
Mai Tamia Stories
June 2, 2025 at 04:35 PM
FREE BOOK PLEASE SHARE
https://chat.whatsapp.com/HkkjmyUJbZa1DVzW2upYFC
BEHIND BARS
🌳🌳🌳🌳🌳🌳🌳
WRITTEN BY
MAI TAMIA
0786677765
read,comment and share🌳
Chapter 1
Ndakaramba ndakaringa zvangu divi rimwe, ndichitarisa kupenya kwaiita
miranzi yezuva. Ndakatovarairwa hangu
zvekukanganwa kuti ndaive neumwe
munhu padivi pangu. Ndakatozoita
kuvhunduka mushure mekunge
akosora nhando. Zviye zvinoita munhu
kana achida attention yeumwe.
Ndakangobvisa maziso angu
kwandaive ndakatarisa ndokutarira
kwaaive ari ndikaona achipara para
hake nechimuti.
Musi uyu kwaipisa zvekuti
waitombokanganwa kuti tiri munguva
yechando.Kana ziya rakatojururuka
tichimhanyisana nadzo mombe. Apa
pari zvino dzaive dzamborara ndipo
patakasarudza kumbogara pasi pamumvuri wemuhacha kuti timbozorora hedu.
"Watii?",Ndakabvunzamushure
mekunge ndaona munhu aramba
akangonditarisa asina zvaari kutaura.
"Nhai Simba, unoti unosvikepi
uchirarama hupenyu hwakadai, tarisa
kuchikoro wakasiya kare pamba
unongoitwa nhapwa, unoda kusvika rinhi uchitambudzwa zvakadaro,"akadaro Tapiwa
umwe mukomana wandaiwanzoswera naye kumafuro
"Unoda ndiite sei nhai Tapiwa,
remember handina choice kaapa?" Ndakadaro ndichizama kumuonesa zvinhu zvaaiziva kana naiye.
"Wake up man, you are no longer a kid
Simba, tsvaga basa ubve pamba apa
hauone here kuti Mai iyi irikutotora
advantage yekunyarara kwako, tsvaga basa ubve pamba ipapo uvadiye voga", akadaro Tapiwa achindirova rova pamushana zviye zvekundisimbisa zviye
"Hongu nyaya yako yakanaka pamba
ndingabve hangu asi baba vangu
vanotariswa nani, remember vangove mudziyo unotodawo anosimudza nekusuka, if I leave what will happen to him?",ndakadaro kamusodzi
kachibva kadonha, baba vangu vaive
munhu ari right chaizvo asi
vakazongochinja kuita mudziyo a year
after marrying mainini.
"Don't cry big boys don't cry like this, baba vako unodzoka
ovaona it's better kuti ubve unotsvaga
zvekuita pane kuti urambe uchiitwa
Soo, tarisa uone uri mukomana akasvika azvikurirawo zvakanaka asi hupenyu hwako huri kumbunyikidzwa wakatarisa, I think it's high time you should take a bold step",akadaro Tapiwa asi handina
kuzomupindura ndomhanyira mombe
dzaive dzonanga kumagarden evaridzi.
Pandakadzoka haana zvaakazotaura
hake asi aidzungudzudza musoro
akanditarisa.
Takaswera tirimo mumafuro
ndokuzoparadzana ini ndoenda kumba
iye oendawo kwavo.
Ndichitarisa musha wedu Soo ndaibva
ndanzwa kutya chaiko nekuti paive pasina rugare zvachose.
Kana iye airarama ari mutorongo atori
nani pane hwangu hupenyu
hwandairarama pamusha pababa vangu.
Ndakavharira dzangu mombe
ndokumhanya kunobika ndapedza
ndave kuti ndichizorora ndipo pandiri
kunzi tonongora masaga maviri
echibage ndinoda kutengesa kuseni
tiwane mari yechikafu.
Handina kupikisa ndakasara ndega
kukitchen ndichiita basa.
Ndakazopedza jongwe rekutanga
rakokoridza kureva kwaive kwatochena kunze. Ndakanozvipfinyira
mugudza ndichiti ndirare mbichana.
Ndichibva ndazononokesa kumuka
kwacho.
"Iwe Simba chinguri ndabvira
kukusheedza hausi kundinzwa here?, wave kutotambarara kaa
serunyemba. Inguvai dzaunosvika
wakarara dzino",
Ndakaita kusvetuka kubuda musaga
mandaive ndakarara mushure
mekumutswa nemugomo wemvura
inotonhora namainini. Ndaive ndangomira
zvino hembe dzichijururuka mvura,
chokwadi vamwe vanhu havana kana
moyo chokwadi.
Ndaive ndisina kana gumbeze dzvene
zvaro rekufuga munhu ndipo poomuka achindira mvura inotonhora zvekare.
Hupenyu hwangu aive marwadzo ega.
Kurara ndiko kuzorora kumuka yangu
hondo inenge yatotanga.
Ndaigarozvibvunza zuva nezuva kuti
ndaive ndakambotadzei chaizvo
kwavari mainini zvinoita vandivenge kudaro, Asi mhinduro
ndaiishaya.
"Usarambe wakamirapo kunge muroyi ayedzerwa
gadzirira vana vaende kuchikoro, ini
zvekuramba ndicharovana nechembere
yakadaiso handichadi, kana waona
zvepano zvakunetsa ibva pano uende
nenyika sezvakangoita rwumai rwako", vakadaro vachibuda panze.
Nhumbi dzangu dzaive dzimwe chete
saka ndakangobuda mumba muye
ndichiyerera mvura. Ndakatarisa zuva
ndokuona kuti raive rotoda kubuda.
Ndaive ndanonokesa zvisingaite ,izvo
zvaive zvakonzerwa nekurara nguva
dzaenda ndichitonongora chibage.
Ndichingoti panze ndakanzwa chando
chese chichiita kuzara mumuviri wangu. Ndaiti kunyorova, ndoti kushaya juzi apa
tiri munguva yechando.
Chekuita ndipo paive pasina ndaifanira
kutoshinga kuti ndisateerere muviri
wangu.
Ndakanovesa moto kuti ndiise mvura
yekugeza vana ndipo pandiri kuwana
mumba musina kana mvura inoshura.
Mugomo waive wasara ndiwo wandaive
ndadirwa wese.
Ndakangonhonga
mugomo ndokuita hushamwari nemhepo ndakananga kutsime.
Ndakachera mvura nekukasira nekuti
vana vaive vanonokesa, kurwadza
kwazvo vana vacho vese hapana kana
umwe aiita basa zvese ndini ndaiita.
Kugeza ndonzi vagezese apa vana
vacho mumwe ave ne14 umwe11
umwe 7 vese vari vasikana ndivo
vandainzi ndigezese, muhombe wacho
aive atobuda tuzamhu. apa uone
hapana kana mwana wababa vangu
ipapo vese vaive vana vamainini vavakauya navo.
Kudya ndainovagadzikira ndiro
nekuzodzibvisazve vapedza kudya ivo
havana kana chavo chavaigona kuita.
Ndakavesa moto wakawanda ndichibva
ndanomutsa vana. Vamuka ndakabvisa
magumbeze avo ndichinonanika panze sezvo vese vaiita wet. Pandakapedzawo mvura yaive yaita
ndichibva ndasiya ndaisa tea
ndichinovageza.
"Ngakave kekutanga nekekupedzisira
kuti vana vangu vanonoke kuchikoro",
vakadaro mainini vakamira pamusuwo
wechigezero.
"Ndinoda ukame mombe dzese nhasi
kwete zvako izvo zvekuita nungo, ndave
kubuda kunotsvaga mabuyer emukaka. Ugosiya wabikira zibaba rako iro riwane
kunwa mapiritsi epfungwa ndaenda",
vakadaro vachibva vatofamba kuenda
havo.
Handina kudaira nekuti nyaya
yekutukirwa baba vangu ndaisaida
zvachose. Hakuna munhu anosarudza
kuremara pasi pano, munhu wese
anotodawo zvakanaka asi mwari ndivo
vanoronga.
Baba vangu vaitove munhu mutsvene
vachizvishandira vakazongochinja kuita zungairwa mushure megore varoora
amainini. Kana vakagara pazuva
ukasavati baba ibvai mugare apa
havauye pandinovasiya ndichiendav
kumombe ndipo pandinodzoka vangori.
Mainini vaisamboita kana shungu
nazvo ini ndini ndaitove mutariri wababa
vangu.Kana vachinge varara ndini
ndaitonovamutsa kuti kunze kwachena.
Chirwere chavo chaitoshamisa nekuti
havana kana chairwadza physical
fitness vaitove boo chaizvo asi pfungwa dzaive dzakazorora. Ini chaiye
handifunge kana vaitombondiziva kuti
ndini ani.
Ndakagadzirira vana vese ndichibva
ndasara ndichinokama mukaka.
This is a free book, so comment,like and share.
End of chapter 1
❤️
👍
🙏
😂
😢
😮
17