Shona Stories 002🇿🇼
June 8, 2025 at 05:16 PM
*HIGH SCHOOL HEARTBEAT* Season 2 https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V *_Written by •𝙆𝙞𝙣𝙜 𝙇𝙚𝙚•_* ~LeeMarzy~ +26377⁸⁶³⁴221 _Edited by Ruruwashe_ *[Season 2]* Chapter 8 *Jericho* Pandakaona Randon naSekuru Machongwe vachifamba vose.Amai vakabuda mushop vakabva vamira pamberi apo. “Machongwe kana zvandakataura zvaramba kupinda mumusoro ndava kuita zve peace order" said amai “But he is your brother vakami...“ “Randon nyarara pinda mumba now“ said Mom Randon akabva apinda mumba haana zvakazotaura.Sekuru Machongwe vakabva vanditarisa.Vakabva vatarisa shop yamai vangu. “Ko ishop yaani“ “Ndeyangu ndavhurirwa nemwana wangu" said Amai Sekuru Machongwe vakabva vanditarisa vakaenda.Ndakazopinda mumba namoms.Vakashevedza Randon mudinning akauya. “Paweekend tese tiri kuda timbofamba.Iwewe uchange uripo" said mom “Kana makutaura nyaya yekufamba magona.Ndoda Jericho avepo muzozvinzwirawo mega“ said Randon “Jericho ndiye akauya ne idea iyoyo yekufamba zvichireva anenge aripo.But toda kuenda kune munhu watinoziva tese kuti ane history yekubatsirwa vanhu“ “Toenda kwaProphetess Rosalia Mada vanooneswa ivavo mhamha.Vakanamatira umwe musikana wandaidzidza naye aifamba newheelchair asi izvozvi akutofamba nemakumbo ake“ said Floria akamira padoor “Uri benzi hako but apa wataura.Prophetess Rosalia Mada vanooneswa vaya.Ndakanzwa nembiri yavo ndoda tiende ikoko.Ndoda vamwe vanhu vanofumurwa chokwadi chibude pachena.Ndakaudza Sekuru kuti tiende ikoko vakaramba havo vakandiendesa kwavo“ said Randon “Sekuru vako vakaramba?“ “Vakati they don't believe zvemapastor vanoda zvemadzibaba ndosaka takazoenda zvisinei zvakafanana chikuru vachioneswa“ said Randon “Saka tabvumirana tese tiri kuenda kwaProphetess Rosalia Mada zvoda tivaone pa 1 on 1.Saka rega tizogara tabooker“ said mom Mazuva akafamba Randon akaenda kubhora kwake.Ndakanzwa nembiri yake kuti akanetsa.Weekend ichisvika ndakatora family yedu yose nemota tikaenda kumba kwaProphetess Rosalia Mada.Takasvika varipo zvavo vakatitambira since tanga taenda pamba pavo.Vakatanga kutaura nesu nyaya dziri general. “Samantha huya pano“ said Prophetess Rosalia Mada “Mhamha ndiri busy ini monetsa“ “Iwe Samma“ Ndakaona Samma wacho auya.Akabva atikwazisa vakabva varamba vakatarisana naRandon.Ndakafunga zvimwe musikana wake.Samma akazoenda mukitchen akazouya nechikafu.Takadya tichipedza Prophetess vakabva vasimuka vakatora bible. “Ndoda tinamate then tozotaura nyaya yenyu.Ndiri munhu anogara ari busy asi Mwari vakandiratidza nezuro kuti pane vanhu vachauya panp vachida ruzivo“ she said Takapfugama tinatanga kunamata zvedu.Samma wacho akabva atoenda kuroom kwake.Takabva tagara pamasofa. “Ndaona Amai muri kunetseka nekuda kwezviri kuitika mumhuri mhenyu.Hapana kuwirirana kuripo vana venyu vose havasi kuwirirana“ said Prophetess Rosalia Mada “Ndizvo chaizvo munhu waMwari ndatambudzika ini“ “Amai kumhuri kwenyu kune ngozi inoda kuripwa.Kana ndichiti kumhuri kwenyu ndiri kureva kwamaberekerwa pane ngozi iri mumusha“ said Prophetess Rosalia Mada “Hezvo ko ngozi yacho yakabvepi ndiani akauraya uye ndiani akaurayiwa“ “Pane munhu ari mumhuri menyu anoshereketa.Ndiye akauraya munhu wandiri kutaura nezvake.Saka ndinoona zvakanaka kuti imi muende kunobatana nehama dzenyu mugadzirise nyaya nguva ichiripo nekuti ndaona mapera mose“ said Prophetess Rosalia Mada “Zvakaoma ndatopererwa“ “Zvinogadzirisika amai musachema.Uyu anonzi ani" asked Prophetess Rosalia Mada “Uyu anonzi Jericho ndiye first born yangu uyu mwana wake anonzi Nora.Uyu ndiRandon my second born and this one is my last born Floria.And uyu anonzi Livia mwana wemunin'ina wababa vaJericho“ “Randon“ said Prophetess Mada vakatanga kuseka “Uyu hapana mhepo iri kumutevera but amai ndimi makanganisa from day 1 makaudza mwana zvisizvo.Ndimi makaita mwana avenge Jericho and mukatadza kugara naye pasi kuti mumuudze kuti mukoma vake havana chitema.Makapa muvengi room rekuti apinde akaisa poison mumusoro memwana.Munhu ari kusairirwa mhepo ndiJericho naNora.Ava vakatopikirwa kunzi havapedzi gore vari vapenyu.Randon haana mhepo inomutevera ndaona ane ramangwana rakanaka achaenda kunze kwenyika nechipo chebhora asi anozviitisa akagadzirisa mamistakes ake ndaona chipo chake chebhora changopera zvisinganzwisisike“ said Prophetess Rosalia Mada “Ipapo ndakatadza uye ndaiva murima zvangu“ said amai “Jericho akachena haana kuromba sezvinotaurwa nevanhu.Jericho munamato wamai wako wakabatsira mwana wako airwara.Ndoda mupe mai ava respect uye nemi wacho mugone kuzvinamatira.Mhepo haisati yapera iwewe uri kunzi unofana kufa nemwana wako.Havasi kufara neprogess yako“ said Prophetess Rosalia Mada Amai ava vanooneswa zvandisina kumbofungira.Vaitaura zvinhu zvose as if takavaudza. “Pachiporofita changu handitaure mazita evanhu evari kukonzera maproblems mulife menyu nekuda kwezvikonzero zvakawandisa.Chikonzero chekutanga ndikakuudza uchaita hasha wonotema munhu iyeye nedemo ndinenge ndagonei.Apa chiri kudiwa mubatane sefamily monamata munokunda.Mwari ngaanamatwe zuva nezuva“ said Prophetess Rosalia Mada “Maita basa ndaida kubvunza panyaya yaJericho ndinoona seane bitterness haachadi kuroora futi“ “Wake ariko wakagadzirirwa naMwari vachasangana inguva chete isati yakwana.Kana vasangana zvichangozviita zvega.Randon naFloria muri vana vadiki tererai zvinotaurwa naMai namukoma venyu muri pasi pavo ndizvo ka.Unonamata sei Mwari iwe usina respect nemwana wamai vako or namai vako“ said Prophetess Mada vakatarisa Randon “Prophetess Mada moyo wangu uri kurwadza kutaura chokwadi.Ndakatuka mukoma vangu uye ndakuona Sekuru Machongwe vaindinyepera vachindiendesa kumaporofita enhema.Handizive ndoregererwa here uye ndakachemedza vanhu vakawanda including my mother“ “Hapana mutsvene pamberi paMwari.Tese tinotadza zuva nezuva.Everyone anokodzera kupihwa second chance“ said Prophetess Rosalia Mada “I'm sorry Jericho for everything.Ndiri kutonzwa kunyara ipapa ndiri kushaya kwekutaurisa.Livia naFloria ndakataura zviri about you.Mom ndakakuchemedzai.This time i promise i will be a good child“ said Randon “Randon atleast i'm so happy finally wazoona handina chitema.Ndiyo yaiva wish yangu kuti tibatane“ Ndakaona mom vakuyeredza musodzi.Prophetess Rosalia Mada vakatinamatira tikabva taenda kumota. “Mukoma ndiri kushaya ndoti chii“ “Zvapera Randon chandafarira takuwirirana tarisa everyone is happy.Panodiwa kasmall party pamba“ said Kalindi “Pari kudiwa selfie apa“ said Livia Takabva tatorwa selfie sefamily.Takapinda mumota tikatanga kuridza song yaWinky D yekuti Gafa 25 everyone was enjoying.Takasvika pamba everyone akadzika achirova majaivhi.Takazochinja tikaisa imwe yaWinky D yekuti maproblem ese disappear.Ndakazoseka ndichiona kaNora kachitamba.Everyone was so happy pamba.Ndakazotenga kanyama nemadrinks zvekuti tiite gotchie gotchie pamba tichifara. Takanonoka kurara zuva iri tichitaura nyaya.Ndakatenga nekabeer ndakanwa ndikazoona Randon anwawo.Handina kuita problem nazvo taiva pakufara.Asi ndaisada moms vazvione.Randon anga adhakwa manje.Tanga takuseka Randon achitaura tunyaya twake. "Ukaona mari isingwakwane kusolver problem yaunenge wasangana nayo, idye mari iyoyo nekuti inenge yatovawo futi problem" said Randon “Mukoma Randon ayas" said Floria “Ndiri kufara tabatana nekuti life yangu yanga yakurwadza“ said Randon “Kurwadza papi" asked Livia "Haungazvinzwisise ndakakura life inorwadza pamwe pacho ndaitombouraiwa“ said Randon Takatanga kuseka zvedu moms naNora vanga varara panguva iyi.Tanga tagara pamachairs taneta manje takudziya moto. “Do you know mugore ra1956 ndaidzidzisa macreche ana Zuma nana VaED ndini ndakavadzidzisa“ said Randon “Aaaj watanga tiudze hanzii“ asked Livia achirecorder “I will never teach pre-school kids again.Vana vanonetsa ivavo imi“ said Randon ndakaona mom vamira paside pangu “Kucreche kwandaishanda kune kamwana kainzi Alaine.Nezuro toda kuchaisa ndakakawana kachifirira kupfeka mabhutsu dzake.Ndakasvika ndokukabatsira, veduwe raive basa maboots aiita semadiki masize 2 chaiwo.Ndakaita 5 mins chaidzo ndichipfekedza ndapedza ndotirega ndiende“ he said “Alaine kakabva mati teacher mandipfekedza banana“ “Nditarisewo ndione zveshuwa ndapfekedza mwana banana.Hepaya pakunobvisa maboots aya dzakaita 3 mins dzekukurura bhutsu chete.Ndakazokunda ndokukapfekedza zvakanaka zvenharo zviya zvekutanga zvekare“ he said "Ndapedza kakabva kati teacher maboots aya haasi angu“ “Ndakamerera nehasha asi semunhu anoshanda nevana ndakaita moyo murefu ndokukakumura maboots aye.Ndapedza ndikabvunza kuti ako aivepi" "Kakabva kati aive kumba aya aive esister yako akaive kapfekedzwa namhamha vako“ "Ndakabvunda nehasha asi basa rangu ndoita nemazvo.Takapfekedzana maboots aye zvekare“ "Ndapedza Alaine kakabva kati chindipfekedzai masocks acho“ “Apa ndakashaya kuti ndoseka here kana kuti ndochema.Zvinyoronyoro ndakabvunza kuti komasocks acho ari kupi, shasha ndokutanga kuseka zvayo yakanditarisa“ said Randon “Kakabva kati ndamapfanyira mukati memaboots angu" Ndakadonha pasi ndichiseka.Ndakaona amai vakusekawo handina kubvira ndakambofungira Randon ane comedy kudai. “I simply resigned the next day" said Randon Zuva iri takanakirwa zvedu handizive takazorara nguva.Ndakatoita make sure moms vasamboona kuti Randon anga adhakwa.Takarara pamba pamoms.Ndakazomutswa naNora ainetsa. "Dad isai password" said Nora akabata phone yangu “Usandinetsa mhani“ “Dad kani ndoda kutamba magame ini“ said Nora Ndakamuka ndikamuisira password akabva atogara pasi ndakashaya kanga kamuka nguvaiko.Ndakazomuka zuva ratobuda ndakaita kuneta.Ndakageza nekuchinja zvangu.Ndakatanga kutaura naRandon uyo aiti anoda kudriver mota yangu.... Watch Out For Chapter 9
❤️ 🙏 😂 👍 😢 😮 🔥 🇿🇼 👊 364

Comments