Zim🇿🇼 Shona Novels 24/7 📚
Zim🇿🇼 Shona Novels 24/7 📚
June 12, 2025 at 02:44 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VafVXn08F2p9bMXQ7W0b 🧑🏻‍🦲 *SOWE RAMADZIBABA* 🧑🏻‍🦲 _💔SHORT SAD ROMANTIC STORIE💔_ _*BASED ON A TRUE STORIE*_ ❤‍🔥Epic 1❤‍🔥 "Heriyaaaaaa eishhh zvakanaka Mambo tenzi varikudenga vanezambuko,eriiiii eriiiii eriiiiiii" isa mufaro" Rufaro kwamuri" Rufaro Kwamuri Rufaro Kwamuri,"AMENIIIIII" chaunga chose chinoisa Amen mushure mekunge madzibaba vaudza musondosi wavo kuti isa mufaro. "Sowe rino ndaona pasimuka mhepo panoo asi zvakuda denga raBaba kuti ritichengetedze,kunyanya kunemi porofita yaMwari ndaona miyedzo yauya inie Ishe kudenga anditi tizonoita mazuva matatu takazvinyima uye tirimugomo tichikumbirira nhau iyi isa rufaro"""" "RUFARO MAMURI!!!! RUFARO MAMURI!!!! RUFARO MAMURI!!!!" Isa muchinjiko mutatu muranda" vanodaro madzibaba vachiudza musondosi wavo. Comments +263787490794 Madzibaba vaive negungano uye izwi rainzvera pavari denga richifamba,navo chaive chiri chitatu choto kumba kwaMai Andiriya avo vaive nechiga cherufu pamusha wavo.Vanhu vaive vakakuta choto ichi uye vemamwe masangano vaive varipowo pamwe nekubetsera kutanda hondo yaive pamusha apa,zvinonzizvo nyoka hairohwe nevagari vepo asi nevapfuri venzira. Pakavawo naMadzibaba avo vaive vasingazivikanwe nekuda kwekusawanika kwavo munharaunda,vakasimukawo ndokukotamisa uso hwavo pasi ndokuti "Ariruyaaa Ariruyaaa Ariruyaaa,inie ndinoitwawo Madzibaba Shen denga randiti tinamate panguva ino paita mhepo irikutenderera pano isirikuda chakanaka uye yaita kuti tidhonzerana paite makakatanwa pachoto chino" vakadaro Madzibaba Shen ndokugara havo pasi semunhu aive mutsva. Vanhu havana kuterera mashoko avo nokuda kwekushoora mhumhu,uye dzimwe dzenguva pachiporofita vanhu vane vaporofita vavanotedza uye nyaya yekupimana pimana.Pasina nguva Baba Andiriya vaive murume waMai Andiriya vanosvikawo vachibva,kubasa ravo remaoko rekuchera ngoda pasi.Vanosvika nekuita ruzha uye nekutongesa mudzimai wavo kuti ko sei?wazofunga kuitisa choto usina kana kundiudzawo chibvai pamba pangu nevanhu vako. Pakaita bata wabata vanhu vachiedza kuda kunzwisisana asi zvakashaya basa,Madzibaba Sendibhayi ndivo vakazodzikamisa vanhu pamwe nekuvaudza kuti vaende kuzambara vanopedzisira minamato yavo ikoko.Vanhu vakarongedza mabhetimaya avo ndokukochekera ndokutanga kufamba vakananga kuzambara,kwaisave kure nepamusha pavaive! vakakwanisa kubata gumi nembiri vasvika pazambara ndokuita minamato yavo yegumi nembiri. Madzibaba Sendibhayi vakaedza zvee kutsvaka Madzibaba Shen avo vasina kuoneka panzvimbo nekuda kwekunge vatoenda,Church yakaita zhohwe zhowe kupikisana uye nekuungudzana vachiti "mweya ngautererwe kunyange zviite sei?,dai taita minamato yatsvanangurwa dai pasina kuitika nyonga nyonga". Vanhu vakapedzisira vonamata asi moyo yavo yaive isisiri panzvimbo vamwe ndovaingopikisana pikisana,. Nguva dzakafamba kunze kukaedza vanhu vakabatsirwa vamwewo ndivo vakaereswa,moyo yevazhinji yaive yakutsvaka uye kuda kuziva zvizhinji pamusoro pamadzibaba Shen avo vasina kuzobatika.Vanhu vakaparadzana ndokuenda kumasuwo avo,neminamato yavaive vapihwa yekushandisa kudzimba,mazuva akafamba kusvika zuva resabata rinova Svondo sezvo ndiro zuva ravaive vakatarirwa nemweya kuti vagonamata naro sesabata. Church yakatanga samazuva ose ndokuiswa minamato yose,munyori wavo anova Isriel ndokusimudza vaenzi vose kuti vagozvizivisa kwavanobva uye nekereke yavaibatira.Madzimai ndiwo akatanga semisi yose ndokusimuka umwe mudzimai aive akasvika pamwe nekutsvindira airatidza hake kuti achiri wechidiki,"Halleluyaaa ini ndinoitwawo Madzimai Ropa kana kuti Ropafadzo ndinobatira ndirikuRuponeso Apostolic Church" vakabva vagara pasi vanhu ndokuombera kuratidza kugamuchira. Ndivo vaive vekupedzisira kumadzimai kunana madzibaba vakasimuka simuka pokupedzisira ndokusimuka,chino chikomana chaive chakamonera zvacho Jira chete chakasvika pamwe nekugwinya.Chakasimuka nekuimba _"Mweya wanguuuuu Mweya wanguuuuu Mweya wanguuuu Baba huya uzosunungura Mweya wangu"_ vanhu vakatanga kudaira rwiyo urwu vakatanga kutamba sezvo rwaive rwumbo rwainakidza chose uye rwakapinza veruzhinji pamweya........................... the end Comments +263787490794

Comments