Shona Stories 2🇿🇼
June 10, 2025 at 05:02 PM
*HIGH SCHOOL HEARTBEAT*
Season 2
https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V
*_Written by •𝙆𝙞𝙣𝙜 𝙇𝙚𝙚•_*
~LeeMarzy~
+26377⁸⁶³⁴221
_Edited by Ruruwashe_
*[Season 2]*
Chapter 12
*Kalindi*
Ndakatanga kushaya Lyra pamba.Ndakashaya kuti aenda kupi asina kundiudza.Ndakazomuona akuuya achidya ice cream.
“But Lyra ice cream yakunyanya kunakira zvakamboita sei“ i asked
“Aaah inotapira zvandoda hangu usaita kunga usingaide“
“Yes ndoida but not like zvawakuita izvi“ i said
“Haiwawi nyarara apo“
“Wakuita kunga wakarumurwa ne ice cream“ i said ndichiseka
Takagara pasofa tikatanga kunyaya.Ndakazongoona munhu anyarara.
“Kalindi ndikakuudza zvandoda haurambi right“
“Yes handirambi“ i said
“Promise me“
“Iyazve ko zvaita sei taura ka usada kundityisa“ i said
“Promise me“
“Lyra i promise kana zvauchataura ndichizvikwanisa handirambi“ i said
“Not you must accept zvandotaura for the sake of me“ she said
“Okay chitaura“
“Ndoda udzokerane naRandon“ said Lyra
Ndakabva ndatsamwa Lyra anoshandisa pfungwa here or anongorutsa zvekutaura.
“Wakanditarisa unondiona sehure here.Lyra handizvifarire zvauri kutaura.You are my sister ,my bestie and Randon akarara newe it's impossible kuti ndidzokerane naye.Zvangu naye zvakavharana handidi kunzwa nyaya yake“ i said
“Kalindi uchiri kuda Randon and iye achiri kukuda.Makasiyana nekuda kwangu chandoda mudzokerane i will be happy“ said Lyra
“Lyra wakuda kuzondibhowa manje.Handidi kuzvinzwa zvauri kutaura handisi hure ini.And handichadi zvevakomana tarisa zvakatakanganisa last term apa woda tidzokorodze futi"
Lyra akatanga kuchema and ndanga ndakumuziva aida kuti ndinzwe tsitsi ndibvume.
“Chero ukachema hazvichinje pfungwa dzangu.Randon akuzofarisa ndiye akutuma ndoda kupedzerana naye.Ngaasiyane nelife yangu.Newe unazvowo uchibvuma zvakadai“ i said
“Kalindi tone yauri kushandisa kutaura naLyra handiide hangu.Chiiko chiri kunetsa“
“Haangataure kuti ndidzokerane naRandon after everything.Moyo wangu wakatosviba kare Randon aiva neplan yekuda tisaisa focus pachikoro then iye focus otikunda.Zvakaita Lyra hazviko handizvitambire“ i said
“Lyra my lil sis asi wapihwa mathreats kani naRandon tell me“
“No haana zvambotaura ndini ndaenda ndega.Ndakaona kuti vaviri ava vakasiyana nekuda kwangu.So ndanga ndafunga kuti vadzokerane then ndovapa space ndoenda kunogara naMai Betty kuChisumbanje.I just want to Kalindi happy chete not zvaari kufunga kuti ndomuona sehure“
“Chandafarira kuona unoda Kalindi.You are sacrificing your happiness for her.But hatifani kushanda tichidai.Leave Randon akadaro handichadi kunzwa nezvake hangu" said Shylet
“I'm sorry Kalindi“
I hugged her ndikatanga kuchema.Ndakazviudza chero zvidii i will never make a mistake yekudzokerana naRandon.Dai asina kurara naLyra zvaiva nani.Ndakatoona Lyra loves Randon chero aisada kundiudza hake.Mazuva akafamba Moms vakabva vauya zvavo.Everything zvaifamba zvakanaka tanga takuenda kumalessons masikati naLyra.Rimwe zuva tichibva kumalessons kwakusviba takasangana naOpalia akabva atimisa.
“Opalia unodei“ i asked
“Ita Mai Joto munodei ndiri mukadzi waJericho“
“Saka zvinei nesu izvozvo taura nyaya yako“ i asked
Ndakaona achibudisa ruoko akandiratidza ring raanga akapfeka.
“Ukuona ring very soon ndakuroorwa naJericho ndinenge ndakufamba neJeep iya“ said Opalia
Opalia akatanga kuganza takamusiya akadaro.Ndakatanga kunetseka Jericho akamboita sei.Sei ndisingambosangani naye.
“Mangwana ndoda kuenda nemi out“ said Shylet
“Yeeeeeeeeeeeee“
“Ehe kunenge kune boyfriend yangu Dr Kiddo naJericho nemasister ako Floria naLivia saka ati ndiuyewo nemi“ said Shylet
Ndakafara zvisingaite pandakanzwa Jericho anenge ariko ndaida kuona zvakaita.Kwakanonokankuyedza zuva iri.Takazobuda masikati kuenda kune nzvimbo yacho.Ndakaona pangori neumwe musikana naFloria nekamwana kaya hameno kanonzi ani.
“Where is your brother“
“Aita emergence atoenda kubasa uyu anodzoka paweekend“ said musikana uya
“Okay hapana chakaipa ko Randon hamuna kuuya naye sei“ asked Shylet
“Haagari pasi uyo aenda kubhora rake remabhuza“ said Floria
Pakazoitwa ma intro tikabva tazivana zvedu.Ndikaziva ndiye wandakamboona kushop anga ari free zvake.Dr Kiddo akazosvika akatikwazisa akatora sis vangu vakabva vaenda vakati vachauya vachititora.Takasiirwa nyama nemasausage tikaita braai.Nemadrinks aivapo anga ari mucooler box.Lyra paakaona madrinks akatanga kunwa ndakazoona zvinhu zvotonhorera anozvida zvisingaite.Panyama akaramba akatoda ma sausage zvinova zvakandinetsa kuti Lyra chaiye kuramba nyama.
“But Lyra tell me the truth haudanani naRandon here" asked Livia
“Hatidanani isu“
Ndaisatoda masisters aRandon azive about drama rakamboitika.
“You are lying i know munodanana pamwe makazosiyana henyu“ said Floria
“Yes takambodanana tikazosiyana“ said Lyra
“But why uri munhu bhoo wani“ asked Lyra
"Randon cheated her“ i said
“Ipapo ndipo pakashatira vakomana.Do you know ini ndaiva nemukomana wandakadanana from book 2 to book 4 but akazondisiya last minute.Chakanyanya kundirwadza mukomana uyu ndiye akandibvisa humhandara.Ndakarwadziwa kunzwa akatizirwa apa atova nemwana.Kubva ipapo handima kubvira ndaita futi zvevakomana“ said Livia
“Hiii very sorry“ i said
“Uya akati varume imbwa anga ari right.Chandakaona mukomana ukamuvhurira makumbo haasisina basa newe.Vasikana takufana kuzvibata munhu achauya pakati pemakumbo edu munhu achabvisa pfuma kumba kwedu.Ndogara ndakaudza mupfana wangu Floria zvinhu izvi“ said Livia
“You are right ipapo“ i said
“Ipapa ndiri kutotsvagira mukoma vangu Jericho musikana ari loyal ane maturity“
"But havana musikana here.Opalia haasi musikana wavo here“ i asked
“Zvipiko anorwara uya.Aizama kuda kuredza mukoma vangu zvakaramba“
“Opalia ndidrama queen" i said ndichiseka
“Wati Jericho akutsvaga musikana rega ndimurongere tete vangu vachiri vadiki vakafitana“
“Zvekurongera munhu zvobuda here.I advise you kuti musiyei azvitsvagire waanoda.Nekuti mukamurongera pakazoita dambudziko ndiwe unopihwa blame uchinzi wakandirongera munhu akadai“ i said
“Wataura zvine musoro.I like your maturity“ said Livia
Kwakusviba sis vanga vadzoka vakatitora tikaenda kumba.NaLivia tanga tanga takuwirirana anga ari free zvandoda.Takapanana macontacts zvedu.Lyra haana kuzomboita nguva akamuka akasvika achirara.Mangwana takamukira kuenda kuchurch zvedu.Livia akauyawo vese nefamily yavo inculuding Randon.Haana kutaura neni ndakatofara ndaisadawo kutaura naye.
“Nora how are you“ i asked
“I'm fine“
“Hoo wakachena" i said
“Maita basa ndakatengerwa nadad vangu“ she said
“Wow dad vako va....“
Handina kupedza kutaura ndichiona ndapushiwa.Ndakacheuka ndikaona ari Opalia.
“Ndiri kukuona unoda kungwarisa stay away from my daughter" said Opalia
“Okay" i replied
Ndikabva ndatoenda zvangu ndaisada zvekunetsana naye zvaizoita sendiri kurwira Jerry wacho.Tichisvika Lyra akatanga kudya malolo ake aanga akagadzira nezuro.
“Lyra i'm suspecting kuti une nhumbu uri kuita zviri weird“ said mom
Lyra paakanzwa izvi akabva avhunduka.Mhamha vakati vanoda kutarisa dumbu rake akaramba.
“Ukurambirei“ i asked
“Ndava kutya manje“ she said maziso ajenga musodzi
“Lyra tariswa tione“
Mhamha vakafugura hembe yake vakabva vabata muromo ndakashaya vakaonei.Ndakaona vanditarisa vaine mubvunzo.Lyra wacho akatarisa mhamha achida kunzwa mhinduro yavo.....
Watch Out For Chapter 13
❤️
🙏
👍
😂
😢
😮
❤
💯
🇿🇼
🐴
419