Shona Stories 2🇿🇼
May 26, 2025 at 02:04 PM
*HIGH SCHOOL HEARTBEAT* https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V *_Written by •𝙆𝙞𝙣𝙜 𝙇𝙚𝙚•_* ~LeeMarzy~ +26377⁸⁶³⁴221 _Edited by Ruruwashe_ *Chapter 7* *Randon* Sir Dembo vanodzidzisa Combined Science vakapinda vakabva vatanga kudzidzisa.Pfungwa dzangu dzaitova kure ndakazoona vanhu vanditarisa. “Joto pandapinda ndaona pfungwa dzako hadzisi panzvimbo.After lesson undione“ said Sir Dembo “Okay sir“ “Joto can you name the four components of blood?" Asked vakanditarisa.Lucky ndakazviverenga nezuro pandaiva ndiri muclass. “They are plasma, red blood cells, white blood cells and platelets“ i replied “That is correct.Wagona Randon.Next question what is the job of red blood cells“ asked Sir Vanhu vese hapana akasimudza maoko. “Lyra tiudze tinzwe“ said Sir “Red blood cells carry oxygen to different parts of the body“ said Lyra “That's right..Red blood cells carry oxygen.Imwe question what's the job of white blood cells?" Class yakaramba yakanyarara.Ndakaona Sir Dembo vakufamba kuuya kwatanga takagara. “Major tipe answer“ “Munhu ane ropa rewhite here?.Kana Lyra ati Red blood white cells rinotakura oxygen then White rinotakura carbon dioxide“ said Major “Hausi serious basa rekuita noise chete.Randon can you help us out?“ asked Sir Dembo “White blood cells help fight infections and keep us healthy“ “Wazvinzwa here Major.White blood cells protect us from germs and diseases“ said Sir Dembo “Izvozvi ndakuda kurova vatadza nekuti hamungatadzi zvinhu zvatakaita last week“ said sir “Let's move on to a bigger question.How does blood help maintain homeostasis in the body?“ asked Sir Class remains silent ndakatopererwa kuti chii chikuitika muclass medu.Ndakaona sir vakuzungudza musoro. “I taught you about homeostasis last week.Can anyone even give me the definition of homeostasis?“ Class remains silent again ari Major anga atarisa pasi.Ndakaona Sir vasisina mufaro pachiso chavo. “Saka munondiudza hamuverengi right.Vakabva vatanga kufamba vachibvunza vaiva mberi atadza vorova kusvika pandiri. “Randon can you help us out.What is homeostasis?“ asked Sir “Homeostasis means keeping the body's internal environment stable and balanced.. even when external conditions change“ i said “This time uri serious Joto wagonesa.Homeostasis is about maintaining a stable internal environment.Izvozvi ngatidzoke kuquestio yandabvunza kumashure uko.How does blood help maintain homeostasis in the body?“ “Blood helps maintain homeostasis by regulating body temperature, pH levels and transporting nutrients and oxygen to cells, while also removing waste products“ i said “Correct..Blood plays a crucial role in maintaining homeostasis“ he said "Lesson rangu raperera pano.I want you to review what we have covered so far.Mangwana we will be diving into the circulatory system" Said Sir “We will be covering the heart, blood vessels and how blood flows through the body..Joto undione“ Ndakabuda kuenda ku office kwaSir Dembo.Ndakasvika vakanditi ndigare pachair. “Randon ko musikanzwa yakazotanga rini.Ndiri kunzwa macomplains akawandisa“ asked Sir Dembo "Handina musikanzwa kungoti sometimes ndofira mhosva dzekuti ndotamba naMajor naMiller.Like ipapa tapihwa tsamba dzekunzi vabereki vauye mangwana" i explained everything zvakaitika nezuro hapana chandakasiya. “Dai usina kurwa naye but wakamhanya kutaura.Zveshuwa bullying haidiwe pachikoro.Zvisinei ndichataura nahead kuti vanatse kuongorora nyaya iyi mushe.I advise you uchinje pekugara.Gara kumberi kunogara ana Lyra unoita focus.Ndichataura naClass teacher wenyu Madam Kasupu“ Ndakadzokera muclass ndikagara padesk.Time to get a head start on the circulatory system ndakazviudza mumoyo mangu.Ndakatanga kuverenga hangu.Ndiri munhu uya anoverenga zvatichada kuita mangwana kugara ndiri ahead.Pabreak ndakabuda naMiller tikaenda kunogara zvedu kuseri kweclass tichidziya kazuva. “Wakazodii naKalindi“ “Ndiri muprocess yekuda kukanda shoko“ i said “Pane zvausiri kuona Randon.Ndoda ukasire kuona izvi ukanonoka kuzviona kuwina Kalindi kuchanetsa“ said Miller “Kuona chiii“ “Ndakaona sekuti Lyra loves you.Saka zviri nani ugare watobuda pachena kuti unoda Kalindi this girl aite back off.Nekuti ukanonoka achasvika pakutova addicted newe machances ekuwinner Kalindi akaita slim“ “Kundida how hausava kunyanya kudhipisa here.Lyra ndongowiriranawo naye pakuti iclass mate yedu“ “Maybe ndiri kuona zvisizvo.But gara watosvitsa shoko zvekuverengera izvi pachaita drama.I used to love Lyra ndakaona haana basa neni.So ndakungoita focus nechikoro“ said Miller “Lyra haandide ndiye achatondibatsira kuwinner Kalindi.Miller uri kuona you are just jealous pakuti unomuda chete“ i said “Handisina basa naye akandivenga.Inga anokuti usatamba neni naMajor tinokufurira even mateachers vakawanda vanokuudza the same ndanyepa“ “Miller uri different naMajor.Iwewe utori munhu ari bhoo hausi mumero.I will help you kuti udiwe naLyra“ “Mafeelings naye handisisina“ she said Ndakaona Opalia achifamba pamberi pangu.Chiona kaskirt kanga kakagurwa kuita kamini.Akabva auya patiri.Ndakaona Miller atarisa Opalia.Ndakazoona mukomana anga atomisa.Kungoti Opalia wacho aitova muyedzo. “Unodei“ Akabva agara pakati pangu naMiller.Ndakashaya aizviitirei. “I'm replacing Major.Tava kutamba tiri vatatu right“ said Opalia “No problem Opalia" said Miller “But i want to study with you Randon and Miller.Ndikuda timboshocker vanhu.Ndoda uite number 1 then me and Miller hatishaikwe mutop 10“ said Opalia “Uri kurevei kana uchidaro.We know Kalindi anovharisa“ “You are better than her by far.Inyaya yekuti hausi serious dai waibata book saye waikunda.I know haundifarire nekuda kwe attitude yangu but handisi munhu ari bad“ said Opalia “Opalia ari right chimbobata book uwone kuti haumukunde here“ “Ndomukunda sei inini ndingatobudewo patop ten yacho“ i asked ndichiseka “That's why ndauya kutamba newe.I just want to motivate you.Kurohwa kwawakaita vanhu vakaseka even me ndakaseka but ndakumba ndakazozvituka kuti why ndadai.I'm sorry this time ndoda timboita serious.Panopera malessons tomboverenga zvakasimba uwone kuti top 10 haichinje here“ said Opalia “Opalia kubva ndikuzive apa wataura zvine musoro.But nyaya iri kuitika i love Kalindi manje" ndakadaro “Kalindi munhu ari bhoo.Dai ndaiwirirana naye ndaikubatsira.But muudze unomuda nguva iripo“ said Opalia Ndakaona Kalindi naLyra vachifamba.Pavakationa ndikaona vatorova U-turn ndikaziva vabva nekuda kwaOpalia. "Vabva nekuda kwangu don't worry" Opalia akasimuka akaenda kunovatora akavasiya patiri iye akabva atoenda hake.Ndakaona Miller airatidza kuti apenyerwa naOpalia. “Ko unowirirana naOpalia.Zuva rawakarwa naMajor unoziva ndiye akaita number 1 kukuseka.Handimufarire musikana uyu.Kana uchiwirirana naye then neni torega kuwirirana“ said Kalindi “Same neniwo Opalia handimufarire“ said Lyra “Hatitambi naye but auya ega pano“ Break rakabva rapera ndisati ndataura naKalindi zvine musoro.Madam Kasupu vakabva vapinda. “Ndoda kuchinja vanhu pekugara.Major, Miller naRandon huya mugare mberi now.Julia ,Chipo naBridget endai kunogara kumashure“ said Madam Kasupu Ndakabva ndagara paside paOpalia.Meaning ndaiva pakati paOpalia naLyra.Miller akagara nechekuside kwaLyra.Major akabva agara padesk raiva pekutanga padoor nechekumadziro. “Muclass tinoda musarudze class monitor and Class monitress nekuti ndakaona varipo havasi kugona basa ravo“ said Madam Kasupu “Tipe mazita tione“ “Randon naLyra“ said Chipo “Opalia“ said Gift “Randon watova class monitor hapana umwe ataurwa.Then vari kuti vanoda Lyra ngavasimuke“ “Sorry handidi kuita class monitress.Lyra deserves“ said Opalia akabva agara pasi. “Randon naLyra make sure muclass muno mune runyararo handidi kunzwa zvenoise" said Madam Kasupu Vakabva vabuda ndakatanga kuverenga text book rangu reCombined Science.Ndakanzwa Major ava kutaura. “Mainzwawo here nyaya yababa vekwa Mutare kuBocha vatora Demo kwakutora vana vavo 4 nemukadzi wavo kwakuenda navo kuGomo kunotsvaga huni sezvo kunze kwatonhora kudai.Nyaya iyi ndeye chokwadi“ he said “Munochiroverei kana chichikuremerai“ asked Gift “Gift zvauri mwana wekuhurwa takamboti chii“ said Major “Major nyarara uri kuita noise“ i said “Haundinyaradzi iwe imbwa“ said Major “Major unopenga iwewe hatizive face yako ndeipi nekuti gotsi neface yako zvakafanana" said Gift “Hiiiiiiiiiiiiiiii“class yakadaro “Nyarara une musoro unenge hove wakafanana newaMakebe“ said Major Pasina nguva ndakaona Sir Dembo naHead vapinda muclass medu.Class yese ikabva yanyarara. “Randon,Miller naMajor ndokumbirawo mumbobuda muno“ said Head Ndakashaya chava chiii futi.Takabva tabuda tikanomira panze.Ndakaona head vachitaura nevanhu vemuclass.After 15 minutes takazonzi tidzoke muclass.... *Opalia uyo ane plan yei* *head vanga vachidii muclass* *Miller i good friend here.Panopera term anoita number 1 here Randon uyu?* Lets discuss mucomments sections Watch Out For Chapter 8
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 🇿🇼 👀 💔 406

Comments