
Mai Tee Shona Novels 🇿🇼🇿🇼
June 11, 2025 at 05:33 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaFMa718V0tgvbs5Sq20
2•*REINCARNATED LOVE*🔥❤️
Written BY MAI ZIMUNYA
Aka Mai tee)
📲+263782122093
*AAP*🚦 +263 73 555 3736
This is a work of fiction.All the characters and events portrayed in this book are fictitious or used fictitiously .All rights reserved .No part of this book may be reproduced in any form or by any electronic or mechanical means,without written permission from the publisher or author...
https://www.facebook.com/Mai-Tee-Novels-2117394481720759/ like my fb page
(READ COMMENT AND SHARE OUR BOOK 📕)
CHAPTER 2
*VONGAI*
“Mama I love you okay “akadaro Jnr ndakapfugama ndombundirana naye .Ndakasekerera zvangu ndomutsvoda ndokuti “I love you too my child ..Remember our catoon “
“Yes mama I know you will always be there for me always .”
“Hahaha you are a naughty boy “ndakadaro ndotambisa mhino yake .Akaseka zvake ndokuti”I will always recognize you mama ..Like what Mary did “
“Hahaha wakunyepa manje .See you in the evening right ?”
“Okay mama .Happy birthday “Kakadaro kondopfekedza necklace.Ndakaitarisa ndikaseka zvangu ndakaziva kuti baba vake ndovaiva vamupa .He knew I was going to take him after school ndopaaizondipa present yangu .Ndakapfeka zvakanaka ndokuiisa mukati mehembe.Ndakaramba ndakatarisa mwana wangu akunhanya ku class kwake .I don’t know what came over me I became sooo emotional.Ndakambomira paside neclass ndotarisa mudenga.Its been a month ndichidaro ndaingova emotional for no reason .I could feel and sense that something was wrong but ndaitadza kuziva chii .I wasn’t even open to my man I ddnt want him to be worried .Ndakafamba ndoenda kumota ndokusumuka zvedu toenda kuZhombe .Munzira mese taitaura zvedu nyaya asi ndaizongoerekana ndabata shaya .In few hours tainge takuda kusvika hameno tire redu rakaita sei ndokupera mweya.Takadzika mumota ndokuona tainge tabuda mutara tava mudust yaipinda mumapurazi ekwedu.Paiva nemufambo wakakura kwazvo zvaitoda mota kana kuwana anotipa spare will ..
“Sara uripano .Let me go back kutara tinotsvaga help.Im trying to make a call it’s seems there is no service here ..Stay inside “akadaro sahwira wangu Chipo ondisiya ndega .Ndakapinda mukati ndokugara zvangu ndoshaya ndodii .Ndakavhura phone yangu ndokutarisa there was no service .Ndakasenda few massages but hadzina kuenda hameno ndaimbosenderei ini ndaiona pasina kana network .Ndakavhara phone ndokuradzika seat ndorara zvangu .Party ndakatoona kuiita mangwana kwaitobuda cz nhasi hazvichatoiti zvachose .It’s now almost 2 hours tichingodzungaira panzvimbo imwechete ..
Nguva yakafamba ndokupepuka ndikashama kuti ndaiva ndarara for that long .Ndakatarisa ndikaona zuva rainge rarereka.Ndakabuda mumota nguva iyi ndotarisa kana ndaikwanisa kuona Chipo or anyone .Ndakafamba ndokutarisa kwataiva tabva nako ndikaona kuchibva vamwe mbuya.Ndakafara kwazvo ndokufamba ndonovachingura ..
“Hi gogo “
“Linjani “vakadaro vakabereka zvavo twuoko
“Ngiyaphila gogo ..ufuni khuluma nawe “
Vakaseka zvavo ndokuti
“Uchanyadzisira .Ndinonzwa zvose chero chirungu.Ko unotsvagei kuno ?”
“Ohhh nice kkk .tafirwa nemota saka umwe wangu adzokera kutara kunotora angatibatsira “
Gogo vakatarisa ndokuti “Hooo rapera mweya ?”
“Ehe rapera mweya ..”
“Hooo murikuenda kwaani..”
“Ndiri mwana wekwa Ndlovhu..”
“Ndhlovhu?Kupi ?”
“Purazi rekwa Ndhlovhu..”
Ndakadaro ndokuona mbuya vaya voramba vakanditarisa .Nguva iyi ndakaona voona kasikana kaitofamba zvako kachidya mazap..Vakabva vamhanya ndokunokakachikira vhudzi iroro …
“Huya pano benzi !!!Heee nhasi ndokurova!!!Kasika zvako kufamba “vakadaro vachibhutsura haaa mbuya Ava paiva nebasa..
“Gogolonaaa wait murikundikwadza..”
“Ohhhh mwana wangu akafireiko kundisiira bhedheni zvayo ..Mwana uyu anonetsa fani .Anorwara nemoyo zvaunoona ipapa..Asi anotingura kusvika kwese uko ..”
“Kkkk ndokuita mwana kwacho “
“Mwana upi kachembere aka .Kamhumhu kendonda chete aka ..”
“Achasimba ndozvandaiva ndichikura I was tiny ..Hi “ndakadaro
“Ehhh masisi murisei “
“Bho hangu ndonzi Vongai ..”
“Muhle ..”akadaro achikanda zap mudenga orikachikira nemuromo.Haana kuzotaura chinhu vese vakabva vaona mombe it seems vaiitsvaga..
“Mhanya !!usazvinetese haaa uyu moyo wake uri wiki.Emmm tawana mombe yedu kana mashaya rubatsiro munouya papurazi iro paMalume ipapo ndopangu mouya morara.Dai waita tainda tose kuno kunotyisa “
“Don’t worry Gogo I’m waiting for my friend achingouya akashaya help touya “
“Horaiti “vakadaro vofamba zvavo nemuzukuru wavo nemombe yavo ..
“Muhle ndokurovesa iweeee ahh tinha mombe iweee “vaakdaro Gogo nemuzukuru wavo haaa paiva nebasa..Ndakasara ndokutarisa kwaiva kwabva naGogo vaya there was no sign of Chipo .Ndakanetseka shuwa kuti ko aiva awana Chiiko veduweee.Apa zve hanzi kunotyisa saka todii…
Ndakapinda mumota ndokugara .Zuva rakasvika pakunyura Chipo asati adzoka .Ndakazonzwa nock pawindow ndokuona aiva adzoka .Ndakakasika kuvhura ndokumumbundira ndichifara..
“Eish chomie..I don’t know what’s happening vese varamba hanzi kutya kurobwa here ..It seems like a dangerous place ..Dai tapinda neimwe road iyi haiiti “
“Haaa dzese dzinosvika..Anyways handei tinorara papurazi pandaona tomuka toona zvekuita “
“Wch farm .Heee do you want us to get killed ?”
“Nooo ndatotaura navo kani kkk .Pfeka jacket shaaa lock the car tiende.Im sure kumba ikoko inobata network “
“Okay ..Let me wear my jacket “akadaro ovhura ndokutora jacket .Takavhara mota ndokutanga kufamba redirection yandaiva ndaona vachienda nayo .Ma roads ekumamisha haasi ekuteedzera aityisa zvisingaiti.Ndaiva mberi Chipo arikumashure tsoka ndodzaingonzwika .
“Are you sure tinosvika “
“Ehe tinosvika ..Handei ..They are very welcoming .Even kamuzukuru kacho very sweet .Kanondifungidza when I was very young ..I …”ndakadaro ndonzwa kuti kumashure kwainge kusisafambi munhu .Ndakamira ndokucheuka ndoona Chipo akamira..
“What’s wrong ..handei ndouko kwaka lighter uko let’s go “
“Okay “akadaro Chipo ofamba kuuya kumashure kwangu ..Nguva iyi Ndakashaya chii chaitika ndakangoona ndadonha pasi ..Ndakabata musoro wangu ndiri muconfusion ndokunzwa simbi ichirova pamhanza.Ndaiva ndakaisa maoko muhomwe pakubuditsa ndichizama kubata ndakanzwa phone yangu ichiwira mumahuswa.Ndakagwadama pasi ndotsvanzvadzira ndiwane kuzvivhikira ndakanzwa ndarohwa musana ndichirara pasi ..
“Ummmm ..Ummm “ndakadaro ndabata mudumbu mangu misodzi ichiyerera.Ropa ndainzwa richiita kubuda munzeve kunyanya yekurudyi.Handina kuda kuvhunduka nekuti hope idzi ndaiva ndadzirota.Ndakazvishoora nekuzvituka kuti zvizhinji tinooneswa asi hatinzwi.Handina zve kufungira umwe wangu kuti angandidai.Ndakabata dumbu rangu nemaoko ose ndamutarisa asumudza dombo..
“I’m pregnant…That was the surprise I was talking about ..”ndakadaro ndichimedza mate azere neropa ..Akakandira dombo pasi ndokuchinjomara onditarisa murima imomo oti “I’m the one who is going to give him more cuter babies not you ..You took what’s rightfully mine and you think I would sit down and watch you enjoying my place ?Nooo darling ..Leone is mine and he will always be mine ..”
“Dai wataura hako ndaikupa pane kundiurayira varume vakazara..Ndine mwana mudiki Chipo ..Mwana wangu wada akure ndisipo here ..please save me I will never expose you ..Save me ..”ndakadaro ndochema ndakamutarisa..Akaseka zvake ndokundisvipira kumeso..
“Never ..Your father took my father’s place ..He was in good books with Mr Manasse.But your family made it tough for my family .You will have to pay ..”
“Mama vangu vane mwana umwechete Chipo ..Please it will kill her if I die ..Save me ..”
Ndakaona ofamba kuenda ondisiya ndakarara mudziva reropa .Mudumbu maimonya kwazvo ndikanzwa ndatota hameno kuzviitira tsvina here kwandaiva ndaita.Ndakazama kumuka asi handina kukwanisa.Musana wangu wainzwika kuti zvainge zvava zvidimbu zviviri chaizvo .Ndakaramba ndakatarisa nyenyedzi mudenga ndikaziva kuti ndikangovhara maziso ndokwaiva kuparara kwangu .Ndakaramba ndakavhura asi ndainge ndonzwa kuneta .Pasina kanguva ndakanzwa mafootsteps ndokuzama kugomera ndiratidze kuti ndaiva mupenyu.Nguva iyi ndakaona torch ndikaziva kuti vaiva vamwe vanhu ..
“Maihweee kaniii hiii hiii hiii “Rakadaro izwi rechikadzi randakaziva .Nguva iyi ndakaona vopfugama ndokuisa musoro wangu pamakumbo Pavo ..
“Ndanyumwa kani ndikati dzinyoke..Nhaiwe bvisa hembe tiputire musoro kani ..”vakadaro vochema..
“Gogo …”ndakadaro ndochema ..
“Usataura mwanangu usataura..Ndipe hembe iwe une mazamu acho here hunza “vaakdaro votora top yemuzukuru wavo .Ainge angonditarisa achichema..Akakwidza skirt ndokuvhara mazamu ake ogwadama..
“Sara naye ndimhanye ndinotora bhara..”vakadaro vosumuka voenda .Ndakasara ndakabatwa nemwana uya aingochema achifemera padenga..
“Ndine mwana ari preschool.Hes two years ..Anonzi Leone Manasse Jnr ..”
“It’s okay musataure henyu ..Gogo varikuuya .Dai ndisina moyo unorwadza ndamhanya..”
Ndakabwaira misodzi ndokuti “Unorwadza?”
“Ehe ndakabarwa ndakadaro…”
“Life …Is emmm not fair ..Ummm ndakutofa ndii ndine moyo wakanaka “ndakadaro ndichigomera
“Hamufe sisi ..Rambai makasvinura..”
“Waita hako wandibatsira.Wati unonzani zviya “
“Muhle “
“Hmmm ..Do you have any wish ..”
“Ndaingoda kuva ndakasimba sevamwe .Ndichigonawo kumhanya sevamwe .Manje hazviitiki.Ndasarwawo nenguva diki panyika…”
Ndakasmiler ndokuti “But muviri wako wakanaka hauna kukuvara..I can give you my life in exchange I can take my revenge …”
Ndakanzwa ofemereka ndofunga aiva apanika hameno .Ndakanzwa angoti bhiii pasi ..Nguva iyi ndakatadza kana kudii ndakangoona maziso angu asisanyatsoone..Ndakaita nguva ndokunzwa kuti ndaiva ndisisarwadziwi nyama dzangu .Ndakamuka pandaiva ndivete ndokutarisa pasi .I was shocked to see my lifeless body lying on the ground .Nguva iyi ndakaona Muhle omuka paaiva akarara ndokuzunza hembe yake .Ndakaona otarisa tarisa ndokutarisa pandaiva ndakarara.Nguva iyi gogo vakasvika ndokundiisa mubhara vosunda .Muhle akatocha ndokuona osumudza necklace nephone yangu ..
“Hey !!Where are you taking my body !Hey my phone !!Hey !!!”ndakadaro ndoteera kumashure kwavo ..
“Gogo wait ndaneta”akadaro Muhle achiratidza kuneta akabata chest yake .Ndakadzungudza musoro wangu tombomira.
*CHIPO*
Tsoro yangu yainge yafamba zvakanaka kani ummmm .Ndaiva ndazvipedza ende taizonzwa zvekufa kwake Vongai .Ndakabva ndasvika pamota ndokubuditsa pump ndoda kupumper mweya back .Ndakakasika kufunga ndokutora dombo ndopwanya mascreen ese .Ndakadraner petrol ndokumwaya ….
“Nooo wait bloood yes “ndakadaro ndotora piece yebhodhoro ndozvicheka maoko .
“Fk !!!! Ohhh shit it’s pain full umm .i hope im going to find a scar treatment..”ndakadaro ndozadza hembe ropa ..Ndakaona Zvisina kukwakwana ndokutora spanner yandaiva ndashandisira Vongai ndokuramba ndakaitarisa .Ndakafemereka ndiye bhooo paside nemusoro..
“Maihweeeee “ndakadaro ndabata musoro ummm .Ndingati ndaiva nemazvimbiswa haaa ndakabva ndazvimba.Ndakatora phone yangu ndokukacha kacha nebwe..
“Ohhh nooo my latest iPhone ..Eish ..This is painful nxaaa “
Ndakadaro ndoikanda mumota.Ndakatora lighter ndokubatidza mota ndiye ngandu.Ndakabuditsa zvangu fodya muhomwe ndokutanga kuputa ndakatarisa rimi remoto raivapo..
“Her phone …”ndakadaro ndofunga zve haaa ..Ndakabva ndatanga kumhanya ndichidzokera paspot paya .I was shocked to see pasina munhu ..
“What ?”ndakadaro ndopererwa..Ndakadzokera kumota ndikasvika rangova demhe zvaro ..I started running back to the main road ndaida kutsvaga mota inonondisiya kuHarare ..Ndakasvika paroad ndokuita nguva ndakazomirirwa neimwe couple .Ndakatsanangura zvese vakanzwa tsitsi kwazvo ..
“Just take me home .My father is a well known politician ..He will reward you “ndakadaro vakabva vanditakura..Ndaingogomera kutorwadziwa nemavanga andazvipa ndega hangu ..
“Mhondi dzawanda baba two ..Friend yake yatofa iyi ummm .Ndiriini I will reincarnate nxaaa ndodzidzokera mhondi idzodzo “
“Haaa zviriko here babe ..”
“Zviriko ..Musikana uyu ngaamuke zvake .May God give her a second chance apfeke imwe body ndokuti mhondi dzipfidze ..”
“Hahaha ko akadzoka Ari murume hohodooo ndaona vana vedu vakweshwa nhova vese vadyiwa bota .Munhu anenge ambofa mahwani anenge akushandisa chinhu chake manje 24 /7”
“Adam …”akadaro Mukadzi uya
“Kkkk sorry babe ..Sorry but hey this is a sad thing ..Saka pawaona asipo it means awana help chete ..Dai ndisingatyi tanoona manje I’m not armed .Since your dad is powerfull I’m sure muchagadzirisa “vaakdaro baba vaya
“Ummm ..My head ummm ..”ndakadaro ndabata musoro
@MaiTeeNovels ❤️
We are changing lives…
❤️
👍
🙏
😂
😢
😮
4.2K