𝑩𝑢𝑺𝑺 π‘³π‘¨π‘«π‘°π‘¬π‘ΊπŸ‡ΏπŸ‡Ό π‘ͺ𝑢𝑡𝑬𝑹 πŸ‘„β€οΈβ€πŸ©Ή || π™‹π™„π™‰π˜Ώπ˜Ό π™π™•π™‘π™„π™Šπ™‰π™€π™π™€ π™ˆπ™π˜Ώπ™•π™„π™ˆπ˜Όπ™„ π™’π˜Όπ™‰π™ƒπ˜Όπ™Žπ™„πŸ’ƒπŸ½
𝑩𝑢𝑺𝑺 π‘³π‘¨π‘«π‘°π‘¬π‘ΊπŸ‡ΏπŸ‡Ό π‘ͺ𝑢𝑡𝑬𝑹 πŸ‘„β€οΈβ€πŸ©Ή || π™‹π™„π™‰π˜Ώπ˜Ό π™π™•π™‘π™„π™Šπ™‰π™€π™π™€ π™ˆπ™π˜Ώπ™•π™„π™ˆπ˜Όπ™„ π™’π˜Όπ™‰π™ƒπ˜Όπ™Žπ™„πŸ’ƒπŸ½
May 20, 2025 at 06:47 PM
*DETEMBO*: MVANAπŸ“’πŸ“’ YEAR : 2025 *Keylin Libraries*πŸŽ€ Taivawo nacho chido, Tarisiro dzaivepo veduwe, Kuti tivewo nedzedu dzimba, Kudamwawo neChidawo chekwatakawanikwa, Ko kuzotidanawo nerokuti mvana munodarirei? Ishuviro yedu kunyengwawo nemajaha, Tinodokwarirawo kwazvo kupinda musvitsa tsvene, Munoti tinoda here kuputsa dzevamwe, Izvozvo zvekunzi mhunzamusha hatitodiwo, Ko rokuti mvana rinombobvepi. Haisi nyore vehama, Kuva mai uye baba nguva imwe, Makore gumi nemasere uri zvese, Munoti takazvidira here nhai, Humvana hautsvagwi sebasa tinzweiwo, Mvana here nhai,izitai ko iroro? Hamutiremekedzi nei? Nemhakayei musingatikoshesi imi vanhu, Takavimbika asi hamuzvioni, Nokuti hativigi humvana hwacho, Titori nani pane vanosvotora, Saka tofira yekuti hatina kurasira muchimbuzi here, Mvana munhuwo zvizivei. Angoziva chete kuti tiri mvana, Unonzwa konzi ndine pondo zvinoita here, Hapana anotaura zvekuvaka angoziva chete kuti imvana, Chenyu kuda kutitambisira nguva chete, Kupedzera havi kwatiri hamusvodi here, Kuti mvana kutuka hamuzvizivi here. Followthis channelβœ… Vamwe takabatwa chibharo ndokusiwa, Vamwe takangosanganawo namarombe asingadi zvekuvaka, Vamwe tikatonyengedzwa nevanedzimba kare, vamwe tikahurirwa tikasiiwa nechirwere ndokubuda mu marriage tomhanya kotsvaka mishonga kuri kuzama kuchengetedza hupenyu hwangu nevapwere, Vamwewo takasangana nevakanga vasiri vedu, Ndokusiwa tose tangova mvana. Mvana haasi muroyi, Mvana haisi pfambi, *Wamunoti* *mvana* *igamba* *remagamba* Anorera mwana arioga kwemakore, Pasina anomubatsira asi kungotukwa chete. Tsvakaiwo rimwe zita pane kuti MVANA. I was inspired by all single mothers in this group to write this Poem.I salute you muri magamba imi. ….. https://whatsapp.com/channel/0029Vale9I2CRs1iPwStMr0o
❀️ 😒 πŸ‘ πŸ‘ πŸ™ πŸ’― πŸ˜‚ 16

Comments