
Mai Tamia Stories
May 18, 2025 at 10:47 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaDInUp8qIzn7UI3Ro2H
Temptation
❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️
story wrriten by
Mai Tamia
0786677765
Nyasha
0785651210
Comment,like and share please💐
Chapter 02
Samantha
Ndakasvika pamba ndokunzwa pakati zii, door raive rakavhurwa zvaro asi paive nekunyararo rwakadzama. Ndakabva ndafamba ndichinopinda mukati kwave kuona mai vangu vakarara pasi vachibuda ropa mukanwa, I called her asi Havana kudaira zvachose zvakaita hana irove, ndakadana vamwe Mai vaigara pedyo navo kuti vandibatsire kunovaisa mumota ndokubva ndatodriver ndakananga kuchipatara, apa kunze kwaive kwatodoka, mheno dai ndisina kunge ndafunga kushanyira Mai vedu zuva iri chii chaive chakaitika chaizvo. Ndakasvika kuchipatara vachibva vatomhanyiswa muemegerncy ndikasara ndiri muwaiting area ndichingoisa munamato kunaMwari kuti vabatsire Mai vangu, ndiri pakati pekudaro, akabva afona wangu murume achiti ndidzoke kumbe nekukasira,ndakanzwa kubatikana kusingaite nekuti ndaive ndasiya ndamuudza kuti ndainovata kwaMhamha ko aive achinja nguvai zvekare. Ndakabva ndamufonera ndichimuudza kuti ndaive nditori paHarare hospital naMom achibva angoti hoo ndokutokata zvake. Ndakatoziva kuti aifunga kuti zvimwe ndaimunyepera. Ndakaramba ndakamira paye dzamara chirembe vazobuda vachinditaurira kuti Mom vaive vaita Liver cancer uye vaitoda emergency surgery asi Mari yaidiwa yaive yakawandisa chose. "Will she survive?" Ndakabvunza vachibva vati "it's 50- 50 coz surgery yakanonokwa she might survive or die coz heart transplant haisi nyore zvachose kumunhu ave weak sezvavaive vave. Ndakakumbirisa kuti vavabatsire ndichibva ndaoneka ndichienda kumba kunotsvaga Mari yacho yaidiwa 50000us . Ndakadriver ndakananga kumba kwangu ndokuwana kusina munhu, ndakafonera wangu murume for ikaramba kuita zvachose ndakafonera sisi asi vaisadaira ndokubva ndaisa message ndiine chivimbo chekuti vakaiona vachafona back asi Havana kuita zvakadaro, kunze kwakachena ndakagara murume asina kuuya at the same time sisi vasina kufona , zvakaita ndipinde munzira kuenda kumba kwavo kuti ndinotaura navo, ndakavaudza zvaive panzvimbo vachibva vati "zvakaoma and parizvino mari handina zvachose uye ,zvekare murume wangu abuda" Vakadaro sisi ndichibva ndavaudza kuti "Mhamha vanogona kutadza kurarama zvachose"
"I heard you Samantha and you know very well kuti hapana pandingade kuti Mai vafe, rega ndione kuti ndichaita sei", Vakadaro ndichibva ndati "it's okay ndave kuenda kumba ndozodarikira kuhospital. Ndakabva ndabva kuye ndoenda kumba ndikawana wangu murume aveko ndakaisa munamato wekuti dai andibatsirawo nemari yaidiwa kuchipatara. Ndakamuudza zvose achibva aratidza kunzwa tsitsi chaizvo achibva atoti tiende tese kuchipatara kunovaona, hazvina kutinetsa nekuti vaive vari muroom yavo vega Saka hatina kurambidzwa akupinda zvachose asi chimiro chavaive nacho chairwadza kutarisa. "Handei tinoona Doctor tinzwe kuti zvii zviri kudiwa" akadaro wangu murume tichibva tabuda kuenda kuOffice yachiremba vachibva vataura kuti Mari yaidiwa nekukasira at least Tika depositer 30k vanogona kutanga surgery tozopedzisa yasara yacho takabuda muye tichidzikera kwaive namhamha, "babe Mari iri kudiwa yakawandisa I can't give you coz ndinobva ndatobroka yet hatizive kuti vanorarama here" ,akadaro wangu murume ndichibva ndamutarisa ndokuti "chero Shoma zvayo" ndakadaro achibva atsenga tsenga mukanwa akatarisa divi zvinove zvakandiratidza kuti aisada kundibatsira zvachose, ndakanzwa Simba richipera Mandiri nekuti ndipo paive netariro yangu paari.
Ndakatarisa vangu amai ndikanzwa misodzi ichiita kumhanyidzana kubuda. Condition yavaive vari yaive isisavaraidze zvachose hayo, zvinonzi hazvo munhu akaberekwa anofa asi umm, it was hard for me to watch my Mom dying like this. Zuva iri ndakademba kuti dai takaberekwa takawanda zvimwe paizowanawo mwana aigona kuvarapisa. "I'm sorry Mom I failed you" ndakadaro wangu murume achibva andibata mashoulders ndokuti "It's okay my love let's go home mwari rega vaite kuda kwavo", akadaro wangu pane kuti abvunze kuti todii ave kutotaura zvekuti mwari vaite zvavada chokwadi, ndiye munhu mumwe wandaitarisira kuti achandibatsirawo asi ave kuita give up. "honey the Doctor said Mom vakaitwa surgery machances ekurarama aripo 50 -50", ndakadaro trying to remind him zvaive zvataurwa naChiremba achibva ati
"Kureva kuti even machances ekutadza kurarama acho still ari high, babe come on vechipatara vanokupai false hope just because varikuda Mari asi iwewe wakatarisa will she survive this, look right now she is on life support every part of her body is filled with machines do you think she will wake up, come babe let's go and rest" akadaro wangu murume achiratidza kushaya hany'a zvake, nyangwe zvazvo iye aive nedzimwe pfungwa inini I told myself that Im not going to give up on my Mom. Ndakapukuta misodzi ndokuti "you can go home, I will stay, as you can see my Mom needs me", ndakadaro achibva afamba kubuda without saying a single word. Ndakafamba kuenda paive namai vangu ndokuti "Mom I know you can hear me, but you can't say anything, please be strong for us we still need you" ndakadaro ndichizvisimbisa asi kutaura chokwadi ndaive ndisina kana zano rimwe zvaro rekuti ndotangira payi . Ndakabva ndafunga zvekare sisi Fungai ndaive ndavazivisa zvekurwara kwaMom kuseni chaiko mheno sei vaive vasati vasvika. Ndakavafonera asi fon haina akadaira ndakazosiya ndoti vachafona vaona missed call asi hakuna zvakadaro zvakaitika kunze kwakasvika pakudoka zvekare sisi vasina kuuya kana wangu murume asina kudzoka. Ndakagara ndakatarisa Mai vangu ndichiita kupererwa nemazano chaiko kut ndoita sei ndiwane Mari yaidiwa kuti vagone kurapwa. Ndiri mukufunga kudaro vakabva vapinda chiremba ndokuti
"Hazvibatsire kugara wakatarisa Mai uchichema at least try to raise something mozotaura muchiti takazama asi zvakazoramba" ,mashoko achiremba akasvika pamoyo pangu zvechokwadi ndikaona kuti aive nehudzamu zvaibatsirei kugara ndichichema nhai ndisina zvandaironga, ndakabva ndatosimuka ndokubuda ndiri munzira ndakafunga kuenda kumba kwasisi ndotaura navo, ndakasvika pachiratidza kunge paive pasina kana munhu aive aripo zvachose nerunyararo rwaivepo asi window repabedroom Pavo rairatidza kuti rakavhurwa. Ndakabva ndangovhura door rekunze ndokupinda and mudining maive musina arimo zvachose ndakabva ndafamba ndakananga kubedroom kwavo uko ndakasvikonzwa imwe mhere yandakatadza kunzwisisa zvachose. Ndakabva ndateerera kwave kunzwa kuti yaitove mhere yekunakirwa kwete kurwadziwa, ndakabva ndafamba ndichidzokera muimba yekutandarira ,ko ivo sisi sei vandinyepera kuti murume wavo aive abuda. Ndakanogara muye ndichivapa nguva hana yakazorova pakavhurwa door ndakatarisa kuye ndokuona Grey anove iye Garden boy wavo achibuda mubedroom mavo achipedzisa kusunga belt rake. Ndakafinyamisa trying to understand asi ndakatadza kuzvinzwisisa zvachose.
Asikuti aive apinda nemusikana wake muroom masisi here nhai? Ndakazvibvunza iye achibva andimhoresa hake akarova serious. Chinhu chandakagona kuita kubvunza kuti vaive varipi sisi achibva ati "mubedroom mavo" ndakasimuka ndichienda ndakazara kushamisika kukuru ndakasvika nekuvhura door ndokuwana sisi vakamonera towel vachiratidza kuti vave kuenda kunogeza.
"Hey haugone kuknocker here usati wapinda muroom mangu?" She asked nezwi raive nekahasha ndichibva ndatarisa kumashure kwangu ndokuvatarisa zvekare. "Are you yelling at me?" Ndakavabvunza vachibva vati "mumwe arimuno ndiani?"
Vakaudzosa mubvunzo ndikaona kuti kutambisa nguva kuzama kutsanangura chinhu ndakabva ndangoti "sorry sisi but ndauya kuti titaure nezvekurwara kwaMhamha "
"Wandiudza kare Samantha and I know that, do you have to remind me every minute?"
"Am sorry but situation inaMom haina kumira zvakanaka Mari irikudiwa so that mangwana vanoitwa Opp"
"I don't have money and there is nothing I can do about it okay" Vakadaro ndikanzwa misodzi yave kumhanyidzana kubuda.
"Ko murume wako inga ane Mari wani kana urikubatikana chaizvo wadii kupihwa Mari iri kudiwa nemurume wako?"
Mashoko Aya akandiremera kana kupindura nekuti murume wangu wavaitaura wacho aive atoramba zvachose hake.
"It's okay sisi handei munoona Mhamha" ndakadaro ndafunga kuti zvimwe vakaiona chimiro chavanacho vanogona kunzwisisa, vakapinda mubathroom chinyarire ndokubuda pasina nguva vapedza kupfeka pakabva paita knock padoor vakavhura ndokuona ari Grey uyo akabva ati "aive afonerwa kuti Mai vake varwara aida Mari yekumukira kumhanya kumusha .........
End of chapter
❤️
👍
🙏
10