
Mai Tamia Stories
May 21, 2025 at 12:35 PM
https://chat.whatsapp.com/HkkjmyUJbZa1DVzW2upYFC
HIDDEN PASSION
Ssn1
🥦🌷🥦🌷🥦🌷🥦🌷🥦🌷🥦🌷🥦🌷🥦🌷🥦🌷🥦🌷🥦🌷🥦🌷🥦
STORY WRITTEN BY
MAI TAMIA
0716600241
0786677765
(Ssn1)
Free book please share🍇
CHAPTER 02
Ndakabuda ndichifambisa zvekuti Mandy akatozondibata ndatobuda gate kare ndokuti "kwakanaka here Aliah?", ndakangoseka nhando ndokuti "Yes kwakanaka chose ko kungagoipei?",
"Ndaona mood dzako nhasi wanga usiri boe zvachose ndikati totaura tave kuenda kumba but ndatozoona waita kusvotoka chaiko",
"Ndine zvandiri kumhanyira kumba Mom vane zvavati vanoda kutaura neni",
"Aah it's okay then, but unongoudzawo vamwe coz ukaita kutiza zvoita sekunge ndine zvandakutadzira kaa"
Takazofamba hedu kuenda kumba tichitaura nyaya semazuva ese asi ini hana yangu yaingorova zvakadaro, Mandy ndiye aitanga kusvika so ndakamusiya ndichibva ndapfuurira kwedu uko ndakasvikoona pamba pakazara Zara vanhu. Ndichiri kugate ndakabva ndamhanyirwa naMainini Juliana vanove ndivo muninina waMom mudiki. Vakasvikondimbundira zvakasimba ndikatoshaya kuti boe here coz she wasn't like that before ,.hongu vaindifarira havo asi kwete zvekuzondimbundira zvakadaro, ndakangovambundirawo back ndokumirira kuti vandisiye but she didn't infact ndakatonzwa hembe yangu yave kunyorova nemisodzi ndichibva ndazvibvisa pavari ndokuvatarisa kumeso chaiko and she quickly looked away vachipukuta misodzi.
"Are you alright?", ndakavabvunza ndichidaro vachibva vatadza kuviga misodzi yavo nekuti yakatobva yaita manyemwe kubuda yave miviri chaiyo.
"Mainini chi", ndakabvunza vachibva vandibata ruoko ndokuti handei tinogara Pasi ndikuudze zvese zvaitika asi unofanira kushinga mwanangu nekuti zvaitika takavarairwa, kutonga ndekwamwari ufunge", vakadaro Mai vangu ndichibva ndati "umm'
Takafamba ndokusvikogara nechekuseri kwemba uko kwakabva kwauya vamwe vakadzi vatatu ndokugarawo nesu ikoko , vese ndakaona vachiratidza kundinzwira tsitsi chaizvo ndikatozvishayira mupanda.
"Aliah, tine hurombo nezvaitika ndanga ndatouya pano nekuda kwehope dzandarota husiku dzisina kunaka but ndasvikoona mhamha vako vakadonha pamusuwo apo vakafa", vakabva vawedzera kundibata zvakasimba ndichibva ndabvisa ruoko rwangu pavari zvine hukasha.
"Musiyane nekutamba nezvinhu zvisingasekese mave vanhu vakuru imi nxcaa", ndakadaro ndichitosimuka and they failed to stop me. Ndakafambisa kupinda mubedroom ndokuchinja uniform yangu mainini vakabva vatevera zvekare ndikati"mhamha vaenda kupi nhai?",
Havana kudaira vakabva vatarisa Pasi misodzi ichidonha. Ndakaedza kutsvaga Mom calling her name but havana kana kubudikira havo ndikati zvimwe mheno kwavaenda havo ,ava vanhu vaive pamba pedu vaive vakutondibhowa nekuramba vachisvika vachindibata maoko. Ndakapihwa sadza ndikaridya hangu waiting for my Mom but Havana kana kubudikira, infact hama nevavakidzani vakatotanga kuwedzera kuwanda pamba zvekuti ndanga ndakuita ndichirohwa Nehana coz kana mhamha vacho vanga vasiri kudzoka kwavaive vaenda kwacho, ndakatanga ndicharinga nzira asi hakuna zvakadaro vamwe ndovaiti Mom was in mortuary ini ndaingoti kutamba havo, nguva dzekurara dzakasvika mhamha vasina kuuya ndichibva ndangorarawo nevaive pamba ivavo kunze kwakachena zvakadaro ndipo pakasvika ana gogo vachichema mhere chaiyo, apa ndipo pandakatanga kugutsikana coz gogo vaisauya pamba zvekudaro and even kuchema kwavo kwaive real.
Ndakatombopindwa nekapfungwa kekuti maybe it's true but ndakazongoti haa it's just a dream coz Mai vangu hapana pavaizofa hazviite, ndakaswera ndakagara hangu panzvimbo imwechete ndakamirira kupepuka kubva kuhope dzandairota dziye and that dream change to be reality pakauya Mota yeNyaradzo yakatakura coffin. Vanhu vakachema zvinosiririsa asi ini handina chandakakwanisa kuita kutevera mumba mavakaisa coffin riye ndokusvikoti "ndivhurirei" vakamboramba vakanditarisa sevane zvavari kuverenga pandiri vanhu ndokutanga kukavadzana vamwe ndivo vaiti muvhurirei, vamwe vachiti kwete.
Vanhu vakaramba vachikakavadzana ndichibva ndaona kuti zvinganonoke ndokuvhura ndega vanhu vakarivara. Ndakatambirwa nechiso chamai vangu vachinge vakavata havo mufunge.
Ndakazvitsunya ndichida kuti ndimuke kubva kuhope dzandairota ndokunzwa kurwadziwa, ndakafamba kuenda kumadziro ndokuzviroveresa ndokunzwa kurwadziwa apa ndipo pandakagutsikana kuti this is reality . Ndakafamba kudzokera pacoffin riye ndokuti "Mom stop this now", ndakadaro ndichiedza kuvamutsa apa makumbo chaiwo aive akupera simba hana yangu ichirova zvisingaite. Mainini vakauya ndokundibata vachida kundibvisa paye ndakangonzwa kupera simba muviri wese zvakazotevera handina kuziva kwave kuzopepuka ndiri muhosptal mainini Juliana vachichema vari padivi pangu.
Pavakandiona kuti ndaive ndamuka vakabva vamhanya kunodaidza Dr vakauya vakadungamidzana . Dr wacho ndaingoona achinditarisisa zvakanyanya akaita ma test aaida pandiri ndokuti ndizorore hangu.
Achingobuda ndakabva ndarangarira kuti ndaive ndaguma kuona Mai vangu mucoffin around 5pm apa kunze kwaitoita semangwanani chaiwo.
"Mhamha what happened?", ndakabvunza vachibva vati "wakadonha zuro ndipo patakauya newe pano Dr vakati waita heart attack ",
"Mom vangu vavigwa here?", ndakabvunza misodzi yave kubuda manje vachibva vati not yet asi vanozorodzwa nhasi.
Handina kuzombomirira kunzwa zvimwe kwave kutobuda ndichimhanya mainini vakamboedza kundishevedza asi Havana kukwanisa kundimisa or kundibata chaiko coz speed yandaive nayo yaive yakatonyanya, chishuwo changu ndaida kusvika Mom vasati varadzikwa nekuti ndine zvandaida kutaura navo.......
*Dennis*
Hope dzekurota musikana uye dzaive dzakutondivhiringa zvisingaite coz ndanga ndave kungofunga nezvadzo zvakanyanya, who is she ndiwo mubvunzo waive wazara mumusoro mangu asi mhinduro ndaive ndisina zvachose.
Now ndanga ndakuti kuisa musoro Pasi ndobva ndaona musikana uye so zvanga zvatove worse kuratidza kuti zvine chirevo. Rimwe day ndichangobva hangu pabasa ndakananga kumba ndakafonerwa naSister Nancy vachiti ivo pane patient yauya emergency ndakabva ndangokonesa mota kudzoka pachipatara ndokumhanya muemegency straight, hana yakamborova zvekutadza kana kushanda chaiko ndichiona mwanasikana andinetsq kuhope arere pabed hake.
Ndakazozvishingisa kuti vanhu vasaone kuti pane zvaitika ndave kufocuser nekuti amuke ndigozowana kutaura naye one on one. Ndakaita matest andakaita kwave kuona kuti aive aita heart attack.
"Madam chii chaitika kwaari nhai?", ndakabvunza coz zvairatidza kuti aive avhunduka zvakanyanya
"Arasikirwa namai vake so anga asiri kuchema pese apa achiti arikurota nhasi pauya body ndipo paadonha"
Vakadaro ndichibva ndavati "kusachema kwaakaita ndiko kwakakonzera hurwere kukura kuchema kunobvisa bundu mumoyo munhu akasachema iye arwadziwa zviri very dangerous pahutano hwemunhu"
Ndakaedza nepose pandogona kumubatsira ndokuona kuti she was out of danger kwangosara kumuka chete drip ndakamuisa one kuti awane simba parakapera ndakabva ndamubvisa rimwe ndaizomuisa amuka ndakangosiya tsono iripo paruoko.
Kuti ndichienda kumba moyo wakarwadza kuti ndiende ndisati ndataura naye mwana uyu ndokuenda muOffice mangu ndakangoudza mainini vake kuti vanondiwana mupi akamuka asi ndaiita ndichimutarisa hangu.
Kunze kwakasvika pakuyedza mwana asina kumuka ,ndanga ndave kutotya zvisingaite ndipo pakabva papinda Mai vaye vachiti Aliah aive amuka.
Ndakamhanya kuye ndokuwana amuka zvechokwadi asi chiso chake chairatidza kushungurudzuka zvikuru so ndakaita ma tests and andakaita kusanganisa bp iyo yaive yakakwira zvisingaite.
Ndichibva ndaenda kunomutorera mapills ekulower bp yake but was shocked kudzoka muroom musina munhu, ndakabuda panze ndichibva ndanzwa kuti aive abuda achimhanya. Ndakapinda mumota ndokutanga kufamba nenzira ndichiti zvimwe ndovawana munzira asi handina wandakaona zvachose and to make matters worse ndanga ndisina address yekumba kwavo even fon number zvayo ndakabva ndanetera futi
.......
Join our group for more chapters
End of chapter
❤️
🙏
👍
22