Shona Stories 2🇿🇼
June 6, 2025 at 05:56 PM
*HIGH SCHOOL HEARTBEAT* Season 2 https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V *_Written by •𝙆𝙞𝙣𝙜 𝙇𝙚𝙚•_* ~LeeMarzy~ +26377⁸⁶³⁴221 _Edited by Ruruwashe_ *[Season 2]* Chapter 2 *Kalindi* Pain yandaiva nayo yainetsa kutsanangura.Hapana chinhu chorwadza sekuona mukomana wako achidanana nabestie wako.Pain yairamba kubuda mumoyo mangu.Worse pakazosungwa Miller tikazoona chokwadi Randon ari behind ndakabva ndamuvenga kusvika pekupedzisira.Handina kumbobvira ndafungira Randon ane hutsinye kudai.Ndakazonzwa kuti Randon akaitwa suspended for 2 weeks.Ndanga ndakugara ndakanyarara. Ndakazoona ndashevedzwa kwaDeputy head Mr Makodo.Ndakafamba kuenda ndikasvika kunoka ndikapinda. “Gara pachair apo ndakamirira umwe wako Lyra“ said Sir Makodo Ndakashaya inyaya yei handina zvandakataura asi hana yanga yakurova.Asi vakabata ndaidanana naRandon here.Nekuti pachikoro hapabvumidzwe vanhu vanodanana.Kazhinji mukabatwa munodzingwa.Lyra akabva auya akabva agara paside pangu. “Kalindi naLyra munoziva pachikoro hapabvumirwe kuita zvekudanana.Ndonyayayaita ndikushevedzei muno“ said Sir Makodo “Sir musandidzingawo please.Handichaite zvevakomana futi.Ndiregerereiwo ndakukumbira“ i said ndakuchema Ndakabva ndapfugama pafloor ndichikumbira ruregerero.Sir Makodo vakaramba vakanditarisa vakatanga kuseka. “Gara pachair handisi kuda kukudzingai.Ndoda kutaura nemi.Ndoda kumbobvisa bhachi rehuDeputy Head ndimbopfeka bhachi rababa.Ndichataura nemi sababa venyu“ said Sir Makodo Pavakataura mashoko hana yangu yakabva yadzikama.Asi handina kumira kunyarara.Musodzi yaingoyerera zita rangu ranga ratosviba. “Randon naGift vakaitwa suspended for 2 weeks.Tiri muprocess kutsvaga chii chakaita vawane mbanje idzi ndipo pakabuda imimi muri vaviri maidanana nemukomana umwe chete anova Randon Joto“ said Sir Makodo “Kalindi naLyra ndakaona munowirirana zvisingaite sei makasvika pakuzvidzikisira kudanana nemukomana umwe chete.Muri vasikana you should protect your self.Kuuya kuchikoro kuti muvake ramangwana renyu.Kana makuita zverudo munenge makuzama kuita sei.Kalindi you are the best students pama form 3 ese.And Lyra you are one of the best students.Unoziva tete vako pavakanzwa nyaya iyi vakarwadziwa“ said Sir Makodo “Sir hatina kudanana nemukomana umwe chete tichiziva.I'm still regretting nekudanana kwandakaita naye zvakabva zvaita ndipesane nabestie wangu Kalindi wandakabva naye kure.Ndakunzwisisa pamunoti vana vechikoro musaita zverudo.Sir takakanganisa tiri vana vadiki patinotadza munotidzorawo“ said Lyra maziso ake akajenga musodzi “Handichadi kunzwa nyaya dzerudo idzi.Next time mukazviita tokudzingai pano.Munhu ngaite zvaakafambira pano tanzwanana“ said Sir Makodo Takabuda mu office hatina kutaura tese naLyra.Iye akafambira neroad yekumusoro ndikafambira neyekuzasi.Chandaiziva Lyra aiva nekaruzivo kuti ndaidanana naRandon but iye obva anodananawo naye.Chainyanya kundirwadza kuti vakatorara vese kaviri kese.Saka zvinoreva Lyra akatobviswa humhandara naRandon nhai. Ndakasvika muclass ndikatanga kuzviverengera mabooks angu.Chikoro changa chakuda kuzovharwa maExams ekupera kweterm anga ava pedyo. “Ngatimboita question paper iri sahwira“ said Samantha Akabudisa regeo tikatanga kuita tese.Takazoita challenge pane imwe question tikaenda ku office kwaSir Mutuhwa. “Kalindi ndaisaziva uri benzi.Wakanyepera kudzikama nhema.Busy kudanana nemukomana umwe chete nasahwira wako.Dai ndiri head ndakakudzingai pano munofurira vamwe vana zvisina basa“ said Sir Mutuhwa Kubva kare Sir Mutuhwa vanga vakandivenga ndaishaya mhosva yangu ndeyei.Ndakabva ndatobuda mu office macho ndisina kubvunza zvainetsa. “Kalindi Marowa dzoka pano“ he said Ndakadzoka muoffice mavo ndikabva ndamira ndakatarisa pasi. “Hauye mu office mangu wobva wabuda.Taurai nyaya yamafambira tione“ said Sir Mutuhwa “Tanga tauya kubatsirwa paquestion iyi“ said Samantha Vakazotibatsira asi hazvina kupinda mumusoro.Pfungwa dzanga dzatova kure.Ndakazoenda kunogara muclass.Ndainzwa kubhoekana ndakazorara zvangu.Ndikatanga kuona kavision Randon naLyra vachirara ndaibva ndawedzera kubhoekana.Zvakaita ndibve ndavenga Lyra nemoyo wose.Ndakaona Madam Kasupu vapinda vakati vanoda kundiona.Mateachers ese zvaachati anoda kundiona.Ndakaenda ku office kwavo ndikaona Lyra ariko. “Zvakaitika handina kuzvifarira but i understand zviri normal.Munhu ane problem is Randon.I will do my best kuti Randon Joto adzingwe chikoro.Lyra ndakamutuka zvisingaite but i think hamufani kuparadzaniswa nekuda kwemukomana.Kubva panetsa nyaya Lyra haasi kana kudya.Ndava worried dai magadzirisa relationship yenyu.Pahushamwari zviri normal kunetsa ndozvinoratidza kuti hushamwari huri strong.Musapa Satan room yekuti aparadze relationship yenyu“ said Madam Kasupu Lyra ndiye munhu wandaisafa ndakaregerera kana kutamba naye.Tete vake vaisaziva kuti akarara naRandon.Chinhu chaiita ndimuvenge aiziva zverelationship yangu chete achinyepera kuvhiringika. “Samantha replaced Lyra.I respect you Madam Kasupu.Hushamwari hwangu naLyra hwakapera ndotenda Mwari panguva yatakatamba tese“ i said Lyra akatanga kuchema haana word raakataura.Ndakabva ndabuda ndikamiswa namadam Kasupu “I'm not forcing you kutamba naLyra hangu.I really understand zvawataura.But ndoda uzive Randon ndisatan akatumwa kuparadza relationship yenyu.Ndichaona ndoita sei Lyra aite bhoo.Kubva ari mudiki akasangana nezvakaoma saka satete vake ndichamira naye“ said Madam Kasupu vachienda pana Lyra “Usachema i will make sure Randon Joto haadzoki pano.Nyaya yehushamwari usachema shamwari yango ngaite mabooks“ said Madam Kasupu vachitaura naLyra Ndakabva ndatoenda muclass.Lunch yakabva yasvika ndikaona Miller apinda muclass.Ndakazoona kuti anoda Samantha.Julia akabva apindawo akauya kugara pedyo neni “Kalindi ari low low.We must be with her“ “Not Kalindi ega even Lyra wacho haasi kutaura nemunhu.Randon akatadza hake ndaiyemura friendship yaKalindi naLyra vaiwirirana zvandoda now vaparadzaniswa“ said Julia “Kana muchida kuwirirana neni musataura zvaLyra naRandon“ i said “Sorry but you should forgive Lyra“ said Julia “We should give Kalindi space and time.Kana agadzikana zvichiita acharegererana naLyra wacho.Nyaya yekuregerera inobva pamoyo kwete kumanikidza munhu.I understand pain ina Kalindi ngatimupe time.But Lyra must apologise kuna Kalindi first kana achida zvekuregererwa“ said Samantha Ndakazobuda ndichienda naJulia muclass make.Ndakaona Lyra akagara ega ari busy kunyora.Handina kutaura naye ndakapihwa book randaida ndikabuda.Nguva yekuenda kumba payakwana ndakatanga kufamba naSamantha naMiller.Samantha akazoenda kwavo ndikasara naMiller. “Randon loves you.I think mupewo another chance“ said Miller “Never never asi watumwa here.Dai asina kurara naLyra ndaigona kunzwisisa.Ukaona ndadzokerana naye ndinenge ndasiyanei nehure" “Haisiyo nyaya yacho neku...“ “Handidi kunzwa nyaya iyoyo please“ i said Takasangana naRandon hameno aiyenda kupi. “Miller uri mumero.Wakufara kuti ndakamiswa chikoro wakuwana full time naKalindi.Newe Kalindi unazvowo wanga watoita move on nguvai“ asked Randon “Siyana neni Randon.Ita zvelife yako.Chero zvawafunga about me handina basa nazvo.Ndotenda Mwari vakandisevha from you“ i said “Kalindi ndokuda dai wandinzwisisawo“ said Randon Miller akabva atoenda hake.Ndakamutuka Randon asi haana kusiyana neni akanditevera kusvika kumba pagate.Lucky sis vanga varipo vanenge vakanzwa kuti ndiri kupopota.Vakabuda vakabata mugoti Randon akabva atiza.I hugged her ndikatanga kuchema.Ndakabva ndavaudza everything zvakaitika kwandiri. “Ndosaka ndaiti usaita mukomana.Uyu mukomana mwana wasatan akatumwa kuzoparadza relationship yako naLyra“ she said “Handichadi kutamba naye Lyra.I feel aiziva zverelationship yangu.Plus problem akarara naRandon zvingori easy“ “Asi Lyra futi ndakaona akangwarisa uya.Zvisinei usanyanya kufungisisa mwana wamai“ said Shylet Ndakaona auya nechikafu akandipa ndikatanga kudya.Manheru takanamata tikarara mangwana ndakuenda kuchikoro ndakaona Randon akandigarira muroad.Akabva apfugama muroad achikumbira ruregerero.Aiva nedrama apa vanhu vakabva vatarisa....... Watch Out For Chapter 2
❤️ 😂 👍 🙏 😢 😮 🇿🇼 💃 💓 404

Comments