
Mai Tamia Stories
June 9, 2025 at 10:32 PM
https://chat.whatsapp.com/HkkjmyUJbZa1DVzW2upYFC
The forbidden fruit
🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎
Romantic Story
Written by
Author Nyasha
0785651210
Mai Tamia
0786677765
Read🍎like🍎and share🍎
Chapter 02
Maidei
Ndakasimuka pandaive ndakagara ndokufamba ndichienda munhanga mangu ndaive ndatsamwa nezvaive zvataurwa naGogo ivo ndofunga vakazviona kuti vaive vandibhowa nekuti vakabva vatevera muroom mangu ndokuti "handisi kukurasa Maidei asi kuti hupenyu uhu hunoda kudzidza zvese iwewe wakakurira kumusha kusvika pauri nhasi hausati wambokwira kana mota zvayo iyo nyika yareruka kudai. Ndinoda kuti ukamboendawo kubasa udzidzewo zvechirungu muzukuru wangu pamwe ungazowanawo murume ari nani hupenyu hwedu hukachinja", vakadaro ndichibva ndavatarisa ndokuti "murume?" Ndakavabvunza ndichida kunzwisisa vachibva vati "handiti urikuona kuchinja kwaita Mandy uchazviziva here kuti ndiye iye wawaiseka achiita weti mumagumbeze achigara akatsemuka makumbo, ndizvo zvinoita Harare muzukuru kunogezwa nemvura ine soda Ganda rinoguma rave kutsvedzerera kunge romucheche iri", vakadaro Gogo ndichibva ndafunga Mandy zvechokwadi kubva paakatorwa Nassim vake achinodzidza Harare akabva achinja kuita murungu chaiye. Kufunga izvozvo kwakabva kwandipawo chidokwa dokwa chekuenda kunogeza nemvura ine soda yacho. Ndakasekerera zvekunge hameno hameno nekuti ndanga ndave kutozviona ndirini ndakapfeka magogo aive akapfekwa naMandy. "Hezvo nhaiwe Maidei?" Vakadaro Gogo ndichibva ndaita kakuvhunduka ndanga ndatove kunyika yangu ndega kukanganwa kuti Gogo vaive vachirimo mumba. "Wati kudii?" She asked ndichibva ndati "nditsvagirei basa racho ndiende" ndakadaro vachibva vandimbundira ndokuti "basa haumborishaye nekuti unoshanda iwewe plus vangu vazhinji vanoda vasikana vanobva kumusha saka hazvimbonetse ndinokutsvagira" vakadaro Gogo vachibva vazoti ndiite zvekubika. Manheru zuva iri handina kurara ndichinyatsofunga kuti kana ndaita murungu kunge Mandy vanhu ndichavadadira kusvika papi? Vese vaye vanogara vachindiseka kuti handina kuenda kuchikoro ndoda kuti vaone kuti kudzidza kwacho hakuna basa kana iri soda ndoda kutogara ndiine yakawanda yekugezesa ndinakire futi. Ndaiita kuseka ndega nekuombera maoko ndichifara chaizvo. Ko sei pese apa Gogo vaisazvifunga nhai? Kutaura kuno ndingadai ndakatokunda Mandy wacho. Kuseni seni ndakamukira kuenda kumba kwavo anaMandy kunochera mvura ndokumuona akapfeka mheno chimwe chinhu chinenge waterproof mumusoro uku akamonera mheno chijuzi chine mamvere mvere soo chaiita kunge dress. Akandimhoresa achiita kakudada soo ndichibva ndati "saka ukutochaira newater proof riri mumusoro?" ndakadaro achibva aseka ndokuti "takambokuudzai kuti chikoro chinokosha asikana nxcaaaa nxcaa", akadaro achiridza tsamwa dzekusiririswa neni uku Mai vake vakabva vadaira vari kuseri kwezumbu kuti "iwe wanetswa nei nhai hauzive here kuti Maidei anopenga, uyo haisi mhosva yake dai akayamwawo mukaka wamai vake pamwe dai dziri mushe mushe", vakadaro Mai Mandy zvakandibaya pamoyo. Yes ndaive munhu asingagaye zvake asi nyaya yekunzwa nezvamai vangu yaindirwadza nekuti kana nekuvaziva ndaisavaziva zvachose ndaingoziva sekuru naGogo chete. Ndakanzwa hasha ndichibva ndati "mukwane imi amai imi kuchera mvura pamba penyu haisiriyo passport yekuti mundijairire manzwa ndinosiya ndakumamisai pamba penyu", ndakadaro ndatsamwa vachibva vabuda kwavaive ndokuti "ndokuti mwana waSofia wati chii?" Vakadaro ndikati "ndati ndinokumamisai" ndakadzokorora ndichitofamba kuenda kwavaive vari uyu Mandy ndiye akabva ati "mhamha inga ndimi mati anopenga wani ko monetseranei nebenzi" akadaro ndikaziva kwaive kuda kununura Mai vake zvakachenjera aiziva kuti ini ndinodambura sendagarwa Mai vake vakabva vapedzera shungu mukuti "ibva nekabucket kako handidi kuona kana kuti yekumba kwenyu pano" vakadaro ndichibva ndati "ndoenda ini asi zivai kuti pese pandanzwira dhodhi ndikuuya kuzoitira imomu as long as tisingachere mvura pano imbwa dzese dzakafa ndikuisa imomo", ndakadaro vachibva vaseka ndokuti "Aah zvakakuomera Maidei saka urikufunga kuti ndanga ndichirevesa here nhai asikana", vakadaro ndichibva ndaramba ndakanyarara ndokuchera mvura nxcaa. Ndakafamba road yese ndichibhidhaira coz ndaive ndatsamwa. Ndakasvika Gogo vave kutsvaira yard ndichibva ndatovaudza zvandaive ndaitwa vachibva vaseka ndokuti "saka wamanikidza vanhu kuti vakupe mvura?" Vakadaro ndichibva ndati "ndanga ndisingamboseka ini iyo mvura yakambonyimwa munhu" ndakadaro ndichibva ndada kufamba kuti ndipinde mumba ndipo pandakabva ndarangarira nyaya yamai vangu yaive yataurwa. "Nhai Gogo ivo Mai vangu vacho vakamboenda kupi chaizvo", ndakabvunza vachibva vati "Hapana anoziva zvachose kana kuti vapenyu here kana kuti vakafa asi vakusiya mumaoko angu and she promised to come back asi havana kuzodzoka zvachose",vakadaro ndichibva ndatoona kuti paive pasina need yekuti ndirambe ndichivabvunza zvakawanda nekuti vaitove vasinawo zivo zvekare ivo mukadzi wehanzvadzi yamhamha vakandichengeta zvakanaka chose saka kuti ndivape pressure ndakaona zvisingaite zvachose. Ndakabva ndatotanga kuita basa rangu Gogo ndokubva vazonditi "wageza here?"vakabvunza ndikati "kugezerei makuseni ano?" Vakanditarisa ndokuti "iwe saka urikundiudza kuti pad randakakupa zuro ndiro rauchiri naro?' Vakabvunza ndikati "ehe Aah chiri right chiye " ndakadaro vachibva vanditarisa ndokuti "ukanoita huchapa hwakadaro kuHarare basa rinopera nekukasira. Munhu kana wakasviba unomukira kugeza usati waita kana chii zvacho chepamba. Vakadaro ndichibva ndatora bucket ndokunogeza ndikazodzoka tea yaita takanwa zvakanaka tikapedza ndokubva vazobuda vachienda kumbononzwa kana paine munhi aida munhu webasa . Ndakabva ndawarira hwangu rupasa pasi pemuti ndokurara nedumbu sezvo ndaive nehope dzekusarara husiku hadzina kunonoka kundiba hope.
Ndakazomuka ndanzwa munhu aipuruzira magaro angu. Ndakavhunduka ndichimuka kugara kwave kuona vari Sekuru. Ndakavapa mbama vachibva vaseka zvavo vakabata dama kwave kuti "Haa une hukasha shuwa chete zvagara vakadzi vari uku vanenge vakanyenama" vakadaro vachiseka zvavo ndokubva vati "richiri kubuda here rop?" Vakadaro ndichibva ndafinyamisa chiso ndikati "hamusimi here Makati ndiudze Gogo mozvidii?" Ndakabvunza vachibva vaseka zvavo ndokuti "Sofia akaita basa apa akandizvarira mukadzi ndokundipa iyezvino wakura manje kaa ochondiitira mwana wandiri kutadza kupihwa Nambuya vako ava", vakadaro vachiseka zvavo ndokubva vasimuka kuti vaende kwave kudzoka vachiti "Ambuya vako varikuda kukutsvagira basa kuHarare urambe wanzwa, varikuda kukudzinga pano kuti unogara nevanhu vausingazive iwe ramba uti handina kwandiri kuzoenda'vakadaro vachifamba kuenda ndichibva ndaridza tsamwa. Vanoda kuti ndirambe ndiri pamusha ndiine man'a iwaya ini hangu zvekuramba ndichatsvinyirwa nanaMandy kwete ndoda kutovakunda saka ndakati kubasa ndiri kuenda handisi kurega.
Sezvineiwo Gogo vakabva vadzoka negood news vachiti vachiti pane Mai vepamusika vane hama yavo irikuda munhu Harare and vaitoti vakanga vataura nayemunhu wacho ati anouya weekend. Ndakafara chaizvo nekuti ndainyatsowana nguva yekuwachawo nekuiron zvinhu zvangu zvakanaka.
Ndakaita mazuva ndichigadzirira and ndakafara kuti ropa riye ranga risisabude zvachose. Gogo ndakavaudza vachibva vauya muroom mangu manheru vaine kagaba kevasseline kaive nezvimafuta zvitema soo....
End of chapter
❤️
👍
🙏
5