage kunze kwekuzvara vana haghhhhhhhhhhhhahhhh umwe munhu zvibvunze pauri ipapo kuti asi ini yangu marriage yakabva kunani? Pandiri kutaura kudai ndovimba kuti umwe munhu atova nemhinduro." Ndakaona kuti kunze kunosviba ndiripo ndokutanga zvangu kufamba ndichienda umwe mukadzi akabva atoti.... "Iii mafungawo kuendaka kkkk muri kuenda nekupi? Horaiti regai titofambidzana dai vanyatsouya masikati kani baba ava kkk. Ichokwadi chavari kutaura ichi mweya yetsvina iriko. Ko ini ndamboramba ndakamira ndichiti pamwe vachati huyai ndikunamatirei aghhhhh kuda zvinhu zvakunoitaka." Me.. "Kkkk pamwe vachasara vodaro asi manje kwadoka kunze kwacho." .Her.. "Ehe kunze kwadoka, Haghhh asi marriage yasatan inoonekwa vasikana tinganyeperana asika vanhu vanozvikuvadza nekuzviti ndofira vana vangu kkkkk baba vandifungidza yakaitika kumaraini kwedu uko aiwawo kune vakadzi vari mumajeri vachingoshinga chokwadi kusatiziva kuti wanano yacho ndeyani. Ini kuri kungonzi ndaziva kuti ndeyasatan aghhhh ndinobva ndatosiya zvangu." Me.. "Ko ivo vana vasikana, panoti vana ndipo patinofira." Her.. "Vana kudiiko iwe, kupenga kuya ukanzwa mukadzi anoshungurudzwa oramba achingoti vana haiwawo vana kudii kwavo? Vamwe vari kuzoguma vafa nema BP wongosiya futi vana vacho haghhhh ini izvo ndakaramba, kuita sei? Kushungurudzwa nemunhu anopiwawo mweya wekufema naMwari seni haghhh neni tisvitsana kumapena." Me... "Zvakaoma wena, ini ndasvika regai timhanyidzane nemapoto. Toonana wena." Ndakabva ndatotsauka pamba asiwo ndaiva ndavawo nemubvunzo wekuti ko yangu marriage yakabva kunani.Ndakasvika ndokudarika nepavanhu vaya zvikanzi nevaiva vazviti Tete vacho... "Nhai mainini, anowanzouya nguvaiko murume wenyu?" Me.."kkk ivo madam vatadza kufona here? Ngavafoneka vakasire kuuya " ndakabva ndatopinda mumba ndokuvhara door zvangu. Kunze kwakasviba vaya vangori panze ende handina kuzvitsvaga ini, ndakazonzwa noise panze ndikaziva kuti chachaya saimba vainge vasvika. Handina kukwanisa kunzwa zvaitaurwa asi ndaingonzwa kuti pane kusawirirana zvangu. Pasina nguva ndakaona baba vaChido vachipinda vakadungamidzana nemumwe wevakadzi vaya ainzi mwana wehanzvadzi. Ndakaramba ndakarova zvangu face yebasa asi hazvina kutyisa vakuru ava. Ndakanzwa vakuti... "Ndeipi" Me:: "Maswera?" Baba vaChido:: "Uyu anonzi Veronica ari kuti ane nhumbu yangu." Me:: "Arikuti ane nhumbu yenyu here kana kuti ane nhumbu yenyu? Baba vaChido:: "Inga mazvinzwa wani? nyaya iripo ini ndotowana mari next week ndipo paachaenda kumusha, ndamuti amboenda asi tete vake varamba." Me:: "Saka muri kuda kuti agare pano here?" Baba vaChido:: "Angaindepiko nhaiwe? Huya kuno tione." Handina kutevera kwaaida kuti ndiuye kwacho akabva adanidzira kuti..... "Usanditaudza nezvenyaya iyoyo futi, kana ndambokupa respect kuti titaure iwe wotoda kuzviona sewakapenga ndikoko." Ndakasimuka ndokupinda mubedroom mangu ndokusiya varimo, ndakangonzwa kuti zviri kutaudzana hameno kuti kwaiinzii. Ndakarara ndichingoshanyarika ndaiita kushaya zvekuita ini, ndakavhundutswa nefoni yangu yakarira ndakatarisa ndokuona vari tete hanzvadzi yababa vaChido, ndakadaira ndichiratidza zvangu kusvotwa.... Me:: "Tete muri sei?" Tete:: "Ndriboe,ko kudairira pasi hanzii?" Me:: "Ndanga ndavata zvangu." Tete::"Hoo varipi baba vekwenyu?" Me:: "Varimo mudining, ndovapa fon here?" Tete:: "Aiwa ndataura naye manje manje, ko hanziiko?" Me:: "Neiko Tete?" Tete:: "Hamenoka zvamuri kuita kumba kwenyu ikoko" Me:: "Munouya kumba tete, regai ndirare ini " Ndakabva ndatocutter fon ndaisada zvekukwidzwa zvangu bp. Ndakarara husiku hwese shewe havana kubudikira ndaingonzwa kutaura. Ndaimbofunga kutodongorera chaiko kkkkk imi nyangwe rikaita benzi nderako asikana. Ndaitonzwa kamwe kashanje kekuda kuziva kuti zvavari vega imomo havasi kubatana batana here. Kuseni ndakamuka handina wandakataura naye, ndakatanga kuita zvangu basa rangu, baba vaChido haana kuenda kubasa musi uyu,handina kuziva zvangu kuti nei maybe semunhu aiva nemwenga hameno.Ndakaona tete vasvika kuseni ikoko, ndakamboda kutobuda ndovasiya asi moyo wakaramba, ndakaona vokurukura nehanzvadzi ini kwakuzodaidzwa.Akatanga kutaura ndivo tete ko iko kutoti changamu pameso kunge vaitaura zvisvinu...... Tete:: "Maiguru bhudhi vari kuti ruregerero nemhosva yavapara iyi,hapana zvekuchaita." Me:: "Tete hapana mhosva apa asi ndiri kungoti pano hamusi manyanya kundizvidza kwacho here?" Tete:: "Kuzvidzwa hapana makoti, chiri kungodiwa kuwirirana chete." Me:: "Ummmmm zviri nani zvangu kubva pano ini, izvezvi ndine chimwe chimwana icho, konzi kwauyazve mumwe mukadzi yuwiiii mukombe wacho ngaupfuure zvawo." Tete:: "Asikana munopedza nyika nazvo izvi, barika harishamisiri mai mwana uyu atobuda zvake pachena zvitori nani izvi." Unoita seuchadira mukadzi mukuru mbama chokwadi,ivo vaitaura chando ichocho kukanganwa nhamo yavaiona. Vainge vatizawo barika iroro asi ndiro ravakanga voti rakanaka.Ndakasimuka ndokuvatarisa ndikati.... "Tete kana musina henyu zvekutaura madii kunyarara, ini ndoda kukuudzai chokwadi ,pano hatigarisani zvedu." Tete:: "Chete kungoti ndeyekuroja zvayo kkkkk iri yaakatenga mungataura izvozvo here? Ini kutongoda kukuonesai,izvezvi mai vari vega kumba uko imi muripo pano, tione chisvinu chamabura weee hapana. Hameno itai ndimi munoziva, ini regai ndiende." Ndakarishaya simba rekumudzinga ini, takaswera tese ko iko kungwarisa hako. Ndakabuda kumapast 5 ndichinotora mari dzangu,ndaiva ndakweretesa vakadzi vemisika. Ndakasvika ndokupiwa nekubva ndatodzoka. Ndakasvika ndakaita kumirirwa nababa vaChido nemukadzi wake pavakangondiona ndakanzwa mukadzi wacho ava kuti..... "Hun .....hun.... Vauya maiguru." Baba vaChido vakabuda ndokuti.... "Pinda mubedroom undiudze kuti zvirimo zvinorevei" Macomments enyu nemalikes enyu ndiwo anondiita kuti ndive nesimba mufunge End of chapter 14
❤️ 🙏 👍 😂 😮 😢 179

Comments