Shona Stories 2🇿🇼
May 23, 2025 at 09:10 AM
*HIGH SCHOOL HEARTBEAT* https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V *_Written by •𝙆𝙞𝙣𝙜 𝙇𝙚𝙚•_* ~LeeMarzy~ +26377⁸⁶³⁴221 _Edited by Ruruwashe_ *Chapter 2* *Randon* “Randon huya mudinning.Newewo Floria pane chinosekesa here apa?“ asked mom Vakabva vabuda ndakatevera ndikagara pasofa.Masofa embiri yekare aya but anga achakanaka zvawo. “Asi wakuita zvembanje here.Kana uchiti wapedza beans dzese uchida kuona dzaibva dzose unorevei“ asked mom “Beans? Makutodzidzisa zvinyadzi amai.Handisati ndamborara nemusikana ini“ said Randon “Yoooooo endai munojoina Frets Donzvo hamuna kusiyana imi aaah“ said Floria akatanga kuseka achiita kubuda musodzi “Futseki iwe kasira kunyarara ipapo.Chosekesa chiii unorara watonhorerwa izvozvi“ said mom vakatarisa Floria Kakabva kanyarara kaFloria.Ndaishaya amai vaitsamwa chiiko. “Randon uri kurova mbanje unoda kundiuraya neBP here“ “Mbanje wacho ndiani anogarepi.Ndiri kurangarira chero mafriends angu hakuna munhu anonzi mbanje.Ndomuroverei ini“ Floria akabva asura achiseka akuumburuka pasi.Amai vakasimuka vakabva vamurova.Akatanga kuchema akanzi aende kunobika. “Zvawaitsvaga wazviona buda unobika sadza now“ said mom Floria akabuda achichema.Ndakaramba ndakagara pasofa.Ndakaona amai vabuda hameno vakaenda kupi.Takasara tiri vaviri naFloria.Pasina 30mins ndakaona Pastor Mutsveru nemudzimai wake vapinda vaina mai vangu. “Titambire VaMutsvairo ndafara nekuuya kwenyu ndine zvaindinetsa semunhu wamufundisi magona mauya“ i said ndichivakwazisa.Floria akatanga kuseka futi. “Mkoma makuzvinyanya.Vanonzi Pastor Mutsveru kwete Mutsvairo“ said Floria “Ehe ndizvo chaizvo ndangoti mutsvairo nekuti vanotsvaira mademon nemaproblems muhupenyu hwevanhu.Kwandiri mutsvairo wedu“ i said Vakagara pasi mufundisi vakangoseka nestatement randakataura. “Mukoma Randon maswera here“ vakabvunza Pastor Mutsveru “Ndichiswera kupiko ndiri kunetseka mumoyo mangu imimi mauya semutsvairo zvanaka“ i said “Chiii chiri kunetsa mukoma“ he asked “Ko iye akazoona kuti mukadzi waLot akaita ibwe remunyu ndiani nekuti kwainzi musacheika.Zviri kundinetsa izvi kundipa stress chaiyo.Izvozvi musoro uri kutemera nechekugotsi uku nenyaya iyoyi magona mauya VaMutsvairo please tsvairaiwo confusion iri mandiri“ i said ndakabata shaya “Ndapera simba mwana wangu anenge ava kupenga.Pekutanga ndamboti imbanje ndatoona hadzisi obvious imhepo dzekudzinza rake dzamutevera“ said mom “Don't worry Mai Joto mwana ndotaura naye.Regai tione chii chikuitika paari.Tinogona kupa mweya yemadzinza mhosva iye achizviitisa“ said Pastor Mutsveru “Adya bhinzi dzese achiti ari kunzwa dzaibva here.Zvaari kutaura hazvina kana sense“ said mom “Musaita worried mwana ndotaura naye.Kana zvichiita ndinokwanisa kuenda naye kumba kwangu ndotaura naye ndega sevarume.Anogona ane zviri kumunetsa zvaasingakwanise kushare nemi“ said Pastor Mutsveru Ndakatofara pavakataura kuti vanoda kuenda neni.Maraini aigara Pastor vangu ndiko kwaigara Kalindi.Takaenda kumba kwamufundisi takasvika tikagara mudinning maPastor tiri vaviri.Mukadzi wavo akabuda achienda mukitchen. “Randon ndoda titaura sevarume.Hapana mukadzi wakuita zve mbanje here“ “Ndatanga kudzirova nhasi ndaida confidence chete.Ndine musikana wandoda chete“ i said “Ipapo wakanganisa uchida musikana unoenda direct pasina kunwa doro or kubata manje.Unofunga musikana iyeye anokubvuma here akakuona wakadai.Beside izvozvo Randon you are still young une bright future.Usati waita chinhu tanga wafunga situation iri pamba penyu.Vasikana wozoita now dzidza nesimba upase uchengete mai nehanzvadzi yako“ he said “Ndiri kudzidza nesimba.Ndosaka zvichinzi mukomana asingapfimbe igay.Ndiri murume obvious ropa romhanyawo.Sitiation iri pamba ndanzwisisa hangu i will study hard handichabate zvinodhaka“ Vakatanga kundiita counseling.Ndipo pakauya chikafu ndakanzwa nesmell kuti pabikwa zvinonaka.Ndakazoona paiva pabikwa sadza nenyama yemombe.Ko kwedu tanga tichaiziva here.Taitambura zvekudaro ukaona tichiti tadya nyama tinenge tadya hove.Takatanga kudya ndakanakirwa.Ndanga ndava kusuka mukanwa nenyama yemombe handizive ndakagumisira kuidya rini.Tichipedza ndakavatenda ndikadzoka kumba.Ndakasvika kuona vatobika sadza nematemba. “Ko sadza rako iri“ said Floria “Ndakaguta ndicharidya makuseni.Ko muchembere vabaya kupi“ “Vane stress ipapa vaingotuka mkoma Jericho vachiti ndivo vakukushandisa“ “Vafonera mkoma Jericho here.Ndipeiwo number dzacho“ i said “Hapana ane number dzavo.Vaindiudza kuti Jericho ndiye ari kuita izvi ndatoona vari right.Kutambura kwedu hakusi kwega ndakuona mom is right chete.Please musataura nyaya yekukumbira number“ she said Ndakanzwisisa ndikanorara.Makuseni ndakamutswa na amai vangu.Ndakavakwazisa havana zvavakataura zvakawanda vakabva vatoenda kumapurazi kunohodha zvinhu zvavo.Ndakageza makumbo zvekugeza muviri wese zvaitova kure neni. “Ko mom vadya here pavabuda here“ “Havana vanobuda vasina kudya togara takanetsana nenyaya iyoyo.Kungoti hamusi kuzviona vadzikira zvisingaite.Mkoma Randon try nepamunogona kusapa mom str£ss please“ said Floria Ndakarwadziwa zvisingaite handidi kunyepa.Saka mom vangu vaiswera nenzara nekuda kuti isu tiwane everything.Zvakabva zvaita ndivenge Jericho zvakanyanya.Munhu ane mari otadza kusapotawo amai kana kuvavhurira shop.Zvakandiremera kudya ndakasiya sadza rangu riya randisina kudya manheru.Ndakaenda kuchikoro ndikasvika kugara panzvimbo pangu kuback ndakanyarara.Miller naMajor vakasvika vakagara paside pangu. “Uri kurwara here uri low low“ “Situation iri kumba kwedu iri worse.Dai zvaiita ndasiya chikoro mai vangu vambozorora.Zvava kundirwadza handidi kunyepa“ “But i'm not understanding kana uchiti situation yekumba.Jericho aigona wani ava engineer ava nemari dzake.Pachikoro pano Head vanotopa example kuti tiite saJericho“ asked Miller “Jericho ndiro benzi handidi kunzwa nezvake.Just know akaromba akauraya baba akaita mari.Usachiva zvinhu zvakasviba“ i said Takabuda panze since lesson ranga risati ratanga.Takaenda kutoilet Major akabudisa chamba chake vakatanga kubhema naMiller.Vakazama kunditambidza ndikaramba. “Chinobatsira kuti usanyanya kufungisisa“ said Major “Nezuro zvandakaita zvakaipa guys saka handichadi“ “Nezuro takarova high grade.Iyi haisi high ndinoda usanyanya kufungisisa chete.Be a man mhani.Unomuwina sei Kalindi wakadai“ said Major Ndakazotambira pandakanzwa zvaKalindi.Takarova tikabva taenda muclass.Madam Bhogwa vanodzidzisa shona vakabva vapinda vakatanga kudzidzisa.Pfungwa dzaisava panzvimbo.Ndakatanga kufunga kamunya kandanga ndasiya kumba. “Randon Joto “ said Madam Bhogwa “Matiii“ ndakadaira ndichivhunduka “Pindura zvandabvunza ka“ “Matii sorry pane nhunzi yanga yablocker nzeve dzangu“ i said “Mwari vakati sarudza chinhu one pakati pe10 thousand dollars kana kuti brain unotora chii?“ asked Madam Bhogwa “Obvious mari kaa nhai teacher“ i said “Unowanza mbanje Randon ndiri ini ndinosarudza brain, chero Solomon akakumbira njere wani“ she replied “Chete kungoti munhu anosarudza chaasina, Solomon aive aitwa mambo asina ruzivo nazvo, ndosaka akazokumbira njere“ i said “Yeeeeeeeeeee yeeeee“ vanhu vakabva vafara zvakabhowa madam Bhogwa “Futseki buda muLesson mangu uri mbudzi yemunhu“ she said Ndakabva ndatora book ndikaenda kunogara kulibrary zvangu.Ndakashamisika kuona Kalindi arimo.Ndakanogara paside naye. “Kalindi uri sei“ “Ndiri bhoo“ she replied “Ko why uri muno asi hauna lesson“ “Ndadzingwa mulesson naSir Mutuhwa“ she said Sir Mutuhwa vaiva teacher wechidiki vaidzidzisa Geo. “Ko wadzingirwei inga uri munhu bhoo“ “Vakatipa home work ndiri kushaya ndiani andibirawo book rangu kutaura chokwadi ndakanyora“ she said akutoyeredza musodzi Ndakaona maoko ake akazvimba airatidza arohwa ndakarwadziwa. “Ko wadii kuvaudza kuti wabirwa“ “Ndavaudza but vandituka hanzi hausisiri serious wakudanana naHeadboy Titan uchitadza kunyora homework“ she said “Sir Mutuhwa vanenge vanokuda chete.Zvichiri zvega here izvi.Don't worry ndokutsvagira book rako“ “Thanks" she said Ndakatanga kutaura naye nyaya dziri general.Ndakuda kusvitsa shoko bhero rikarira.Akabva asimuka akati ava kuenda kuclass.Ndakaenda muclass mangu ndikasvika kuona Sir Mutuhwa vapinda. “Budisai mabooks enyu tione homework yandakakupai makanyora here.Uchiziva hauna huya umire kumberi uku“ Ndakaona Miller akandikandira book ndakatarisa ndikaona rakanzi Lyra.Ndakavhura ndikaona ranga rakanyorwa homework. “Sir ndiri kushaya book rangu“ said Lyra “Ndakataura kuti kana yava nguva yelesson garai mabudisa mabooks enyu.Vanhu vanoda kunyepera kuvhiringika ndombovada here simukai muuye mberi.Munoita basa rekunovharirwa nevakomana vembanje muchitadza kunyora homework“ said Sir Mutuhwa vakatarisa Lyra Lyra akatanga kuchema achitsanangura.Akasimuka akaenda mberi vanhu vanga vasina vakaendawo.Sir vakabva vafamba vachitarisa vakazodzoka.Ndaitya vachaona handwriting asi havana kuzviona.Ndakaona vaitorohwawo nembanje.Vanga vasina kunyora vakarohwa vakadzingwa mulesson.Ndakazoona book raMajor rakanzi Kalindi Marowa. “Major waba book remunhu wangu“ “Nyarara todzosa mabooks aya tangoitira tisadzingwa mulesson“ he said Takadzidza vachipedza vakabuda.Pakazouya lesson reCombined Science.Sir vacho vaiva munhu anonakirwa.Apa 2 period idzi taiva muscience zvedu.Vakatanga kubvunza munhu wese wish yake. “Ndine wish yekuda kuvaka zimansion rangu then ndobva ndaroora Lyra“ said Major “Zvakaoma next Joto taura tinzwe“ “I wish if I was a bird kunyanya nyanya chiremwaremwa chisingadyiwi.No school, no mjolo, pasina chinonetsa.Just tsviii tsviii tichidya maSpider nekumwa mvura tichinorara“ i said Munhu wese akabva atanga kuseka.Takazotanga kudzidza zvedu.Lesson richipera break richikwana. “Ndipe ndidzosere book iri“ i said Ndakatora book raKalindi ndakafunga kunoriisa mubag raHeadboy.But ndakaona kuti ndiende ndega hazviite.Ndakafunga kutuma Julia. “Julia ndoda kukutuma ndokutengera pie“ i said “Kundituma kupi“ “Enda unoisa book iri mubag raHeadboy“ i said “Nderani“ “Ita zvandataura please" i said Haana kuramba ndakaenda naye ndikatarisa.Nyaya yakatangira muclass macho mema upper six havaendi kubreak vanoramba varimo.Julia hameno musikana wakataura naye ndikaona akunoisa mubag. “Chindipa mari yangu“ “Pari zvino handina ndokupa mangwana“ i said “Usafarisa ndazviona ibook raKalindi ndinoda kunomuudza“ “Julia ndinoda Kalindi kana wava kudai unondidzikisira mamarks.Ndoda atange arambana naTitan first then ndopindira pakati“ “Hazvinei neni izvozvo ndipe mari yangu“ she said Takanetsana kusvika ndaenda kuna Miller ndiye akazondipa ndikakapa.Ndakaenda kunotsvaga Kalindi ndikaona akagara muclass achinyora.Handina kuda kumuvhiringa.Break rakapera taiva pafree period.Vanhu vaiita noise ndikasimuka kuenda mberi.Ndikanyaradza vanhu vakanyarara vakabva vanditarisa. “Ndiri Brother Advisor ndati timbotaura zvishoma“ i said “Haiwawo tigarire pasi“ said Opalia “Taura tinzwe“ said Julia “Do you know kuti ukasiya zveku forcer marelationship unotoona kuti uri healthy chaizvo.Kana zvimatama zvinotomererawo kana kuri kupenyerera kweganda hatichataura.“ i said “Uri benzi hako but apa wataura chokwadi“ said Lyra “Trust me zverudo zvine calling izvi ukasataimira side rako unotsva moyo ukasvika pakufa“ i said “Ndini ndofana kuita Headmaster wenyu“ i said Ndakabva ndacheuka ndikaona Headmaster Makebe vakamira padoor.Ndakapusa ndakamira pamberi pevanhu.Vakapinda vakabata mboma yavo...... Watch Out For Chapter 3
❤️ 😂 🙏 👍 😮 😢 👏 🇿🇼 🍆 447

Comments