Shona Stories 2🇿🇼
May 22, 2025 at 12:21 PM
*HIGH SCHOOL HEARTBEAT* https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V *_Written by •𝙆𝙞𝙣𝙜 𝙇𝙚𝙚•_* ~LeeMarzy~ +26377⁸⁶³⁴221 _Edited by Ruruwashe_ *Chapter 1* *Randon* Nzara yakatirova apa tanga tisina kana mari.Lunch yakatiitira kure takabuda pafree period nemafriends angu Major naMiller.Takaenda kunogara kuseri kweumwe muti kwaigara vanhu vabhanga malessons. “Ndarohwa nenzara apa lunch yacho haisi kusvika“ i said “Chero lunch yacho ikasvika tine plan here“ asked Major “Pane orchard kune ma apple uko handei tinoita plan“ said Miller “Une plan ngatibaye lunch isati yasvika.But pari kuda bag rekuisira“ i said “Bag rei ndokuzobatwa todyirako“ said Major Takabva tatoenda ku orchard tikasvika kudya.Takubuda takaona vanhu vemuclass medu vachiuya kuorchard.Takadhumana navo pagate vaina madam Kasupu vaidzidzisa Agriculture. “Ko imimi muri kuitei muno?Akupai permission yekuti muuye kuno ndiani nguva yelesson“ asker Madam Kasupu Takapusa vanhu vakabva vatitarisa.Apa Miller naMajor vanga vakaisa ma apple muhomwe. “Ndiri kutaura nemi pindurai“ vakadaro madam vava nehasha “Madam tafana kutungamira kuuya kuOrchard since last lesson redu makati tichauya ku orchard nda...“ i said Handina kupedza kupedza ndapihwa mbama.Kamadam kaifarisa aka kunyanya pamberi pevanhu kudai. “Julia tora book iri moenda kuma apple uko mondimirira make sure moita discussion yandataura.Major ,Randon naMiller nditeverei kuita basa rekuba ma apple“ said Madam Kasupu Team rakabva raenda tikasara takamira namadam. “Misikanzwa yenyu yakanyanyisa.Malessons hamuendi munoswera muri ku orchard ndoda kukuendesai kwaHead“ said Madam Kasupu apa kuonda ungati kakamedza tsono. “Dai manzwisisa madam nek....“ “Randon nyarara kubva utange kutamba naMiller naMajor wadzikira muzvidzidzo zvako.Pachikoro hatitambire mbavha tinoda vana vane hunhu“ she said Takafamba kuenda kwaHead tikasvika vasipo.Hana yairova nekuti yaitova first time kuendeswa kwaHead nenyaya dzakadai.Takagara pazvimabench zvaiva panze.Head vedu taiziva vakaoma musoro vaisazeza kudzinga munhu.Mr Makebe vaityiwa nemwana wese.Itype iya yekuti ikafamba mucorridor mwana wese anotiza kupinda muclass.Vakapinda mu office mavo tikapindawo. “Ku orchard taisangana nedambudziko rekuti michero yeko iri kubiwa.Nhasi ndabata vakomana vatatu ava.Mukatotarisa Major naMiller vatori nema apple muhomwe“ Mr Makebe vakabva vatitarisa vakanyarara.Madam Kasupu vakaenderera mberi vachitaura nyaya yavo. “Ndakambonzwa nyaya yekubiwa kwema carrots kugarden izvo ndivo vakomana ava.Zvisinei magona mauya navo kwandiri.Pachikoro pano hatikurudzire vanhu vakaita se ava kuti vave pano.Vanopa bad example kune mamwe mastudents“ said Mr Makebe Madam Kasupu vakabva vatoenda.Hana yangu yakatanga kurova saka kutodzingwa chikoro here uku. Head vakasimuka vakatora mboma yavo tikabatiswa table.Takarohwa ka30 kumagaro mudhara. “Ndiri kukupai last warning.Punishment yenyu ndoda munhonge marara chikoro chose.Handidi kuona rara panze apo and hapana anoenda kulunch musati mapedza.Kana mapedza mondiudza“ he said Takabva tabuda tikanonhonga marara.Ndakatoona zvaitova nani pane kudzingwa.Lunch yakasvika tichiri kushanda. “Ko imimi maizobudawo ne apple sei hatina kubvumirana todyira ikoko“ i asked “Dai tisina kubuda nawo zvanga zvakangofanana“ replied Major Apa yard yechikoro yacho ngaikure seri.Takarohwa nezuva tiri kunhonga marara tichiisa mumasaga atanga tapihwa.Ndakabva ndaona musikana wandairwarira kubva tiri mabook 1.Musikana iyeye aisava cheap zvekudaro.Vakomana vakawanda vakazama kuwinner moyo wake asi vaibondera. “Handidi Kalindi andione ndichiita izvi“ i said “Chero akakuona zvinochinjei haisi type yako“ said Major Ndakabva ndafamba kunohwanda paseri peimwe building.Kalindi akapfuura naLivia anova friend yake.Ndakadzoka kune team rangu rikatanga kuseka.Takatanga kunhonga mapaper ndikazoona Kalindi akudzoka achifamba naheadboy Titan. “Vapfana masiya marara kumashure uko.Makaungana panzvimbo imwe chete.Umwe naumwe ngaende kwake“ said Headboy achida kupenya pana Kalindi Ndakanzwa hasha handidi kunyepa.Ndakatozviudza ndaida kuzopedzerana naye kana tava kuenda kumba. “Titan hautiudzire zvekuita wanzwa“ “Are you sure nezvamuri kutaura.Head vabuda vandiudza ndiite monitor pamuri.Kana maramba it's okay ndozongoudz head vadzoka zvamataura“ said Titan “Hatina kuramba wangu.Wakunyanya kudhipisa hako rega tiite sezvawataura“ i said ndakaona pasina izvozvo todzingwa chikoro “Major enda kuzasi uko and iwe Miller woenda kumashure uko.Randon wonhonga side irori“ he said Kungoti hazvo uri prefect unenge uchirema.Titan akabva afamba naKalindi.Ndakatoona kuti apa Titan anowinner hake.Handisati ndamboona musikana anoramba headboy plus aiva smart mukomana wacho.Ndakatsva nezuva ndikatanga kudikitira.Lunch yakapera tichipedzawo tikanorasa marara.Takaenda ku office kwahead tikasvika vasiko “Inga Titan ati head vabuda vasiya iye kuti atitarise better tiende kwaari“ i said “Anofarisa muJah man uya.Anoita sekuti chikoro chake chino“ said Major “Apenya pane munhu wandoda.Handifunge kuti Kalindi achandifarira kana kundibvuma“ i said “Ndakabva kare ndichikuudza Kalindi is not your type.Ko ndiye ega musikana pano here.Tarisa ana Lyra vakanaka kupfuura Kalindi waunonyanya kupa mbiri yaasina“ said Miller “You are right ipapo Miller ndiri kushaya kuti Randon anomboonei pana Kalindi.Pachikoro pano hapana musikana akanakirana naLyra.Iye Kalindi wako haapinde mutop 10 yevanhu vakanaka“ said Major “Zvatinoda pavasikana zvakasiyana guys.Lyra wamunoti akanaka saka kutsvuka ndokunaka here.Kalindi akadzikama uye anopfeka zviri decent.I just hate vasikana vanogura maskirts avo like Lyra naOpalia“i said “Kugura skirt unokuziva here.Vagara vakabatana avo“ said Major Takazoenda kuna Titan tikamuratidza kuti tapedza.Takaenda kwatanga tarasa marara. “Ndiri kuda marara ayo mumapise kuti asatorwa nemhepo“ he said “But wangu hausava kuzviwanza here“ i asked “Muri kuramba here“ Hatina kupikisana naye takapisa marara acho.Takaenda muclass tikasvika muine lesson remaths. “Munopinda nguva dzamunoda mulesson rangu“ “Tanga tiri kupisa marara“ i said “Hapana chakaipa chibudisai ma mathematical set enyu tione.Kana musina mobuda mulesson rangu“ he said Apa ndanga ndisina ndakabva ndabuda.Ndakanogara kuseri kwemuti kwaiva nevamwe vanga vabudiswawo. “Mudhara Nyambeya anobhowa regai subject rake rifoirwe mhani.Zvekuti hatina ma mathematical set zvodzingisa mulesson here“ akabvunza Livia “Sir vakabvira kare vachitaura kuti tiuye navo inini ndozvinzwisisa“ replied Opalia “Ko madii kunokumbira vemunext class nhai“ i asked “Mune lesson umo“ Ndakasimuka ndikaenda munext class.Ndakananga pana Kalindi.Akanditarisa zvekupererwa. “Ndokumbirawo mathematical set yako ndiri pama1“ i said Ndakaona akuvhura bag rake akabva andipa.Ndakabuda kudzokera muclass tikabva tadzidza zvakanaka.Ndakatanga kufunga saka Kalindi andipa mathematic set yake ndine mukana wekuita friend yake.Tichipedza malessons ndakabuda ndichienda muclass maKalindi ndikaona Titan akagara paside pake.Ndakashaya anga auya nguvai.Ndakafamba ndikasvika pana Kalindi “Waita basa wandibatsira“ i said ndichimutambidza “Okay“ Ndakabva ndatobuda but to be honest ndakasvotwa.Takabuda kuenda kumba ndakasvika kuona pasina chikafu.Mom vakabva vasvikawo. “Ko sei musina kundisiiyarawo chikafu.Momboziva zvorwadza kubva kuchikoro wowana pamba pasina kubikwa“ i asked "Unorevei kana uchiti hapana kubikwa.Ndabika ndikakusiira chikafu tarisa mupoto“ she said “Sorry ndachidya ini“ said Floria anova hanzvadzi yangu “Kudya chikafu chevanhu 2 here" asked mom “Sorry ndafunga ndechangu ndega“ said Floria “Uri benzi wanzwa hauna care nevamwe unongofunga zvinakire side rako.Dai ukamitiswa worambwa“ i said ndatsamwa Ndakabva ndatoenda muroom mangu.Ndakachinja ndakubuda mom vakandishevedza. “Gara pasi titaure“ she said apa Floria anga akafutisa matama “Saka nyaya yechikafu ndiyo yaita utuke mwana mashoko akadaro“ asked mom “Hamungambozvinzwisise henyu“ i said “Ndoswera ndiri busy kumusika kwangu ndisina kudya kuti imimi muende kuchikoro.Nhasi wondiudza handizvinzwisise.Chikafu chaitova chishoma you was not supposed kutuka mwana.Isister yako iyi don' t be like your brother Jericho asina hunhu“ said mom First born mufamily medu anga ari Jericho handizive chii chakaitika pakafa dad ndipo paakachinjana mashoko mom naJericho.Jericho akabva atoenda kuSouth Africa haana kuzombodzoka kana kufona.Patova ne 6 years atoenda inini ndaisaziva nyaya yacho ndikada kubvunza amai vaibva varamwa.Ndakaona pfungwa dzavo dzanga dzatova kure.Kubva pakafa dad hupenyu hwakabva hwachinja.Mom was struggling kutiendesa kuchikoro. “Okay mom.Inyaya yehasha yaita nditaure mashoko akadai“ “I lost my other son nekuda kwehasha dzenyu idzodzo.Usati wataura chinhu tanga wafunga kana kutonyarara.Floria is your lil sister ukamuita rough unoti anonzwa sei“ “Floria i'm sorry“ i said “Chitora 50cent iyo wotsvaga chekutenga wodya" said mom Ndakabva ndatora 50cent iya.Ndakabuda ndikaenda kushop.Ndakazoona zviri nani nditenge chamba ndaida kuzochirovera Kalindi ndiwane confidence.Ndakazodzoka kumba kwakusviba tikadya sadza nematemba. “Mhamha ko why mkoma Jericho vasingadi kudzoka“ asked Floria “He rejected us after baba vako vafa.Anenge akauraya baba vako achida kupfuma i heard atova nemari dzake.Handitodi kumuona pano kana kunzwa muchitaura nezvake“ “Okay ndakavavenga ini“ said Floria Takarara makuseni tikaenda kuchikoro.Pa assembley head vakataura nyaya yeku orchard vachiti vanhu vari kuba taizovadzinga lucky havana kutaura mazita edu.Takatanga kuita english makuseni.Ndakaswera ndiri zii zuva iri.Palunch takabuda tikarova chamba high grade ndaida kuwana confidence yakutaura naKalindi.Patime dzekuenda kumba ndakamuona achifamba naTitan.Ndakada kuenda ndikaona zvaisaita.Ndakazoenda kumba ndaiona sekuti road iri kutenderera.Ndakasvika kuona panze paiva pakaiswa bhinzi. “Tarisa beans dzaita here" said mom Ndakabuda ndikaravira ndikadzoka muroom mangu ndikazvikanda pabed.Pasina 30 mins ndakaona mom vamira padoor vakanditarisa. “Ko beans dzaindepi?“ asked mom “Dzapera“ i said “kuperera pamoto here“ “ehe“ i replief “Sei“ “Ndachida kunzwa kuti dzaibva dzose here" i said Floria akatanga kuseka ndikabva ndasekawo.I could see my mom was angry....... Watch Out For Chapter 2
❤️ 😂 🙏 👍 😮 😢 💃 🇿🇼 🐴 635

Comments