Mai Tamia Stories
Mai Tamia Stories
June 2, 2025 at 04:35 PM
FREE BOOK PLEASE SHARE https://chat.whatsapp.com/HkkjmyUJbZa1DVzW2upYFC BEHIND BARS 🌳🌳🌳🌳🌳🌳🌳 WRITTEN BY MAI TAMIA 0786677765 read,comment and share🌳 Chapter 1 Ndakaramba ndakaringa zvangu divi rimwe, ndichitarisa kupenya kwaiita miranzi yezuva. Ndakatovarairwa hangu zvekukanganwa kuti ndaive neumwe munhu padivi pangu. Ndakatozoita kuvhunduka mushure mekunge akosora nhando. Zviye zvinoita munhu kana achida attention yeumwe. Ndakangobvisa maziso angu kwandaive ndakatarisa ndokutarira kwaaive ari ndikaona achipara para hake nechimuti. Musi uyu kwaipisa zvekuti waitombokanganwa kuti tiri munguva yechando.Kana ziya rakatojururuka tichimhanyisana nadzo mombe. Apa pari zvino dzaive dzamborara ndipo patakasarudza kumbogara pasi pamumvuri wemuhacha kuti timbozorora hedu. "Watii?",Ndakabvunzamushure mekunge ndaona munhu aramba akangonditarisa asina zvaari kutaura. "Nhai Simba, unoti unosvikepi uchirarama hupenyu hwakadai, tarisa kuchikoro wakasiya kare pamba unongoitwa nhapwa, unoda kusvika rinhi uchitambudzwa zvakadaro,"akadaro Tapiwa umwe mukomana wandaiwanzoswera naye kumafuro "Unoda ndiite sei nhai Tapiwa, remember handina choice kaapa?" Ndakadaro ndichizama kumuonesa zvinhu zvaaiziva kana naiye. "Wake up man, you are no longer a kid Simba, tsvaga basa ubve pamba apa hauone here kuti Mai iyi irikutotora advantage yekunyarara kwako, tsvaga basa ubve pamba ipapo uvadiye voga", akadaro Tapiwa achindirova rova pamushana zviye zvekundisimbisa zviye "Hongu nyaya yako yakanaka pamba ndingabve hangu asi baba vangu vanotariswa nani, remember vangove mudziyo unotodawo anosimudza nekusuka, if I leave what will happen to him?",ndakadaro kamusodzi kachibva kadonha, baba vangu vaive munhu ari right chaizvo asi vakazongochinja kuita mudziyo a year after marrying mainini. "Don't cry big boys don't cry like this, baba vako unodzoka ovaona it's better kuti ubve unotsvaga zvekuita pane kuti urambe uchiitwa Soo, tarisa uone uri mukomana akasvika azvikurirawo zvakanaka asi hupenyu hwako huri kumbunyikidzwa wakatarisa, I think it's high time you should take a bold step",akadaro Tapiwa asi handina kuzomupindura ndomhanyira mombe dzaive dzonanga kumagarden evaridzi. Pandakadzoka haana zvaakazotaura hake asi aidzungudzudza musoro akanditarisa. Takaswera tirimo mumafuro ndokuzoparadzana ini ndoenda kumba iye oendawo kwavo. Ndichitarisa musha wedu Soo ndaibva ndanzwa kutya chaiko nekuti paive pasina rugare zvachose. Kana iye airarama ari mutorongo atori nani pane hwangu hupenyu hwandairarama pamusha pababa vangu. Ndakavharira dzangu mombe ndokumhanya kunobika ndapedza ndave kuti ndichizorora ndipo pandiri kunzi tonongora masaga maviri echibage ndinoda kutengesa kuseni tiwane mari yechikafu. Handina kupikisa ndakasara ndega kukitchen ndichiita basa. Ndakazopedza jongwe rekutanga rakokoridza kureva kwaive kwatochena kunze. Ndakanozvipfinyira mugudza ndichiti ndirare mbichana. Ndichibva ndazononokesa kumuka kwacho. "Iwe Simba chinguri ndabvira kukusheedza hausi kundinzwa here?, wave kutotambarara kaa serunyemba. Inguvai dzaunosvika wakarara dzino", Ndakaita kusvetuka kubuda musaga mandaive ndakarara mushure mekumutswa nemugomo wemvura inotonhora namainini. Ndaive ndangomira zvino hembe dzichijururuka mvura, chokwadi vamwe vanhu havana kana moyo chokwadi. Ndaive ndisina kana gumbeze dzvene zvaro rekufuga munhu ndipo poomuka achindira mvura inotonhora zvekare. Hupenyu hwangu aive marwadzo ega. Kurara ndiko kuzorora kumuka yangu hondo inenge yatotanga. Ndaigarozvibvunza zuva nezuva kuti ndaive ndakambotadzei chaizvo kwavari mainini zvinoita vandivenge kudaro, Asi mhinduro ndaiishaya. "Usarambe wakamirapo kunge muroyi ayedzerwa gadzirira vana vaende kuchikoro, ini zvekuramba ndicharovana nechembere yakadaiso handichadi, kana waona zvepano zvakunetsa ibva pano uende nenyika sezvakangoita rwumai rwako", vakadaro vachibuda panze. Nhumbi dzangu dzaive dzimwe chete saka ndakangobuda mumba muye ndichiyerera mvura. Ndakatarisa zuva ndokuona kuti raive rotoda kubuda. Ndaive ndanonokesa zvisingaite ,izvo zvaive zvakonzerwa nekurara nguva dzaenda ndichitonongora chibage. Ndichingoti panze ndakanzwa chando chese chichiita kuzara mumuviri wangu. Ndaiti kunyorova, ndoti kushaya juzi apa tiri munguva yechando. Chekuita ndipo paive pasina ndaifanira kutoshinga kuti ndisateerere muviri wangu. Ndakanovesa moto kuti ndiise mvura yekugeza vana ndipo pandiri kuwana mumba musina kana mvura inoshura. Mugomo waive wasara ndiwo wandaive ndadirwa wese. Ndakangonhonga mugomo ndokuita hushamwari nemhepo ndakananga kutsime. Ndakachera mvura nekukasira nekuti vana vaive vanonokesa, kurwadza kwazvo vana vacho vese hapana kana umwe aiita basa zvese ndini ndaiita. Kugeza ndonzi vagezese apa vana vacho mumwe ave ne14 umwe11 umwe 7 vese vari vasikana ndivo vandainzi ndigezese, muhombe wacho aive atobuda tuzamhu. apa uone hapana kana mwana wababa vangu ipapo vese vaive vana vamainini vavakauya navo. Kudya ndainovagadzikira ndiro nekuzodzibvisazve vapedza kudya ivo havana kana chavo chavaigona kuita. Ndakavesa moto wakawanda ndichibva ndanomutsa vana. Vamuka ndakabvisa magumbeze avo ndichinonanika panze sezvo vese vaiita wet. Pandakapedzawo mvura yaive yaita ndichibva ndasiya ndaisa tea ndichinovageza. "Ngakave kekutanga nekekupedzisira kuti vana vangu vanonoke kuchikoro", vakadaro mainini vakamira pamusuwo wechigezero. "Ndinoda ukame mombe dzese nhasi kwete zvako izvo zvekuita nungo, ndave kubuda kunotsvaga mabuyer emukaka. Ugosiya wabikira zibaba rako iro riwane kunwa mapiritsi epfungwa ndaenda", vakadaro vachibva vatofamba kuenda havo. Handina kudaira nekuti nyaya yekutukirwa baba vangu ndaisaida zvachose. Hakuna munhu anosarudza kuremara pasi pano, munhu wese anotodawo zvakanaka asi mwari ndivo vanoronga. Baba vangu vaitove munhu mutsvene vachizvishandira vakazongochinja kuita zungairwa mushure megore varoora amainini. Kana vakagara pazuva ukasavati baba ibvai mugare apa havauye pandinovasiya ndichiendav kumombe ndipo pandinodzoka vangori. Mainini vaisamboita kana shungu nazvo ini ndini ndaitove mutariri wababa vangu.Kana vachinge varara ndini ndaitonovamutsa kuti kunze kwachena. Chirwere chavo chaitoshamisa nekuti havana kana chairwadza physical fitness vaitove boo chaizvo asi pfungwa dzaive dzakazorora. Ini chaiye handifunge kana vaitombondiziva kuti ndini ani. Ndakagadzirira vana vese ndichibva ndasara ndichinokama mukaka. This is a free book, so comment,like and share. End of chapter 1
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 17

Comments