
MAI YOLLAR SHONA NOVELS🇿🇼
June 11, 2025 at 06:39 PM
*MARRIAGE SORROWS*
*✍️By Nommar aka maiYollar*
https://chat.whatsapp.com/Eq4sGWgfMA4HA8Im7YxiG0
*Kana book warifarira pinda mugroup iri shaa*
https://whatsapp.com/channel/0029VaIueYQCRs1hHK8hB31b
*Mai Yollar munyori anonyora kunyanya zvatinosangana nazvo mukurarama follow channel umbonzwa zvako mabooks avo*
https://whatsapp.com/channel/0029ValII4B4tRrqIiRXu82n
*Apa pari kuiswa mabooks amai Yollar aya aya akakujamba chibva wangobaya follow usangane nawo.*
📲+263⁷⁷³669⁵⁴⁸
📲+263⁷¹⁹533⁰⁴³
Chapter 15
*Read, comment react and share*
Baba vaChido
Kushandirwa nerema nxaaa handiti aiva aona kuti anozvigona here. Kana chiri chikafu ndaitochidyira chifinhu kudyira svoto.Zvinhu zvanguwo ndizvo zvaiita sezvisiri kufamba asi zvisinei handaizoshaya yekubhero kkkkk taiva nekaslogan kekuti kana toda izvo zvikadzi zvema 50c izvi taiti nhasi ndotoita zvebhero. Varume musanyeperana mhani kuti dzini riya rakafanana kunyepa kuya kusiyana zvinotosiyana zvichienderana nekuti munhu wawasangana naye ane experience yakadii. Ko pane pandaitoona kuti apa ndarasa mari yangu zvangu koitawo pamwe pekuti ndaitonzwa kuti dai ndadzokerako manheru. Chandakaona chihure chinoda kushandisa njere, kana wafunga kudya nyika rutivi chirega kupinda nemoyo. Zvangu zvandaiita zvekuti ndodanana nemunhu anotoda mari yerent yechikafu kubva kwandiri yaitova loss chaiyo. Kalife kekungoti tasangana nhasi, mangwana hatizivani ndiko manake manje plus zvaitova cheap. Pandinenge ndisinawo mari ndozvigarira kumba pasina anondifonera ko hure rakambopiwa number here? Dzei nadzo chaanoda imari yake chete. Isu wacho taiva totorwirwa neatangaka naiwo majeans andainge ndoigirwa namadam. Haghhh ipapo zvangu regai nditende chakanaka chakanaka ndaiigirwa zvine mutupo chaizvo.
Ndakadanana nechimwe chimusikana zvangu ,zviri funy moziva ini ndaitoona sekajoki zvangu hapanoi pakunorara naye wanei munhu imhandara. Kubvunza kuti ko nhaiwe ndiko kutanga kuravira here uko munhu akutondiudza kuti zvawaona ndizvozvo ini yoweee. Ndakamuvhara vhara zvangu asi handina kuziva kuti ndaiva ndatogowesa ko tagaraka yedu iheavy mishina inotoda vakasimba kwete ndonda dzine zvibereko zvakapusa. Pasina nguva ndakatonzwa munhu akutoti ava nenhumbu kutaura chokwadi nhumbu yaitova yangu kozoti kubvisa humhandara hwemwana wevanhu hama. Ehe ndaigona kuramba asi ndakanzwa tsitsi handidi kunyepa. Ndakamboramba ndichi tsika tsika asi ndakatozonzwa ava kuti ava kutouya. Kuuya kwaNester handina kuda kuvanzira Memo, ndakatomuudza kuti ndizvo zvavapo. Mai vangu ndivo vane yese, vakaita kufarira muroora kani. Havaitadza kufara mai vangu, vaitodawo munhu anovada mai Chido vaiva vasina nguva namai vangu asi wati kuda kuzviita munhu anoswera ari busy hanzika tisu mabusiness lady.Naiyewo akanga amudzidzisa kutengesa akanga atotiparira zvake.
Rimwe zuva nditori zvangu kubasa pane mumwe wataishanda naye ainetsana nemukadzi saka vanhu vaivapo pakumuonesa iye aitoti mukadzi haachadi. Mukutaura kudero takasvika kwakadzika dzika ndakasvika zvangu pakumuti.....
"ko iwe kana usichamudi uri kugarirei naye?"
Akandipindura akati.....
"Shaa haanzwisisi ipapa kumuti buda uende haadi, plus ndotoona sekuti nekushaya kwekuenda futi"" Takaseka tese, ini zvangu kwaingova kuseka asi ndaizvinzwisisa izvi handiti ini ndaiva nachozve chigunduru kumba kkkkkk, Memo kwaingova kushamisira hake asi aikanganwa kuti aindiudza zvese zvekuti hapana hama yaimuda. Kana sisi vacho dai vainditaudza ndaivaudzisa handidi kunyepa yes ndaitovaudza kuti sei mazomuda nhasi paainyatsotambura vaimurega ari muhuhouse gero wani.
Nester aiva mwana mudiki zvekuti nyangwe dai mai Chido vaida kunetsana naye kwaitova kutamba nenguva. Ndakamuudza kuti ndini ndakabhadhara rent usatya gara tichironga kuti toita zvipi.Ndakamuka zvangu ndokuona kuti ava vekugona kutsvaga mari vaida kutobuda.
Ndakaona uri mukana wekutombokudza mwana zvangu zvangu.
Aiwa ndakarova basa zvangu. Ndakati kuna Nester achigadzirisa gadzirisa mumba ava vana Chido ndaiva ndava tuma zvangu. Ndakanzwa Nester ava kundidana. Ndakapinda muya ndikati....
"Ko chii?"
Airatidza kushamisika zvese nekusema, ndakashaya kuti chii. Akanongedzera mumonarch raiva padivi pemubhedha ,ndakafamba ndokuswedera pedyo kwakuona mune condom raiva rakatoshanda apa raiita serakanga rava nemazuva rashanda.
Ndakaita kututa nehasha, shuwa shuwa mukadzi mukuru kuita chihure chakapusa.
Ndakabva ndatozviudza kuti handichabudi kusvika adzoka.
Mai Chido
Ndakafambisa ndichitevera mumba macho, akapinda ndokuvhura monarch kwakuti.....
"Chii ichi?"
Ndakadongorera hapana chandakaona ndikabva ndati......
"Chipi?
Ndakabva ndanamwa nembama ropa ndokuti dzatu mumhuno nemumukanwa. Ndakataura zvine hasha mukati ndikati.....
" Nhaiwe uri kundirovereiko? Ndabvunza kuti chipi?"
Baba vaChido:: "Iwe mbwa iwe, hapana chauri kuona here imomo? ndikudhinde unyatsoona mushe." Akabva aswedera ndokuti.....
"Iwe chii I..... Agh ko rainda kupi,iwe chinhu changa chiri umu chaindepi?"
Me:: "Chakaita seiko nhai veduwe? handina chandiri kumboziva ini." Ndakarohwa zvekuti ndakashaya ndaroverwei, zvakaoma kuroverwa zvausiri kuziva veduwe. Ndakazonzwa nyaya yacho hanzi maiva maonekwa condom mubag mangu.
Moziva ndakapererwa chandakaona ndechekuti pane aiva azvironga, raibvepi mumba kana kutoti iye baba vaChido anogona ariiye akatouya futi naro. Kubva kuuya kwemukadzi wake handina kunge ndambotaurira dzangu hama asi musi uyu ndakasvotwa. Ndakafonera sisi Cathe vakadaira ipapo ipapo.....
📞📞
Sisi.... *"Matifunga nhasi kkkkk, zvirisei mainini?"*
Me... *"Ndinogara ndichikufungai vakoma asi mari yekufona chaiyo."*
Sisi... *"Taurai zvenyu mainini, kufona kwadhura imi, Kurisei kumba nevana vedu?"*
Me... *"Vakoma ini kufa kuri nani zvangu,ndatambura ini"*
Sisi... *"Ko chii futi? Uchifirei nhaiwe?"*
Ndakava rondedzera zvese nezvekuti kune mukadzi kusvika kurohwa kwese uku nenyaya yechinhu chandaisaziva vakabva vangonditi ndikwire ndiuye kuHarare. Ehe kukwira kuenda kuHarare yaisava problem asi takabudana pakunditi ndisiye vana. Kutaura kwavakoma vairatidza kuti vaitoda kuti ndisiye vana, kutaura chokwadi vana handaimbosiya zvangu.
Ndaigoti ndaitei ndaiti ndikafunga hupenyu hwangu hwandainge ndararama pakashaika vabereki vangu, ndofunga kuti vana vangu vagotamba nhamo chokwadi apa ndiri mupenyu.
Rakasara rotodoka muraini mazara kunzi mai veapo vanoita basa rekupinza zvikomba mumba. Zvamunoona madzimai ngatidzidze kutaura kwataswera nekuti iyewe hauzivi ramangwana rako.Vamwe vaiva vototi vawanikidzwa irimo,Vanhu vaitaura nepavafunga napo handina kuita basa nazvo, ndakatonzwa mai Tari vakufona ndikaziva kuti ndiyo nyaya iya, ndakadaira zvangu..
📞📞
Me... *Hec mai Tari"*
Mai Tari... *"Hec mai Chido, varisei vana?"*
Me.. *"Variboe hameno vamwe vavo."*
Mai Tari... *"Vari kwaTete kuChiredzi ava kkkk kumbofurwa zvangu nemhepo, ko iwe chiiko chandiri kunzwa?"*
Me... *"Kupizve? Hanzii?"*
Mai Tari vakarondedzera manzwire avaiva vaita, ndikavaudzawo maziviro andaiita ini asi havana kuzvitenda nekuti vakabva vatotanga kundiyeuchidza pandaitaura zvekuda kuita chikomba. Pachokwadi uyo mweya ndaiva ndisina ende hawaimbofa wakandibata. Mai Tari vakavimbisa kuuya kuzondiona zvavo.
Zvepamba apa ndaiva ndakufunga kusiya asi mubvunzo wangu waiti ndonangepi. Zvakaoma kushingirira kugara pamba pauri kuziva kuti hauchadi nezvapo kana kugara panzvimbo yaunenge uchinyatsoona kuti haisi kukuitira asi woshaya pekutangira kuti ubve. Sisi Cathe vaiti huya asi siya vana ehe ndaigona kuenda asi ndaigogara nguva yakaita seiko veduwe kugarisana nehama zvagara kudyara ruvengo ko iye murume wavo aiita sesvikiro ndaizodii.
Nekuda kwevana vangu ndakazvipira kushingirira, ichokwadi vamwe vakadzi vaiva vonditi hadzimo , vamwe vaiva vonditi kupusa asi aiziva ndini.Hakuna munhu aibvuma kunditambira negurumwandira rehwana ivo vakambotadza kuchengeta ini ndega, zvaiva zvitoti nemoyo wekubereka chaiwo ndofunga icho Grace chokwadi koti mai vako vakakatiza ini wacho ndomusiya ndaizoziva sei kuti asara naye wacho anoita zvisvinu pamwana iyeye.
Baba vaChido aigouya otanga kutukirira kusvika aneta zvikati zvemazuva aya aitukirira kusvika anetazve, ko handiti ndaiva ndakavharwa nemadurahall here. Vamwene vakabva vatouya vakati muroora mudiki angadzidziswa chihure ngaambouya kumusha.
Handina zvangu kutaura, zvakaoma vasikana wapedza kubikira munhu obva atanga kuhukura mumba mako imomo. Zvakatakurana ndikati mazvita zvenyu.
Baba vaChido vaitoti ibva kureva ini hanzika hure, rimwe zuva vakauya ndokuwana ndichitopakura kuda kudya.
Akasvika ndokurova poto yemuriwo negumbo ichibva yawira kwakadaro uko. Kana vana vakavhunduka moziva, ini wacho ndakaita hasha handidi kunyepa, ndakamira ndokumuti.....
"Ko chiiko imi?"
Baba vaChido:: "Uri kudei pano? hure remunhu."
Me:: "Ndaita hure ndadii? Zvino zvamarasa muriwo ko vana ava vahurawo here?"
Baba vaChido:: "Ibva pano usiyane neni mbwa iwe, pfambi yemunhu buda usiye vana vangu."
Me:: "Kkkkkkk vana vepfambi vanonetsa shaa, unoziva sei kuti ndevako."
Baba vaChido:: "Heeee watii Memory?"
Me:: "Ndati anoziva ndimai kuti mwana ndewani kunyanya ivava vana vepfambi ava musamhanya zvenyu kuzvirova dundundu." Ndakasimudza hasha dzemukomana iye akanga andibhowa kani kundirasira muriwo here chokwadi nyangwe zvazvo aiva asiye atenga asika vana vakanga vatotarisira kudya.
Akaramba akanditarisa achitsenga tsenga muromo ndikaziva kuti ndakutorohwa zvangu. Ndakanzwa shasha yaridza tsamwa ndokufamba kuda kubuda ,akafamba zvishoma ndokutendeuka zvikanzi....
"Chibva watobuda uendese vana ava kuna baba vavo izvezvi" Ndakaramba ndakanyarara zvangu, ndikanzwa ava kuti kuvana....
"Imi endai munoratidzwa baba venyu, simukai sumukai ipapo."
Chido:: "Tinovaziva"
Baba vaChido:: "Unovaziva? Varipi?"
Chido:: "Ndivava vari kutaura."
Baba vaChido:: "Get away mhani idiot handizvari chimwana chakadai ini, ratidzwai baba venyu uko. Mwana wembwa."
Chido akabva atanga kuridza mhere, shasha ichibva yatobuda. Pahupenyu ndaisada kuona vana vangu vachishungurudzwa iwaya mashoko akatondibaya chokwadi naChipo chaiye achinzwa mashoko akadero. Aigondiudza kuti ndini ndakamupa chirwere chemoyo, ndaiudzwa uroyi, katsi nemazizi zvikachema panze ndaiudzwa kunzi vana vako vari kuchema.
Ndakatanga kuzvidya moyo kuti ndiri kufirei,vana vacho ndaichengeta ndega, chaiva chakosha pamarriage yangu ndiko kudaidzwa kunzi mai nhingi. Mashoko eshoko randainge ndanzwa muroad airamba achiuya ndaiva ndonyatsoona zvemene kuti iyi marriage ndeya Satan. Ndakaedza kuda kuona nekufungawo kana paine pandakambofara asi ndakapashaya. Rimwe zuva akauya mwanakomana akati atanga, ndakanzwa kutyira nyama yangu handidi kunyepa, kurohwa chaiko ndaisada. Ndakaona kuti akutoda zvekurova ndikabva ndabuda zvangu. Kubuda kwandakaita nevana vakabva vabudawo vese vari 5 kusanganisira naGrace ,Takagara panze nevana vangu apa kwaitonhora, ndakaedza kuti vana vapinde mumba asi vakaramba.Takagara paya nevana vangu zvidiki zvainge zvatovata takaguma tafunga zvedu kupinda mutoilet mataigona kuvhara door kuvhara mhepo. Kwakasvika pakuyedza tirimo ko iwo makumbo chiveve, mitsipa zvayo kurwadza. Kuseni takamuka nevana vangu ndokutanga kutoita basa redu semazuva ese, ndaingoita ndichityira zvangu kurohwa ,iye wacho aiita sekuti vakanga vashanya paari vamuregera.
Hupenyu hwakaramba huchioma zuva nezuva kwete kuoma kwekushaya chikafu asi kuti ndairara ndakasvinura. Ndakatanga kuvenga chinhu chinonzi usiku handidi kunyepa kana vana vainge votoshaya rugare kana kwadoka. Ndaimbofunga kubvunza Victor mazano asika ndaiona zvisingaiti imi munhurume kkkkk aitozoona sendine zvandaitsvaga kana kutozomupa pfungwa dzaainge asina zvake.
Vekumusha vaivako zvavo taingonzwa mafon achidairwa nyaya dzerudo dzichitsva nyangwe ndiripo.Ini zvese izvi ndaiva ndisina basa nazvo chaindirwadza ndiyo nyaya yekundipomera zvandisingazivi uye kundituka paafungira zvake.
Mukadzi wake akanzi mimba yakura ikanzi kwava nemwana asi ainzi haauyi kwatiri nekuti ainzi unodyirwa mwana. Ese mashoko aya aipinda munzeve dzangu zvangu. Kutya hupenyu hwamangwana kwakatanga kuita kuchidzikira,ndakambobvisa pfungwa yekuzviti handina kwekuenda, Rimwe zuva ndiri mumba zvangu ndakadzamisa pfungwa ndikaona zvangu kuti hupenyu hwandairarama hwaisava hwekupiwa naMwari, hwangu hwaitova hwaSatan. Ndakatanga kufunga zvekuita nehupenyu asi ndaishaya kuti chandinoronga naivo vana 4 chii, zvisinei ndine pfungwa yakabva yakasira kuuya mandiri ndichibva nda.....
*Iwe ukasangana nemunhu ari kurarama hupenyu uhu unomubatsira sei? Nekuti zviri kuraramwa matigere*
*Madzimai ari kuda kupinda grp reladies ndibatei uite uchinzwa kuti imwe yauri kuti situation yakaoma kumba kwako haisi kune ane yakaoma kudarika ipapo*
End of chapter 15
❤️
👍
🙏
😢
😂
😮
162