Shona Stories 2🇿🇼
June 3, 2025 at 12:44 PM
*HIGH SCHOOL HEARTBEAT* https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V *_Written by •𝙆𝙞𝙣𝙜 𝙇𝙚𝙚•_* ~LeeMarzy~ +26377⁸⁶³⁴221 _Edited by Ruruwashe_ *Chapter 28* *Kalindi* Pakaenda Randon naLyra kubhora ndakambonzwa jealous.Pavakapinda mubhazi ndakapindawo ndichida kupa bestie wangu Lyra $1 rekuti azodya ndakaona vakagara vese kumashure.Ndakabva ndatodzika ndikaenda kuclass.Ndakasvika Samantha ari busy kunyora manotes. “Ko chii zvauri kuita kunga wakatsamwa" asked Samma “Handina kutsamwa" “Kalie ndakukuziva ini“ she said “Hapana chiri kundinetsa kungoti bestie wangu akuenda kure neni“ “You are lying hako anyway it's okay“ said Samma Ndakaona Miller apinda akakumbira book rangu reGeo akabuda.Papera 2 hours akadzoka naro. “Thanks ndakuenda“ said Miller “Kuendepi“ “Kumba my mom is not feeling well“ he said “Tora dollar iri wovatengera mapain easy“ i said ndichimupa $1 randaida kupa Lyra “Thanks Mwari vakurangarire une moyo wakanaka“ said Miller Akabva atoenda zvake.Takasara tichinyora manotes hapana teacher akauya kudzidzisa.Ndipo pakazouya bhazi raitora vanhu vaida kunosapota.Ana Opalia vakamhanya kunopinda.Ndaida kuenda but ndaiti ndikaona kavision kaRandon naLyra vakagara vese kubackseat ndakabva ndasvotwa.Ndakazoenda kumba naSama achienda kwavo.Ndakasvika Shylet aripo zvake anga ari paOff.Ndakatora phone yangu ndikatanga kutaura naBamukuru vangu Dr Kiddo.Shylet akabva ageza akuda kubuda akati anoda kuenda neni.Ndakageza tikabva taenda tese.Takabva tasvika pane imwe restaurant ndikaona Dr Kiddo. “Ndafara mauya kundionawo ninez“ said Dr Kiddo vachisekerera “Ehe sis havadi nemi ava “ “Watanga kunyepa Kalie“ said Shylet Takatanga kutaura nyaya takazodya chikafu chedu.Chandakafarira Dr Kiddo munhu ane respect anoda sis vangu zvandakaona.Takazopinda mumota tikaperekedzwa kumba tikasiiwa pagate.Ndakasiya sis vakagara mumota ndikapinda mumota.Ndakabva ndaenda kuroom kwangu ndanga ndakagutisa.Makuseni ndakamukira kuita basa.Nezuro ndakapihwa $5 naDr Kiddo.Ndakaenda mutown ndakaona Shirt yewhite necap yeblack ndikaenda kunozviprinta.Imwe yaiva yangu imwe ndaida kupa Randon. “Saka moda kuprinta zita ripi“ “Pahembe iyi print kuti Her King pazasi monyora kuti Randon“ i said “Ko imwe yacho“ “His Queen pazasi monyora kuti Kalindi“ i said Dzakabva dzapera ndikazoona ndine imwe mari yandakambopihwa nasis yangu ndikatenga watch.Ndaida kupa munhu wangu.Ndaiziva achafara pandomupa.Ndakaisa zvinhu zvangu mukabag ndikaenda kumba.Ndakafonera Miller akauya ndikasangana naye pamashops. "Kwakanaka here“ “Ndiri kuda kuona Randon saka hazviite ndiende kumba kwavo“ i said “Dai wamufonera“ “Haasi kudaira macalls angu uyu“ i said “Okay mira ndiende kunomushevedza“ Miller akabva atoenda akaita kanguva ariko.Ndakazoona Randon asvika airatidza kuti akanaka.Paasvika ndakashaya kunyara kwakabvepi.Ndakatanga kunyara iye akandikwazisa. “Makawinner here“ "Mugariro panga pakaipa.But why usina kuuya kundisapotawo“ he asked “Sorry daddy i was so busy“ “Hapana chakaipa chandafarira wandishevedza kuratidza ukundifunga.Saka handei tinogara uko“ Takatanga kufamba zvedu achindiudza nyaya dzekubhora kwavo.Ndakaona phone yake yairinger aibva atarisa okata.Ndakazoona azodzima phone yacho. “But wadzimirei phone yako.Munhu akufona anogona achida help yako“ i asked “Hapana help yaanoda kwandiri anonetsa“ "Ndiani iyeye“ “My lil sister Floria ari stubborn ipapa anenge achida kubvunza remote iri papi“ he said Takasvika kugara pane chimwe chidrain.Ndakabva ndamutambidza zvinhu zvake. “Ndezvani uye zvii“ “Ndezvako handina hangu mari but ndangoti ndikutengera zvinhu izvi“ i said “Yooo first time kuona musikana anotengera mukomana wake something“ he said Akavhura akaona kabox kaivamo akakavhura akaona mune watch.Akazovhura rimwe paperbag akaona mune shirt yakaprintwa uye necap.Ndakaona anditarisa maziso ake ajenga musodzi. “Ndezvangu here" “Yes daddy ndokuda ini.Kutaura chokwadi nezuro ndainzwa kubhoekana usipo“ i said “Kalindi unondida uye uri loyal to me.I'm so blessed to have you in my heart.Ndiri kushaya ndokutenda sei nezvinhu izvi" “Handidi kutendwa i just want you to be loyal kwandiri uye kundipa rudo rwese.Hausisina time neni uye paunotaura naLyra ndonzwa jealous.I don't like kahu closeness kenyu“ i said Ndakaona atarisa pasi kunga aifunga something. “Lyra is your bestie pane zvandingaita naye here.She loves you kubhora aitarisira kuti uuye.Anga ari lonely uyo“ “Hoo izvozvi everyone akufana kuziva zverudo rwedu.Nekuti tikazviita secret hazvisi kuchandiitira i'm also loyal to my bestie.Ndoda azive zviri nani andituke kuti ndaputsa vow yedu but ndamuudza chokwadi“ i said Randon akabva avhunduka akanditarisa ndakashaya chava chii. "Ukadaro unenge wakanganisa Kalindi.Lyra akazviziva anotsamwa since imi makaita vow“ “Whatever!! Chero akatsamwa hazvisisina basa neni chero ndamuudza chokwadi about us.Handichadi zvekunyepa unoda kudanana neni zviri secret kusvika rini handisi hure ini“ i said ndatsamwa Akabva azama kuda kundibata ndikamuvhizhura.Ndakakufamba ndikaona amira pamberi pangu. “Handei tinogara apo" he said achinongedza nechepasango “Sorry handipinde musango.Asi unodanana naLyra here why usingadi azive.Manje ndiri kuzomuudza ndega“ i said “Kalindi handina kupikisa zvawataura mira kuita hasha.Zvisinei wandipumha chihure moyo wangu uri kurwadza“ “Handina kukupumha chihure ndati unodanana naLyra here zvausingadi azive about us.Handidi munhu anochinja nyaya“ i said “Kalindi ndiwe munhu wandinoda.Zvisinei tomuudza Lyra wacho“ “Ehe ndiri kumuudza ndega agara ndibestie wangu.Ndakaona ava kuda kutambira pedyo newe" i said “Kalindi chiuya ugare apa“ he said Ndakanogara paside naye akatanga kundiudza mashoko erudo.Kwakuda kusviba ndakaona munhu aida kundibata ndakaramba. "But why nhasi uri kundiomesera“ “Handisi mumood“ i said “Okay“ Takabva tapesana ndichienda kumba ndikaona anga atsamwa.Ndakafonera Lyra haana kudaira.Ndanga ndakatarisira kuti auye kustudy.Ndakaona best way kuenda kumba kwavo. “Sis ndakuenda kustudy kumba kwana Lyra“ “Hakuna kwaunoenda Kalindi.Fonera iye Lyra auye pano“ said Shylet “But hazvisi fair“ “Zviri fair you are my responsibility.Lyra akangwarisa ko mukazofurirana zvisina basa.Ndoda pandokuonai mese“ said sis “Okay" Ndakaenda pawhatsapp ndikaona Randon aiva offline even Lyra.Ndakatanga kutaura naSama naJulia.Mangwana ndakamukira kuenda kuchurch.Handina kuona Randon naFloria but Mai Joto ndakavaona. “Mwanangu mazuvano hauchabatike“ “Aah handifambi sis vangu vanondirambidza“ i said “Ndizvo zvakanaka munhu wemusikana unoda kufamba uchienda kupi“ "Yes chokwadi.Mhamha makachena ndokwanisa kutora selfie nemi here“ i said She smiled ndikatorwa navo selfie apa ngaribude sei.Ndakabva ndatoenda kumba.Shylet aisatoda ndifambe.Aripo ndinenge ndisina peace hangu she is like mom kuva strict kwacho. Mangwana haana kunonoka kusvika tikaenda kuchikoro.Pa assembley Sir Makebe vakatanga kutaura vachirumidza team yesoccer yana Randon.Randon wacho akarumbidzwa zvakanyanya.Takazoenda muclass medu.Pabreak ndakaenda muclass mana Randon ndichida kuona Lyra.Ndakaona asimo ndikatarisa Randon anga asimo futi. “Julia varipi Lyra naRandon“ “Handizive vangobuda“ said Julia Handina kuwana mukana wekutaura navo ndakati palunch ndovaona.Haina kunonoka kusvika zvayo.Ndakaona Lyra auya muclass medu. “What's going on.Hausi kubatika even macalls angu haudaire“ i asked Lyra akatanga kuchema ndakashaya chava chii.Ndakamugarisa pachair ndikamusiya achichema kusvika shungu dzapera.Apedza kuchema ndakabva ndabudisa bottle drink ndikamupa drink akanwa sip. “I can see you are not okay“ “Bestie i love Randon but akundiita coward.I did everything for him“ "Kana uchidaro unorevei" i asked "Bestie ndodanana naRandon tava nenguva tichidanana.Takarara tese ka2.Then kumasports takarara tese futi but akatundira mukati ndikanetsana naye.Akati anondipa mapills saka ndakazofona akuti haana kumborara naye akuramba.Nhasi pandataura naye akuti haandide anoda iwewe.Taurai naye bestie i love him.Sorry ndakabreka vow yedu but ndoda Randon inini“ said Lyra Ndakabva ndashaya simba mumajoint angu.Samma akandibata akandigarisa pachair.Ndakanzwa sekuti ndabaiwa nepfumo pamoyo.Misodzi ikatanga kuyerera pamatama angu.Ndakazongoerekana ndapa Lyra mbama iri strong.Akabva anditarisa achishamisika. “Handina kukubvunza here kuti Randon unomuda ukati chii pindura.Ndakakubvunza kakawandisa ukati haumude ungori necrush namkoma vake Jericho“ i asked ndakuchema "Saka wakundiroverei ndakudii.Ndiri kuda help yako.Randon was my crush kubva kare ndainyara kutaura ini“ Ndakatanga kuchema ndanga ndisina kutarisira izvi.Samantha akapinda busy kundinyaradza.Julia akabva auyawo. “Kalindi uri kuchemei“ asked Lyra Handina kukwanisa kupindura ndakuchema.Handina kubvira ndakatarisira ndichasvika pachikamu chakadai.Dai ndakaziva ndakagara ndarega zverudo zvacho. “Kalindi aidanana naRandon.But iwewe Lyra ndiwe wakaita dambudziko wakabvunzwa unoda Randon here uchiramba.Madays iwayo Randon aipfimba Kalindi“ “Kalindi you betrayed me.Uri mwana wasatan ndiwe waputsa rudo rwangu.Randon akuti anoda iwewe over me.I'm beautiful than you but why“ said Lyra "Iwe udzikame wanzwa enda unopengera kure.Ehe tazvinzwa uri beautiful saka sei warambwa kahure kakatorarwa.Kalindi haana kumbovhura makumbo.Iwewe Lyra waizviziva kuti kuti Kalindi naRandon vanodanana but wanga usina evidence chete ukabva wati rega ndivhure makumbo ndogona kudiwa.Uri hure wanzwa" said Samantha Vakatanga vatanga kurovana Julia ndiye akabata.Samantha akanditora akabuda neni kuenda kulibrary.Ndakachemera ikoko kusvika ndakunzwa musoro wakurwadza. Watch Out For Chapter 29
❤️ 😂 😢 🙏 👍 😮 👏 🔥 🇿🇼 500

Comments