Shona Stories 2🇿🇼
June 10, 2025 at 09:12 AM
*HIGH SCHOOL HEARTBEAT*
Season 2
https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V
*_Written by •𝙆𝙞𝙣𝙜 𝙇𝙚𝙚•_*
~LeeMarzy~
+26377⁸⁶³⁴221
_Edited by Ruruwashe_
*[Season 2]*
Chapter 11
*Lyra*
Kutaura chokwadi ndanga ndichisingadi kushaya Kalindi.Kubva zuva randakaziva she is my real sister bond redu ranga rawedzera.Chanyanya kuzondirwadza kufoira kwandakaita ndakangopasa 3 subjects chete.Izvi zvakatsamwisa tete vangu vakandituka.Ndakavakumbira kuenda kuholiday kumba kwana Kalindi vakaramba.Maiguru Mai Kalindi vakazouya vachindikumbira kuti nditaure namai vangu asi tete vakaramba.Chero hazvo amai vakanditadzira ndakarwadziwa kunzwa kuti vari padeath bed.
“Ndiri kudzoka mangwana ndichamboenda kuBikita ndine zvinhu zvandikuda kunotora“ said Aunt Mitchy
Vakabva vatobuda ndikatorawo mukana uyu kuenda kuchipatara.I was surprised kuona mai vangu vachinja kuonda kuita kunga tsono.
“Mwana wangu“ she said vachitaurira pasi handina kupindura
Vakabva vabata ruoko rwangu.Ndakavatarisa misodzi yangu ikatanga kuyerera.
“Lyra chekutanga ndinoda kuti undiregerere pane zvakaitika.Kubva that day handina kuzowana peace of mind kusvika pari zvino.Ndakazosara ndichiona chokwadi chese waenda.I tried kuda kuuya kugadzirisana newe asi Tete Mitchy vakaramba.Handichina nguva yakawanda ndiri pano ndaida kutenda tete vako for everything zvavakaita“ she said
Vakatanga kukosora vaiti vakakosora vosvipa ropa ndikaona munhu ari kurwara zviri serious.
“Lyra ichasvika time yekuti tete vako vacharoorwa and hazviite urambe uchigara navo.Ndinoda ugare nasis vangu Mai Shylet ndakataura navo kuti vapote vachikutarisa“
“Muri kuda kuenda kupi“ i asked
“Mwanangu ndiri kungotaurawo“
Vakataura zvinhu zvakawanda ndakazovaregerera hangu zvaisaita ndirambe ndakavatsamwira.She smiled vakatanga kukosora manurse akauya.Ndakabuda panze ndipo pandakazonzwa kuti mai vangu vashaya.Ndakashaya why Mwari akurumidza kuvatora ndisati ndaita nguva navo.Ndakachema ndakaona Mwari vaita zvisiri fair kwandiri.Kalindi naShylet vakazopinda busy kundinyaradza.Ndakarara kumba kwana Kalindi.Makuseni Aunt Mitchy vakasvikawo vanzwa news dzekufa kwamai vangu vakabata maoko.Havana kumbondinetsa havo.Manheru acho takazoenda kumusha kwana mhamha.Kuchiyedza zvinoitwa zvakaitwa.Masikati coffin raamai rakatakurwa kuti vanovigwa ndakachema.Ndakaona Mai Kalindi vakabatirwana vairatidza kurwadziwa zvakanyanya.Aunt Mitchy vanga varipo parufu.Amai vakazovigwa zvakanaka.Hama dzacho dzakazogara dare ravo hameno zvakataurwa.
“Aunt Mitchy tinokutendai nekuchengeta Lyra.Asi pari zvino anoda rudo rwamai i'm willing to give her and anoda kugara pedyo nemasisters ake Kalindi naShylet.Handisi kushoora zvamakaita asi ndava kutokumbirawo“ said Mai Kalindi
“Zvakaitika kuna Lyra zvinondirwadza.Ndanga ndakatsamwira Mai Lyra but handina zuva randakavashuwira zvakaipa.Handina chitema nemi munhu wandaiva neproblem naye ndiye akashaya uyu.Lyra hazviite mugare naye asi seholiday mogona kumbogara nay asi chikoro chavhurwa anodzoka“ said Aunt Mitchy
“Hapana chakaipa as long matipa mukana wekuva naye“
Takaita week tiripo Aunt Mitchy vanga vatodzokera zvavo.Takazoenda kumba ini ,Kalindi naShylet but Mai Kilindi naMai Betty vakambosara.Ndakagara pasofa pfungwa dziri kure.Saka ndatova nherera isina baba na amai.Misodzi yakatanga kuyerera.
“Lyra i know zvinorwadza but be strong for me please" said Kalindi akuchemawo
“Kalindi promise me kuti you won't leave me.I want to live with you“ i said
“Handikusiye Lyra“
Ndakaenda muroom make ndikabva ndatobatwa nehope.Ndakazomuka ndakunzwa nzara isingaite.Ndakamuka ndikaenda mukitchen ndakaona musina chabikwa.Ndakadzoka ndikagara pasofa ndiri zii.Kalindi akabva apinda mukitchen akabika rice.Takazodya tese apa mazinzara andanga navo aisaita.
“Madyiro ako ka kunga munhu akapedzisira kudya gore rapera" said Shylet
“Anga ava nenzara kani sis“
“Ndaguta kwasara ice cream yangu.Sis Shylet nditengereiwo“ i said ndakamutarisa
“Aaah hauna kuguta“
“Ndikunzwa kuda ice cream.Ndoda chinhu chotapira“ i said
Ndakaona Shylet abudisa $5 akabva andipa.
“Ndeyangu yese here“
“Ehe wozotenga zvaunoda“ said Shylet
Ndakabva ndamumbundira nemufaro.Takabuda naKalindi tikaenda kune munhu anotengesa maice cream.Ndakatanga ice cream yangu neya Kalindi.Takatanga kudya zvedu ndipo pakauya Julia naSamantha.Vakasvika kundimbundira they comforted me nekufirwa kwandakaitwa naamai.Takazoswera tese takutaura dzimwe nyaya.
“Ndakazoona Jericho umm aripo“ said Samantha
“Sei ini ndisingamuonewo“ asked Kalindi
“Pamwe wakamuna ukatadza kuziva kuti ndiye“ said Julia
“Ko Lyra unomuziva here Jerry“ asked Kalie
“Yes ndomuziva hangu he is a good guy.I used kumboita crush naye kudhara“ i said
“Ko now hausisina here" asked Julia
“Handisisina uye moyo wevakomana wakandibuda.Ndakadzidza something padrama rakaitika riya.Munhu waunoda haakude ane waanodawo.I'm still young rega ndimboita zvemabooks“ i said
“That's my Lyra“ said Kalindi
Ndakaona pamberi pedu pamira Jeep.Mota iyoyo ngainake takaramba takaitarisa.Tikaona madzika mukomana anga akapfeka maglass ane kamwana kanga kakapfekawo maglass.Vanhu vanga vakarova smart zvavo.
“Iyazve zvaari Randon wani“ said said Samantha
“Ko Randon ane mota akupisa manje tarisa smart“ said Julia
Randon akafamba akabata kamwana ruoko.Vakapfuura nepatiri haana kutaura nesu.I was busy neice cream yangu ndichiita senge pasina chandaona.But to be honest pandakaona Randon kahana kakarova zvako.
“Imota yebrother yake nekuti vakauya nayo kumba kwedu vachida kuona mom vangu“ said Samantha
Ndakatarisa Kalindi ndikaona atori busy nephone yake.Julia anga atevera kwaenda Randon ndikaona akutaura vese.
“Julia ane dzungu rondibhowa“ said Kalindi
Julia akadzoka ndikaona akuzvitora ma self akamira pamota.Randon akabva adzoka.Julia akapinda akatanga kutorwa mapics.Ndakaona kamwana kaya kanditarisa.I smiled ndikachimhoresa.Kakasekererawo back kakapinda mumota.
“Asi Julia wakakwana“ i asked
"Kalie mira kuita jealous.Ndoda kuisa mapictures angu paIG ndine vandikuda kupa pressure“ said Julia
Kalindi airatidza kubhoekana ndakashaya kuti achiri kuda Randon.Ndakaona i was the problem ndakakanganisa relationship yevaviri ava.Takazoparadzana zvedu mangwana makuseni ndakamukira kuenda kumba kwana Randon.Ndakaona Floria ndikamumhoresa
“Randon aripo"
“Ehe aripo“ she said akanditarisa neziso rine mubvunzo
Randon akabuda akashamisika kundiona ndikakumbira kutaura naye.
“Randon do you still love Kalindi“
“Why kundibvunza izvi" he asked
“Ndiri kuona Kalindi still loves you.And iwewe wakandiudza unoda Kalindi.And chinhu chikuita musadzokerana ndini.Ndoda mudzokerane chero zvichirwadza moyo but i can sacrifice my happiness for my sister Kalindi.Handidi umuite zvawakandiita please she my golden sister“
“Wauya nenyaya yakanaka apa.But nezvatakaita zviya Kalindi anondiregerera here.Kalindi is my life ndomuda i'm waiting zuva rachandiregerera“ said Randon
Pakataura mashoko ndakabva ndarwadziwa zvakanyanya.Asi ndakatoona kuti changu hapana.Rega ndiite zvandafambira.
“Ndichaita mudzokerane ndinoziva zvandichataura naKalindi and after that i will transfer ndonogara kuChisumbanje kwamaiguru vangu“
“But handidi kuparadzanisa relationship yenyu.Kana izvi zvichiparadzana relationship yenyu ngazvigare hazvo.Kalindi can't be happy without you“
“Sekutaura kwandaita i can sacrifice my happiness for my sister.Anotadza nei kufara hausi kutiparadzanisa ndinenge ndichizouya maholidays“ i said
“Kana wadaro hapana chakaipa wotaura naye Kalindi wacho“ he said
Pakabva pasvika Jericho akationa takamira.Ndakamukwazisa akadaira zvakanaka.
"Ndivo ninez vangu here ava.Good choice mafana“ said Jericho
“Ehe ndivo mainini vacho vandaitaura paya kuti vak..." floria haana kupedza kutaura amiswa naJericho
“Floria moms varipi“ asked Jericho
Ndakashaya Floria aida kutaura kuti chii.Ndakaona anga asingachanatsi kundifarira but aida Kalindi zvakanyanya.Pakasvika umwe musikana ainzi Livia.Ndakangofarira kakubatana kefamily iyi vainakidza zvavo.Livia akabva auya pandanga ndiri.
“Mainini magona mauya tafara siyai matibikira.Manje ndini tete vakuru hameno anga akakuudzai here kuti pana tete vanonetsa“ said Livia
“Muri kumboita dzungu rei vanhu imi.Saka kutaura nemusikana ava wako here“ asked Randon
“Haasi Lyra here uyu.Floria akandiudza unodanana naLyra saka ainyepa“
Randon akabva anditarisa haana kupindura.
“No hatidanane anodanana nasis vangu“ i said
“Sis vako Lyra here“ asked Livia
“Lyra ndokuona byee“ said Randon
Ndakabva ndatotanga kufamba.Ndakadzokera kumba ndikasvika Kalindi achinditsvaga.Ndakatanga kufunga ndotaura naye sei.Asi ndakatona ndofana kumushandisira musodzi kuti abvume chete.....😢
Watch Out For Chapter 12
❤️
👍
😂
🙏
😢
😮
❤
🔥
🇿🇼
🌝
466