Shona Stories 2🇿🇼
June 7, 2025 at 07:12 PM
*HIGH SCHOOL HEARTBEAT* Season 2 https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V *_Written by •𝙆𝙞𝙣𝙜 𝙇𝙚𝙚•_* ~LeeMarzy~ +26377⁸⁶³⁴221 _Edited by Ruruwashe_ *[Season 2]* Chapter 6 *Jericho* Mwana wangu anga ava paserious condition.Handina kurara even amai vangu vaiva neni.Makuseni takabuda na amai vangu vachiti tiende kugomo tozodzika panguva yevisit yemasikati.Takapinda mumota Livia ,Amai neni.Floria akaramba kuenda kuchikoro zuva iri achiti anoda kunonanatirawo Nora.Ndakaona kukosha kwefamily nerudo rwavo.Takaenda kugomo tikatanga kunamata.Tapedza amai vakamira vakatanga kutiparidzira. “It get's hard sometimes but l am here to tell you prayer works.Life can be extremely difficult sometimes.It can be so hard.Zvekusvika pakudemba kufa.“ said amai “But difficulties are what makes life more beautiful. Imagine dai zvinhu zvese zvaigara zvakangonaka. Do you think zvaizonakidza?“ asked mom “You just say breakfast and breakfast comes to you ready made. You say Abracadabra Chicken Inn then box rine 3 piece chicken and chips rotouya whilst you are in bed.If life was that easy ingadai zvisinganakidzi“ “Dai pasina rima taisawona kunaka kwechiyedza.For us to appreciate light, we need something opposite to compare it with. We need something negetive for us to appreciate the positive“ said mom “Rima rakatinakira kuti tiwone kunaka kwechiyedza, panoda rima“ “Dai pasina rima taisawona Nyeredzi.Dai kwaigara kuine chiyedza, taisawona kunaka kweMwedzi" said mom "The same applies to life. If it wasn't for the darkness and difficulties around you, we would not be able to see your light“ said mom “Just like a star, it's your responsibility to shine despite the darkness.Murima imomo vaima tikuwone.Don't complain“ “Illuminate your path with knowledge and wisdom.Don't try to fight your way out of the darkness.Instead of fighting, learn.The more you learn, the more you shine" said mom "Remember darkness is only the absence of light. Complaining about the absence of light in your life is a waste of time.Learn and shine“ I was surprised my mom was good pateaching.Vakataura zvakawanda takazonamata futi zvine simba.Ndakazoona call from Dr Kiddo vachiti Nora amuka akunetsera kuda kundiona. "Nora amuka i'm so happy“ i said “Mwari variko sometimes chodiwa ifamily kubatana tonamata zvinoita.Rega titende Mwari first tisati tadzika mugomo.Vashoma vanokanganwa kuzotenda Mwari vawanirwa nyasha" said mom Takapinda futi muprayer tichipedza takaenda kuchipatara.Ndakaona Nora atova bhoo.Paakandiona akabva andimbundira. “Ndoda kuenda kumba dad.Vakundipa mapiritsi anoshata anovava“ said Nora “Rega tiona doctor" Ndakazovaona akati tokwanisa kubuda naye.Akafara ndakaona aisada chipatara.Asi mupfungwa dzangu ndakanetseka saka angopora ka1 here. Takapinda mumota tikaenda kumba i was so happy.Nora aitoita kunga munhu asina kumborwara.I asked Dr Kiddo akatotiwo akushaya chii chaitika pamwana haasati akambozvionawo.Ndakabva ndafunga mashoko aSekuru Machongwe vachiti uchazviona.Kungoti kupumha munhu usina proof zvonetsa.Asi ndakava nekaruziva kuti kurwara kwaNora ndivo vane chekuita vaitoda afe.Saka ndivo vakauraya baba vangu vakaita blame ipihwe ini right.Takasvika kumba Nora kakamhanya kudzika achitora chidhori chake.Ndipo pakasvika Opalia. “Mwana wangu apora" said Opalia Akubuda ndikaona akutora watch yangu yaiva patable. “Wanzi tora nani" “Dad siyai mainini vapfeke ndovada“ said Nora “Mwana wangu anondida ndakuenda“ said Opalia achipfeka watch Ndakabva ndasiyana nazvo ndaisada Nora atsamwe.Opalia ndanga ndisingachadi kumuona pana Nora nekuti anga ava nekamwe kakuita kandisingadi.Aita kuita too close naNora kuti akwanise kuita zvanoda pamba pangu. “Kurwara kwaNora i'm suspecting Sekuru Machongwe mawords avo avakataura handina kumanzwisisa.Kungoti zvonetsa kupumha munhu usina proof“ i said “Cephas Machongwe ndiye akaita izvi.Agara ane problem hapana hama inomuda ndini ndega ndaimuda sebrother ndakuona inyoka.Ane mascandals ake akaita akaramba mwana wemukadzi wake" said mom “What do you mean kana muchiti akaramba mwana wemukadzi wake“ i asked “Unoziva Taurai naDean chete vana vavo.But vakaroora mukadzi anga ane mwana wake ndakanganwa zita rake.Pakazoita mascandals achipumha mwana wacho here.Saka akazoenda kunogara kuhama dzake“ said mom “Sekuru vane problem.Amai ndakuona panoda kufambiwa apa.We might blame Randon kuti akuita benzi izvo anenge achishandiswa.Randon anofana kuona Sekuru vaanotemba navo havasi munhu ari right“ i said "Wataura chokwadi tofamba paweekend tinzwe chii chiri kunetsa.Uye ndoda Randon avepo“ vakadaro Amai “Anobvuma here" asked Floria "Kana ndirini ndataura haarambe" said Mom Mazuva akafamba Opalia anga asingachadi kubva pamba.Anga ane kaskiri kekuti achibva kuchikoro aiuya achidya pamba pangu.One day ndakamusvikira ari mukitchen achidya chikafu chaNora nema yoghurt ake andanga ndakamutengera. “I think Opalia wakuenderera.Ndaiti uchanyarawo chinzwa handichadi kukuona pano“ i said "Jerry ndinenge ndiine nzara ini.Kumba ndosvika vasina kubika“ said Opalia “Hazvinei neni ndangoti handichadi kukuona pano.Only Channa achauya kana achida kuona mwana ndiye mai vemwana not you“ “Jericho asi pane zvandatadza here"she asked “Zvandataura ndizvozvo chibuda tione“ “Ndokumbirawo kutorwa selfie newe“ she said Ndakamubata ruoko ndikamubudisa kunze.Anga azoenderera musikana uyu.Akabva atoenda zvake.Ndakasara ndakagara pasofa.Ndakaona Nora asvika akatanga kundiudza zvaadzidza.Floria akazosvikawo ari mu uniform “But mukoma tell me the truth“ asked Floria “Truth??? Inyaya yei" “Who is your girlfriend“ asked Nora “Handina“ “Saka why vanhu kuchikoro vachiti munodanana naOpalia.Akutonzi Mai Joto nevanhu.Inini vakunditi tete vaOpalia zvakundibhowa.To be honest i don't like her“ said Floria akanditarisa “Floria handidanane naOpalia.Ndatoona paiva nemotive yake anondida.Ndamudzinga pano anorwara nepfungwa like her sister Channa“ i said “Muchida musikana ndokurongerai umwe so.She is so cute and humble“ said Floria “Floria handidi kunzwa izvi.Handisi pakutsvaga mukadzi.Ndiri okay ndakadai ipapa ndine stress ndowana sei mari ndiise durahall apa.Zvevakadzi kwandiri zvakaramba“ “Ndanzwisisa mukoma.Ko sis vangu vaenda kupi“ she asked “Abuda kuenda mutown“ Floria akabva atoenda mukitchen vakatanga kudya vese naNora.Ndakabuda kuenda kumba kwamom kashop kanga kapera zvako.Pakapera 2 days ndakazohodha zvinhu zvekuisa imomo.Semunhu aiva nemafridge maviri.Imwr yandakabva nayo SA ndakaisa mushop umu.Ndakatomuisa magetsi kuti zvisanyanya kunetsa.Pandakaudza amai kuti ishop yavo she cried nemufaro. “Ndakaona munorwadziwa kuenda kunohodha kumapurazi.Musika unorwadza semwana ndati ndikuvakirei shop iyi.Everything zvirimo kana muchida mushandi totsvaga" “Ndoshaya ndokutenda sei.Aiwa mushandi usatsvaga ndimo mandava kutoda kuswera hangu.Mwari vakuropafadze“ said mom Ndakaona amai vakafara zvisingaite.Ndipo pakasvika Sekuru Machongwe ndikaona havana kufara nechiitiko ichi.Vaifamba naRandon ndaishaya vaviri ava vaiwirirana panyaya dzei...... Watch Out For Chapter 7
❤️ 🙏 👍 😂 😢 😮 🇿🇼 ❤‍🩹 🍆 484

Comments