Shona Stories 2🇿🇼
May 28, 2025 at 04:48 PM
*HIGH SCHOOL HEARTBEAT* https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V *_Written by •𝙆𝙞𝙣𝙜 𝙇𝙚𝙚•_* ~LeeMarzy~ +26377⁸⁶³⁴221 _Edited by Ruruwashe_ *Chapter 13* *Kalindi* Pandakasvika lunch ndakaenda kutap ndichida kugeza maoko anga akasviba.Ndakabva ndasangana naTitan achizvifambirawo. “Zita rako riripo pama nominees evanhu vakuda kuzoitwa maprefect“ said Titan “Are you serious“ “Yes guess ndine dzimwe good news.Ndava kudanana naJulia but don't tell anyone“ said Titan “Hiiii i'm happy for you bro“ i said “Ndati ndikuudze nekuti you are like a sister to me“ I smiled atleast anga aita good choice.Ndosaka Julia anga adzikama mazuva aya mhani.Ndakazoenda muclass medu ndikatanga kudzidza.Lunch ichisvika ndaida kudya nemunhu wangu cake randanga ndauya naro riri mulunch. “Sama ndokumbirawo unondishevedzerawo Randon but unomushevedza zvakangwara" i said “Ko iwe wadii kuenda kwaari“ “Aaah ndonyara ini ndoda kumupa cake iri“ i said “Wow someone akanyura murudo" she said achisimuka “Wait“ Ndakabva ndamupa kapiece kadiki akadya.Akabva atoenda akaita nguva ariko.Ndakazoona auya kwandiri ega.Ndakaziva Randon akuuya hake. “Wamuudza here“ Samantha akanditarisa haana kupindura ndakashaya chava chii futi. “Ati ari busy uyu“said Samantha “Ndizvo zvakuudza“ Ndakaona Opalia akamira padoor akabva apinda.Akagara pedyo neni. “Opalia wandiita rough uchisapota zvaitaura Randon unodei pano“ asked Samantha “Samantha handina kuuya kuona iwe“ said Opalia Ndakapa Samma sign yekuti anyarare akabva anyarara hake. “Pauya Samma achishevedza Randon ndapaona.But do you know chii chaita arambe“ said Opalia “Haana kuramba ari busy.Achandiona kana asisiri busy“ i asked “Busy yei palunch.Ane zvaudzwa naLyra ndisingazive audziwa kuti chii.Unoona Lyra sefriend yako or kuvimba naRandon but hauzive vaviri ava vakarara vese paweekend.Hanty unoziva Lyra paweekend akaenda kumba kwana Randon.Vaviri ava vanodanana zviri secret zvausingazive“ said Opalia “Opalia i know you.Uri kuda ndivenge mukomana wangu uye ndivenge Lyra.Handisi type inobvuma zvaunotaura.Ndagara handikufarire from day 1.Wagara une jealous neni saka unotozama nepese paunogona kuti undiwise.And you are jealous nefriendship yangu naLyra nekuti takabva kure“ i said “Okay ndoda kukuratidza something“ said Opalia akandibata ruoko Takabva tabuda kuenda kuseri kwerimwe zimuti kunogara vanhu vanobhanga malessons.Panga pane desk ranga riripo ndakashamisika kuona Randon naLyra vakagara vese ipapo vachinwa mafreezit.Kutaura chokwadi ndakarwadziwa asi handina kuzviratidza pana Opalia.Sama akandibata ruoko tikadzokera muclass. “Opalia is lying chete.I don't trust her.Pa issue yaLyra ndagara ndozviziva anoda Randon hake but ndikushaya saka Randon aramba kundiona kuti aonane naLyra.And Lyra atadza kundiona nekuda kuonana naRandon here handisi kuchanzwisisa“ “Ndosaka ndakambokuudza ita mukomana kana uchigonza kuzvibalanzisa.Tarisa now watova nestr£ss uchadzikira muzvidzidzo zvako.Opalia handimufarire hangu inyoka.Randon rough yaandiita nhasi ndabva ndamuvenga“ said Samantha “Ini naRandon tofana kutaura andiudza chii chikuitika and why Opalia akutaura zvekuti Lyra naRandon vakarara vese“ “Kalindi tarisa now wakutofungisisa“ “Randon naLyra vakandikoshera ndoda kuvapa cake iri“ i said Ndakatora lunch ndikabuda kuenda kwavari.Ndakasvika ndikaona Lyra atosunga chiso chake. “Bestie ko ndaita sei wakanditsamwira“ “Bestie?Dai waindiona sabestie wainditererawo usingandinyeperi.Takaita vow yekuti hatiite zvevakomana kusvika tapedza O level izvo wakutodanana naTitan zviri secret kusvika pakurara mese“ said Lyra Ndakarohwa nehana pandakanzwa izvi.Ko afambisa manyepo akadai ndiani.Ko Lyra akazotanga kubvuma manyepo kutanga rini.Ndakatanga kuyeredza musodzi ndakatarisa Lyra “Lyra une shuwa kutaura zvakadai pavanhu vese.Saka zvaunodzwa zvinotaura vanhu about me zviri bad unobvuma kutanga when“ “Ndiwe wakatanga kundivanzira ndakarwadziwa manje chokwadi chabuda pachena“ said Lyra “Kalindi haisi mhosva kudanana naTitan but dai usina kuvigirawo bestie wako.Hapana munhu anokuda sabestie wako Lyra.Ndaisaziva uri b!tch ini“ said Randon Ndakaona Samantha asvika akamira pandiri.Akanditarisa haana zvakataura akatarisa Lyra. “Ko akuudzai izvozvo ndiani asi ndiOpalia“ i asked "Haasi Opalia but tazviona.Explain ndinzwisise kuti wakachena“ said Lyra “There is no need yekupa explanation garai neside ramunaro.Dai waiva uri true friend waisabvuma zvisina basa about your friend but waratidza uri fake friend.Kalindi usatsamwiswa netsvina idzi.Opalia ndiye avaudza izvi.Randon ndaimbofunga une pfungwa asi ndatozoona ungoriwo munhu anorara asina brain.Mwari vakakanganwa kukupawo pfungwa“ said Samantha Ndakaenda muclass ndikasvika kuchema ndakarara padesk pangu.Handina kubvira ndafungira ndichasangana nezuva rakadai.Why did my bestie betrayed me munhu wandakabva naye kure.Pana Randon zvogona kunzwisisika vakomana ndizvo zvavari. “Kalindi usachema please.Mwari vakuratidza matrue colours evanhu ava nguva iripo“ said Samma “Lyra was like a sister to me.Randon ndomuda ini.I really love him“ i said “Kalindi“ “Opalia andiudza zvekurara kwaLyra naRandon ndazvibvuma here ndazviramba nekuti i trust Lyra haasi cheap kudaro and Randon is my man haadaro.Why ivo vabvuma zvavanzwa.Opalia azofarisa manje ndiye akonzeresa ndakuona yaiva mission yake kuti azviswededze pedyo naRandon kuti atiparadzaninese“ i said “Kalindi siyana nazvo let' focus nemabooks edu“ said Samma “No one can separate me naLyra izvozvo hazviite.Randon ndomuda i will explain everything to him“ “Don't explain anything ukaona wakudaro wava kukanganisa.They don't trust you dai vaivimba newe vauya kukubvunza or kuramba sezvawangoitawo“ said Samantha Ndakaona Julia apinda muclass medu akauya pandiri.Ndakapukuta musodzi akamira pamberi pangu “Makoti wangu“ i said “Aah aunt makuita ndinyare“ said Julia “Wow ndanzi aunt“ “Ndauya kukumhoresai chete ndakuenda“ said Julia Ainyara zvake akabva abuda.I was happy for Titan anga azvibatira munhu ari bhoo pana Julia.Lunch ichipera handina kumboita focus pazvidzidzo pfungwa dzaiva kure.Tichibuda kuenda kumba ndanga ndakatarisira Randon or Lyra vachauya kwandiri.Ndakaona vakasara vari muclass vari vaviri.Musodzi yangu yakabuda ndikaona Opalia auya pandiri ndakamupa mbama. “Siyana neni wanzwa.Handitambi newe uri muroyi mwana wasatan" i said “Thanks May God Bless You“ said Opalia akabva atoenda Misodzi yakatanga kuyerera ndipo pakasvika Titan achida kutora munhu wake.Akaona kuti i was not okay akauya pandiri. “Chii chikunetsa ndiri kuona kuti you are not okay“ he asked “I'm okay bro“ “Chirega kuchema Kalindi.I know une zviri kukunetsa zvaungakwanise kundiudza kundiudza.Just pray everything will be okay“ he said achindipukuta musodzi Ndipo pandakaona Randon akanditarisa.Akabva aridza tsamwa achidzoka muclass akabata ruoko rwaLyra vakabuda vese.Misodzi ikawedzera kubuda.Samantha akabva audza Titan everything. “Randon munhu wembanje usaifana kutarisira kupihwa love naye.Lyra ibenzi ndiye munhu aisafana kusiyana newe.I know you might blame Opalia but ava vaifana kusaterera mashoko enyoka iyo“ said Titan “Yes be strong Kalindi“ said Julia akanditarisa "i'm okay don’t worry about me" Samantha akanditora tikaenda.Akandiperekedza kumba akandisiya pagate pedu.Ndakapinda mumba ndikazvikanda muroom mangu ndakachema hameno ndakabiwa nehope nguvai.Ndakazomutswaneknock ndikaona ari Floria “Pinda hako“ Kakapinda kakabata book.Kakatanga kuti kanoda kubatsirwa home work.Ndakashaya why achitadza kubatsirwa namkoma vake “Ko why Randon asingakubatsire" “Anoramba uyo plus haapo pamba“ she said “Kwakusviba haasati asvika“ “Ehe“ Ndakabva ndaziva kuti anga ana Lyra.Ko vari kuitei ndakanzwa zijealous.Handina zvandaikwanisa kuita hangu since Randon anga asarudza Lyra over me.Ndakabatsira Floria ndichipedza ndakamuperekedza kumba.Ndakudzoka ndikasangana naRandon achibva kuchikoro.Handina kutaura naye ndikaona amira pamberi pangu. “Kalindi“ “Leave me alone.Ita zvaLyra wako wosiyana neni“ i said Ndakabva ndafamba kuenda kumba.To be honest ndainzwa kuda kutaura naye.Ndainzwa kuda kiss iya but ndaiti ndikafunga zvavandiita ndairwadziwa worse...... Watch Out For Chapter 14
❤️ 🙏 😢 👍 😂 😮 🐴 👏 💔 391

Comments