Mai Tamia Stories
May 18, 2025 at 11:49 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VbAjt73JP2120tkNiI2k
Nyasha the poor village boy
🍇🍇🍇🍇🍇🍇🍇
Romantic story
Written by
Mai Tamia
0786677765
Author Nyasha
0785651210
Read🍇react🍇share🍇
Chapter 01
Ndakavhunduka mushure mekutambidzwa shamhu kumusana ndichisvetuka ndichinomira uko, hana yakarova ndaona vari Vamutasa vaive vandirova mushure mekundiwanikidza ndichidongorera mwana wavo Chido aigeza muchinjausi. Ndakaona kuti pangu paive pandiperera nekuti vaMutasa vaityiwa nemunhu wese mudunhu, kana nechaive chandipindawo ndakachishaiwa mufunge kuti ndibatwe nemweya wakadaro, ndakatoona ndega kuti kuzviponesa kwaive kubereka tsoka ndakananga kumba kwaMai vangu, ndakaita hushamwari nemhepo zvekuti kana naivo zvakaoma mate mukanwa,hongu kutiza ndaive ndatiza hangu asi hondo yakazouya mushure mekunge ndasvika pamba ndave kufunga kuti vaMutasa kana vakatevera ndichaita zvekuita sei nhai, ndakafunga izvi ndikaona ndega kuti ndaive ndaigochera pahutsi zvechokwadi. Ndakafunga kudzokera shure ndonohwanda ndiri pakachikomo Kari pedyo nemusha wedu ndichiona zvaiitika, ndipo pandakaona mota yaMukoma ichisvika pachivanze, kuti ndichidzokera zvaive zvisisaite zvachose ndakabva ndangofamba kuenda kunota ndichiita sendainovachingamidza, ndichisvika paye ndakatambirwa negumbo raive rakapfeka gogo richitsika pasi, ndakakwidza naro ndokuona vachidzikisa rimwezve gumbo vaive Maiguru vangu vaive vauya vakapfeka dress raive nevent rinotangira muchiuno chaimo. Ini hangu ndanga ndatogara ndaimisa kare nekuonda Chido akashama ndakabva ndatowedzera hukasha, zvimwe ndezvimwe Maiguru vaive vakasikwa mwari achida havo chiri chimiro chete ndinoti mukoma wangu ndiye akatora Queen of beauty. "Hey Bamunini imi" Vakadaro vachindirova kambama padama ndikavhunduka kana nenguva yavaive vasvika pedyo neni ndaive ndisina kuiona zvachose."aah sorry Maiguru titambire " ndakadaro vachibva vati "muchitambireiko ,varipo here anaMhamha handisi kugara ndiri kumhanya ndanga ndauya kuzotora imimi", pavakadaro ndakanzwa kufara chose ndaive ndakutiza nyaya dzangu manje ndakabva ndangoisa munamato kuti zvikasire ndisati ndateverwa. "Mukoma wenyu vati muuye muzodzidza kudhorobha form 5 vamwe vakatovhura zuro" Vakadaro ndichibva ndaita kumhanya kuroom kwangu kunorongedza zvihembe zvangu ivo vakasara vachiseka ,hongu ndaive ndakapasa zvinodadisa form four asi nhau yaive yamisa zvese ndeyekushaiwa Mari, handina kunge ndaziva kuti mukoma wangu vachandirangarira zvakadaro. Ndakarongedza pasina nguva ndaive ndapedza ko ndaimbove nengani hembe dzacho nhai.
Ndakapinda mumba ndabereka bag rangu Mhamha vachindiona vakabva vati "Hezvo nhaiwe Nyasha kana nekugeza hauchageza?" Vakadaro Maiguru ndokuseka zvavo vachiti "atogona nekuti nhasi ndofanira kunomunyoresa kuchikoro nekutsvaga mauniform" Vakadaro ndichibva ndati "Saka handei Maiguru baba naMhamha toonana " ndakadaro vese ndokuseka zvavo vaifunga kuti kwaive kufarira kuenda kudhorobha kwete izvo kwani ndaifarira kutiza mabororo andaive ndatanga.
Mota ichisimuka kubuda muyard ndakaona vaMutasa vachiita kukanyaira vakananga pamba pedu vaine shamhu muruoko ndakaisa chipiyaniso kutenda mwana nekundinunura nekuti nhasi ndairohwa ndikazvirega.
"Munonamata nhai Bamunini?" Vakabvunza Maiguru ndichibva ndati "nei madaro?" Ndakabvunza nekuti ini kuchurch ndaive ndakaguma kuenda ndichiri kadiki zvekunamata zvaive kuresa neni.
"Ndaona muchiisa chipiyaniso" Vakadaro vachiseka ndichibva ndati "Yaa ndinonamata " ndakadaro vachibva vaseka zvavo ndokuti "nemamisiro amanga makaita Mbo... ndeemunhu anonamata here aye?" Vakadaro ndikanyepera kukachidzwa umm ndakanzwa kunyara handidi hangu kunyepa handina kunge ndaziva kuti Maiguru vaive vazviona zvandaive ndakaita nguva dzavakaburuka. Ndakabva ndatogadzika bag rangu pamakumbo nenyadzi ivo ndokuseka vachiti "kunyara here uku?" She asked vachitoda kuramba vodzosa nyaya iyoyo mudariro ndakabva ndati "aiwa Maiguru, ko ivo mukoma varisei zvavo" ndakadaro vachibva vati "vari right chose, varikubasa zvavo tichasangana navo pachikoro pauchange uchidzidza vanowirirana nahead wepo kureva kuwana nzvimbo kwavo hakunetse. Vakadaro ndichibva ndavatenda chose hangu. Ndakabva ndazoramba ndave kutaura dzimwe nyaya ndichida varege kudzosa nyaya yavo inonyadzisa kudaro iyi.
Takasvika ndokuenda pachikoro chavainondinyoresa panonzi paEverbright Academy hazvina kunetsa nekuda kwemaconnections munguva diki taive tatopedza zvese kusvika kumauniforms aidiwa ndichibva ndatoudzwa kuti ndaitanga zuva rinotevera chikoro. Hongu ndaive ndakakurira kumusha zvangu asi ndaive ndisina kupusa zvachose chaingove pandiri yaive nhamo chete, hupenyu hwedu hwaive hwakasara nekuti taive tisinawo pfuma. Mukoma Stan vaive vave kuzvishandira havo vaitibatsira pane zvavanokwanisa asi semunhu ane mhuri yake hapana paaizogona zvose hake. Uye basa ravo raive risina Mari yakawanda Maiguru ndivo vaitove nebasa rinobhadhara zviri nani. Ndinongovatenda nekumira nesu kwavanoita kunyanya panyaya yechikoro apa ndakazviudza kuti ndichashanda nesimba ndigozowanawo basa riri nani kuti tibatsirane kuchengeta vabereki.
Takasvika kumba kwavo vaigara havo pedyo nechikoro kureva ndaive ndisiri kuzofamba rwendo kunge zvandaiita kuchikoro chekumusha. Takatambirwa nemusikana wavo webasa Maidei uyo akabva angoudzwa kuti anoisa zvinhu zvangu muimba yevaenzi ndokuudza kuti atsvairemo ndimo mandichange ndave kushandisa imomo. Kudya kwakauya tikadya zvemanheru, tapedza kudya mukoma ndipo pavakazoti "kuno kudhorobha kwasiyana nekumusha zvachose, hunhu hwako ubve wasvipira pasi imbwa inhonge zvachose handidi kunzwa kuti waita zvakafanana nezvawasiya waita kumusha uko, baba vandifonera vandiudza zvose" Vakadaro ndikanyara zvekuti dai paive nemwena ndingadai ndakapinda hangu nekuti nyadzi dzinokunda rufu hama wee.
"Uri mwana mudiki Nyasha hausati watomboshanda zvachose, handifunge kuti kana nepant wati unoziva kuti rinoita marii, Saka zvevakadzi siya zvachose uchiri mwana mudiki iwe haikona kuda kuparira baba namai matambudziko" Vakadaro vave kutopopota Maiguru ndokuti "azvinzwa mwana Stan ukabva wapopotera mwana kudaro nezuva rimwe zvinobuda here," Vakadaro mukoma ndokuti "baba vatoripiswa mbudzi kumusha uko nekuda kwake iyeye Saka usamureverera tikamubhabhadzira pano achatiitira zvimwe Siya ndimuudzise zvaanonzwa" Vakadaro mukoma ndichibva ndati "sorry mukoma ndinokuvimbisai handizviite zvekare uye ndinovimbisa kuve mwana akanaka and trust me I will make you proud one day" ndakadaro vachibva vanditarisa ndokuti "uchengete mashoko ako iwayo" Vakadaro ndokusimuka vachienda Maiguru ndokusara vachiseka zvavo ndokuti "asi mabatwa makavata nemwana wevanhu Kani, nekuti ndaona munenge mune moto mubhurugwa" Vakadaro ndichibva ndati "aiwa it was just a misunderstanding ndanga ndichipfuura nepa vaMutasa ndokunzwa kuda kupinda muchimbuzi ndisati ndapinda vandiona kwave kundimhanyisa vachiti uri kudongorera mwana wangu arikugeza handina kunge ndaziva kuti manga muine munhu and handina chandaona kutaura chokwadi . Ndakanyepa ndichidaro kuti nyaya yacho ipere ndokuzosimuka ndichienda kunorara hangu. Ndakazviudza kuti ndinofanira kuita zvechikoro chete mweya weruchiva uyu ndofanira kuita kuti utame kubva pandiri zvachose ndiko kuti remangwana rangu rinake. Ndakamuka kuseni ndokuenda kuchikoro and my day went well, ko inongove nhamo zvayo asi ndakasikwa mwari achida Saka neNew uniform plus kakuzvida hangu ndiri mublazer ndaibva ndatokwanawo pamamonya ipapo kutoitawo wehigher class chaiye.......
End of chapter
❤️
👍
🙏
😂
17