Shona Stories 2🇿🇼
May 27, 2025 at 05:59 PM
*HIGH SCHOOL HEARTBEAT* https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V *_Written by •𝙆𝙞𝙣𝙜 𝙇𝙚𝙚•_* ~LeeMarzy~ +26377⁸⁶³⁴221 _Edited by Ruruwashe_ *Chapter 11* *Randon* Ndakashamisika kuona ndanga ndakundwa nemunhu 1 pamaths anova Samantha.Kutaura chokwadi ndainzwa kufara kuti Kalindi ndamudyira bhonzo.Ndakatoona ndaifana kuisa more effort kuti ndiende patop.Pandakaenda kuna Kalindi kunobvunza mhinduro akabva atiza.Takasangana naLyra akatanga kuita ma attitudes.Ndakazoona ndiye aiita Kalindi asandibvuma.Kalindi akatevera bestie wake ndikaona vakutaura vese vakanditarisa.Ndakadzokera muclass ndikagara padesk pangu. “Miller ndiri pama1.I feel kuti Kalindi anondida but akutya kundibvuma nekuti bestie vake vanondida“ i said “I'm happy wakuona Lyra anokuda ndizvo zvandaikuudza mazuva aya.Lyra anokuda hapana choda kuvanza.Kalindi kana achikuda hapana chekuvanza apa achakubvuma“ said Miller “Lyra ibenzi iro vanonditi ndiri hure but iye Lyra akuratidza huhure ngaabve munzira yako udiwe naKalindi.Kalindi akukuda ndazviona hangu zvichazviita zvega usaora moyo ramba uchitaura naye“ said Opalia “Thanks but zvakuita sekuti ndava kuputsa relationship yevaviri.Munhu wandoda is Kalindi handidi kumupesanisa nefriend yake“ i said “Lyra kana ari munhu ane pfungwa achanzwisisa.Kana asinganzwisisa Kalindi achaona ega kuti akutamba ega.Mafriends should support each other kwete kuitirana jealous“ said Opalia “Uri right ipapo pana Kalindi handisi kuzomira“ “Taura naSamantha apote achisimbisa nekuti vanogara pedyo muclass“ akadaro Miller Ndakabuda ndikaenda muclass mana Kalindi ndakaona Samantha asimo.Ndakabuda ndikazomuona akamira pamaruva. “Samantha“ “Uri sei Randon“ “Ndiri bhoo ndoda undibatsirewo kundisimbisa pana Kalindi“ i said “Okay ndokusimbisa uri munhu bhoo but siya kutamba naLyra.The more yaucharamba uchitamba naLyra ,Kalindi haakubvume anenge achi feeler sekuti akutorera bestie mukomana“ “I will see ndoita sei ipapo“ i said Break rakapera ndikadzokera muclass. “Ndivhurirewo" said Opalia achinditambidza vicks yake I tried kuchivhura apa chainetsa sei. “Vanhu vanogadzira Vicks vakawana nguva ngavkwane , chigaba chavo nanhasi chonetsa kuvhura mhani.Vamwe vavaifurirana navo ve kiwi polish chavo vakaisa chokuvhurisa wani"i said “Watanga Randon“ said Opalia achiseka. Ndakazovhura ndikamupa ndikatanga kutaura nyaya naOpalia.Lyra anga akatsamwa handina kumbotaura naye. “Unotsamwira munhu asina kukupfimba“ said Opalia “Usandijairira wanzwa Opalia“ said Lyra “Ko ndiri kutaura newe here“ asked Opalia “Ndati handitambi newe undikwanire siyana neni“ said Lyra “Ko ndamboti ndotamba newe here“ said Opalia Ndakabata Opalia ruoko akabva anyarara nekuti ndakaona vaigona kurovana.Takaita malessons edu palunch.Ndakaona Lyra achibuda kuenda kulibrary.Ndakatsvaga Kalindi ndikamuona akagara muclass make.Ndakaona Samantha auya pandiri. “She loves you but haasi kuda kubreka vow yakaita nabestie wake“ said Sama “Vow ipi“ “Yekuti havaite vakomana vachiri maO level“ she said Ndakaenda paari ndichida kutaura naye.Haana kutiza hake.Ndakatanga kutaura naKalindi nyaya dzimwe i could see aindinyara.Handina kuda kumunetsa nenyaya dzerudo.Ndakazvitambira kuti kana tichidanana zvaizozviita zvega. “Kalindi ngatiende kushop“ i said “Handidi“ “Why ngatifambe tirohwe nemhepo" i said Takabva tabuda tese tikaenda kuschool tuckshop.Ndakatenga mabhisvo nemazep ndikamupa akada kuramba.Bhero rakabva rarira rekuti tiende kumagrounds.Yaiva nguva yekutamba bhora.Takaenda kuground ndiri munhu aiva nechipo chebhora.Takatanga kuita training yedu.Tichipedza pakuenda kumba ndakaona Kalindi achifamba ega. “Ndipe ndikubatire bag“ i said ndichitora bag rake “Aaah unonetsa" “Kalindi wakanaka“ “Watanga Randon“ she said achinyara Apa ndainzwa kuda kumbonzwa malips ake.Takafamba takasvika pane rimwe corner. “Kalindi“ “Randon“ “I really love you“ i said “Aaah“ “Yes Kalindi i'm serious“ ndakadaro Ndakabva ndamubata muwaist ndakamutarisa mumaziso.Haana kundibvisa ndakafambisa muromo wangu ukanogumhana newake.Ndakatanga kumudya malips ake uku ndichibata magaro ake. “I love you Kalie“ “I love you tooo Randon“ she replied Paakataura izvi ndakafara zvisingaite.Ndakashaya ndoita zvekudii hana yaingorova.Ndakamudzokorodza kiss tikazosiyana ndaona Miller naSamantha vaifamba muroad.Kalindi akatanga kunyara. “Thanks nekundibvuma kana paine zuva randakambofara ndinhasi“ “Aaaah“ “Yes babe“ “Promise me haundirwadzise“ she said “i promise handikurwadzise“ “But can we do it zviri secret handidi Lyra azvizive.I feel kuti anokuda and i promised her kuti tozoita vakomana tapedza O level“ “Okay babe hapana anombozviziva tozviita pasi pemvura.Handidi upesane neshamwari yako nekuda kwangu“ i said She smiled tikatanga kufamba.Ndakazomupa bag rake takusvika.Akaenda kumba kwavo ndikaendawo kwedu.Ndakasvika ndikadya nekugeza moms vakabva vasvika.Ndipo pandakaona pasvika mota yerudzi rweJeep panze.Mukadzika mukomana anga akachena akapfeka maglass ndakashaya ndiani.Paakabvisa maglass ndakaona ari Jericho. “Handina kuti handidi kuona tsoka yako pano here or wauya kuuraya ini“ vakabvunza mom “Ndini ndauya naye“ said Bamunini Baba Livia vachidzika mumota “Endai naye kumba kwenyu.Pano hapana nzvimbo yake.Jericho kwandiri akafa hazvife zvakachinja“ “Amai i understand you and me takatadza kunzwisisana kubva kare.Apa ndauya kuona vapfana vangu ndichiri mupenyu.Nyama dzangu hadzina kusimba.Ndokumbirawo mukana wekutaura navo“ said Jericho waitoona mukomana ari kurwara apa anga adzikira. “Hausi mukoma vangu i hate you.Totaura newe kuti chii munhu asina respect namhamha“ said Floria “Jericho ndiwe unoshungurudza amai.Ndiwe wakauraya baba nekuda kupfuma now wakurwara waiti unosvikepi“ “Nhai Amai ndizvo zvamakaudza Floria naJericho.Mhosva yandakakutadzirei ndeyei.Makati hamudi mari yangu ndikazama kumupa mari yekuti ibatsire Randon naFloria munoramba.Vabereki basa renyu kubvumbamira vana nekutipa mablessings kwete zvamuri kuita izvi.Ndikafa musafa makasvika parufu pangu kana paguva.Floria naRandon makaudzwa zviri bad about me.Zvisinei Mwari ndivo vanoziva“ said Jericho akupukuta misodzi Baba Livia vakamubata vakamubatsira kufamba since airatidza kurwadziwa nyama.Akapinda mumota baba Livia vakauya pana mai vangu. “Uri muroyi wanzwa Magrett.Hakuna mubereki akaita sewe sei wakaoma moyo.Jericho mwana wako here or wakamuba .Unoroya wanzwa“ said Baba Livia “Baba Livia muri kundipumha huroyi here.Ndiri kunoudza vana mukoma venyu ndarecorder mashoko enyu.Muchandiripa zvenyu nekundishungurudza kwamuri kuita“ said amai “Enda kwaunoda but ndakukupa 24 hours yekubva pano.Imba ino yakavakwa namukoma vangu hauna cent rawakbvisa ipapa neku...“ Ndakaona Baba Livia vadirwa mvura yakasviba naFloria. “Muroyi ndiwe ibva panp hautuke mai vangu“ said Floria Ndakanhonga dombo ndikatema Baba Livia naro paruoko.Livia akatora matombo akatanga kutema mota yaJericho.Baba Livia vakatiza vakamutsa mota.Amai vakaenda kunozvivharira muroom mavo.Manheru ndakaona Sekuru Machongwe vanozvarwa namoms vasvika.Vakatanga kutaura sekuru vanga vakatsamwa..... Watch Out For Chapter 12
❤️ 🙏 👍 😂 😢 😮 👏 🔥 🇿🇼 557

Comments