
Zim🇿🇼 Shona Novels 24/7 📚
June 10, 2025 at 11:23 AM
Embers of Sorrow
By
Authoress Tee
https://whatsapp.com/channel/0029Vb2tSdlBadmVa8Bjmj42
Chapter 3
Tendai
Ndofunga manzwa nezvangu kubva kare ndi wacho Tendai murume waMelisa .Ndoshanda paneimwe company ndiri Economic Consultant and also ndine shop yemafoni mutown so financially I'm stable .Melisa ndomuda zvisingaite uye chimwe chinhu chinoita kt ndinyanye kumuda zvisingaite irespect yaanondipa vanhu vekumba kwedu vanotofunga kt ndakadyiswa but hakuna mupfuhwira unokunda respect.Melisa ndakatanga kumuona muneimwe shop inotengeswa maperfume maaishanda pandakangomuona hana dzedu dzakabva dzatoroveranawo ndazopihwa number ndokutanga kudanana naye kwandakaita mazuva iwayo agerwa musoro asingarukwe kana kuita make up but waingoona kt mwana akanaka uyu .Ndini ndakazotanga kumudzidzisa zvese zvemake up nekurukwa nekt ndozvandinofararira plus hembe ndinoda apfeke dziri sexy .Mazuva akafamba rudo rwedu rwuchipisa ndakatanga kudzidza nezvake ndikaona kt kwaaigara aisanyatsogara zvakanaka and aive akapasa A level yake ndakamuvimbisa kt ndaizomuendesa kuchikoro takugara tese ndochinjawo mararamiro ake .Nyaya hombe yakazotangira pandakaenda naye kuma introduction mhamha naTracy havana kumufarira nekt she came from a poor family plus she is not a working class .Mhamha vaida munhu anobvawo kumhuri inemari seyedu plus vaive nemusikana wavaida ndirore uyo aiva mwana weshamwari yavo kumba kwavo kwaiva nemari svinu but ndaisamuda nekt anga asina hunhu I still remember mumwe musi waakauya ndanga ndiri ndega pamba akasvika ndakatorara hangu muroom mangu ndakapfeka jogger short akapinda ndokuuya pabed akauya pamusoro pangu ndokutanga kundikisser aaa yakaita batai batai ndakatozoita kutiza nehupunyu hwangu saJosefa .Ndakabva ndamuvenga mhamha ndakangovaudza kt mukore uno hauchazi wekurongerwa marriage ndozvimwe zvakaita kt vanyanyise kuvenga Melisa munhu aingondisupport kt ndirore Melisa ndiTanisha sister yangu last born .Ukuwo kumba kwana Melisa step mother vake vaida ndirore muninina waMelisa anodzi Kundai vakangosiyana negore but zvakaramba kushanda I still remember mumwe musi wandakaenda kumba kwavo ndichimutsvaga anga anemazuva asiri kubatika pafoni kubasa vaiti haachauye ndakasvika zvichinzi aenda kumvura ndikati regai ndimumirire ndopandakatanga kuudzwa zvinhu zviri bad pamusoro paMelisa ndokundiudza kt ndirore Kundai nekt aiva nehunhu wakanaka plus akadzidza coz by then anga ari kuUniversity iye Kundai wacho kusanyara anga akutodawo .Ndakazooneka ndatoona kt nyaya dzavo dzakadhakwa ndamuroad kudzokera kumba ndine munhu wandakaona saMelisa ndakamisa mota ndokuburuka ndichimhanya kwaari ndakanomubata bendekete achibva ashinyira kuratidza kurwadziwa anga akazara mavanga muviri wese akati akaroverwa kudanana neni vachibva vamusiyisa basa nekt ndoraimufurira kuita zvevakomana ndokumutorera foni .Mmmm ndakarwadziwa ndozvakandipa shungu dzekt ndikasire kumurora nekt ndaizokuvadzirwa mukadzi.Ndakazonobvisa mari kumba kwavo ndokuchata tikatanga hedu kugara tese .Takatanga tichigara kwana mhamha nekt imba yedu yanga isati yapera kuvakwa but mmm mhamha naTracy vaishungurudza Melisa zvisingaite apa iye aisataura chero ukamubvunza anga akugara asina mufaro kana kudya anga akusadya ndozvakazondipa kt ndibve kumba kwanamhamha tinogara kwedu tenga .Takatanga kugara tega imba hedu isati yanyatsopera kuvakwa yakatozopera takugara ipapo .Melisa ndakazomuendesa kuuniversity sekumuvimbisa kwandakamuita .Makore akafamba zvinhu zvese zvichiendeka asi nyaya yemwana ndoyanga yakunetsa takambozama kuenda kumadoctors akasiyana siyana but vaingotaura the same thing kt patiri hatina problem ukuwo Melisa akambotanga achichema zvaimurwadza but akazodzimara azvigamuchira kt takumirira nguva yaMwari mhamha ndopavakatanga kuchinyatso tsoma Melisa nenyaya yekusazvara semusi wandakasvika varikumba ndakatoziva kt Melisa aitopinda busy chete apa zvaindirwadza kuona misodzi yake.Ndakasviko vamhoresa ndokutanga hedu kuitaura nyaya time dzakapinda Melisa musitting room achibva mubedroom vakati vatangana naye mmm mhamha vaizonyanya kutuka kwacho sure vangatuke mukadzi wangu kt murume nekt haazvare mmm zvakandirwadza hngu ko kuzoti Melisa wacho akanzwa sei ndoyaiva first time yangu kuona Melisa achichema kunyangwe pamwe pese ndaiona nemaziso ake kt ambochema .Melisa aiti kunyangwe tikanetsana sei aisachema ndichiona.Ndakazomutora kuenda naye kubedroom ndakanomunyararidza ndokuzonobika hangu yes kubika ndaikufarira ndaitoti dzimwe nguva ndikakasira kubva kubasa ndaimubatsira kubika.Ndakati nditori busy kubika mhamha vakapinda ndokupeta havo maoko vakanditarisa ndokuti
''Tendai ndikufanhira kukutora ndiende newe umbonorutsiswa zvawakadyiswa sure ungabike Melisa akarara basa rake nderei ndiye atovaka baba vepano anobikirwa akarara''
''Mhamha Melisa is not feeling well ''
Vakambopopota ndokuzobuda havo ndakapakura ndokuenda nechikafu tikadya .Melisa akazobuda nemaplates ndakasara ndokubvisa hembe dzese ndikamonera DT ndakamirira Melisa adzoke paakauya ndakamunyengera kt tinogeza akamboda kuramba hake ndokuzonogeza tikaita mutambo wedu ikko .Takazorara makuseni ndakamubatsira kusuka mhamha vakamboda kutaurisa asi ndavaudza chokwadi ndokuzobuda havo vachisiya varidzira Melisa zitsamwa ndakazonogadzirira zvekubasa Melisa nekuside achindibatsira takazoonekana zvakanaka ndakuenda kubasa .Pandakasvika kubasa ndakamboshanda shanda ndokuzofunga kt handina kutaura nemukadzi wangu ndichimuudza kt ndafamba boe ndakamufonera tikambotaura hedu nyaya achindiyemera ndokuzoendera mberi nebasa .Ndakazoti ndakuda kuenda kulunch ndakanzwa foni kuringer ndakadaira anga ari Tracy uyo aipopota kt Melisa atuka mhamha ndakatomboshamisika coz mukadzi wangu aisafa akaita zvakadaro akazocutter foni ndichibva ndafonera mhamha avo vakangodaira nekutochema
''Chii mhamha?''ndakadaro ndiri worried
Asi vaingoti zvandaitwa nemukadzi wako zvakaoma mwanangu ndakazovavimbisa kt ndaipfuura neko after work .Ndakazopedza basa ndokupinda muroad kuenda kumba kwana mhamha .Ndakatambirwa naTanisha nemufaro ndiye anga asati arorwa so aigara namhamha
''How are you bro?''akadaro achisekerera uyu anga atosiyana naTracy apa ndiye aiva mudiki
''Ndiriboe murisei vatete ,mhamha varipi?''
''Vari kubedroom kwavo''
Ndakuda kutoendako ndopandavaona vachitodzika mastairs vachiuya kusitting room kwatanga tiri
''Maswera cy mhamha ,chii chaitika ko mazobva ndisipo sei ?''
Ndakadaro tagara pasi
Vakabva vatanga kuchema ndokuzoti ''Zvandaitwa nemukadzi wako zvakaoma Tendai sure kundituka inini kt ndini ndiri kumutadzisa kuita vana ndobva andidzinga pamba ndarwadziwa mwanangu''
''Mhamha are you sure kt Melisa adaro coz .. '' ndisati ndapedza vakabva vatondikata ndokt
''So now ukuti ndonyepa newewo futt uri mwanangu zvechokwadi here kana kt ndakachinjirwa muchipatara''vakabva vatanga kuchema mmmm zvakandirwadza kuona amai vangu vachichema ndakanogara pavari ndikatanga kuvanyararidza sure Melisa angatuke amai vangu sure anozviziva here kt misodzi yemubereki inemunyama .Ndakazooneka ndakuenda kumba ndaiita kudedera nehasha ndakasvika pamba ndikaisa mota mugarage .Ndakapinda mumba ndichitodedzera Zita rake akauya achida kundi hugger asi ndamurambidza ndakamuudzisa and aitofanhira kunokumbira ruregerero iye akabva aramba ndakabva ndatomuudza kt kana achida tiwirirana anotofanhira kunovakumbira ruregerero ndichibva ndatoenda kubedroom ndakanogeza iye akazouya nechikafu but ndakachiramba akanochidzosera ndikasara hngu ndichirara paakauya amboda kutaura nezvese nyaya iyi ndakabva ndatobuda ndikanorara kuguest room ndaisada zvekutaura naye .Mazuva akafamba tisiri kuwirirana mumba medu .Akazondinokera pamota achindiudza kt aa ready kunokumbira ruregerero ndakamuudza kt agadzirire toenda manheru .Ndakubasa ndakazofonera mhamha ndichivaudza kt tiri kuuya manheru .Time dzekuenda kumba dzakakwana ndikasvika atova ready kt tiende muroad mese hapana aitaura nemumwe .Takati tichipinda mumba ndakashamisika kuona Tracy arimo apa akangoti achiona Melisa akati atanga kumutuka iye Melisa wacho anga akungochema akazopfugama ndokuti .......
Don't forget to react
Stay Tuned
❤️
😀
😂
😮
🙏
10